RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 4/8 pp. 14-19
  • Mushandi Akafanirwa Nomubairo Wake Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mushandi Akafanirwa Nomubairo Wake Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Avo Vanodzidzisa Vana Vedu
  • Uye Ipapo Pane Mutambo
  • Mitambo Yetimu Yakandinakira Here?
    Mukai!—1996
  • Kudzidzisa—Kuedza Kwaunoita uye Ngozi Dziripo
    Mukai!—2002
  • Ndinofanira Kukumbanira Timu Yemitambo Here?
    Mukai!—1996
  • Mitambo Yevana—Kupararira Kwedambudziko Idzva Rokurwisana
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 4/8 pp. 14-19

Mushandi Akafanirwa Nomubairo Wake Here?

VATARIRE! Vanoratidzika kuva vanorarama nezvishomanene, kazhinji kazhinji mudzimba dzine tsvina, nguva zhinji nezvokurarama nazvo zvishomanene bedzi, kunyange zvazvo vazhinji vavo vachirarama uye vachirera mhuri munyika yakapfuma. Ndivo vashandi vanotama, vazhinji samamirioni mashanu muUnited States moga, vanotanha michero uye mirivo nokuda kwamamwe masangano makurusa enyika.

Ona miviri yavo ina mavanga uye inorwadza ichishanda mukupisa kukuru. Vaone vachiedza kutwasanudza misana yavo pashure pamaawa marefu mumugariro wokukombama, vachitanha mirivo iyo ichatsvindisa masherufu namabhini ezvitoro zviri kure nemisika mikuru. Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakunyura kwezuva, vamwe mazuva matanhatu vamwe manomwe pavhiki vanenge vari ikoko. Ona vana, vachishanda parutivi pavabereki vavo uye kazhinji kazhinji vanasekuru navanambuya vakwegura. Vazhinji vavaduku vanobviswa pachikoro pazera duku nemhaka yokuti vabereki vavo vanotevera zvirimwa zvaibva, mwaka pashure pomwaka. Kose ikoku nokuda kokungowana zvokurarama nazvo zvishomanene bedzi.

Ruzha rwapanguva nenguva rwendege dzinobhururuka nechepasi runokunetsa here sezvaunotarira ava vashandi vachirwadziwa muminda? Mushonga wezvipembenene unouraya unobva mumaburi omuchina wokupfapfaidza wendege unoparira here maziso ako kuvava uye ganda rako kubaya-baya nokuvava? Unotya ngozi dzenguva pfupi nerefu kwauri here? Vashandi vanotya. Mushonga wokupfapfaidza uri pazvipfeko zvavo nguva dzose, mumhino dzavo, mumapapu avo. Vakaona iyi mishonga inouraya ichiva netapuro inokuvadza pavana vavo uye vabereki vakura. Vakaona mitezo yemhuri navashandi biyavo vachiremadzwa pazera rouduku nemhaka yomuchetura wokuuraya zvipembenene.

Mumwe mwana, ari zvino mumakore ake okuvamba kwokuyaruka, akaberekwa nehudyu isiri panzvimbo yayo, asina tsandanyama yechipfuva kurutivi rworudyi, uye rumwe rutivi rwechiso chake rwakaoma. Baba vake vanodavira kuti urema hwake hwakaparirwa nomushonga unouraya zvipembenene wakapfapfaidzwa paminda yamastrawberry mukati mokuva napamuviri kwaamai vake. Kwakashumwa kuti kubudiswa kwomushonga unouraya zvipembenene bedzi kunotapura vashandi 300 000 pagore uye kuti vashandi vanotama vane mwero wohurema wakakwirira nekashanu kune uyo wavashandi murimwe ramabasa api naapi.

Kana kunzwa kwako kusingatapurwi nokungovaona bedzi vachitambudzika muminda kana kuti kupfurikidza nokuona migariro yavo yokurarama ine tsvina neisingafadzi, ipapo teerera mashoko avo. “Iri basa rinokunetesa zvikurusa,” anotura mafemo mumwe mai wavana vanomwe pashure pezuva refu rakaoma mumunda. “Zvimwe ndichangogeza ndokunorara. Ndarara pashure peawa rechina mangwanani ano uye handina kuwana nguva yokuita zvokudya zvamasikati, naizvozvo handina kutongodya. Zvino ndaneta zvikuru zvokusagona kuva nechokudya.” Maoko ake ane mhoni. Foroko kana kuti chipunu zvingaita kuti kudya kurwadze.

“[Vana vedu] vanotibetsera dzimwe nguva pakupera kwevhiki,” anodaro mumwe mai, “uye vanoziva kuti kushanda mumunda kwakadini. Havadi kuita izvozvo nokuda kwokurarama. . . . Ndichiri ane mabanzurwa mumaoko angu kubva mukutanha maorenji mumwaka wechando wapfuura.” Murume wake akataura, kuti: “Tinoshanda kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakunyura kwezuva mazuva matanhatu pavhiki. . . . Asi zvimwe tichave tichiita izvi upenyu hwedu hwose. Chiizve chimwe chatichaita?” Pamwe chete vaviri vakaroorana vanotambira chitsama chidukuduku cheU.S.$10,000a pagore—mwero wourombo pamipimo yeAmerica.

Vashandi vanotya kunyunyuta kutyira kurasikirwa namabasa avo. “Unonyunyuta,” akadaro mumwe, “havakupinzizve basa.” Vazhinji vavashandi vanotama varume navanababa avo vaitofanira kusiya mhuri kuti vagotevera zvirimwa zvaibva, sezvo imba dzokugara, kazhinji kazhinji zvivako zvikuru zvavarwi zvakavakwa nezvidhinha zvamarasha izvo zvinogara vashandi vanosvika 300, zvine tsvina zvikuru uye zvakamanikidzika nokuda kwemimwe mitezo yemhuri yavo. “Kwaizova kunofadza kugara ne[mhuri yangu] gore rose,” akadaro mumwe baba, “asi izvi ndizvo zvandinofanira kuita.” “Takasvika mwero wakaderera zvikurusa,” akadaro mumwe. “Hatina kumwe kwokuenda asi kuva vari nani.” Zvakatoipisisa zvikuru, vazhinji vaava vanotambira chitsama chidukusa pamwero wokuripirwa. Kuna vamwe, U.S.$10,000 pagore nokuda kwemhuri yavashandi inoratidzika kuva isingasvikiki, muripo wavasingagoni kukarira kusvika. “Varidzi vemichero namapurazi vanogona kubhadhara miripo yakafanana neyeNyika Dziri Kubudirira ndokungodzinga vashandi vapi navapi vasingaiti chaizvoizvo sezvavanoudzwa,” yakanyora kudaro magazini yePeople Weekly. “Mubati wakafanirwa nomubairo wake,” Jesu akadaro. (Ruka 10:7) Vashandi vanotama vanofanira kushamisika apo iyi nheyo ichashanda muupenyu hwavo.

Avo Vanodzidzisa Vana Vedu

Rangarira, zvino, avo vane mabasa akavaita vave vane mutoro nokuda kwokudzidzisa vana navakura kurava, kunyora, kuperetera, masvomhu, sayenzi yehwaro, mufambiro munzvimbo yebasa—mativi edzidzo yehwaro. Mumasangano edzidzo yakakwirira, vadzidzisi vanodzidzisa mutemo, mushonga, kemesitiri, huinjiniya, uye unyanzvi hukuru hwokugadzirwa kwezvinhu, mativi anoraira mabasa anobhadhara zvikuru muzera rino rounyanzvi hwazvino uno. Nemhaka youkoshi hwokunyanyisa hwebasa rokudzidzisa, ava vadzidzisi havaisafanira kuva vakakwirira saavo vakafanirwa nemibairo yakakodzera kubasa rino ukoshi rinoitwa here? Apo kunoenzaniswa navanhu avo mibairo yavo inoratidzika kuva isingawirirani nebasa ravanoita, kwaizoratidzika kuti nzanga yakaisa ukoshi hwakaderera pabasa rokudzidzisa.

Mukupera kwezana rino ramakore rechi 20, kudzidzisa kwava basa rine ngozi zvikuru mudzimwe nzvimbo, kwete bedzi muzvikoro zvapamusoro asi muzvikoro zvehwarowo. Mudzimwe nharaunda vadzidzisi vanorairwa kufamba netsvimbo mukamuri rekirasi uye nzvimbo dzokutambira kuti vazvidzivirire vamene pavana vasingadzoreki. Pfuti namapanga zvinotakurwa navana vechikoro vamazera ose, pamiviri yavo uye mumidziyo yavo yokutakurira zvokudya.

Vadzidzisi, vose vari vaviri varume navakadzi, vakatambura kuvadziko yomuviri inoitwa navadzidzi. Muzvikoro zvesekondari mumakore achangobva kupfuura aya, vanopfuura vadzidzisi 47 000 navadzidzi mamirioni 2,5 vakava vananyajambwa voutsotsi. “Chinetso chacho chiri kunzvimbo iri yose,” yakashuma kudaro magazini yavadzidzisi NEA Today, “asi chakanyanya kushata munharaunda dzomuguta, uko gore rimwe nerimwe mudzidzisi anotarisana nebviro imwe chete mu 50 yokuva anodenhwa muchikoro.” Kushandiswa kwakapararira kwemirimo nechinwiwa chinodhakisa muzvikoro kwakawedzera vhiringidziko yavadzidzisi.

Kuwedzera kumutoro wavo, mudzimwe nzvimbo vadzidzisi vanokarirwa kupfuudzira dzidzo yavo mubasa ravo rose, kushandisa nguva yavo yezororo kuita makosi ebudiriro kana kuti kupinda kokorodzano kana kuti misangano nokuda kwavadzidzisi mune zvebasa ravo. Bva, kwaizokushamisa here kuziva kuti mumamwe maguta makuru muUnited States, vanobhadhara mibairo nokuda kwavachengeti vechikoro—avo vane mutoro wokuchengeta zvikoro zvakachena uye zvakagadzirwa—inogona kupfuura yavadzidzisi neU.S.$20,000?

Miripo yavadzidzisi inosiana kubva munyika nenyika, hurumende nehurumende, uye ruwa neruwa. Mune dzimwe nyika miripo yavadzidzisi ndiyo yakadereresa munyika. Kunyange munyika dzakapfuma zvikuru, mishumo inoratidza kuti nokuda kwomutoro unotakurwa navadzidzisi, mibairo yavo haina kunaka.

Sezvakashumwa muThe New York Times, mumwe mutsoropodzi wemiripo yavarairidzi navadzidzisi akati: “Mabasa okuzvipira muUnited States, akadai sokudzidzisa . . . , ave nguva dzose achibhadharwa kana kuti kupiwa mubairo nomutoo wakaderera. Vanhu vakafunga nguva dzose kuti, ‘eya, ndiyo [fariro yavo], ndizvo izvo vanofarira kuita.’ Handifungi kuti kufunga ikoko kwakarurama zvikuru, uye handifungi kuti kuchenjera zvikuru.” Rangarira, somuenzaniso, uyu mushumo wakabudiswa muThe New York Times: “Miripo yavashandi vapaKoreji napaYunivhesiti mugore redzidzo ra 1991-92 yakakwira nomwero mudukusa mumakore 20,” avhareji ye 3,5 muzana. “Apo wedzero yacho ye 3,5 muzana inochinjwa nokuda kwokukwira kwemitengo,” mumwe munzveri akacherechedza kuti, “miripo yakakwira zvishomanene ne 0,4 muzana.” Itiro hanya dzinowedzera ikoko nemhaka yemiripo yakaderera inoripirwa vadzidzisi vane mutoro, vazhinji vangamanikidzirwa kusiya basa rokudzidzisa nokuda kwamabasa anobhadhara.

Uye Ipapo Pane Mutambo

Muenzaniso unosiana wemiripo isingadzorwi inharaunda yemitambo. Vashandi vanotama vari pamwero wourombo navadzidzisi vanoripirwa zvisina kufanira vanorangarira sei mari inosara pamuripo yakanyanyisa yavamhanyi?

Ko mupurisawo zvake ari kuita basa rake uye mudzimi wemwoto anoita chiito panyevero yebhero remwoto—vanhu vanoisa mungozi upenyu hwavo zuva riri rose pabasa—vanorangarira netendero miripo isiri yenguva dzose iyo nyanzvi dzokumhanya dzinoripirwa nemhaka yokuti dzinoziviswa senyanzvi here? MuUnited States, vakuru vakuru vamapurisa vanopfuura 700 vakaurawa vachiita basa mumakore 10 apfuura. Nzufu dzavadzimi vemwoto dzakakwirirawo zvikuru. Bva, idzi nyanzvi dzakarovedzwa zvikuru dzakazivikanwa munyika yose sedzinoripirwa zvidukusa. Havangapanikiri here ukoshi nzanga yakaisa pamabasa avo noupenyu?

Rangarira baseball, somuenzaniso—chinokwezva zvikuru nokuda kwavane mbavarira vemitambo muUnited States, Canada, uye Japan. Vatambi vakuru veboka rebaseball vanopfuura 200 muUnited States vanotambira inopfuura mirioni yamadhora pagore. Pakupera kwemwaka webaseball wa 1992, vatambi 100 vakasaina makondirakiti anovavimbisa mamirioni U.S.$516. Pana ivava, 23 vakasaina makondirakiti anokosha rimwe nerimwe mamirioni anopfuura U.S.$3 pagore. Zvinodzikatidza iyi mibairo isina kugadzikana yavatambi vanozivikanwa zvishoma ndiwo makondirakiti aavo vanokweva ngwariro yavanhu, avo vakasaina nokuda kweanopfuura mamirioni U.S.$43 nokuda kwamakore matanhatu okutamba uye mamirioni U.S.$36 nokuda kwamakore mashanu. Gore rimwe nerimwe miripo inoramba ichikwira, uye zvinyorwa zvitsva zvinogadzwa nokuda kwavanoripirwa zvikuru munhau yebaseball. Nhabvuwo yakaona miripo yavatambi ichikwira kusvika avhareji yeU.S.$500,000.

Iyi miripo inonyandura mubvunzo wokuti, Muverengiwo zvake anogona kufungidzira achiwana cheki yapavhiki yeU.S.$62,500 here? “Bva ndizvo chaizvo mamirioni iwayo avatambi venhabvu vanotamba nzvimbo yechokumashure uye vane miripo yamamirioni amadhora gore negore muNational Football League vanoita vhiki riri rose mukati memwaka wenhabvu wamavhiki 16,” yakashuma kudaro The New York Times. “Kana kuti zvakadiniko nezvomutambi webaseball anowana mamirioni U.S.$2, uyo anowana cheki yeU.S.$75,000 mavhiki maviri ari ose? Pashure pokubviswa kwomutero, ane U.S.$50,000 yokumubetsera mukati menhambo yakaoma kusvikira pacheki yomuripo unotevera.” Ikoku hakusati kuchibatanidza mari inoripirwa nyanzvi yemitambo nokuda kwokunamatidza zita rake uye tendero kuzvinhu zvokutengesa, kunyorwa kwamabaseball, siginicha nokuda kwavatsigiri, uye mari inogamuchirwa nokuda kwokuoneka pamberi pavateereri, iyo pamwe chete inogona kuita hwerengedzo yamamirioni. Pano zvakare, chii icho mudzidzisi anobhadharwa zvishomanene anofunga apo anotambira shoma mugore rimwe kupfuura mumhanyi anogona kuwana mumutambo mumwe chete?

Nemhaka yesimba reterevhizheni, nyanzvi mugorofu, tenesi, basketball, uye hockey dzakawanawo zvitsama zvikuru zvemari. Nyanzvi munharaunda dzadzo dzinogona kuverenga mari yadzo mumamirioni. Kondirakiti yamamirioni U.S.$42 amadhora inosainwa nomutambi wehockey anotungamirira nokuda kwamakore matanhatu. Mumwe mutambi wehockey anowana mamirioni U.S.$22 paanopfuura makore mashanu, avhareji yemamirioni U.S.$4,4 pamwaka mumwe wehockey kunyange kana akasatamba nokuda kwetimu yake nemhaka yokukuvara kana kuti kurwara.

Mumutambo mumwe chete wetenisi pakati penyanzvi mbiri dzapamusoro, munhurume mumwe uye munhukadzi mumwe—yakaratidzirwa se“Hondo yaVane Mitezo Yakasiana”—vaviri vakakwikwidzana nokushingaira panhandare nokuda kwokuwana mubairo wose womukundi weU.S.$500,000. Kunyange zvazvo munhurume akawina mubairo wacho, kunoshumwa kuti vose vakawana “chitsama chine mwero chakati chemari yokuoneka pamberi pavatsigiri, iyo isina kuziviswa asi yaifungidzirwa kuva ipi neipi kubva paU.S.$200,000 kusvikira kuU.S.$500,000 mumwe nomumwe.”

Mudzimwe nyika dzakadai seBritain, Italy, Japan, uye Spain, kungodudza hedu shomanene, miripo yenyanzvi dzokumhanya yakava yakanyanyokwirira zvikuru—zvitsama zvinokatyamadza mumamirioni amadhora. Kose kwaikoku kwakasunda imwe nyanzvi huru mutambi wetenisi kutsanangura muripo wama 90 “usakafanira.”

Zvisinei, ikoku hakusati kuri kutaura kuti, nyanzvi dzokumhanya dzine mhaka ipi neipi nokuda kweiyi miripo mikuru. Varidzi vetimu avo vanopa miripo mikuru nokuda kwavatambi vane mano. Vatambi vanongogamuchira icho chinopiwa. Vatambi ndivo vanokwezva vaoni kutsigira timu dzacho. Mwaka yebaseball nenhabvu ya 1992, somuenzaniso, yakaona zviverengero zvikurusa zvavapindi munhandare zhinji. Ikoku neropafadzo dzokubudisa dzeterevhizheni zvakaunza mari yakawanda nokuda kwavaridzi. Nokudaro, vamwe vanorangarira kuti vatambi vari kungogamuchira mugove wavo wakarurama.

Miripo yakanyanyisa inoripirwa kutamba tenisi, kutamba gorofu, kutamba baseball, mukusiana nomubairo wakaderera wavashandi vanotama avo vanotambura maawa marefu muzuva rinopisa kuti vakohwe zvokudya zvedu, itsinhiro inosuruvarisa papfungwa yemipimo yenzanga yakapfuma.

Rangarira imwe fundo mukusianisa, rondedzero yerimwe basa rinozivikanwa zvikuru. Vachishanda neiri pasi pemamirioni U.S.$2 kunzvera mushonga wokudzivirira poriyo, wezvesayenzi weAmerica Jonas Salk navanzveri biyake vakatambura maawa marefu murabhoritari vachigadzira mushonga pashure pomushonga, vachiedza vaedzazve. Muna 1953, Salk akazivisa budiriro yomushonga wokuedza. Pakati povokutanga kugamuchira kuedzwa kwomushonga wacho paiva naSalk, mudzimai wake, uye vanakomana vavo vatatu. Mushonga wacho wakawanikwa kuva usina ngozi uye unoshanda. Nhasi, poriyo yakabviswa zvikurukuru.

Salk akagamuchira rukudzo ruzhinji nokuda kwetsigiro yake yakatanhamara mukudzivirirwa kweiyi hosha inouraya uye inoremadza. Bva, akaramba kugamuchira mari ipi neipi. Akadzokera kurabhoritari rake kuti avandudze mushonga wacho. Sezvinooneka, tuso yake chaiyoiyo yakanga isiri mari asi gutsikano mukuona vana navabereki vakasununguka vasitongorina rutyo rweiyi ngozi huru.

Pakupedzisira, rangarira uchidzidziswa kariro dzokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi, umo kurwara, hosha, uye kusuruvara zvabviswa nokusingaperi. Fungidzira miripo mikuru iyo varairidzi vamashoko akanaka akadaro vaigona kuwana nomutoo une mufungo. Bva, kune vadzidzisi vakadaro, uye vari kudzidzisa pachena! Hapana tuso dzemari nokuda kwavo! Apo Jesu akati ‘vashandi vakafanirwa nomubairo wavo,’ akanga asingatauri pamusoro pemiripo nokuda kwaava vadzidzisi vamashoko akanaka. (Ruka 10:7) Akati vaizogamuchira zvinodikanwa zvavo. Kuvakadaro akatiwo: “Makangopiwa henyu, chingopai henyu.” (Mateo 10:8) Chii chichava tuso yavo? Haiwa, chaizvo izvo Jesu, munhu mukurusa ati amborarama, akavimbisa—upenyu husingagumi muparadhiso papasi, yakacheneswa. Miripo iri mumamirioni amamirioni haigoni kuenzana naikoko!

[Mashoko Omuzasi]

a Inodokuva U.S.$1 = Z$7.

[Bhokisi riri papeji 17]

Mari, Mukurumbira, kana kuti Mirimo—Ndechipi?

Musungo womukurumbira nowamamirioni amadhora anofanira kuwanwa mumitambo younyanzvi zvakasunda pwere kutendeukira kukushandisa maanabolic steroid kuumba miviri mihombe uye tsandanyama dzakakura munguva pfupi isingabviri. Dr. William N. Taylor, mutezo weOlympic Drug Control Program yeUnited States, akanyevera kuti kushandiswa kweiyi mirimo kwakasvika “mwero yakapararira zvikuru.” Kunofungidzirwa kuti muUnited States moga, pwere dzine 250 000 dzinoshandisa masteroid.

“Dzvinyiriro yokushandisa masteroid mukoreji haidaviriki,” yakadaro imwe nyanzvi yenhabvu. Vamhanyi havafungi makore ane 20 pachine nguva mberi kuizvo zvingava zvinetso kana vakashandisa masteroid. Havafungi mazuva 20 pachine nguva mberi, zvikurukuru pamwero wavadzidzi vapakoreji. Kuita kwepfungwa dzomumhanyi, zvikurukuru pazera duku, kuri: Ndichaita chinhu chipi kana chipi chiri madikanwa kuti ndive mumhanyi mukuru.”

“Kana ndichida kuva mutambi,” akadaro mumwe mutambi nyanzvi yenhabvu anotsvaka kukwirira, “Ndinofanira kuishandisa. . . . Kune makwikwi akawanda zvikuru mukamuri rokusimudza masimbi. Unoda kuva mukuru uye akasimba gore rimwe nerimwe, uye unoona vamwe vakomana vachiwana uremu netsandanyama, uye unoda kuwana uremuwo. Kufunga kwakadaro kunonyengera.” Pasinei zvapo nokunzwa ikoko, zvisinei, uyu mumhanyi, pasina betsero yamasteroid, akava izvo akagadza kuva—nyanzvi yenhabvu. Anodavira kuti masteroid “ane ngozi zvikuru kumutambo kupfuura mirimo inotengeswa zvisiri zvapamutemo.”

Zvitsama zvikuru zvakanyorwa kwete bedzi navanachiremba asiwo naavo vakatambura tapuro dzakaipisisa dzinokuvadza dzamasteroid nemimwe mirimo yokukudza muviri. Kuita kwakakomba kwakaguma norufu.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vashandi vanotama vachikohwa gariki paGilroy, California

[Kwazvakatorwa]

Camerique/H. Armstrong Roberts

[Mufananidzo uri papeji 16]

Ko vadzidzisi havasi pamusoro saavo vakafanirwa nemibairo yavo here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vatambi vakuru veboka rebaseball vanopfuura 200 muUnited States vanotambira inopfuura mirioni yamadhora pagore

[Kwazvakatorwa]

Focus On Sports

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe