RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/1 pp. 4-7
  • Mamirioni Akafa Zvino Achararamazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mamirioni Akafa Zvino Achararamazve
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Razaro, Buda!”
  • Kwakaitika Chaizvoizvo Here?
  • ‘Mwari Achava Nechishuvo’
  • Tariro ine Chokwadi Yavakafa
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • “Hanzvadzi Yako Ichamuka”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/1 pp. 4-7

Mamirioni Akafa Zvino Achararamazve

MAMIRIONI akafa zvino achararamazve—itariro inonyandura mwoyo zvakadini! Asi ndeyechokwadi here? Kungadei kukupwisa? Kuti udavire chipikirwa, ungada kuva nechokwadi chokuti munhu anoita chipikirwa chacho ari zvose zviviri anodisa neanokwanisa kuchizadzika. Ndiani, ipapoka, anopikira kuti mamirioni akafa zvino achararamazve?

Muchirimo cha 31 N.V., Jesu Kristu akataura noushingi kuti akanga apiwa simba naJehovha Mwari rokumutsa vakafa. Jesu akapikira, achiti: “Kungofanana naBaba vanomutsa vakafa ndokuvaita vapenyu, naizvozvo Mwanakomanawo anoita vapenyu avo iye anoda. Musashamiswa naikoku, nokuti nguva iri kuuya umo vose vari muhwiro hwechirangaridzo vachanzwa inzwi rake [raJesu] ndokubuda.” (Johane 5:21, 28, 29, NW) Hungu, Jesu Kristu akapikira kuti mamirioni akafa zvino achararamazve papasi rino ndokuva nekariro yokurambira pariri nokusingaperi. (Johane 3:16; 17:3; enzanisa Pisarema 37:29 naMateo 5:5.)a Sezvo Jesu akaita chipikirwa chacho, kwakanaka kurangarira kuti iye anodisa kuchizadzika. Asi anokwanisa here kuita saizvozvo?

Mukuwirirana nechinyorwa cheBhaibheri, kusvikira panguva apo Jesu akaita chipikirwa ichocho, akanga asina kutongomutsa munhu upi noupi. Asi asingasviki makore maviri gare gare, akaratidzira nenzira ine simba kuti iye ari zvose zviri zviviri anodisa naanokwanisa kuita rumuko.

“Razaro, Buda!”

Chakanga chiri chiono chinosiririsa. Razaro akanga achirwara zvakakomba. Hanzvadzi dzake mbiri, Maria naMarta, vakatumira shoko kuna Jesu, uyo akanga ari mhiri kwoRwizi rwaJoridhani: “Ishe, tarirai uyo unodikanwa nemi unorwara.” (Johane 11:3) Hungu, Jesu aida iyi mhuri zvikuru kwazvo. Akanga ave ari muenzi pamusha pavo muBhetania, zvichida kazhinji. (Ruka 10:38-42; enzanisa naRuka 9:58.) Asi zvino shamwari inodiwa yaJesu yakanga ichirwara zvikuru.

Chii, kunyanguvezvo, icho Maria naMarta vaikarira Jesu kuita? Ivo havana kumukumbira kuuya kuBhetania. Asi ivo vaiziva kuti Jesu aida Razaro. Jesu haasati aizoda here kuona shamwari yake inorwara? Nenzira isingapanikirwi ivo vakakarira kuti Jesu aizomuporesa nenzira yenenji. Pashure pokurangarira zvose, panguva ino muushumiri hwake, Jesu akanga aita manenji akawanda okuporesa, uye kunyange nhambwe yakanga isiri chidziviso nokuda kwake. (Enzanisa naMateo 8:5-13.) Ko iye aizoita zvishomanene nokuda kweshamwari inodiwa yakadaro here? Nenzira yenenji, panzvimbo pokuenda kuBhetania nokukurumidza, Jesu akagara uko akanga ari kwamazuva maviri akatevera.—Johane 11:5, 6.

Razaro akafa nguva yakati pashure pokunge shoko ratumirwa, zvichida panguva apo Jesu akagamuchira mashoko acho. (Enzanisa naJohane 11:3, 6, 17.) Asi kwakanga kusina rimwe shoko rakanga riri madikanwa. Jesu akaziva apo Razaro akafa, uye iye akaronga kuita chimwe chinhu pamusoro pako. Achitaura pamusoro porufu rwaRazaro, iye akaudza vadzidzi vake, kuti: “Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” (Johane 11:11) Jesu akanga amutsa kare vanhu vaviri muna vakafa, muchinoitika chimwe nechimwe nokukurumidza pashure pokunge munhu wacho afa.b Nguva ino, zvisinei, kwaizova kwakasiana. Panguva Jesu pakupedzisira akasvika muBhetania, shamwari yake inodiwa yakanga yave yafa mazuva mana. (Johane 11:17, 39) Ko Jesu aigona here kudzorera kuupenyu mumumwe munhu akanga ave afa nguva refu yakadaro uye ane muviri wakanga watovamba kuora?

Pakunzwa kuti Jesu akanga achiuya, Marta, mukadzi wechiito, akamhanyira kunze kunosangana naye. (Enzanisa naRuka 10:38-42.) Nokukurumidza apo akasangana naJesu, mwoyo wake wakamusunda kuti: “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Zvisinei, akataura kutenda kwake: “Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari uchakupai.” Atapurwa norusuruvaro rwake, Jesu akamupikira, kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Apo akaratidzira kutenda kwake murumuko rwomunguva yemberi, Jesu akamuudza zvakajeka, kuti: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama.”—Johane 11:20-25.

Pakusvika paguva, Jesu akaraira kuti ibwe rakavhara suo raro ribviswe. Pakutanga Marta akaramba, achiti: “Ishe, otonhuwa zvino, nokuti wava namazuva mana okufa kwake.” Asi Jesu akamuvimbisa, kuti: “Handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Ipapo, pashure pokunyengetera zvinonzwika, iye akaraira, kuti: “Razaro buda!” Pakuraira kwaJesu Razaro akabuda, kunyange zvazvo iye akanga ave akafa kwamazuva mana!—Johane 11:38-44.

Kwakaitika Chaizvoizvo Here?

Nhauro yokumutswa kwaRazaro inopiwa muEvhangeri yaJohane seidi renhau. Udzame hwacho hwakajeka zvikuru zvokusagona kuti ive nganowo zvayo. Kupanikira uchokwadi hwayo hwenhau kupanikira manenji ose eBhaibheri, kubatanidza rumuko rwaJesu Kristu amene.c Uye kuramba rumuko rwaJesu kuramba kutenda kwechiKristu kwose zvako.—1 VaKorinte 15:13-15.

Zvomenemene, kana uchigamuchira kuvapo kwaMwari, hausati uchifanira kuva nechinetso chokushandisa kutenda murumuko. Kuenzanisira: Mumwe munhu anogona kutapa muvhidhiyo chisarudzo chake chinoratidza chinofanira kuitwa nezvinhu zvake pashure pokunge afa, uye pashure pokunge afa hama dzake dzokunyama neshamwari vanogona kumuona nokumunzwa, chaizvoizvo, sezvo anotsanangura nzira inofanira kubatwa nayo nhaka yake. Makore ane zana apfuura, chinhu chakadaro chakanga chisingafungiki. Uye kuvamwe vanhu vanogara zvino kumativi ari kure enyika, “nenji” rokutapa nevhidhiyo harinzwisisiki. Kana nheyo dzesayenzi dzakatangwa noMusiki dzichigona kushandiswa navanhu kuumbazve chiono chakadaro chinooneka nechinonzwika, Musiki haasati achifanira kuva anokwanisa kuita zvakawanda zvikuru here? Hakuno mufungo here, ipapo, kuti Uyo akasika upenyu anokwanisa kumutsa munhu kupfurikidza nokuitazve hunhu hwake mumuviri uchangobva kuumbwa?

Nenji rokudzorerwa kwaRazaro kuupenyu rakabatira kuwedzera kutenda muna Jesu norumuko. (Johane 11:41, 42; 12:9-11, 17-19) Nenzira inoorora, rinozivisawo kudisa nechishuvo zvaJehovha noMwanakomana wake zvokuita rumuko.

‘Mwari Achava Nechishuvo’

Kuita kwaJesu kurufu rwaRazaro kunozivisa rutivi rwomutsa zvikuru rwoMwanakomana waMwari. Tsitsi dzake huru pane iyi nhambo dzinoratidzira zvakajeka chishuvo chake chikuru chokumutsa vakafa. Tinorava, kuti: “Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari: ‘Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.’ Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mu[mudzimu, NW] akatambudzika, akati: ‘Mamuisepiko?’ Vakati kwaari: ‘Ishe, uyai, muone.’ Jesu akachema misodzi. Ipapo vaJudha vakati: ‘Tarirai, waimuda sei!’”—Johane 11:32-36.

Tsitsi dzechokwadi dzaJesu pano dzinoratidzirwa nokutaura kutatu: “akafa neshungu,” “akatambudzika,” uye “akachema misodzi.” Mashoko omutauro wapakuvamba akashandiswa nomuapostora Johane mukunyora ichi chiono chinosiririsa anoratidzira mwero uyo Jesu akasundirwa kwauri nemirangariro.

Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “akafa neshungu” rinobva muchiito (em·bri·maʹo·mai) iro rinoreva kuva anosundwa zvinorwadza, kana kuti zvikuru. Mutsinhiri weBhaibheri William Barclay anoti: “MuchiGiriki chaicho zvacho kushandiswa kwenguva dzose kwa[em·bri·maʹo·mai] ndekwebhiza rinopfepfedza. Pano rinogona bedzi kureva kuti tsitsi huru dzakadaro dzakabata Jesu zvokuti kufa neshungu kwokusazvidira kwakabudiswa mumwoyo Make.”

Kutaura kwakashandurwa kuti “akatambudzika” kunobva mushoko rechiGiriki (ta·rasʹso) iro rinoratidzira nhamo. Mukuwirirana neThe New Thayer’s Greek-English Lexicon of the New Testament, rinoreva “kuparira munhu nyongano yomukati, . . . kutapura namarwadzo makuru kana kuti rusuruvaro.” Kutaura kwokuti “akachema misodzi” kunobva muchiito chechiGiriki (da·kryʹo) iro rinoreva “kuchema, kurira chinyararire.” Ikoku kwakasiana no“kuchema” kwaMaria navaJudha pamwe naye, kunodudzwa pana Johane 11:33. Ipapo shoko rechiGiriki (rinobva muna klaiʹo) rakashandiswa rinoreva kuchema zvinonzwika kana kuti zvikuru.d

Jesu, ipapo, akasiririswa zvikuru norufu rweshamwari yake inodiwa Razaro nechiono chehanzvadzi yaRazaro ichichema. Mwoyo waJesu wakazadzwa kwazvo netsitsi zvokuti meso ake akazara nemisodzi. Chinoshamisa kwazvo ndechokuti Jesu pamberi pezvi akanga adzorera vamwe vaviri kuupenyu. Uye paiyi nhambo iye akaronga zvizere kuita zvimwe chetezvo naRazaro. (Johane 11:11, 23, 25) Bva, iye “akachema misodzi.” Kudzorera vanhu kuupenyu, ipapoka, hausi muitirowo zvawo waJesu. Tsitsi dzake nyoro nehuru sezvakaratidzirwa panhambo iyi dzinoratidzira zvakajeka chishuvo chake chikuru chokuparadza kuparadza kworufu.

Sezvo Jesu ari ‘mufananidzo chaiwoiwo wokuvapo kumene kwaJehovha Mwari,’ tinokarira nenzira yakarurama zvisiri zvishoma nezvaBaba vedu vokudenga. (VaHebheru 1:3) Nezvokudisa kwaJehovha amene kuita rumuko, murume akatendeka Jobho akati: “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? . . . Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa ramaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Shoko romutauro wapakuvamba rinoshandurwa kuti “maishuva” rinoratidzira kudisa kwapachokwadi nechishuvo. (Genesi 31:30; Pisarema 84:2) Nenzira yakajeka, Jehovha anofanira kukarira zvikuru rumuko.

Tinogona kudavira chaizvoizvo here chipikirwa chorumuko? Eya, hapana panikiro yokuti Jehovha noMwanakomana wake vose vari vaviri vanodisa uye vanokwanisa kuchizadzika. Ikoku kunorevei nokuda kwako? Iwe une kariro yokubatanidzwazve navadiwa vakafa pano chaipo pasi mumigariro ine rugare!

Iyoyo zvino ndiyo tariro yaRoberta (sezvadudzwa munyaya yapfuura). Makore anoverengeka pashure pokunge amai vake vafa, Zvapupu zvaJehovha zvakamubetsera kuita fundo yokungwarira yeBhaibheri. Iye anoyeuka, kuti: “Pashure pokudzidza pamusoro petariro yorumuko, ndakachema. Kwaishamisa kuziva kuti ndichaona amai vangu zvakare.” Kana mwoyo wako uchishuva zvakafanana kuona mudiwa zvakare, pasina panikiro uchada kudzidza zvakawanda pamusoro peiyi tariro inoshamisa. Umachokwadi hweiyi tariro hunokurukurwa muudzame hukuru zvikuru pamapeji 18-28 amagazini ino.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Shandisa Kutenda Nokuda Kwoupenyu Husingaperi,” mapeji 23-8.

b Mukati menguva yakapera pashure pokunge Jesu aita chipikirwa chakanyorwa pana Johane 5:28, 29 uye rufu rwaRazaro, Jesu akamutsa mwanakomana wechirikadzi yeNaini nomwanasikana waJairosi.—Ruka 7:11-17; 8:40-56.

c Ona ganhuro 6, “The Miracles—Did They Really Happen?” mubhuku raThe Bible—God’s Word or Man’s? rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

d Nenzira inofadza, shoko rechiGiriki nokuda kwokuchema zvinonzwika (klaiʹo) rinoshandiswa nezvaJesu panhambo apo iye akadeya kutaura ruparadziko runouya rweJerusarema. Nhauro yaRuka inoti: “Zvino akati aswedera pedyo, akaona guta, [Jerusarema], akachema pamusoro paro.”—Ruka 19:41.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kumutsa kwaJesu mwanasikana waJairosi kunopa hwaro hwokutenda murumuko rwomunguva yemberi rwavakafa

[Mufananidzo uri papeji 6]

Jesu akasiririswa zvikuru norufu rwaRazaro

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mufaro waavo vanopupurira rumuko uchava wakafanana nomufaro wechirikadzi yeNaini apo Jesu akamutsa mwanakomana wayo akafa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe