Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Kuzviuraya Ndiyo Mhinduro Here?
“Ndaneta nokumuka mangwanani ari ose. Ndarasika. Ndashatirwa. Mwoyo wangu unorwadza. . . . Naizvozvo ndinofunga nezvokufa. . . . Handidi kufa, asi ndinonzwa kuti ndinofanira. . . . Ndinotarira munguva yemberi, ndinongoona rima bedzi nokurwadziwa.”—Mashoko okuzviuraya anobva kuna Peter anemakore 21 okukura.a
NYANZVI dzinotaura kuti vanhu vaduku vazhinji samamirioni maviri muUnited States vakaedza kuzviuraya. Nomutoo unosuruvarisa, vanenge 5 000 pagore vanozviuraya. Asi kuzviuraya pakati pavaduku hakuna kusiana kuUnited States. MuIndia pwere dzine 30 000 dzakazviuraya mukati ma 1990. Munyika dzakadai seCanada, Finland, France, Israel, Netherlands, New Zealand, Spain, Switzerland, uye Thailand, mwero yokuzviuraya pakati pavanhu vaduku yakawedzera nomutoo unoshamisa.
Zvakadiniko kana mumwe munhu achinzwa achikurirwa norusuruvaro—kana kuti kunzwa abatwa mukurwadziwa kukurusa kwemirangariro uye asingagoni kuona nzira yokupukunyuka nayo? Kuzviuraya kungaratidzika sokunoedza, asi muuzvokwadi hakusati kuri chimwe chinhu kunze kwokurasikirwa kukuru. Mumuuyo wakwo hakusiyi chimwe chinhu asi nhamo nokurwadziwa kweshamwari nemhuri. Kunyange zvazvo nguva yemberi ingaratidzika kuva yakasviba uye kunyange zvazvo zvinetso zvako zvingaratidzika kuva zvikuru, kuzviuraya hakusati kuri mhinduro.
Chikonzero NeiVamwe Vachinzwa Neiyi Nzira
Murume akarurama Jobho aiziva revo yokupererwa nezano rose. Arasikirwa nemhuri yake, pfuma yake, uye utano hwake hwakanaka, akati: “Mwoyo wangu unotsaura kudzipwa, nokufa kupfuura mafupa angu awa.” (Jobho 7:15) Vamwe vanhu vaduku nhasi vakanzwa nenzira yakafanana. Mumwe munyori anokutaura neiyi nzira: “Funganyo . . . inotungamirira kumarwadzo (mirangariro yakakuvadzwa norutyo) [iyo] inotungamirira kudziviriro (kuedza kudzivisa marwadzo).” Kuzviuraya nokudaro kuedza kwakatsauka kwokudzivisa anoratidzika samarwadzo asingashiviririki.
Chii chinoparira marwadzo akadaro? Anogona kumutswa nechinoitika, chakadai senharo hurusa navabereki vako, mukomana, kana kuti musikana. Pashure pokurambana nomusikana wake, Brad ane makore 16 okukura akapererwa nezano rose. Haana kutongotaura nezvokunzwa kwake, kunyanguvezvo. Akangozvipedza kupfurikidza nokuzviuraya.
Sunita ane makore gumi namapfumbamwe okukura akapinda mukuora mwoyo apo vabereki vake vakaziva kuti akanga achipfuuridzira ukama hwoutere nomukomana wake. “Ndaiziva kuti ndakanga ndisingadi kupfuurira kurarama sezvandakanga ndichiita,” anoyeuka kudaro. “Uye naizvozvo ndakangouya kumba humwe usiku, uye ndakavamba kumedza maaspirin. Mangwanani akatevera ndakanga ndichirutsa ropa. Hwakanga husati huri upenyu hwangu asi nzira youpenyu hwangu yandaida kugumisa.”
Chikoro chinogonawo kuva manyuko edzvinyiriro huru zvikuru. Amanikidzirwa kuva chiremba navabereki vake (vanachiremba vamene), Ashish muduku akava nezvinetso zvokusarara ndokuvamba kuzviparadzanisa navamwe. Asingakwanisi kusvitsa kariro dzavabereki vake dzedzidzo, Ashish akamedza mapiritsi okukotsirisa anopfuura mwero. Ikoku kunokuyeuchidza nezvaZvirevo 15:13 muBhaibheri: “Asi mweya unoputswa nomwoyo une shungu.”
Nhamo Yemhuri
Nyongano yemhuri—yakadai sokuchatanura kwavabereki kana kuti kuparadzana, rufu rwomutezo wemhuri, kana kuti kutamira kurukisheni rutsva—ndichimwe chikonzero mukuzviuraya kwedzimwe pwere. Brad, adunzwa pamusoro apa, somuenzaniso, akarasikirwa neshamwari mbiri dzapedyo nehama mutsaona yemotokari. Ipapo mhuri yake yakavamba kuva nezvinetso zvemari. Brad akangokurirwa bedzi. Angave akanzwa sowezvamapisarema uyo akachema kuti: “Mweya wangu uzere namadambudziko . . . Zvakandikomberedza zvose pamwe chete.”—Pisarema 88:3, 17.
Zviverengero zvinokatyamadza zvepwere zviri kuva vananyajambwa kufunganyo yorumwe rudzi: mumuviri, mumurangariro, uye kubatwa zvisina kufanira muvatano. Guta reKerala, India, rine mumwe wemwero wakakwirira wokuzviuraya kwepwere munyika iyoyo. Vanoverengeka vavasikana vachiri kuyaruka imomo vakaedza kuzviuraya vamene nemhaka yokubatwa zvisina kufanira navanababa vavo. Kubatwa zvisina kufanira kwavana kwamarudzi akasiana-siana kwakakwira kusvika kuzviverengero zvikuru munyika yose, uye nokuda kwavananyajambwa vayo vasina mhaka, nhamo yacho inogona kuva yakakomba.
Zvimwe Zvinoparira Nhamo
Asi handi kunzwa kwose kwokuzviuraya kunoparirwa nezvikonzero zvokunze. Mumwe mushumo wokunzverwa kwavachiri kuyaruka vasati vapinda muroorano unoti: “Vanhurume navanhukadzi avo vakapinda muvatano nokunwiwa kwechinwiwa chinodhakisa vakanga vari pangozi huru [yokuzviuraya] kupfuura vakanga vasingazviiti.” Madiro aSunita akaguma nemimba—iyo akagumisa kupfurikidza nokubvisa. (Enzanisa na 1 VaKorinte 6:18.) Atambudzwa nemhaka, akada kufa. Nenzira yakafanana, Brad akanga achiedza chinwiwa chinodhakisa chibviro chapazera ramakore 14, achitora rutivi mumifarwa yokunwa isingadzorwi nguva nenguva. Hungu, apo chinoshandiswa zvisakafanira, chinwiwa chinodhakisa chinogona ku‘ruma senyoka, inobaya sebvumbi.’—Zvirevo 23:32.
Kunzwa kwokuzviuraya kunogona kunyange kumuka kubva “mumifungo isingazorodzi” yomunhu oga. (Pisarema 94:19) Vanachiremba vanotaura kuti kufunga kunoodza mwoyo kunogona pane dzimwe nguva kuva muuyo wezvikonzero zvomuviri zvakasiana-siana. Somuenzaniso, Peter, adudzwa pamavambo, akanzverwa seane kusadzikama kwamakemikoro muuropi pamberi pokuzviuraya kwake. Kunzwa kwokuora mwoyo uko kunosiiwa kusingadzorwi kunogona kukura; kuzviuraya kunogona kuvamba kuratidzika sechisarudzo.
Kuwana Betsero
Kuzviuraya, kunyanguvezvo, hakufaniri kurangarirwa sechisarudzo. Tingave tichikuziva kana kuti kwete, tose zvedu tine icho nyanzvi dzoutano hwendangariro Alan L. Berman naDavid A. Jobes dzinoidza kuti ‘manyuko omukati neokunze nokuda kwokugonana nomutoo unobudirira nefunganyo nebonderano.’ Mamwe manyuko angava mhuri kana kuti shamwari. Zvirevo 12:25 inoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyore rinoufadza.” Hungu, shoko rakanaka rinobva kumunhu anonzwisisa ringaita misiano yose munyika!
Naizvozvo kana munhu upi noupi achinzwa akaora mwoyo kana kuti kufunganya, kuchenjera kuti arege kutambura oga. (Zvirevo 18:1) Ari kutambura anogona kudurura mwoyo wake kumunhu waanovimba naye. Kutaura kuno mumwe munhu kunobetsera kuderedza ukuru hwemirangariro yako, uye kungakupa murangariro mutsva pazvinetso zvacho. Kana mumwe munhu akasuruvara pamusoro pokurasikirwa neshamwari kana kuti mudikani murufu, iyeyo anofanira kukutaura nomunhu waanovimba naye. Apo marwadzo okurasikirwa kwakadaro anozivikanwa nenhamo zvinonzwiwa, munhu anonyaradzwa. (Muparidzi 7:1-3) Kungabetsera nokuda kwomunhu wacho kuvimbisa kuonana nomunhu waanovimba naye kana kurudziro dzokuzviuraya dzikadzoka.
Chokwadi, kungava kwakaoma kuvimba nomumwe munhu. Asi sezvo upenyu humene huri pamutanhiko, hakuna kufanira ngozi yacho here? Sezvinobvira kurudziro kukuzvikuvadza umene ichapfuura kana zvinhu zvangotaurwa bedzi. ‘Nani?’ vamwe vangabvunza kudaro. Kana vabereki vako vachitya Mwari, kuregererei kuedza ‘kupa mwoyo wako’ kwavari? (Zvirevo 23:26) Vanganzwisisa zvinhu zviri nani kupfuura zvinofunga vazhinji uye vangakwanisa kubetsera. Kana kuchiratidzika kuti betsero yokuwedzera inodikanwa—zvakadai sokunzvera kwachiremba—vanogona kuronga nokuda kwako.
Mitezo yeungano yechiKristu ndimamwe manyuko ebetsero. Varume vakakura mumudzimu muungano vanogona kutsigira ndokubetsera vane nhamo. (Isaya 32:1, 2; Jakobho 5:14, 15) Pashure pokuedza kuzviuraya kwake, Sunita akawana betsero kubva kumuevhangeri wenguva yakazara (piona). Sunita anoti: “Akanamatirana neni muchinhu chiri chose. Kudai kwaisava nokuda kwake, ndingadai ndakapenga chaizvoizvo.”
Kugonana Nako
Panewo manyuko omukati ayo anogona kutendeukirwa kwaari. Somuenzaniso, kutambura kwokunzwa mhaka kuri nemhaka yezvakaipa here? (Enzanisa nePisarema 31:10.) Panzvimbo pokuregera kunzwa kwakadaro kuchikura, unofanira kushanda pakururamisa nhau. (Isaya 1:18; enzanisa na 2 VaKorinte 7:11.) Rimwe danho rakanaka raizova kureurura kuvabereki vako. Sezvinobvumwa, vangava vanotsamwa pakutanga. Asi vachapa ngwariro sezvinobvira pakupa betsero. Tinovimbiswawo kuti Jehovha ‘anokanganwira munzira huru’ avo vanopfidza zvapachokwadi. (Isaya 55:7) Chibairo chorudzikinuro chaJesu chinofukidza chivi chavanopfidza.—VaRoma 3:23, 24.
VaKristuwo vane kutenda, zivo yaMagwaro, uye ukama hwavo naJehovha Mwari zvokubetserekana nazvo. Panhambo dzakasiana-siana wezvamapisarema Dhavhidhi akava nenhamo zvikuru zvokuti akati: “Muvengi . . . akatsikirira upenyu hwangu pasi.” Haana kubvuma kupinda mukupererwa nezano rose. Akanyora kuti: “Ndinodanidzira nenzwi rangu kuna Jehovha; nenzwi rangu ndinonyengetera kuna Jehovha.” “Ndinofungisisa zvose zvamakaita; ndinofunga basa ramaoko enyu.”—Pisarema 142:1; 143:3-5.
Kana chishuvo chokuzvikuvadza chikava chakasimba, unofanira kudana pana Jehovha mumunyengetero. Anonzwisisa marwadzo acho uye anoda mutambudziki kuti ararame! (Pisarema 56:8) Anogona kugovera “simba rinopfuura renguva dzose” kukubetsera kugonana namarwadzo. (2 VaKorinte 4:7, NW) Unofanira kufungawo nezvamarwadzo ayo rufu rwokuzvipa rwaizounza kumhuri, kushamwari, uye kuna Jehovha amene. Kurangarira zvinhu zvakadai kungabetsera zvikuru munhu kuramba ari mupenyu.
Kunyange zvazvo kungaratidzika kuvamwe sokunge kuti marwadzo acho haasati achizongobva, vanogona kuvimbiswa kuti pane avo vakapfuura nomurudzi rumwe cheterwo rwamarwadzo. Vanokwanisa kutaura kubva muruzivo rwokuzviwanira kuti zvinhu zvinogona kuchinja uye zvinodaro. Vamwe vanogona kupa betsero kuti upinde nomunguva inorwadza yakadaro. Vakaora mwoyo vanofanira kutsvaka betsero inodikanwa yavakafanirwa nayo—ndokuramba vachirarama!
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita acho akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Zviri nani kutaura kunzwa kunorwadza nomumwe munhu