RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 3/8 pp. 4-7
  • Kubetsera Vanhu Kurava

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubetsera Vanhu Kurava
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushaikwa Kwebanza
  • Rondedzero yoMudzidzi Akura
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 3/8 pp. 4-7

Kubetsera Vanhu Kurava

MAMIRIONI aya ndivanaani vasingagoni kurava kana kunyora? Zvikurukuru ndivo vane mutoro, vagari vemo vanoshanda zvakaoma. Munyika dziri kubudirira, vanogovera zvokudya, zvipfeko, uye pokugara nokuda kwavazhinjisa vechiverengero. Munyika dzakabudirira, vanoshanda basa iro munhu upi noupi asingadi kuita—mabasa anonetesa, anodzokororwa, uye akaderera, bva anokosha kunzanga.

Kazhinji kazhinji, kushaikwa kwebanza ndicho chikonzero nei vanhu vasingavi nounyanzvi hwokurava nokunyora. Seboka, vasingagoni kurava nokunyora havazi mapenzi, vasingazivi, kana kuti vasingakwanisi. “Handina chinetso chokufunga,” akadaro mudzidzi chaiyeiye. “Chinetso changu chinongova bedzi kurava.”

Kushaikwa Kwebanza

Nokuda kwavazhinji, kusagona kurava nokunyora kwakabatanidzwa nourombo. Pamwero wemhuri, urombo hunoreva kuti vanhu vanoitira hanya zvikuru kuwana zvokudya kupfuura zvavanoita mukuwana dzidzo. Apo vana vanodikanwa pamba kuti vashande, havaendi kuchikoro. Vazhinji vanoenda havapfuuriri ikoko.

Urombo hunoparira kuvadziko pamwero worudziwo. Marudzi ari kubudirira aremerwa nechikwereti chedzimwe nyika anomanikidzirwa kupedzera mari shoma padzidzo. MuAfrica, somuenzaniso, hwerengedzo inopedzerwa padzidzo yakaderedzwa neinodokusvika 30 muzana mukati mehafu yokutanga yama 1980. Nepo nyika dzakapfuma dzichipedza inopfuura Z$42 000 pagore pamwana mumwe nomumwe wadzo wechikoro, nyika dzine urombo muAfrica neSouth Asia dzinopedza Z$14,00 bedzi pamwana mumwe nomumwe. Muuyo wacho zvikoro zvishomanene zvikuru uyewo vadzidzisi vana vana vazhinji zvikuru mumakirasi avo.

Hondo nezvimurenga zvavagarivemo zvinobetserawo kukusagona kurava nokunyora. United Nations Children’s Fund inokarakadza kuti vana mamirioni manomwe vanopera simba mumisasa youtiziro, umo zvivako zvedzidzo zviri zvishoma. Munyika imwe bedzi yeAfrica, vana mamirioni 1,2 vari pasi pamakore 15 ezera havana kukwanisa kupinda chikoro nemhaka yehondo yavagari vemo inotambudza.

Avo vanorasikirwa nebanza muupwere dzimwe nguva vanova nebanza rokudzidza kurava nokunyora gare gare muupenyu, asi havasi vose vanonzwa kuti kunokosha. Pamusoro pezvavasingagoni kurava nokunyora vomumaruwa, bhuku rinonzi Adult Education for Developing Countries rinodudza, kuti: “Akura akagona kurarama asingaravi nokunyora haawanzowanika, kunze kwemuzvinoitika chaizvo, kuva nechishuvo chikuru chokurava nokunyora. . . . Nepo kungava kwenhema chose chose kugumisa kuti anogutswa chose chose nomugariro wake, angasava asingagutsikani zvakakwana kuda kuita zvakawanda kwazvo kukuchinja.”

Bva, vazhinji vane chishuvo chakasimba chokuzvivandudza. Chokwadika, sundo dzinosiana. Vamwe vanongoda bedzi kuvandudza dzidzo yavo uye kunzwa kwokukosha kwomunhu oga. Vamwe vanosundwa nezvikonzero zvemari. Avo vasina basa vanofunga kuti kugona kurava nokunyora kuchavabetsera kuwana rimwe; avo vane basa vangatsvaka riri nani.

Dzichiziva kusanobatana kuri pakati pokugona kurava nokunyora nokubudirira payose iri miviri mwero womunhu oga noworudzi, hurumende namasangano zvakavamba mapurogiramu okudzidzisa kurava nokunyora vakura. Ibasa rinodenha rinoda kunzwira urombo kwavadzidzisi uyewo kunzwisiswa kwamavara akasiana omudzidzi akura.

Rondedzero yoMudzidzi Akura

Avo vanodzidzisa vakura vanofanira kuziva misiano iri pakati pavadzidzi vakura navadzidzi vaduku. Hunhu, miitiro, zvimiro zvendangariro, uye fariro zvakaiswa zvakasimba muvakura kupfuura muvana, kuchiita akura akaomarara zvikuru naanogamuchira zvishoma kuchinja. Kuno rumwe rutivi, vakura vane zvinoitika zvakawanda pokuvakira uye vanokwanirisa zviri nani zvikuru kuita mufungo wamaidi kana kuti murangariro izvo zvinogona kuvhiringidza vaduku. Kazhinji kazhinji havana nguva yakasununguka yakawanda seina vana. Mumwe musiano unokosha zvikuru ndowokuti vadzidzi vakura, mukusafanana navana, vane rusununguko rwokurega dzidzo yavo panguva ipi neipi.

Vazhinji vakura vasingagoni kurava nokunyora vane unyanzvi hwakasiana uye vakabudirira mumativi oupenyu; vanongova vasina kukudziridza unyanzvi hwokurava nokunyora bedzi. Mudzidzisi wokurava nokunyora anofanira kuvakurudzira kushandisa kuchinjika, kuva namano okuita zvinhu, uye tsungiriro zvavakaratidzira mune mamwe mativi oupenyu.

Kunoda ushingi kuti asingagoni kurava nokunyora abvume zvinodikanwa zvake uye kutsvaka betsero. Kunyange zvazvo migariro navanhu vamwe navamwe zvichisiana, vakura vazhinji vanodzidzira kurava nokunyora norutyo uye kushaikwa kwechivimbo. Vamwe vangava nenhau refu yekundikano mukudzidza. Vamwe vangafunga kuti vakura zvikuru zvokusagona kudzidza zvinhu zvitsva. “Kwakaoma kudzidza kuita chimwe chinhu chitsva kana kuti chakasiana apo munhu anenge asiri muduku,” chinodaro chirevo cheNigeria.

Vadzidzisi vanogona kuvaka chivimbo ndokuchengeta fariro kupfurikidza nokukurumidza kubvuma uye kurumbidza fambiro mberi. Zvidzidzo zvinofanira kuumbwa kuderedza kundikano yokudzidza uye kuva nechokwadi chokuwana kubudirira kunodzokororwa kwenharidzano dzokudzidza. Bhuku rinonzi Educating the Adult rinodudza, kuti: “Kupfuura zvose, budiriro ndicho zvichida chinhu chikuru chimwe chete musundo inopfuurira.”

Vakura kazhinji kazhinji vanoziva chavanoda kubva muzvinoitika zvedzidzo uye vanokarira kuona fambiro mberi yapakarepo kunharidzano dzavo. Mumwe purofesa wedzidzo yavakura muAfrica akati: “Vanoda kuvamba kosi yefundo, kudzidza zvavanoda kuziva nokukurumidza napakunobvira napo, ndokupedza kosi yefundo.”

Pane dzimwe nguva nharidzano dzinogadza mudzidzi dzinopfuura dzaanogona kusvitsa munhambo yenguva yakaganhurirwa. Kubva pamavambo mudzidzisi anofanira kubetsera mudzidzi kugadza nharidzano dzapakati, dzenguva pfupi ipapo ndokubetsera mudzidzi kudzisvitsa. Somuenzaniso, ngatitii muKristu anonyoresa mukirasi yokurava nokunyora nemhaka yokuti anoda kudzidza kurava Bhaibheri nezvinyorwa zveBhaibheri. Idzi inharidzano dzenguva refu. Mukudzishandira, mudzidzisi anogona kukurudzira mudzidzi kugadza nharidzano dzapakati, dzakadai sokuziva arufabheti nomusoro, kutsvaka ndokurava magwaro akasarudzwa, uye kurava muzvinyorwa zveBhaibheri zvakapfaviswa. Kusvitsa nharidzano nguva dzose kunochengeta sundo ndokunyandura mudzidzi kuramba achidzidza.

Vadzidzisi vanobudirira vanogona kuita zvakawanda kunyandura sundo kupfurikidza nokukurudzira nokurumbidza vadzidzi vavo uye kupfurikidza nokuvabetsera kushandira nharidzano dzinoshanda, dzinosvikika. Bva, kuti vagobudirira, vakura havafaniri kukarira kuitirwa zvinhu zvose. Vanodikanirwa kuva vanodisa kutakura mutoro nokuda kwedzidzo yavo vamene uye kushanda zvakaoma pakudzidza. Mukuita kudaro, vachadzidza kurava nokunyora, uye uhwu unyanzvi huchachinja upenyu hwavo.

[Bhokisi riri papeji 6]

Nhungamiro DzokudzidzisaVakura Kurava Nokunyora

1. Kunokosha kunyandura sundo mumudzidzi. Kubva parusando rwokutanga, simbisai betsero dzokudzidza kurava nokunyora, ndokukurudzira mudzidzi kugadza nharidzano dzenguva refu nedzenguva pfupi dzine mufungo.

2. Kuti aite fambiro mberi mudzidzi anofanira kuraidzwa kanoverengeka pavhiki. Kamwe pavhiki hakana kuringana. Mudzidzi anofanira kuita basa rinoitirwa kumba pakati pezvidzidzo.

3. Musava vanonyanyoraira kana kuti kukurira mudzidzi namashoko akanyanyowandisa murusando rumwe. Ikoku kungamuparira kuva anoodzwa mwoyo ndokumira kupinda zvidzidzo.

4. Ivai vanokurudzira nomutoo unowirirana nguva dzose uye vakananga. Unyanzvi hwokurava nokunyora hunokudziridzwa munhanho duku, dzakatevedzana. Mudzidzi anofanira kuwana gutsikano mufambiro mberi yake.

5. Kurudzirai mudzidzi kushandisa izvo ari kudzidza nokukurumidza napakunobvira napo muupenyu hwake hwezuva nezuva.

6. Musapedzera nguva padzimwewo nhau zvadzo. Vakura vanhu vakabatikana. Itai marusando omurairidzo zvikuru kwazvo sezvamungagona kudzidzisa zvinokosha.

7. Nguva dzose ivai vanoremekedza mudzidzi, muchimupa ruremekedzo rwaakafanirwa narwo. Musatongomutsamwisa kana kuti kumuzvidza.

8. Ivai vakamuka kuzvinetso zvomunhu mumwe nomumwe. Mudzidzi angava asingagoni kurava mabhii maduku nemhaka yokuti anoda magirazi. Mumwe angava nechinetso chokunzwa nokudaro angakukuwana kwakaoma kunzwa kududzwa kwakarurama kwamashoko.

9. Mudzidzi anofanira kudzidza kupirinda arufabheti noruoko (yakatsikirirwa) asati aedza kunyora mubatanidzwa mabhii (umo mabhii anobatanidzwa pamwe chete). Kunyora mabhii asina kubatanidzwa kuri nyore zvikuru kudzidza uye kuri nyore zvikuru kuita, uye mabhii anosanotodzana naayo ari papeji rakatsikirirwa.

10. Nzira yakanaka yokudzidzisa manyorerwe amabhii kuita kuti mudzidzi aatevedzere kubva pamuenzaniso. Angatevedzera bhii kanoverengeka pamberi pokuedza kurikopera asingaritevedzeri.

11. Fambiro mberi mukurava kazhinji kazhinji inokurumidza zvikuru kupfuura fambiro mberi mukunyora. Musanonotsa zvidzidzo zvitsva zvokurava kana mudzidzi asingagoni kuita basa rinoitirwa kumba mukunyora. Kuno rumwe rutivi, yeukai kuti mabhii matsva anodzidzwa ndokuyeukwa zviri nyore zvikuru kana mudzidzi akadzidzira kuanyora.

12. Kunyange zvazvo mudzidzi akura angakwanisa kuita mabasa akaoma namaoko, kunyora nepeni kana kuti penzura kungava chinoitika chakaoma nechinokangaidza nokuda kwake. Musaraira mabhii anoitwa zvakaisvokwana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe