Kubetsera Avo Vane AIDS
“VATAPURWA neAIDS, Mufundisi Anowana Suo Rapfigwa” wakanga uri musoro wenyaya muThe New York Times. Pepanhau racho rakarondedzera nhau yomufundisi weBaptist uyo mudzimai wake navana vaviri vakatapurwa noutachiona hweAIDS kubva mukuisirwa ropa kwakaitwa kwaari muna 1982 (vana vacho vakatapukirwa muchibereko chake). Pashure, iye nemhuri yake vakaora mwoyo mukupinda chechi dzakasiana-siana dzeBaptist nemhaka yechirwere chacho. Aora mwoyo, akarega kuedza kupinda ndokusiya kuva mufundisi weBaptist.
Vhiringidziko youyu murume pamusoro pokukundikana kwechechi yake kunomutsa mibvunzo inoverengeka: Mwari anoitira hanya vanhu vanorwara, kubatanidza avo vane AIDS here? Vanogona kubetserwa sei? Matanhoi anogona kuitwa pakugovera nyaradzo yechiKristu nokuda kwaavo vane AIDS?
Rudo rwaMwari Nokuda Kwaavo Vanotambudzwa
Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari Wamasimba ose anoratidzira kunzwira urombo kukuru nokuda kwaavo vanotambura. Apo aiva papasi, Jesu akaratidzirawo kunzwira tsitsi kwomwoyo wose nokuda kwavanorwara. Uye Mwari akamupa simba rokurapa vanhu chirwere chavo chose, seizvo Bhaibheri rinorondedzera, kuti: “Vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa.”—Mateo 15:30.
Chokwadika, nhasi Mwari haana kupa munhu upi noupi papasi simba rokurapa vanhu nenzira yenenji seizvo Jesu akaita. Asi uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti nokukurumidza, munyika itsva yaMwari, “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Bhaibheri rinopikira: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.” (Zvakazarurwa 21:4) Murudo rwake rukuru nokuda kwavanhu, Mwari akagadzirira mushonga wechigarire nokuda kwokurwara kwose, kubatanidza AIDS.
Pisarema 22:24 inoti nezvaMwari: “Haana kuzvidza kana kusema dambudziko rounotambudzwa; kana kumuvanzira chiso chake; asi panguva yaakachema kwaari wakamunzwa.” Rudo rwaMwari runowanika kuavo vanodana zvapachokwadi kwaari nokuda kwebetsero.
Ndiani AnobataUtachiona hweAIDS?
AIDS ihosha zvikurukuru yamararamire. Vanhu vazhinji vanotapukirwa vanobvumirana mukuwirirana nePisarema 107:17 (NW), rinoti: “Avo vaiva mapenzi, nemhaka yenzira yokudarika kwavo uye nokuda kwezvikanganiso zvavo pakupedzisira vakazviparira vamene nhamo.”
Apo munhu anosiya mipimo yeBhaibheri ndokupinda muvatano kunze kwegadziriro yaMwari yeroorano, ngozi yokubatira AIDS kana kuti kutapura vamwe inova chaiyoiyo zvikuru. Uyewo, apo vanhu vamwe navamwe vanogoverana majekiseni kupinza mirimo nomutsinga, vanogona kuwana AIDS uye vanogona kupfuudzira utachiona kuvamwe. Mukuwedzera, vazhinji vakawana AIDS kupfurikidza nokuisirwa ropa rakabva kuvagoveri vakatapurwa.
Nomutoo une ngwavaira, zvisinei, zviverengero zvinokatyamadza zvavanhu vasina mhaka zviri kutapukirwa noutachiona hweAIDS, uye munzira dzinoverengeka. Somuenzaniso, vakwanyina veroorano vakatendeka vazhinji, kupfurikidza nemhaka isiri yavo vamene, vari kubatira AIDS kupfurikidza nevatano nomukwanyina wavo akatapukirwa. Ipapowo, zvikurukuru mune dzimwe nzvimbo, pesendeji inokatyamadza yavana iri kuwana utachiona hweAIDS kubva kuna vanamai vakatapukirwa, kuchiita mwana achangobva kuberekwa ane AIDS mumwe wavananyajambwa anonzwisa tsitsi zvikurusa. Uyewo, vashandi vezvokurapa navamwe vakawana hosha yacho nemhaka yetsaona apo vakanga vachibata ropa rakashatiswa.
Munzira ipi neipi AIDS inowanwa nayo nomumwe munhu, Magwaro akajeka kuti Mwari haana mhaka nokuda kwokupfuudzwa kweiyi hosha inouraya. Kunyange zvazvo nhasi chiverengero chikuru chaavo vakatapukirwa chakazviunzira chimene AIDS uye chakatapura vamwe kupfurikidza nomufambiro usiri mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri, mapesendeji acho ari kuchinja, achiratidzira zviverengero zvikuru zvavananyajambwa vasina mhaka, vakadai savana navakwanyina vakatendeka.
World Health Organization inodudza kuti vakadzi munyika yose vari kutapukirwa noutachiona hweAIDS kazhinji kazhinji savarume uye kuti panozosvika gore ra 2000, voruzhinji vokutapurwa kutsva vachave vakadzi. Vashandi vezvoutano muAfrica vanoti 80 muzana yezvirwere zveAIDS ikoko “zvinopfuudzwa kupfurikidza nevatano yavane mitezo yokubereka nayo yakasiana, uye zvinenge zvimwe zvose zvinopfuudzwa kubva kuna amai kuenda kumwana mukati mokuva nemimba kana kuti mokukuberekwa.”
Zvisinei, nepo Mwari achishora kudarikwa kupi nokupi kwemitemo yake, kubatanidza kuputswa kunoguma nokutambura kwakadaro, anokurumidza kutambanudza ruoko rwake rune tsitsi kuavo vose vanotambudzwa. Kunyange avo vakawana AIDS kupfurikidza nezviito zvakaipa vanogona kubetserekana netsitsi dzaMwari kupfurikidza nokutendeuka uye kurega kuita chiri chakashata.—Isaya 1:18; 1 VaKorinte 6:9-11.
Chinozivikanwa Pari Zvino
AIDS chinetso choutano chenyika yose. Nepo vezvesayenzi vachivimbisa vanhu kuti “HIV hahusi utachiona hunopfuudzwa nyore nyore,” hakunyaradzi zvikuru kumamirioni anotova nayo uye mamirioni asingaverengeki achaiwana mumakore ari kutevera. Maidi anoratidza kuti iri kupararira mupasi rose.
Chichipeta nzira dzenguva dzose dzokupfuudzwa, chimwe chinyorwa chinoti: “Hunodokuva utachiona hwose hweHIV hunopfuudzwa kupfurikidza nevatano kana kuti kuva asina dziviriro kuropa rakatapukirwa.” Uchirangarira mhedziso zhinjisa mubasa rokurapa, mushumo unoti: “Kuti utachiona huitike, panofanira kuva nokusangana kwezvinoyerera zvomuviri (zvinenge nguva dzose ropa kana kuti urume) kubva kumunhu akatapukirwa zvichienda kumuviri womunhu asina kutapukirwa.”
Zvisinei, kutaura kwokuti “hunodokuva hwose” uye “zvinenge nguva dzose” kunobvuma bviro yezvinosiiwa. Nokudaro nepo dzoruzhinjisa dzenzira dzokupfuudza nadzo AIDS dzichizivikanwa nhasi naavo vari mune zvokurapa, mupesendeji duku zvikuru yezvinoitika, nzira dzacho dzokuwana nadzo utachiona hwacho dzingava dzisingazivikanwi. Nokudaro, pangava pachine dikanwo yokungwarira.
Uchaita Sei?
Vanhu vane mamirioni 12 kusvika kumamirioni 14 kupota nyika vakatapukirwa noutachiona hweAIDS. Uye fungidziro ndedzokuti mamwezve mamirioni mazhinji achatapukirwa panozosvika kuvamba kwezana ramakore. Nokudaro, wakava sezvinobvira, kana kuti ungakurumidza, kuva muboka raavo vane iyi hosha. Somuenzaniso, muguta guru ripi neripi, onanowo zvadzo navanhu vakadaro dzinoitika zuva nezuva munzvimbo dzokubasa, tumahotera, horo dzemitambo, nhandare dzemitambo, mabhazi, nzira dzapasi pevhu, ndege, uye zvitima, pamwe chete nomudzimwe onano dzavose.
Naizvozvo, nomutoo unowedzera, vaKristu vangasangana, ndokuva vanosundwa kubetsera, vatamburi veAIDS avo vanoda kufunda Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, ndokufambira mberi kutsauriro kuna Mwari. VaKristu vanofanira kuita sei kuizvi zvinodikanwa zvavananyajambwa veAIDS? Pane here matanho ayo angava anoshanda nokuda kwebetsero yomutamburi wacho uye nokuda kwaavo vari muungano yechiKristu?
Kuchivakirwa pabvumirano yazvino uno, onanowo zvadzo hadzipfuudzi AIDS. Naizvozvo kunoratidzika kuva kune mufungo kuti mumwe haadikanirwi kuva anotya zvisina kukodzera kuva navanhu vane AIDS. Uye sezvo varwere veAIDS vane gadziriro yedziviriro yomuviri yakaneteswa zvikuru, tinotofanira kuva vanongwarira kuti havabatira zvirwere zvinozivikanwa navose zvoutachiona izvo tingachengeta. Kuvadziko kumuviri wavo inoparirwa nezvirwere zvakadaro zvinozivikanwa navose ingava huru.
Nemhaka yorudzi runotyisidzira upenyu rweAIDS, kuchenjera kurangarira matanho ane mufungo pakugamuchira murwere weAIDS musonganirano yedu yomunhu oga kana kuti iyo yeungano yechiKristu. Kutanga, nepo pasina chiziviso chavose chinofanira kuitwa, tingada kuudza mumwe wavakuru muungano nezvomugariro wacho kuti azova akagadzirira kupa chiito chomutsa uye chakakodzera kuupi noupi angabvunza pamusoro penhau yacho.
Sezvo utachiona hwacho huchigona kupfuudzwa kupfurikidza neropa romunhu akatapukirwa, kungava kune mufungo kuti ungano iite izvo zvinonzi matanho avose pakuchenesa zvimbudzi uye mvura inorasikira pasi, zvikurukuru kana ropa richibatanidzwa mumvura yacho. “Matanho avose” kutaura kunogamuchirwa nenyanzvi dzezvokurapa kutsanangura bumbiro remitemo umo ropa rose rinobva kumunhu upi noupi rinorangarirwa serakashatiswa uye rine bviro yengozi uye naizvozvo rinobatwa munzira chaiyoiyo. Nemhaka yokuti Horo yoUmambo chivako chavose, kungava kuchenjera kuva nezvinhu zvokuchenesa nebhokisi ramagorovhosi eLatex kana kuti vinyl zvinowanika kuti zvigovere tarisiro yakakodzera nokuchenesa muchinoitika chetsaona. Mushonga unochenesa we 10 muzana ye(Clorox) unorumbidzwa zvikurukuru nokuda kwokuchenesa ropa rinorasikira pasi.
Mukubata kwedu kwose navamwe, kubatanidza vananyajambwa veAIDS, vaKristu vanorairidzwa kutevera muenzaniso waJesu. Kunzwira urombo kwaakanga anako nokuda kwaavo vaitambudzwa, uye vaiva vapachokwadi muchishuvo chavo chokufadza Mwari, wakafanirwa nokutevedzera kwedu. (Enzanisa naMateo 9:35-38; Marko 1:40, 41.) Zvisinei, sezvo pasina mushonga pari zvino nokuda kweAIDS, kwakakodzera kuti muKristu aite matanho ane mufungo sezvaanogovera betsero yokunzwira urombo kuavo vanoirwara.—Zvirevo 14:15.
Vananyajambwa veAIDS Vanogonawo Kubetsera
Murwere akachenjera weAIDS anoziva kuti vamwe vanotapurika pamusoro peiyi hosha. Naizvozvo, nemhaka yokuremekedza kunzwa kwaavo vanoda kuva vebetsero, kwaizova kuri nani nokuda kwanyajambwa weAIDS kusatanga ratidziro dzapachena dzechidakadaka zvakadai sokumbundira nokutsvoda. Kunyange kana paine bviro duku kana kusavapo yokuti ratidziro dzakadaro dzingagona kutapudzira hosha yacho, iyi ganhuriro icharatidza kuti nyajambwa wacho anorangarira vamwe, nokudaro ndokuita rangariro yakafanana pashure.a
Achiziva kuti vazhinji vane rutyo rwezvisingazivikanwi, munhu ane AIDS anofanira kusakurumidza kutsamwa kana akasakokwa kumisha ipapo kana kuti kana kuchiratidzika kuti mubereki anoganhurira mwana pakuva pedyo naye. Uye kana imwe yeFundo Dzebhuku Dzeungano ichiitirwa paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, kungava kuchenjera kuti uyo ane AIDS asarudze kupinda ikoko, panzvimbo pemisha, kutoti iye akakurukura mugariro wacho nomuridzi womusha.
Vane AIDS vanofanira kushandisawo itiro hanya yokungwarira nokuda kwavamwe apo, somuenzaniso, vanenge vaine kukosora kunobudisa dzihwa uye vachizivikanwa kuva vane tibhii. Vangada ipapo kushandisa nhungamiro dzoutano dzenzanga pamusoro pouyu mugariro womuitiro wokuparadzanisa.
Mumwe mugariro umo munhu asina mhaka anogona kutapukirwa kuri kupfurikidza nokuroora mumwe munhu ane utachiona hweAIDS asingazvizivi. Dikanwo yengwariro mumigariro yakadaro ingava iri madikanwa zvikurukuru kana mumwe kana kuti vose vari vaviri vakwanyina veroorano vanokarirwa vakanga vasingazvibati kana kuti vakashandisa majekiseni kushandisa zvisina kufanira mirimo pamberi pokuuya kuzivo yakarurama yeShoko raMwari. Sezvo paine chiverengero chinokura chavanhu vane utachiona hweHIV husingaoneki (ndiko kuti, hapana zviratidzo zvokunze kusvikira zvino), kwaizova kwakakodzera nokuda kwomunhu mumwe nomumwe kana kuti vabereki vanotarisira kukumbira kunzverwa kweropa nokuda kweAIDS kwomukwanyina anokarirwa pamberi pokuvimbisana kana kuti peroorano. Nemhaka yorudzi runoparadza, runouraya rweiyi hosha, shamwari yeroorano haifaniri kutsamwa kana chikumbiro ichocho chikaitwa.
Kana kunzvera kwacho kukabvumikisa kuva neutachiona, kwaizova kusina kukodzera kuti uyo akatapurwa amanikidze mukwanyina anokarirwa kupfuudzira nyengano yacho kana kuti vimbiso kana mukwanyina anokarirwa zvino achishuva kugumisa ukama hwacho. Uye kwaizova kuchenjera kuti munhu upi noupi uyo akararama mararamire ane ngozi zvikuru munguva yakapfuura, akanga asingazvibati kana kuti kupinza mirimo mutsinga, kusarudza nokuzvidira kunzverwa pamberi pokuvamba nyengano. Muiyi nzira, mirangariro inokuvadza ingadziviswa.
Nokudaro, savaKristu tinoda kuita nokunzwira tsitsi uye kusadzivisa vanhu vane AIDS, tichiziva, zvisinei, kunzwa kwomunhu mumwe nomumwe kungasiana paiyi nhau inotapura. (VaGaratia 6:5) Nehosha yakadai seAIDS, hachisati chiri chinhu chose chinozivikanwa, naizvozvo pangava nokumwe kuzengurira kuna vazhinji mukubata nenhau dzinobatanidzwa. Murangariro wakadzikama wenhau yacho waizova kupfuurira kugamuchira vananyajambwa veAIDS muungano yechiKristu ndokuratidza rudo uye ushamwari kwavari, nepo panguva imwe cheteyo tichiita matanho ane mufungo kuzvidzivirira timene nemhuri dzedu kubva kuhosha yacho.
[Mashoko Omuzasi]
a Chii chinofanira kuita munhu anoziva kuti ane AIDS apo anoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha ndokubhapatidzwa? Nokuda kwokuremekedza kunzwa kwavamwe, kungava kuchenjera nokuda kwavo kukumbira rubhapatidzo rwapachivande, kunyange zvazvo pasina ufakazi hwokukarakadza kuti AIDS yakapfuudzwa muzvidziva zvokushambira. Nepo vaKristu vazhinji vomuzana rokutanga ramakore vaibhapatidzwa pakuungana kwapachena kukuru, vamwe vaibhapatidzwa mugadziriro dzapachivande zvikuru nemhaka yemigariro inosiana. (Mabasa 2:38-41; 8:34-38; 9:17, 18) Chimwe chinotsiva chaizova kuti anoda kubhapatidzwa ane AIDS abhapatidzwe pakupedzisira.
[Bhokisi riri papeji 13]
Ndakamunzwira Tsitsi
Rimwe zuva apo ndakanga ndiri kupupurira mumugwagwa, ndakasvika mukadzi muduku ane makore anenge 20 ezera. Meso ake makuru matsvuku airatidzika saakasuruvara zvikuru. Mukuedza kutanga kurukurirano pamusoro poUmambo hwaMwari, ndakamugovera rimwe ramaturakiti andakanga ndinawo muruoko rwangu. Pasina kuzengurira akasarudza Nyaradzo Nokuda Kwavakapera Mwoyo. Akatarira turakiti racho dzokonokei otarira kwandiri ndokutaura zvakananga, kuti: “Mukoma wangu achangobva kufa neAIDS.” Ndisati ndapedza kutaura kwokunzwira kwangu urombo, akati: “Ndiri kufawo neAIDS, uye ndina vana vaduku vaviri.”
Ndakamunzwira tsitsi, uye ndakamuravira muBhaibheri pamusoro penguva yemberi iyo Mwari akavimbisa rudzi rwomunhu. Akati kamwe kamwe: “Neiko Mwari aizova anondiitira hanya zvino nepo ndisina kutongova nehanya naye?” Ndakamuudza kuti kubva mufundo yeBhaibheri, aizosvika pakunzwisisa kuti Mwari anogamuchira munhu wose uyo anopfidza zvapachokwadi ndokusvika pakuvimba naye uye muchibairo chorudzikinuro choMwanakomana wake. Akapindura kuti: “Ndinoziva kuti ndimi ani. Munobva paHoro yoUmambo iri mumugwagwa uyu—asi munhu akaita seni angagamuchirwa muHoro yenyu yoUmambo here?” Ndakamuvimbisa kuti aizogamuchirwa.
Apo pakupedzisira akapfuurira panzira yake, akabata bhuku rinonzi Bhaibheri iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? neturakiti rake, ndakafunga kuti, ‘Ndinovimba kuti anowana nyaradzo iyo Mwari anopa bedzi.’