RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 5/8 pp. 15-17
  • Kukurira Kupindwa Muropa Nezvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurira Kupindwa Muropa Nezvinhu
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamburiko Inopfuuridzirwa Iri Madikanwa
  • Kutsvaka Chinoparira
  • Kubata Nokunzwa
  • Kugadzikisa Chinetso
  • Kuzviremekedza
  • Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Wakapindwa Muropa Nemadhiragi?
    Dzimwe Nyaya
  • Apo Mibato Inova Inopinda Muropa
    Mukai!—1994
  • Ndiani Anopindwa Muropa, uye Nei?
    Mukai!—1994
  • Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 5/8 pp. 15-17

Kukurira Kupindwa Muropa Nezvinhu

KUSIYA kupindwa muropa kwakafanana nokutama muimba yawakarererwa. Kunyange kana imba yacho yava yekare nayasakara, kuisiya kwakaoma. Wakanga uri musha wako.

Kana uri akapindwa muropa, kupindwa muropa kwave kuri sezvinobvira musha wako wemirangariro. Kunyange zvazvo kwave kuri nomutoo usingapanikirwi vhiringidziko yakakwana, kwakarovedzeka. “Kudhakwa ndokwenguva dzose kwandiri. Kuva asina kudhakwa hakusi kwenguva dzose,” anodaro Charles, chidhakwa chiri kunaya. Kusiya kupindwa muropa kuchava kwakaoma, asi kwakafanira nhamburiko yacho.

Nhanho yokutanga kurega zvinhu zvinopinda muropa.a Usanonoka kana kuti kungovimbisa kuderedza. Rasa migove yose nezvinhu zvine chokuita nazvo pakarepo. Nhambo pfupi yokurega ichatevera, iyo padzimwe nguva ingaitwa zvakanakisisa mutarisiro yokurapa. Uku ndiko kuvamba kwokurega kwenduramo. Asi usafunga kuti hakubviri. Tanga nokugadza nharidzano iyo inogona kusvikika: kurega kwemwedzi mumwe, vhiki, kana kuti kunyange zuva rimwe. Pakupera kwenhambo imwe neimwe, pasina kudzokera kukushandisa, mutsidzira chisarudzo chako.

Ikoku kunongova mavambo mukuchinja kuzvibata kwokupindwa muropa. Bhaibheri rinotipangira ku“zvinatsa pamatsvina ose enyama noomweya.” (2 VaKorinte 7:1) Kupindwa muropa kunopfuura kusvibiswa kwenyama bedzi. Mudzimu, kana kuti kombamiro yendangariro, zvinotapurwawo. Chii chinogona kukubetsera kunaya, mose muri muviri munyama nomumudzimu?

Nhamburiko Inopfuuridzirwa Iri Madikanwa

“Kupindwa muropa ivhiringidziko yomuviri wose,” anodaro Dr. Robert L. DuPont. Nokudaro, kukurira kupindwa muropa kunofanira kubatanidza chimiro chako chendangariro kuchakanaka nechakashata. Kunofanira kuchinja chimiro chako chendangariro kuchakanaka nechakashata. Ikoku kunotora nguva. Hapana kudimbudzira kukunaya. Vimbiso ipi neipi yokunaya kwokukurumidzira chichatungamirira bedzi kukudzokerazve kwokukurumidza.

Kurwa kwokuita chiri chakarurama kunopfuurira. Muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti: “Ndinoona mumwe murairo pamitezo yangu unorwa [“munorwisano inopfuurira no,” Phillips] murairo womurangariro wangu.” (VaRoma 7:23) Akanyorawo kuti vaKristu vanofanira “kukwanisa utsvene.” (2 VaKorinte 7:1) Bhuku rinonzi Word Pictures in the New Testament rinotsinhira kuti shoko rokuti “kukwanisa” pano rinoreva, “kwete kuwanwa kwakamwe kamwe kwoutsvene hwakakwana, asi muitiro unopfuurira.” Kukurirwa kwokupindwa muropa naizvozvo ndokwapashoma napashoma.

Kutsvaka Chinoparira

Nokuda kwavazhinji, kupindwa muropa kuedza kuvanza zvinoitika zvinorwadza munguva yakapfuura. “Bulimia [vhiringidziko yokudya] yakanditsausa muyeuko,” anodaro Janis. “Yakava mapukunyukire angu.” Nokuda kwaJanis, kufuratira zvakapfuura kwakangopfuuridzira bedzi kupindwa muropa kwake. Kunzwisisa zvikonzero zvokuzvibata kwake kwakabetsera Janis kuchinja muitiro wake wokupindwa muropa.

Vamwe vanochinja yaichimbova miitiro yavo uye vanokwanisa kugonana nomutoo unobudirira pasina kunzvera nguva yakapfuura. Vamwe vanowana kuti kunzwa kwakavakirwa mumhoteredzo yavo yomunguva yakapfuura kunopfuurira kunyandura chishuvo chokupindwa muropa. Vanganzwa kufanana nowezvamapisarema Dhavhidhi, uyo akanyora, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.”—Pisarema 139:23, 24.

Kubata Nokunzwa

Wakambobuda muchivako chine rima ndokupinda muchiedza chezuva chakananga here? Unodzoka shure pakudenhwa kwakamwe kamwe nokujeka. Nomutoo wakafanana, pakuvamba kugonana nokupindwa muropa, ungawana kuti unodenhwa kamwe kamwe uye nomutoo unorwadza nemhatsa yakazara yokunzwa. Rudo, hasha, rudado, godo, rutyo, pfunde pfunde, nemimwe mirangariro iyo yave yakavanzwa kwenguva refu zvino inooneka noukuru hwakazara.

Funganyo ingakuudza kudzokera kurima rakarovedzeka rokushandisa zvisina kufanira zvinhu. Asi haudikanirwi kutiza kunzwa kwako. Kunogona kuva manyuko anobetsera amashoko nokuda kwako. Kunzwa kazhinji kazhinji chiratidzo bedzi chokuti chimwe chinhu chinoda ngwariro. Naizvozvo kana kuri madikanwa, funga nezvokunzwa kwako. Kuri kukuudzei? Kana mashoko acho asina kujeka kana kuti kana kunzwa kuchiratidzika kuva kunokurira, taura zvakavanzika neshamwari yaunovimba nayo yakakura. (Jobho 7:11) Haudikanirwi kutarisana nokunzwa kwako woga.—Enzanisa naZvirevo 12:25.

Yeuka kuti kunzwa hakusati kuri zvikurukuru vavengi vako. Jehovha Mwari amene ane kunzwa kukuru, uye munhu—akasikwa mumufananidzo waMwari—anova nezvinoitika zvakafanana. (Genesi 1:26; Pisarema 78:21, 40, 41; 1 Johane 4:8) Kufanana nokujeka kwakamwe kamwe kwechiedza chezuva, kunzwa kungava kunorwadza pakutanga. Asi pashure penguva yakati kuchavawo, kwakafanana nechiedza chezuva, manyuko enhungamiro noushamwari.

Kugadzikisa Chinetso

Kufamba patambo kunotyisa zvikuru kumunhu anotya nzvimbo dzakakwirira. Kuakapindwa muropa ari kuvamba kunaya, upenyu hunogona kuratidzika sokufamba patambo kunotyisa. Mitoro yakakwidziridzwa yokuva asina kudhakwa ingaunza rutyo rwenzvimbo dzakakwirira, sokunge zvakadaro. Kariro yokukundikana ingakuparira kurangarira, kuti: ‘Ndichawa zvisinei. Kuregererei kukuita zvino?’

Asi yeuka, zvinetso hazvisati zviri denho yomunhu oga. Zvinongovawo zvazvo migariro iyo inoda kubatwa nayo. Naizvozvo usatya. Nangana nezvinetso zvako chimwe chete panguva yakati. Ikoku kuchakubetsera kuzviisa mukariro.—1 VaKorinte 10:13.

Kuzviremekedza

Marion, chidhakwa chiri kunaya, aitofanira kubata nokunzwa kwake kwokuzviremekedza kwakaderera. “Mukati,” anodaro, “ndainzwa nguva dzose kuti kana ndikazviratidzira ndimene zvandiri chaizvoizvo, [vanhu] vaisazondida.”

Kudambura kubata kwokupindwa muropa kunoda kuti udzidze—zvimwe kwenguva yokutanga—kukosha kwako somunhu. Ikoku kwakaoma kana upenyu hwako hwave hwakadzongonyedzwa nokupindwa muropa. Chii chinogona kubetsera?

Bhaibheri ibhuku rinogovera nyaradzo kuvakaora mwoyo. Rinogona kukubetsera kuvaka kuzviremekedza kwakanaka. (Pisarema 94:19) Somuenzaniso, wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora kuti vanhu vakashongedzwa no“kubwinya nokukudzwa.” Akatiwo: “Ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa.” (Pisarema 8:5; 139:14) Kutaura kwakaisvonaka zvakadini kwokuzvikoshesa kwakanaka!

Koshesa muviri wako, uye uchautarisira mumudzimu worugwaro, runoti: “Hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta.” (VaEfeso 5:29) Hungu, unogona kutarisana nedenho yokunaya kubva mukupindwa muropa.b

Zvisinei, kupindwa muropa kunogona kubatanidza zvakawanda. Mibato inogona kurondwa nokuzvipira kwakafanana uye nokuda kwedonzo rakafanana iro mirimo, zvinwiwa zvinodhakisa, uye zvokudya zvinoronderwa. Mimwe yeiyi mibato icharangarirwa zvino.

[Mashoko Omuzasi]

a Chokwadika, avo vane vhiringidziko dzokudya havagoni kurega zvokudya. Zvisinei, vanogona kurega kushandisa zvokudya sechinhu chinochinja chimiro chendangariro. Miitiro yokunyanyodyisa, kuziya nenzara, kurutsa, uye kufunga zvakanyanyisa pamusoro pezvokudya zvinogona kutsiviwa nokudya kune mufungo.

b Kuchengeta kurega ndokufambira mberi mukunaya, vamwe vakatsvaka purogiramu yokuvandudza. Kune nzvimbo dzakawanda dzokurapa, zvipatara, uye mamwe manyuko ayo anogovera mapurogiramu akadaro. Mukai! haipi kurapa kupi nokupi kwakananga. Avo vanoshuva kurarama nenheyo dzeBhaibheri vaizoda kuva vanongwarira kusabatanidzwa mumibato iyo inobvumiranisa zvisina kufanira nheyo dzaMagwaro.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

“Kunaya inhau inopfuura kuchinja chimiro [chako] chendangariro kuchakanaka nechakashata.”—Dr. Robert L. DuPont.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nhanho yokutanga kurega zvinhu zvinopinda muropa

[Mufananidzo uri papeji 17]

Apo kunzwa kunokukurira, kutaure

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe