Mubairo Wakakasharara Wokubhejera
Bobby akawanwa akafa mumotokari yakamiswa mumugwagwa wokuchamhembe kweLondon. Makore 23 bedzi ezera, akanga azviuraya.
Murume akwegura akanga ave achirara mumigwagwa kwenguva yakati asati asvika panzvimbo yewerofeya. Akanga akaneta zvikuru, sezvo akanga asina kudya kwamazuva mana, uyewo akanga asina kunwa mishonga yake yakarongwa nokuda kwomugariro womwoyo.
Emilio, baba wavana vashanu, akaputsika mwoyo. Akanga atizwa nomudzimai wake navana. Zvino ivo vakaramba kunyange kutaura naye.
NYAKUZVIURAYA, asina wokwake, uye baba vakarambwa: zvinoitika zvitatu zvinosuruvarisa, sezvinooneka zvisingawirirani asi zvisiri zvechienzi munzanga yomuzuva razvino uno. Asi ngwavaira imwe neimwe yakanga ine chinhu chakafanana—kupindwa muropa nokubhejera.
Vabhejeri vazhinji vakapindwa muropa vanoramba kubvuma kuti ivo vane chinetso, uye mitezo yemhuri inowanzovanza chinetso chacho kudzivisa ruzvidzo rwenzanga. Asika zuva riri rose mamirioni avanasadzimba munyika yose anonangana neshungu nokupererwa nezano nemhaka youku kupindwa muropa kunoparadza.
Hakuna munhu anoziva kuti kuna vabhejeri vangani vakapindwa muropa. Nokuda kweUnited States, mamirioni gumi anorangarirwa kuva chiverengero chine mwero. Zviverengero zvinokatyamadza uye zvinowedzera kunzvimbo iri yose mabanza okubhejera zvaanowanziridzika munyika nenyika. Kubhejera kwokupindwa muropa kwakarondedzerwa so“kupindwa muropa kunowedzera nokukurumidza zvikurusa.”
Vazhinji vavapindwi muropa vatsva vakatanga savabhejeri vapanhambo nenhambo vaingoda bedzi “kuedza mhanza dzavo.” Ipapo vakakurirwa nomugariro wokupindwa muropa wokubhejera.
Apo Kubhejera Kunosadzoreka
Chii chinochinja vabhejeri vapanhambo nenhambo kuva vaya vakapindwa muropa? Zvinoitika zvinosiana, asi munzira iri yose, vabhejeri vanosvika papfundo muupenyu hwavo pavanofunga kuti havagoni kurarama vasingabhejeri. (Ona bhokisi papeji 7.) Vamwe vanowana mufaro mukubhejera uyo unoshaikwa muupenyu hwavo. Mumwe mubhejeri akatsanangura, kuti: “Hakuna mhaka kwandiri zvomenemene kana ndikawina kana kuti kudyiwa. Pandinobhejera, zvikurukuru kana ndikabhejera zvikuru kupfuura vari pandiri, ndinonzwa kuti ndiri munhu anokosha zvikurusa munyika. Vanhu vanondiremekedza. Ndinonzwa manyemwe zvikuru!”
Vamwe vanotendeukira kukubhejera nokuda kwoushoma kana kuti kuora mwoyo. Ester, amai vavana vana, akanga akaroorwa nomurume wehondo aiwanzosava pamusha. Ainzwa ane ushoma uye akatanga kutamba michina yokubhejera inopinzwa mari munzvimbo dzemitambo inofadza. Isati iri nguva refu, akanga ava kutamba kwamaawa anoverengeka zuva rimwe nerimwe. Mari yokutenga nayo yose akaishandisira kubhejera, uye zvinetso zvakawanziridzika. Aiedza kusaudza murume wake pamusoro pemari yaaishandisa kukubhejera achiedza neshungu kukwereta mari kuna vamwe vanhu kuti atsigire kupindwa kwake muropa nokubhejera madhora 10 000 pazuva.
Kuna avowo vane kupindwa muropa kwakanyandurwa nokuwina mari yakawanda. Robert Custer, chiremera pakubhejera kwokupindwa muropa, anotsanangura, kuti: “Vanowanzova avo vanowina pakutanga uye nguva dzose mubasa ravo rokubhejera vanova vabhejeri vanopindwa muropa.” Pashure pacho, chishuvo chokuramba uchiwina chinova chinokurira.
Musungo Wamanomano Wokudavira Mashura
Vabhejeri vazhinji vanodzorwa nokunzwa kwokuberekwa nakwo panzvimbo pokuva nomufungo. Kungorangarira bedzi misiano kunofanira kudzivisa angava mubhejeri kana iye aidzorwa nomurangariro bedzi. Kuenzanisira, muUnited States, bviro dzokuva anourawa nemheni dzinenge 1 mu 1 700 000. Kuwina rotari inogoverwa neHurumende kunenge kunopfuura mwero nekaviri.
Ndiani anokarira kurohwa nemheni? Wezvokusava netariro bedzi mukukutu. Bva, anenge munhu ari wose anotenga tiketi rerotari anorota nezvenhamba yake ichisarudzwa somuwini. Chokwadi, kuwina rotari ikariro inofadza zvikuru, asi chikonzero nei vazhinji vachikarira muisati iri kariro ndiwo mashura. Chisarudzo chavo che“nhamba dzemhanza” dzinodiwa chinovapwisa kuti vangatowina kunyange zvazvo bviro dzisina kunyanyowanda.—Ona bhokisi papeji 8.
Claudio Alsina, nyanzvi yamasvomu yeSpain, akaratidzira kuti kana dzimba dzokubhejera namarotari dzaizoshandisa mabhii panzvimbo penhamba mumitambo yemhanza, bviro dzokuwina dzaizoramba dzakafanana chaizvoizvo, asi kukwezva kusingadzivisiki—uye sezvinobvira mwero wakati kuti wavagamuchiri—dzaizotsakatika. Kukwezva kunoshandiswa nedzimwe nhamba ndokwechienzi. Nhamba 9, 7, 6 uye 0 dzinodiwa zvikuru navamwe, nepo vamwe vanosarudza “nhamba yemhanza” yavo muzvinhu zvakadai sezuva rokuberekwa kana kuti kurava zvimiro zvemitumbi yomuchadenga zvokuzivisa nguva yemberi. Uye kuna avo vanotungamirirwa nechinoitika chakati kuti chechienzi.
Rimwe zuva mumwe murume akava nekatyamadzo isingabvumiki zvaakasvika panzvimbo inobhejerwa muMonte Carlo, Monaco. Hangaiwa yakabhururuka napamusoro yakaitira matosi pangowani yake. Zuva rimwe chetero akawina $75 000. Achipwiswa kuti matosi ehangaiwa aiva shura rakanaka, haana kutongozopindazve munzvimbo yokubhejera asina kutanga adzungaira kunze mukariro dzokuwana chimwe “chiratidzo chinobva kudenga.” Nokudaro, kudavira mashura kunonyengera vabhejeri vazhinji mukufunga kuti nhambo yokuwina inotevedzana haisati ichizotongoguma. Zvisinei, ikoku kunowanzova pamwe chete nokubata kusina tsitsi kwokupindwa muropa kunovadzora uye kungavapedza pakupedzisira.
Nokuda Kwokukara Mari
Vanhu vanobhejera kuti vawine mari, chitsama chikuru chemari kana kuchibvira. Asi muchinoitika chomubhejeri akapindwa muropa, mari yaanowina inowana mashiripiti chaiwo. Mumeso ake, sokutsanangura kunoita Robert Custer, “mari inokosha. . . . Mari ushamwari. . . . Mari mushonga.” Asi neiko mari ichireva zvakawanda zvikuru kwaari?
Pakati pavabhejeri, vanhu vanoyemura muwini mukuru kana kuti mupambadzi mukuru. Vanoda kuva paari. Nokudaro, mari yaakawina inoudza mubhejeri kuti iye anokosha, kuti iye akachenjera. Mari inomuitawo kuti akanganwe zvinetso zvake, inomubetsera kuti azorore, uye inomuita kuti afare. Mumashoko omunzveri Jay Livingston, vabhejeri vakapindwa muropa “vanotsamira pakubhejera kuti vasvitse zvinodikanwa zvavo zvose zvendangariro.” Chikanganiso chine ngwavaira.
Apo mugariro usina kutsarukana wokugarowina unoguma uye iye anokundwa akundwazve, mari inotova inokosha zvikuru. Zvino mukupererwa nezano rose anoda kudzorera yaakarasikirwa nayo. Anogona sei kuwana kupfurikidza nenhamburiko yakati mari yakaringanira kuripira vakweretesi vake, kubatazve nhevedzano yokugarowina? Isati iri nguva refu upenyu hwake hunoperera mukutsvaka mari kwenguva dzose.
Mugariro wakadaro wakaputsika ndichinhu chenguva dzose nokuda kwamamirioni avabhejeri. Vanobva muvose vari vaviri varume navakadzi, mumapoka ose ezera, uye mumugariro wose woupenyu. Uye munhu upi noupi anotapurika, sezvinogona kuonwa newedzero yazvino uno yokupindwa muropa nokubhejera pakati pavachiri kuyaruka navadzimai vomumba.
Vachiri Kuyaruka Navadzimai Vomumba Vakapindwa Muropa
Vechiduku ndivanyajambwa vari nyore vemichina yokubhejera inopinzwa mari inokwezva kana kuti mimwe mitambo yemhanza inovapa kariro yemari inowanwa nokukurumidza. Kumwe kunzvera muguta reEngland kwakaratidzira kuti vane 4 muvane 5 vavane makore 14 okukura vaitamba michina yokubhejera inopinzwa mari nguva dzose uye kuti vazhinjisa vakanga vatanga pazera ramakore 9. Vamwe vainzvenga chikoro kuti vabhejere. Kunzverwa kwavadzidzi vapachikoro chapamusoro cheU.S. kwakaratidzira kuti 6 muzana “yakaratidzira zviratidzo zvesundo isingadzivisiki yokupindwa muropa.”
Manuel Melgarejo purezidhendi weboka rokuzvibetsera rimene rinoumbwa navaichimbova vabhejeri muMadrid, Spain, akatsanangurira Mukai! kuti wechiduku anotapurika anogona kubatwa kupfurikidza nokungowina bedzi kamwe chete mari yakanyanyowandisa zvikurusa pamuchina wokubhejera unopinzwa mari. Munguva pfupi, kubhejera kunova varaidzo noruchiva. Isati iri nguva refu, mupindwi muropa wechiduku angave achitengesa zvinhu zvenhaka zvemhuri kana kuti kubira mhuri, kunyange kutengesa zvinhu zvake amene kana kuti kuita uhure kuti awanire mari yokubhejera kwokupindwa muropa.
Nyanzvi dziri kucherekedzawo wedzero huru muchiverengero chavakadzi vomumba vari vabhejeri vakapindwa muropa. MuUnited States, somuenzaniso, vakadzi zvino vanomirira 30 muzana yechiverengero chose chavabhejeri vakapindwa muropa, asi kunorangarirwa kuti pakuzosvika mugore ra 2000, iyoyi ichave yawedzera kusvikira ku 50 muzana.
María, amai vomuboka rinoshanda vavasikana vaviri, muenzaniso wavakadzi vomumba vazhinji vakava vabhejeri vakapindwa muropa. Kwamakore manomwe akapfuura, akapedza $175 000—zvikurukuru mari yomumba—mubingo nomumichina yokubhejera inopinzwa mari. “Mari inoenda nokusingaperi,” anochema kudaro. “Ndinoshuvira bedzi zuva apo ndinogona kupinda mukahotera ndine $50 [Z$250] muchikwama changu ndokuva nesimba rokuipedzera pavana vangu [panzvimbo pokuipinza mumuchina wokubhejera unopinzwa mari].”
Fungidziro Dzakava Funganyo
Fungidziro zvinhu izvo kubhejera kunovakirwa pakuri. Kuna vamwe vabhejeri, fungidziro dzepfuma chinhu chinopfuura, asi kuna vapindwi muropa, dzakava kudzorwa, kudzorwa kwaanoronda pasina chishuvo kusvikira pakuchipa, mutorongo, uye kunyange rufu.
Vimbiso dzokubhejera kuti usvitse zvinodikanwa zvinobvumirwa—varaidzo inobvumirwa, nyanduko duku, imwe mari yomuraudzo, kana kuti kunzvenga kuzvidya mwoyo kwezuva riri rose—asi mubairo wakavandika ungabvumikisa kuva wakanyanyokurisa, sokuwana kwakaita vabhejeri vakapindwa muropa pakusuruvara kwavo. Ko izvi zvinodikanwa zvinogona kugutswa kune imwe nzvimbo here?
[Bhokisi riri papeji 7]
Mufananidzo Womubhejeri Akapindwa Muropa
MUBHEJERI anoramba achibhejera pasinei hapo nokuti anokundwa zvakadini. Kana akawina, anoshandisa mari yacho kuti apfuurire kubhejera. Nepo angataura kuti iye anogona kurega panguva ipi neipi yaanoda, mubhejeri akapindwa muropa ane mari muhomwe yake haangangorarami bedzi mazuva mashomanene asina kubhejera pachimwe chinhu. Ane sundo yokupindwa muropa yokubhejera.
Anopfuurira kupinda mumingava. Paanokundikana kuripira vakweretesi vake, nomutoo wokupererwa nazano rose anokwereta mari yakawanda kuti afukidze zvikwereti zvinodzvinyirira zvikurusa ndokupfuurira kubhejera. Gare gare anova asina kutendeseka. Angatobhejera nemari yomubatirwi wake. Kazhinji kazhinji, anoguma nokudzingwa pabasa rake.
Chinhu chiri chose, kunyange mudzimai wake navana, vanova vanobatira kubhejera kwake. Kupindwa muropa kwake nomutoo usingadzivisiki kunoparira gakava reroorano uye pakupedzisira ringaguma neparadzano kana kuti chatanuro.
Kunzwa kukuru kwokuva nemhaka kunomuita kuti ave anoramba achizvirangarira amene. Anokuona kwakaona kutaura navamwe vanhu. Pakupedzisira, anotambura kuora mwoyo kwakakomba uye sezvinobvira kunyange kuedza kuzviuraya; haagoni kuona imwe nzira yokubuda nayo munhamo yake.
[Bhokisi riri papeji 8]
Murume Akawina Zvikurusa Pakubhejera paMonte Carlo
CHARLES WELLS, mumwe murume weEngland, akashanyira nzvimbo yokubhejera yeMonte Carlo muna July 1891. Mumazuva mashomanene bedzi, akachinja mafranc ane zviuru gumi kuva mirioni, uye nomutoo unoshamisa, akadzokorora chinoitika chacho mwedzi mina gare gare. Vamwe vabhejeri vazhinji vakaedza kuwana “mutoo wokuwina nawo mari” wake asi havana kubudirira. Wells aigaroomerera kuti aisatongova nomumwe. Kureva idi, gore rakatevera akadyiwa mari yake yose, uye akafa asina nesendi rose zvaro. Nomutoo unokatyamadza, chinoitika chacho chakava chinoitika chakamwe kamwe cheparidziro nokuda kwenzvimbo yokubhejera. Chakawana mukurumbira wamarudzi ose wachisina kutongorasikirwa nawo.
Nyengedzo yeMonte Carlo
Vabhejeri vazhinji vanodavira kuti michina yokubhejera inopinzwa mari kana kuti mavhiri okubhejera anotenderedzwa ane makomba anowira hurungudo ane yeuko. Nokudaro, mutenderedzi wamavhiri okubhejera anotenderedzwa ane makomba anowira hurungudo anofunga kuti kana nhevedzano yakati kuti yenhamba yabuda kusvikira zvino, bviro ndedzokuti vhiri richapfuurira kuda nhamba dzinowirirana nenhevedzano iyeyo. Nomutoo wakafanana, vamwe vanotamba michina yokubhejera inopinzwa mari vanokurangarira havo kuva kwechokwadi kuti kana mari yakanyanyowandisa isati yawinwa kwenguva yakati kuti pamuchina wakati kuti, inofanira kubuda nokukurumidza. Mifungo yakadaro isina kururama inonzi nyengedzo yeMonte Carlo.
Zvose zviri zviviri vhiri rokubhejera rinotenderedzwa rine makomba anowira hurungudo nokushanda zvinogovera mari yakanyanyowandisa yomuchina wokubhejera unopinzwa mari zvinoshanda neerekano zvaitika. Nokudaro, chingave chakaitika pakutanga hachishandi. Mune iyi mitambo yemhanza, sokuratidzira kunoita The New Encyclopædia Britannica, “kutamba kumwe nokumwe kune bviro yakafanana sokumwe nokumwe kwavamwe kwokubudisa muuyo unopiwa.” Naizvozvo bviro dzinorwisana nokuwina dzakafanana chaizvoizvo nguva imwe neimwe. Zvisinei, nyengedzo yeMonte Carlo yakakuvadza vabhejeri vakawanda nepo vachizadza mabhokisi enzvimbo dzokubhejera.