RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 5/8 p. 32
  • MuSamaria Akanaka Womuzuva Razvino Uno

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • MuSamaria Akanaka Womuzuva Razvino Uno
  • Mukai!—1994
Mukai!—1994
g94 5/8 p. 32

MuSamaria Akanaka Womuzuva Razvino Uno

MUMWE mukadzi muCanada akatambura tsaona yemotokari. Mumwe muSamaria womuzuva razvino uno akamubetsera. (Ruka 10:29-37) Aororwa netsitsi dzake, akanyora zvinotevera kuThe Georgetown Independent:

‘Anodiwa Mupepeti Wenhau:

‘Ndiri kunyora nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, ndinoda kuonga mugari weGeorgetown uyo akandibetsera pakupera kwevhiki kuno kwapfuura pashure pokurasikirwa nokudzora motokari yangu ndokubondera mugoronga.

‘VaJohn Saunders vakanga vachichaira vachipfuura napo ndokumira. Vakatanga yamuro yokutanga yokurapa uye vakange vachinyaradza. Vakagara neni kusvikira vachairi veamburenzi namapurisa vatora basa racho. Nzanga yenyu yakakomborerwa mukuva nomuSamaria Akanaka saVaSaunders anogara munzanga yenyu.

VaSaunders vakauya kuzoshanyira murume wangu neni muchipatara, kungova nechokwadi chokuti ndakanga ndava nani. Ndakakatyamadzwa kuwana kuti VaSaunders vanoshanda pahofisi huru yeZvapupu zvaJehovha muGeorgetown. Nguva dzose ndaifunga kuti vanhu ivavo havadaviri mumishonga, uye hezvo wani mumwe wavo akanga ashandisa rovedzo yokurapa yeyamuro yokutanga nokuda kwangu. Uku kunondisvitsa kuchikonzero chechipiri nokuda kwokunyora.

Ndingada kukumbira ruregerero kuZvapupu zvaJehovha zvose nokuda kwokuvirima uko ndakazviratidza apo zvaishanya pasuo rangu. Nguva dzose ndave ndichidavira kuti muri vanyanyisi. VaSaunders vakabvumikisa iyi fungidziro yakaipa kuva isina kururama.

‘Ndinokuongai zvakare, VaSaunders, chengetai kutenda. Mwari akukomborerei.

‘T. M., Toronto’

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti ‘unofanira kuda muvakidzani sewe umene.’ (Ruka 10:27) Kana uchishuva kudzidza zvakawanda pamusoro peZvapupu zvaJehovha kana kuda kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kukero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe