Apo Mibato Inova Inopinda Muropa
KUPINDWA muropa nezvinhu nokupindwa muropa nemibato kwakafanana nezvitima zviviri zviri kuenda kumwe cheteko panjanji imwe chete.a Kumwe nokumwe kune mugumo kana kuti donzo zvakafanana: kuchinja zvimiro zvendangariro nokudzikatidza kunzwa kunorwadza. Ngatirangarirei mimwe mienzaniso yokupindwa muropa nemibato.
Chishuvo ChinogombedzeraChokushanda
Chishuvo chinogombedzera chokushanda chave chichidanwa kuti kupindwa muropa kunoremekedzwa. Pashure pazvose, vanogombedzerwa kushanda vanova vashandi vakaisvonaka. Mukati, zvisinei, vangasanzwa kugutsikana. Basa rinogona kuva chinotsausa pamirangariro inorwadza kana kuti kutsvaka kunogombedzera nokuda kwetendero.
Aizi inodzivirira mutserendendeki kunyura mumvura; mubato unodzivirira anogombedzerwa kushanda mukunyura mumirangariro. Kufanana nomutserendendeki, anogombedzerwa kushanda anogona kumutsa ruyemuro kupfurikidza nokuratidzirwa kwebasa rake rinoorora. Asi runongova rwapamusoro bedzi. Chii kazhinji kazhinji chakavanzwa pasi? Mupi zano woutano hwendangariro Linda T. Sanford anonyora, kuti: “Apo akapindwa muropa nebasa asina kubatikana nebasa, angamomoterwa nemirangariro yorutyo rwokuora mwoyo, funganyo, hasha, kupererwa nezano nokusava nechinhu.”
Gombedzero yakasimba yavanogombedzerwa kushanda vazhinji inokarakadza kuti ivara renguva refu, sezvinobvira rakasimbiswa mukurerwa kwomumwe. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi kuno mukadzi uyo tichadana kuti Mary. Kubvira pazera ramakore matanhatu akaedza kuwana rudo rwababa vake chidhakwa kupfurikidza nokubika nebasa rapamba. “Rakava rinogombedzera,” anodaro. “Ndakanzwa kuti kana ndikaita zvakawanda kana kuti kana ndikaita zviri nani, vangandida. Zvandakawana bedzi pashure yaiva tsoropodzo.”
Somunhu akura Mary achiri anorwisana nouku kufunga kusina kururama. “Ndichiri kunzwa kusava namaturo mukati,” anobvuma kudaro. “Ndichiri kunzwa kuti ndinofanira kuwana rudo, kuti handibetseri chinhu chipi nechipi kutoti kana ndichiita chimwe chinhu. Pakuungana ndinozvinetesa ndimene nokubika nokupakura, sokunge kuti ndiri kuedza kuwana maruramiro angu okuva ikoko.”
Nokuda kwaavo vakafanana naMary, murangariro wakadzikama webasa unokosha. Bhaibheri rinorumbidza kushanda zvakaoma. (Zvirevo 6:6-8; 2 VaTesaronika 3:10, 12) Jehovha Mwari amene anoshanda zvikuru. (Pisarema 104:24; Johane 5:17) Asi haatongogombedzerwi. Jehovha akaona zvakanaka mumabasa ake okusika kwete bedzi apo akanga apedzwa asi kunyange mukati mechiito chokusika.—Genesi 1:4, 12, 18, 21, 25, 31; enzanisa naMuparidzi 5:18.
Mushandi Mukuru waJehovha Mwari, Mwanakomana wake, Jesu, nenzira yakafanana akaratidzira gutsikano yomunhu oga mubasa rake. (Zvirevo 8:30, 31) Jesu akapikira vateveri vake kuti ivowo vaizowana zororo mukushanda naye. Pamwe chete vakagoverana mugove waikosha zvikuru. Asi ikoku hakuna kuvadzivisa kuzorora.—Mateo 11:28-30; Marko 6:31; enzanisa naMuparidzi 4:6.
Zvimwe mubereki akataura kuti kukosha kwako kwaitsamira pakuita kwako basa kana kuti rudo rwaizonyimwa kutozosvikira rwawanwa. Uchasununguka kuziva kuti uyu handiwo murangariro waJehovha woubereki hwakafanira. Shoko Rake rinopa zano, kuti: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo [“kunzwa vakaderera,” The Amplified Bible].” (VaKorose 3:21) Jehovha haasi uyo anonyima rudo kutozosvikira rwawanwa. Rudo rwake harusi chimwe chinhu icho anopa bedzi pashure pokunge mumwe avamba kumuda ndokumubatira. Zvamazvirokwazvo, Bhaibheri rinotiudza kuti “akatida pakutanga,” hungu, kunyange “tichiri vatadzi,” Mwari akatanga kutida. (1 Johane 4:19; VaRoma 5:6-8) Kupfuurirazve, Jehovha haatsoropodzi nhamburiko dzedu dzapachokwadi dzokuita kuda kwake. Naizvozvo, basa redu kwaari rinova ratidziro chaiyoiyo yorudo rwedu nokuda kwake.
Kupindwa Muropa Neterevhizheni
Vamwe vanodana kuona TV kwakanyanyisa kuti kupindwa muropa. “Kwete mukusafanana nemirimo kana kuti zvinwiwa zvinodhakisa,” anonyora kudaro Marie Winn muThe Plug-In Drug, “ruzivo rwokuzviwanira rweterevhizheni runobvumira mutori rutivi kuratidzira nyika chaiyoiyo ndokupinda mumugariro wendangariro unofarikanyika nowokusaita chinhu.”
Chokwadika, hapana chinhu chakaipa nokutsauswa pamitoro youpenyu—kwechinguvana. Asi vamwe vaoni havatongodzoki kuchinhu chaicho. Mumwe murume uyo aisagona kuona TV apo kamwe kamwe yakafa akabvuma kuti: “Ndinonzwa kuti pfungwa dzangu dzakanga dzaomeswa chose chose kwamakore iwayo ose. Ndakanga ndakanamatidzwa kumuchina iwoyo uye ndaisagona kusununguka, munzira yakati.” Muduku anonzi Kai anorondedzera gombedzero yakafanana, achiti: “Handidi kutarira terevhizheni kakawanda sezvandinoita asi handigoni kukurega. Inondiita ndiitarire.”
Kuona TV kwakanyanyisa kunodzivisa mano okufunga. Bhaibheri rinorumbidza kufungisisa kwokurangarira, uko kunoda mwero wokuva woga. (Joshua 1:8; Pisarema 1:2, 3; 145:5; Mateo 14:23; Ruka 4:42; 5:16; 1 Timotio 4:15) Uku kunotyisa vanhu vazhinji. Vanova vanodedera zvikuru apo vanokomberedzwa norunyararo. Vanotya kuva voga nemifungo yavo vamene. Vanotsvaka nokushingaira chinhu chipi nechipi chokuzadza nzvimbo isina munhu. TV inova mushonga wokukurumidza. Kunyange pakunakisisa kwako, zvisinei, TV ndichinotsiva bedzi nokuda kwoupenyu chaihwoihwo.
Kubhejera Kunogombedzera
Kubhejera kwakavakirwa mumakaro. Asi kubhejera kunogombedzera kuri kazhinji kazhinji kunopfuura zvikuru nhau yemari.b “Ndaida ‘kudhakwa’ kwacho kuti ndipukunyuke chinhu chaicho,” anodaro Nigel. “Kwakanga kwakafanana zvomenemene nokusvuta murimo.” Kumubhejeri anogombedzerwa, muitiro wokubhejera uri kazhinji kazhinji mubairo mauri umene. Miuyo yacho haishandi. Nigel akarasikirwa neshamwari dzake. Vamwe vanorasikirwa nemhuri dzavo. Vazhinji vanorasikirwa noutano hwavo. Uye zvikurukuru vose vanorasikirwa nemari yavo. Asi vashoma vanorega, sezvo kuwina kana kuti kurasikirwa kusati kuri nhau yacho. Kutamba mutambo wacho—muitiro wacho—uko kunochinja chimiro chendangariro ndokugovera kudhakwa kunenge kwomurimo.
Kubhejera kungava chinotsausa pazvinetso zvoupenyu, asi hakusati kuchizozvibvisa. Munhu akakuvadzwa zvakakomba anoda zvinopfuura zvinouraya marwadzo bedzi. Maronda ake anofanira kurapwa. Kana pane maronda ayo akatungamirira munhu kukubhejera, anofanira kuaziva ndokuarapa. Ikoku kunoda ushingi, asi kunotusa pakupedzisira.
Pukunyuka
Kupukunyuka kubva mukupindwa muropa kupi nokupi, nhamo yomukati iyo inokuchidzira kazhinji kazhinji kupindwa muropa haigoni kufuratirwa. Akapindwa muropa anofanira kubata chinetso chacho pamanyuko acho. Ikoku idenho. “Haungorega bedzi zviri nyore makore 30 emirimo nezvinwiwa zvinodhakisa,” anodaro aichimbova akapindwa muropa, “zvikurukuru apo kupindwa muropa kwako kwakanga kuchivanza chinetso chakasimba zvikuru.”
Bva, kupukunyuka kubva mukupindwa muropa kwakafanira nhamburiko yacho. Mary, mushandi anogombedzerwa adudzwa pakuvamba, anokurondedzera zvakanaka. “Kwamakore,” anodaro, “ndakanga ndichitiza zvinhu izvo ndakanga ndichitya kutarisana nazvo. Asi zvino nemhaka yokuti ndakatarisana nezvinhu izvozvo, kunoshamisa madukupire azvava.”
Ikoku kwave kuri chinoitika chavazhinji avo vakakurira nomutoo unobudirira kupindwa muropa. Panzvimbo pokupfuurira sa“varanda vemiitiro inoparadza,” vakanyengetera nokuda kwe“simba rinopfuura renguva dzose” kuti vatarisane nomutoo unobudirira nedenho yokukurira kupindwa muropa.—2 Petro 2:19, Today’s English Version; 2 VaKorinte 4:7, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Pane pokanidzano huru pamusoro pechinogona nechisingagoni kunzi kupindwa muropa. Vamwe vanosarudza kudana mibato inopinda muropa kuti “gombedzero.” Muidzi nyaya tave tichitsvaka basa rokupindwa muropa se“nzira dzokupukunyuka nadzo” kufunganya. Sezvo mibato ichigona kushandiswa nokuda kwedonzo rimwe chetero, tichanongedzera kwairi muno so“kupindwa muropa.”
b Mukusiyana nebasa nokuona TV, vaKristu vanodzivisa kubhejera chose chose, mumarudzi akwo ose. (Enzanisa naIsaya 65:11.) Nokuda kwamashoko akawanda, ona Mukai!, June 8, 1992, mapeji 3-11.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]
‘Kutaura kwokuti kupindwa muropa kunogona kushandisirwa kumarudzi ose okuzvibata kwokumanikidzira.’—Dr. J. Patrick Gannon.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kuanogombedzerwa kushanda, basa rinoratidzika kuva rinokosha zvikuru kupfuura mhuri
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kubhejera kunogona kuchinja chimiro chendangariro chomunhu ndokuparira kudhakwa kunenge kwomurimo