RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 4/8 p. 32
  • Akashamiswa Nokutsikirirwa kwaMukai!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akashamiswa Nokutsikirirwa kwaMukai!
  • Mukai!—1994
Mukai!—1994
g94 4/8 p. 32

Akashamiswa Nokutsikirirwa kwaMukai!

MURAVI WAMUKAI! MUMINNESOTA, U.S.A., anoshandira koreji apo nyanzvi yezvipenyu zvinorarama mugungwa Sam LaBudde yakarongerwa kunopa nhau yaiva nomusoro unoti “MaDolphin Akaendepi?” Achiyeuka kuti akanga anokorwa mashoko munyaya yaMukai! wechiNgezi inoti “Drift-Net Fishing on the Way Out?” (May 22, 1992), akaenda nemagazini yacho kuchidzidzo.

“Pamagazini yacho ndakanyora mashoko kuna VaLaBudde. Ndakataura kuti ndaifunga kuti aizofarikanya kuziva kuti iyi nyaya yakanaka yakanga ichizoparadzirwa munyika yose mumitauro mizhinji uye kuti magazini yacho yakanga ine kutsikirirwa kunopfuura 13 000 000. Ipapo ndakasaina zita rangu ndokuisa Mukai! yacho yakazaruka pakatafura komukurukuri ndokudzokera kuchigaro changu.

“Pashure ndakaona murume achienda kukatafura komukurukuri, akasimudza magazini yacho, ndokuvamba kuirava. Pashure pamaminitsi mashomanene, akatarira ndokubvunza nenzwi guru kana munhu akanga asiya magazini yacho akanga aripo. Apo ndakasimudza ruoko rwangu ndokuti, ‘Ndini,’ akauya kwandiri ndokugara pedyo neni. Akandionga nokuda kwemagazini yacho ndokutaura kuti anokuonga apo mumwe munhu anopa kwaari mashoko ayo anosimudzira basa kana kuti zvinopedzwa mune zvebasa rake. Akanzwa, kunyanguvezvo, kuti ndingave ndakaita chikanganiso kupfurikidza nokutaura kuti kutsikirira kwacho kwakanga kuri 13 000 000. Aifunga kuti ndinofanira kureva 13 000. Ndakazarura peji rokutanga remagazini yacho ndokumuratidza kuti kwakanga kuri 13 000 000. Akashamiswa. Akaororwawo zvikuru nechiverengero chomutauro magazini yacho yakanga ichibudiswa mairi [zvino mitauro 74]. Akafunga kuti magazini yacho yakanga ichiparadzirwa bedzi muUnited States, asi ndakatsanangura maitirwe akunoitwa munyika yose.”

Kana uchizoda kuti kopi yaMukai! itumirwe kumusha wako, tapota nyorera Watch Tower Society, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe