Kugona Kurava Nokunyora Pakati Pavanhu vaMwari
MUNGUVA dzekare kwakanga kune mwero wakakwirira wokugona kurava nokunyora pakati pavanhu vaMwari. Anenge makore 3 500 akapfuura, Mosesi akanyora mabhuku mashanu okutanga eBhaibheri. Mutsivi wake, Joshua, akarairwa kurava Magwaro “masikati nousiku” kuti agobudirira mumugove uyo Mwari akanga amupa. Uye Mwari akaraira kuti madzimambo echiIsraeri, pakugara pachigaro choumambo, azvinyorere kopi yoMutemo ndokurava mairi zuva nezuva.—Joshua 1:8; Dheuteronomio 17:18, 19.
Kurava nokunyora zvakanga zvisina kuganhurirwa kuvatungamiriri vorudzi. Kunyange zvazvo kuchiratidzika sokufananidzira, murairidzo kuvaIsraeri wo“kunyora” mirairo yaMwari pamagwatidziro edzimba dzavo unoratidzira kuti vanhu vacho vaigona kurava nokunyora. Amosi aiva mupfuyi wamakwai, uye Mika aiva muporofita anobva mumusha womumaruwa; bva, vose vari vaviri vakanyora mabhuku eBhaibheri.—Dheuteronomio 6:8, 9; Amosi 1:1; Mika 1:1.
Jesu aigona kurava mipumburu yose yamanyoro yakafuridzirwa yaMagwaro echiHebheru mumasinagogi, umo, pane chimwe chinoitika, akarava pachena ndokushandisira ndima kwaari amene. Vaapostora vakewo vaigona kurava nokunyora, vachinokora mashoko nokunongedzera mazana enguva kuMagwaro echiHebheru mukunyora kwavo.—Ruka 4:16-21; Mabasa 17:11.
Vanhu vaMwari Nhasi
Jesu akaudza vateveri vake ku“ndoita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . [va]chivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose [akanga] araira.” Akadeya kutaurawo kuti “mashoko akanaka oumambo [aizo]paridzirwa mupasi rose rinogarwa.”—Mateo 24:14; 28:19, 20, NW.
Kufanana namaKristu omuzana rokutanga ramakore, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvakaita uku kutumwa kupfurikidza nokudzidzisa uye kuparidzira nokushingaira kupfurikidza neshoko romuromo. Vakaparadzirawo mashoko akanaka oUmambo kupfurikidza namabhuku. Chibviro cha 1920, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa nokugovera maBhaibheri, mabhuku, magazini, uye mabhukwana anopfuura mabhirioni mapfumbamwe muinopfuura mitauro 200.
Mamirioni kupote nyika yose akadavidza zvakanaka, achiva vadzidzi vaKristu. Pakati pawo pane varume navakadzi avo vasingagoni kurava nokunyora. Ava vasingagoni kurava nokunyora havasi maKristu enhando—vazhinji vakabatira Mwari nokutendeka kwamakumi amakore, vakatsungirira kutambudzwa kworudzidziso, uye vakaratidza rudo rwavo nokuda kwaJehovha kupfurikidza nochengeta mirairo yake.—1 Johane 5:3.
Vazhinji vavo vanoshuva kurava nokunyora, vachiziva kuti kugona kurava nokunyora ndicho chinhu chinokosha chichavhura nzira kukugoverana kukuru zvikuru mukunamata kwavo Mwari. Pamisangano, vanoda kutevera kuraviwa kweBhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu, uye vanoda kurava mashoko enziyo kuti vagone kuimba nehama nehanzvadzi dzavo dzomudzimu. Pamusha, vanoshuva kuzvivaka vamene nemhuri dzavo kupfurikidza nefundo yeBhaibheri. Muushumiri, vanoshuva kudzidzisa vamwe zvokwadi yeShoko raMwari pasina kutsamira pane mumwe munhuwo zvake kuvaravira.
Kudzidza Kurava
Zvichidavidza kuichi chinodikanwa, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga kubetsera kusimudzira kugona kurava nokunyora kupfurikidza neungano dzazvo uye pahwaro hwomunhu oga. Kupota nyika yose, zvakadzidzisa varume navakadzi vasingaverengeki. MuNigeria bedzi, Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa vanopfuura 23 000 kurava nokunyora. Mumwe waava aiva Effor. Anotsanangura, kuti:
“Ndakavamba kurava nokunyora muna 1950 apo ndaiva namakore 16 okukura. Kirasi yokurava nokunyora yaiitiswa neZvapupu zvaJehovha. Taishandisa bhuku rakabudiswa neWatch Tower Society, uye taipiwa migove yokurava kuti tindoitira kumba.
“Ndakanzwa kuti kusagona kwangu kurava nokunyora kwakanga kwakafanana nechirwere. Ndaida kutsanangura Bhaibheri kuvakoma vangu neshamwari, asi ndisingakwanisi kurava nokunyora, ndaisagona kuita ikoko zvakanaka. Chakandisunda kudzidza chaiva chishuvo changu chokuparidzira nokudzidzisa vamwe kuva vadzidzi vaKristu. Ndainyora pachinhu chipi nechipi chandaigona kuwana, kunyange pamashizha omubhanana. Chishuvo changu chokurava nokunyora chakanga chiri chikuru zvikuru zvokuti ndaipfuurira kurota pamusoro pokudzidzira kurava nokunyora. Ndaikumbira vamwe kundibetsera; ndakanga ndisinganyari pamusoro paikoko. Ndinoyeuka ndichinyorera shamwari tsamba uye ndichipa tsamba dzacho kuavo vakaenda kuchikoro kuti varuramise.
“Kwakanditorera gore kudzidza mukirasi yeungano yokurava nokunyora. Pashure paikoko ndakagoverwa kudzidzisa kirasi yacho. Ikoko kwakandipa banza rokubetsera vamwe vazhinji.
“Chikoro ichocho chakandibetsera zvikuru zvokuti kwamakore, ndakaropafadzwa kushandura zvinoitika zveSosaiti kubva muchiNgezi kuenda kuchiIsoko, mutauro wangu wechizvarirwo. Kunze kwaizvozvo, ndakabatira somutariri weungano chibviro chama 1960. Muma 1980, ndakabatira somutsivi womutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Ndakaropafadzwawo kuitisa Chikoro Chebasa Roupiona [chikoro nokuda kwavashumiri venguva yakazara] uye kaviri kurairidza paChikoro Choushumiri hwoUmambo [chikoro nokuda kwavakuru vechiKristu]. Ndinoziva kuti kudai ndakanga ndichiri asingagoni kurava nokunyora, ropafadzo idzi dzose dzingadai dzisina kutongopiwa kwandiri.
“Ndinoonga sei iyi gadziriro yokudzidzisa vanozvininipisa kurava nokunyora! Pane dzimwe nguva apo ndinorara usiku, ndichiri anoonga Jehovha kuti handichisiri asingagoni kurava nokunyora munyika ino yazvino uno.”
Musiki wedu, Jehovha Mwari, akapa norupo rudzi rwomunhu mwero wokurava nokunyora. Asi uhwu unyanzvi hahuwanikwi pasina nhamburiko. Mubairo mukurusa nokuda kwokudzidza kurava nokunyora ndowokukwanisa kurava Shoko raMwari ndokuteerera mirairidzo youmwari: “Unofanira kuirangarira masikati nousiku.”—Joshua 1:8.
[Bhokisi riri papeji 9]
Nzira DzokubetseraNadzo Vana Venyu Kukudziridza Rudo Rwokurava
● Gadzai muenzaniso kupfurikidza nokurava nguva dzose imi mumene. Vabereki vanorava sezvinobvira vachava navana vanorava.
● Taurai kumwana wenyu kubva paucheche. Kuratidzirwa kumutauro une revo kunobetsera vana kunzwisisa mashoko nepfungwa izvo zvichaita kudzidza kurava kuve nyore.
● Ravirai vana venyu nguva dzose. Apo vanobatwa pamakumbo ndokuravirwa, vacheche vanova nomurangariro wokuti mashoko namabhuku zvakanaka, kunyange apo vanenge vasati vakura zvakakwana kunzwisisa nhau iri kuraviwa. Pfuurirai kuravira vana venyu pashure pokunge vadzidza kuzviravira vamene. Vadzidzisi vechikoro vanobetsera vana kudzidza nzira yokurava nayo, asi vabereki vanogona kuita zvakawanda kuvabetsera kufarikanya kurava. Vana vanofarikanya kunzwa vanzwazve nhau dzavo dzavanoda zvikuru.
● Itai kuti mabhuku awanikwe nokuda kwavana venyu kuti varave pamusha.
● Kurudzirai vana venyu kunyora. Kazhinji kazhinji mwana anonyora muraviwo.
● Sarudzai nhambo chaiyoiyo yezuva nezuva nokuda kwokurava kwemhuri. Itai majana okurava, uye ipapo kurukurai mashoko pamwe chete. Idzi nguva dzinofanira kuva dzinofarikanyika uye dzinovaka.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Vanhu vanotya Mwari vomunguva dzekare vaiziva kurava nokunyora