RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 5/8 pp. 12-14
  • Ndiani Anopindwa Muropa, uye Nei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anopindwa Muropa, uye Nei?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirimo neZvinwiwa Zvinodhakisa
  • Vhiringidziko Dzokudya
  • Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Wakapindwa Muropa Nemadhiragi?
    Dzimwe Nyaya
  • Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kukurira Kupindwa Muropa Nezvinhu
    Mukai!—1994
  • Apo Mibato Inova Inopinda Muropa
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 5/8 pp. 12-14

Ndiani Anopindwa Muropa, uye Nei?

UCHITYAIRA motokari yako mumugwagwa wavose, unonzwa ruzha rwechienzi ruchibva kuhinjini. Uchaita sei? Uchatarira pasi pebhoneti here kuti unzvere chinetso chacho? Kana kuti uchangowedzera kunzwika kwenzwi kwenhepfenyuro kuti usanzwa ruzha rwacho here?

Mhinduro inoratidzika kuva yakajeka, nepo vanhu avo vari vakapindwa muropa nomutoo wakafanana vanoita chisarudzo chakaipa—kwete nemotokari dzavo, asi noupenyu hwavo. Kupfurikidza nokupindwa muropa nezvinhu zvakadai semirimo, zvinwiwa zvinodhakisa, uye kunyange zvokudya, vazhinji vanoedza kukanganwa zvinetso zvavo zvomunhu oga panzvimbo pokugonana nazvo nomutoo unobudirira.

Munhu anogona sei kuwana kana akapindwa muropa? Mumwe chiremba anokurondedzera neiyi nzira: “Zvikurukuru, kushandiswa kwemurimo kana kuti mubato kupindwa muropa kana kuri kuparira zvinetso muupenyu hwako asi unoramba uchikuita muchinoitika chipi nechipi.”

Apo ichi chinenge chiri chinoitika chacho, kazhinji kazhinji pane chinetso chakakomba zvikuru pasi pebhoneti, sokunge zvakadaro, icho chinodikanirwa kunzvera muitiro wokupindwa muropa usati wagona kuchinjwa.

Mirimo neZvinwiwa Zvinodhakisa

Nei munhu achivamba kufamba panzira yokupindwa muropa nemirimo nezvinwiwa zvinodhakisa? Dzvinyiriro yavaenzani nechishuvo chokuda kuziva zvinoita rutivi runokosha kazhinji kazhinji, zvikurukuru nokuda kwepwere. Zvamazvirokwazvo, chikonzero vanhu vazhinji vachiva vanopindwa muropa isonganirano yavo yakashata naavo vari kushandisa zvisina kufanira zvinwiwa zvinodhakisa nemirimo. (1 VaKorinte 15:33) Ikoku kungatsanangura nzvero yeUnited States iyo yakaratidzira kuti 41 muzana yavadzidzi vari mufomu yechina inova nenhambo yokunwa zvinwiwa zvinodhakisa norusununguko mavhiki maviri ari ose.

Zvisinei, pane musiyano pakati pokushandisa zvisina kufanira nokupindwa muropa. Vazhinji vanoshandisa zvisina kufanira zvinhu havana kupindwa muropa.a Ava vanogona kurega kushandisa zvisina kufanira uye ipapo ndokusava negombedzero yokudzokera kwakuri. Asi avo vari vakapindwa muropa vanowana kuti havagoni kumira. Kupfuurirazve, kusasana kupi nokupi kwavaichimbowana kwadzikatidzwa nenhamo. Bhuku rinonzi Addictions rinotsanangura, kuti: “Nzira yenguva dzose yavakapindwa muropa ndeyokuti, pane rimwe pfundo, vanotanga kuzvivenga vamene, uye vanova vanotambudzwa zvakanyanyisa nokudzora kupindwa muropa kwavo kwakawana.”

Vazhinji vanotsamira pazvinwiwa zvinodhakisa kana kuti mirimo vanozvishandisa senzira dzokubuda nadzo munjodzi yemirangariro. Njodzi dzakadaro dziri kuitika zvikuru kupfuura zvinoshuviwa nhasi. Uye ikoku hakusati kuchifanira kutishamisa chaizvoizvo, sezvo Bhaibheri richizivisa aya mazuva sa“mazuva okupedzisira” eiyi tsika yezvinhu, apo kwaizova ne“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” Bhaibheri rakadeya kuzivisa kuti vanhu vaizova “vanoda mari,” “vanozvikudza,” “vasingavimbiki,” “vanotyisa,” “vanyengeri,” uye “vanozvikwidziridza namanyawi.” (2 Timotio 3:1-4, NW) Iyi miitiro yakaita mhoteredzo iyo iri ivhu rakapfuma nokuda kwokupindwa muropa.

Njodzi yemirangariro yaSusan yakabva mukubatwa zvisina kunaka munguva yake yakapfuura. Nokudaro, akatendeukira kucocaine. “Yakandipa pfungwa yenhema yokuzvidzora nokuzviremekedza,” anodaro. “Yakandipa pfungwa yesimba iro ndaisanzwa pahwaro hwezuva nezuva.”

Fundo yavachikuyaruka vakapindwa muropa vechinhurume yakaratidzira kuti vanopfuura chikamu chimwe chezvitatu vakanga vabatwa zvisina kufanira mumuviri. Imwe fundo yavakadzi zvidhakwa vakura vane 178 yakawana kuti 88 muzana yakanga yabatwa zvisina kunaka zvakanyanya munzira yakati. Bhaibheri pana Muparidzi 7:7, rinoti: “Kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.” Munhu ari kutambura mumirangariro nemhaka yezvinoitika zvoupenyu zvinotyisa angatendeukira gare gare nomutoo woupenzi kumirimo kana kuti zvinwiwa zvinodhakisa nokuda kwokusununguka.

Asi mirimo nezvinwiwa zvinodhakisa handizvo bedzi zvinopinda muropa.

Vhiringidziko Dzokudya

Vhiringidziko dzokudya (idzo nyanzvi dzinodana kuti kupindwa muropa) padzimwe nguva dzinobatira sechinotsausa pakunzwa kusingafadzi. Somuenzaniso, vamwe vanoshandisa uremu hwakanyanyisa sechokupumha nokuda kwokuodzwa mwoyo kwomunhu oga. “Padzimwe nguva ndinofunga ndinogara ndiri mukobvu nemhaka yokuti chinhu chiri chose chakaipa muupenyu hwangu chinogona kunzi chinoparirwa naikoku,” anodaro Jennie. “Nemhaka yaikoku kana mumwe munhu asingandidi, ndinogona nguva dzose kushora uremu hwangu.”

Nokuda kwavamwe, zvokudya zvinogovera pfungwa yenhema yokudzora.b Zvokudya zvingava nzvimbo bedzi umo munhu mumwe nomumwe anonzwa chiremera chipi nechipi. Vazhinji vane vhiringidziko dzokudya vanofunga kuti vane urema munzira yakati kuti. Kuvaka kunzwa kwokuzvikoshesa, vanovavarira kukurira kushuva kwomuviri wavo zvokudya. Mukadzi mumwe chete akati: “Unoita kubva mumuviri wako umene nharaunda yokudzora umo uri mudzvinyiriri, mushushi chaiye.”

Zvinoitika zvarongwa pamusoro apa hazvisati zviri nenzira ipi neipi tsananguro yakakwana yokupindwa muropa nemirimo, zvinwiwa zvinodhakisa, uye zvokudya. Mhatsa yezvisakiso ingava ichibatanidzwa. Dzimwe nyanzvi dzinokarakadza batano yamavara anogarwa nhaka kuchiita vamwe vasina dziviriro zvikuru kukupindwa muropa kupfuura vamwe. “Chatinoona kutapurwa kwohunhu, mhoteredzo, kugamuchirika kwezvinhu zvipenyu namagarire avanhu,” anodaro Jack Henningfield weNational Institute on Drug Abuse. Hatidi kunyengedzwa nokutarira pachisakiso chimwe chete bedzi.”

Chipi nechipi chingava chinoitika chacho, hapana akapindwa muropa—pasinei hapo nechinoparira chokupindwa muropa kwake—anoparadzwa mumuviri kana kuti mumirangariro. Betsero inowanika.

[Mashoko Omuzasi]

a Chokwadika, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhakisa kana kuti mimwe mirimo—kungave kuchitungamirira kukupindwa muropa kana kuti kwete—kunosvibisa uye kunofanira kudziviswa navaKristu.—2 VaKorinte 7:1.

b Mashoko okuwedzera pavhiringidziko dzokudya anogona kuwanwa muzvinyorwa zvaMukai! zvaDecember 22, 1990 (chiNgezi), uye March 8, 1992.

[Bhokisi riri papeji 14]

Denda RenyikaYose Rokupindwa Muropa

◼ Nzvero muMexico yakaratidzira kuti mumwe chete muvanhu vasere pakati pamazera e 14 ne 65 chidhakwa.

◼ Mushandi wamagariro avanhu Sarita Broden anoshuma kukudziridzika kwevhiringidziko dzokudya muJapan. Anoti: “Pakati pa 1940 ne 1965, kuitika kwevhiringidziko dzokudya kwakawedzera nomutoo wakatsiga nokusvetuka kwakatevera muvose vari vaviri muvarwere vomuchipatara uye varwere vanorapwa vachibva kumba pakati pa 1965 na 1981. Chibviro cha 1981 kunyanguvezvo, wedzero muanorexia nebulimia zvave zvichishamisa.”

◼ MuChina chiverengero chavashandisi veheroin chinoratidzika kuva chiri kukwira nokukurumidza. Dr. Li Jianhua, uyo anoshanda paKunming Drug Abuse Research Center, anoti: “Heroin yapararira kubva kunzvimbo yomuganho kusvika mukati, kubva kumaruwa kusvika kumaguta, uye kuvanhu vaduku navadukusa.”

◼ MuZurich, Switzerland, musika wemurimo wapachena wokuedza wakaguma nokuodzwa mwoyo. “Taifunga kuti taizowana vatengisi vacho, asi takakundikana,” anodaro Dr. Albert Weittstein, achichema kuti vakanga vachingokwezva bedzi vatengesi navashandisi vanobva kure.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe