RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 3/8 pp. 3-4
  • Kusagona Kurava Nokunyora—Chinetso Chenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusagona Kurava Nokunyora—Chinetso Chenyika Yose
  • Mukai!—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kugona Kurava Nokunyora Pakati Pavanhu vaMwari
    Mukai!—1994
  • Ndinogona Sei Kutarisira Mari Yangu?
    Mukai!—1989
  • Kubetsera Vanhu Kurava
    Mukai!—1994
  • Zvakataurwa Zvinova Magwaro Matsvene—Kunyora Kwaiitwa nevaKristu Vekare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 3/8 pp. 3-4

Kusagona Kurava Nokunyora—Chinetso Chenyika Yose

Yakanyorwa nomunyori waMukai! muNigeria

ALMAZ anogara muEthiopia. Apo mwanasikana wake akarwara, chiremba akamunyorera bhotoro romushonga. Asi Almaz aisakwanisa kurava mwero wakarurama—aifanira kupa mwero wakadini, uye riini? Sezvineiwo, muvakidzani aigona kurava mirairidzo yamashandisirwe. Mushonga wakapiwa zvakakodzera, uye mwana akanaya.

Ramu murimi muIndia. Apo nguva yakasvika yokuti mwanasikana wake aroorwe, akasarudza kubatisa munda wake kuti akwerete mari kumukweretesi wemari womunzvimbomo. Sezvo aisagona kurava nokunyora, akashandisa munwe wake kusaina rugwaro rwaasina kunzwisisa. Mwedzi yakati gare gare Ramu akaziva kuti rugwaro rwaiva chibvumirano chokutengeserana—munda wake zvino wakanga wava womumwe munhuwo zvake.

Michael aishanda papurazi hombe muUnited States. Mutarisiri wake akamuudza kupa mombe zvokudya zvokuwedzera. Michael akawana masaga maviri akanyorwa ari mushedhi, asi aisagona kurava runyoro rwaiva paari. Akasarudza risiro. Mazuva anoverengeka gare gare, mombe dzakanga dzafa. Michael akanga adzidyisa muchetura. Akadzingwa basa nokukurumidza.

Kusagona kurava nokunyora—kushaya mano okurava nokunyora—kwakaita kuti Michael arasikirwe nebasa rake. Kwakaita kuti mushandirwi wake arasikirwe neboka remombe dzenyama yakanaka. Kwakaita kuti Ramu arasikirwe nomunda wake. Kungadai kwakaita kuti Almaz arasikirwe nomwana wake.

Mukuwirirana neUNESCO (United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization), vanopfuura chikamu chimwe chezvina vechiverengero chavakura venyika—vanopfuura varume navakadzi mamirioni 960—havagoni kurava kana kuti kunyora.a Munyika dziri kubudirira, mukuru mumwe chete muvatatu vari vose haagoni kurava nokunyora. Kufanana naAlmaz, Ramu, uye Michael, aya mamirioni haagoni kutsanangura revo yechiratidzo chomugwagwa, pepanhau, kana kuti ndima muBhaibheri. Kuva kwavo vasingagoni kurava nokunyora kunovaita vasingakwanisi kurava dura guru ramashoko rinowanika mumagazini namabhuku. Havagoni kunyora tsamba kana kuti kuzadza fomu rakapfava. Vazhinji havagoni kunyange kusaina zita ravo. Vasingakwanisi kukwikwidzana nokuda kwebasa uko kurava nokunyora kwehwaro zvinodikanwa, vazhinji vanoramba vasingashandi, unyanzvi hwavo husingashandiswi, mano avo asingakudziridzwi.

Izvi zviverengero hazvibatanidzi zviverengero zvikuru zvavakura avo vasingagoni kurava nokunyora nounyanzvi—vanogona kurava nokunyora pamwero wehwaro asi kwete zvakaisvonaka zvokugona kurava nokunyora zvinhu zvakaoma zvoupenyu hwezuva rimwe nerimwe. MuUnited States moga bedzi, vakura vasingagoni kurava nokunyora nounyanzvi vanosvika mamirioni 27.

Uye zvakadiniko nezvavana? Kunyange zvazvo zviverengero zvisina kukwana, sezvo nzvero dzisina kuitwa munyika dzose, United Nations Children’s Fund inokarakadza kuti mamirioni 100 avana vezera rechikoro munyika yose haasati achizotongopinda kamuri rekirasi. Mamwe mamirioni 100 haasati achizopedza kunyange dzidzo yehwaro. Kutaura idi, UN Department of Public Information inotaura kuti munzvimbo dzomumaruwa dzenyika dziri kubudirira, hafu bedzi yavana inogamuchira anopfuura makore mana edzidzo yehwaro. Uye mumarudzi akabudirira, vana vazhinji vanopedzera nguva yakawanda zvikuru pamberi peterevhizheni pane yavanopedzera muchikoro.

Vana vasingagoni kurava nokunyora kazhinji kazhinji vanokura kuva vakura vasingagoni kurava nokunyora. Chii chinobetsera kuichi chinetso chenyika yose? Chii chinogona kuitwa kubetsera akura asingagoni kurava kana kuti kunyora? Iyi mibvunzo icharangarirwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Asingagoni kurava nokunyora, sezvakarondedzerwa neUNESCO, munhu wezera ramakore 15 kana kuti mukuru uyo asingagoni kurava kana kuti kunyora nokunzwisisa, kutaura kupfupi kwakapfava pamusoro poupenyu hwake.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Vanopfuura chikamu chimwe chezvina chechiverengero chavakura chenyika hachigoni kurava kana kunyora

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe