RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 5/8 pp. 30-31
  • Kuchema Kwakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchema Kwakaipa Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakachema
  • ‘Murege Kuchema Savamwe’
  • Kunyange Zvazvo Tichitambudzika, Hatisati Tiri Vasina Tariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kuchema Kwakaipa Here?
    Mukai!—2001
  • Tariro ine Chokwadi Yavakafa
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Mamirioni Akafa Zvino Achararamazve
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 5/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Kuchema Kwakaipa Here?

“NDINODAVIRA ZVAKASIMBA MUTARIRO YORUMUKO, UYE NDAIFUNGA KUTI KWAIZOVA KWAKAIPA KURATIDZIRA KUCHEMA KWANGU PAMBERI PEVAMWE UYE KUTI KUPFURIKIDZA NAIKOKU NDAIZOVAPA CHIKONZERO CHOKUPANIKIRA KUTI NDAIVA NETARIRO YAKASIMBA YAKADARO. NDAKAFUNGA KUTI KANA NDAIDAVIRA CHAIZVOIZVO MURUMUKO, NDAISAZONZWA KURASIKIRWA ZVIKURU.”—CHARLENE, MUKRISTU AKABHAPATIDZWA KWAANOPFUURA MAKORE 21.

APO mumwe munhu waunoda anofa, kunzwa nezvimiro zvendangariro zvingaoneka izvo waisakarira—kutya, hasha, kunzwa uine mhaka, uye kuora mwoyo. KumuKristu chipikirwa chinofadza chorumuko rwavakafa kuupenyu muparadhiso yapasi mukutonga kwoUmambo hwaMwari chinogona kukubetsera kuderedza marwadzo eiyi ngwavaira. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 21:1-4) Asi sokuratidzira kunoita mashoko aCharlene, apo mudikanwi anofa, vamwe vaKristu vanotakura mutoro usiri madikanwa—kunzwa kwokuti kwakaipa kurira, kuti kuchema munzira yakati kunoratidza kushaikwa kwokutenda muchipikirwa cheBhaibheri chorumuko.

Chii, kunyanguvezvo, icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pokuchema? Kwakaipa here kuchema apo mudikanwi anofa?

Vakachema

Kutenda kwaAbrahama kunosanozivikanwa. Apo akaedzwa, Abrahama “akabayira [mwanakomana wake] Isaka.” (VaHebheru 11:17; Genesi 22:9-13) Pahwaro hwoufakazi hunowanika, hapana munhu akanga ambomutswa pamberi penguva yake, asi Abrahama akanga ano kutenda kuti, kana kuri madikanwa, “Mwari aigona kumutsa [mwanakomana wake] muna vakafa.” (VaHebheru 11:19, NW) Anenge makore 12 pashure pokunge kutenda kwaAbrahama kwaedzwa, mukadzimai wake, Sara, akafa. Murume iyeyo wokutenda akaita sei? Bhaibheri rinotsanangura kuti “akauya kuzochema Sara nokumuririra.”a (Genesi 23:2) Hungu, murume akanga ane kutenda kuti Mwari aigona kumutsa vakafa akachema pamhene. Zvakare, Abrahama anodudzwa somuenzaniso wakatanhamara wokutenda.—VaHebheru 11:8-10.

Mumwe wemienzaniso inoorora zvikuru yokuchema pamhene kurasikirwa nomudikanwi akanga ari Jesu Kristu amene. Nezvorufu rwaRazaro, shamwari yapedyo yaJesu, tinorava, kuti: “Maria wakati achisvika kuna Jesu, akati kwaari; Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Zvino Jesu wakati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemavo akafa neshungu mumweya, akatambudzika, akati: Mamuisepiko? Vakati kwaari: Ishe, uyai, muone. Jesu akachema misodzi.”—Johane 11:32-35.

Kunofadza zvirokwazvo kucherekedza kuti Mwanakomana waMwari akakwana haana kunyara kuchema pamhene. Shoko romutauro wapakuvamba rinoshandurwa “kuchema misodzi” (da·kryʹo) rinoreva “kusvimha misodzi chinyararire.” Chinoshamisa zvikuru ndechokuti Jesu panguva yakapfuura akanga amutsa vanhu vaviri—mwanakomana wechirikadzi yeNaini uye mwanasikana waJairosi—uye aida zvikuru kumutsa Razaro. (Ruka 7:11-15; 8:41, 42, 49-55; enzanisa naJohane 11:11.) Nguva shomanene pamberi pezvi akanga audza Maria, kuti: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.” Bva, murangariro mukuru wakadaro wakabata Jesu zvokuti meso akapfachuka misodzi.

Pane chimwe chinhu chinotokosha zvikuru. Jesu “mufananidzo wake [Jehovha] chaiye.” (VaHebheru 1:3) Tsitsi nomutsa zvaJesu pakurasikirwa nomudikanwi murufu naizvozvo dzinoratidzira muenzaniso unosiririsa waBaba vedu vokudenga, Jehovha. Dzinoratidzira Mwari ane mwoyo unotambudzika neshungu yokuchema yavabatiri vake.—Enzanisa nePisarema 56:8.

Nenzira yakajeka, ipapoka, hakuna kuipa kuchema apo mumwe munhu waunoda anofa. Abrahama akachema rufu rwaSara. Jesu akasuruvara pamhene apo Razaro akafa. Jehovha Mwari anonzwisisa marwadzo edu nemhaka yokuti “ano[ti]chengeta.”—1 Petro 5:7.

Zvakadini, kunyanguvezvo, pamusoro petariro yechiKristu? Inoita musiano here?

‘Murege Kuchema Savamwe’

Apo vamwe muungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore muTesaronika vakachema pamusoro pokurasikirwa navatendi biyavo, muapostora Pauro akatsvaka kuvanyaradza. Akanyora, kuti: “Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasinetariro.” (1 VaTesaeronika 4:13) Hungu, avo vane chivimbo muchipikirwa chaMwari chokumutsa vakafa vari mumugariro uri nani kupfuura avo vasina tariro yorumuko.b Kunodaro seiko?

Mukunangana norufu, avo vasina tariro yorumuko vanoora mwoyo. Kunyange kana vachitaura kudavira murudzi rwakati rwoupenyu hwapashure, vashomanene havatongowani nyaradzo chaiyoiyo muna ikoku. Nokuda kwevamwe vazhinji, kusuruvara kwavo kunokonzerwa kwete bedzi neidi rokuti vadiwa vavo vakaparadzaniswa navo norufu asi muidi rokuti kwavari kuparadzana kwacho ndekwechigarire. Vasina nzwisiso yakajeka yorumuko, apo vanoviga, ndiwowo mugumo wetariro dzavo; mukuwirirana nezvavanodavira, havazotongovaonizve.—Enzanisa na 1 VaKorinte 15:12-19, 32.

Kwakasiyana, zvisinei, nokuda kwavaKristu vechokwadi. Rufu, Pauro akatsanangura, rwakafanana nehope—kwete bedzi nemhaka yokuti mugariro wokusaziva uyo unotodzana nehope huru asiwo nemhaka yokuti kunobvira kumutswa marwuri kupfurikidza norumuko. (Pisarema 13:3; Muparidzi 9:5,10) Tariro yakavakirwa paBhaibheri iyoyo inoita musiano.

Apo anorasikirwa nomudiwa murufu, muKristu anonzwa zvikuru sezvinoita vasingatendi ushamwari hwanyangarika, rasikirwo neuso hwakarovedzeka, kusavapo kweinzwi rinodiwa. Tariro yorumuko haiiti kuti mwoyo usatapurwa. Inodaro, zvisinei, kuteramisa kana kuti kudzikamisa kuchema. Kwete, tariro iyoyo haibvisi dikanwo yokuchema, asi inogona kuita kuti marwadzo ave nyore zvikuru kutsungirira.

[Mashoko Omuzasi]

a Nezveshoko rechiHebheru rinoshandurwa “kuchema,” Theological Wordbook of the Old Testament rinoti: “Vose vainzwa kurasikirwa nemushakabvu vaiuya kuzogoverana kuchema kwavo nemitezo yemhuri. . . . Kuchema kwokudanidzira kana kuti kuchema kunonzwika kazhinji kazhinji kwaikumbanira kurira.” Nezveshoko rechiHebheru nokuda kwa“kuchema,” bhuku rimwe chetero rinotsanangura, kuti: “Nepo misodzi yakabatana nemaziso, kurira kwakabatana nenzwi; vaSemite havariri chinyararire, asi zvinonzwika. . . . MuT[estamente] yeK[are] kurira iratidzirwo yomuzvarirwo neinongozviitikira yemurangariro wakasimba.”

b VaKristu vomuzana rokutanga ramakore avo Pauro akanyorera vaiva netariro yorumuko kudenga uko vaizobatira savatongi biyake naKristu. (1 VaTesaoronika 4:14-17; enzanisa naRuka 22:29,30.) Pauro nokudaro akavakurudzira kunyaradzana netariro yokuti pakuvapo kwaKristu vakatendeka pakati pavo vakanga vafa vaizomutswa uye vaizobatanidzwa naKristu uye nomumwe nomumwe. Nokuda kwevoruzhinji veavo vanofa, zvisinei, Bhaibheri rinopa tariro yorumuko muparadhiso yapasi inodzorerwa.—Johane 5:28,29; Zvakazarurwa 21:1-4.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Jean-Baptiste Greuze, detail from Le fils puni, Louvre; © Photo R.M.N.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe