RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g89 7/8 pp. 10-12
  • Ndinogona Sei Kutarisira Mari Yangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kutarisira Mari Yangu?
  • Mukai!—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mari—Chikonzero Nei Ichikosha Kudaro
  • Ukoshi Hwokuronga Mari Inoshandiswa
  • Ngwarira Nezvikwereti
  • ‘Mari Inochengetwa . . . ’
  • Mwana Wangu Anofanira Kuenda Kuchikoro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vaduku—Munobaya Mwoyo Yevabereki Venyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1989
g89 7/8 pp. 10-12

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kutarisira Mari Yangu?

UNORANGARIRA sei pamusoro pemari? Ndichimwe chinhu chokupambadza nenzira yaunoda here? Ndichimwe chinhu chinoda kuchengetwa kunyange kutarisirwa here? Nomutoo wakajeka, dzichiziva kuti vabereki vadzo varipo kuti vadzigovere, pwere zhinji, hadzirangariri pamusoro pemari—kunze kwokuti dzingaishandisa sei.

Hunyanguvezvo, nguva dzose ungave usati una vabereki vangabatira sekotsekano. Kupfuurirazve, idiwo zvaro rokuti iwe une basa rapashure pechikoro kana kuti kunyange mvumiro yakati kuti harizati richireva kuti iwe unogona kutsunga kuva asingangwariri nemari. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Wakaita kuti meso ako aironge [mari], apo isati iri chinhu here? Nokuti pasina kukundikana iyo inozviitira imene mapapiro akaita seawo egondo ndokubhururukira kumatenga.” (Zvirevo 23:5) Ungagona sei kudzivisa mari yako pa‘kubhururuka’? Kutanga, iwe unofanira kunzwisisa zviri zvinobatanidzwa nemari.

Mari—Chikonzero Nei Ichikosha Kudaro

Mari mutoo wokutsinhana nawo—uye mutoo une simba pana ikoko. Encyclopædia Britannica rinoreva kuti “mari ndiyo chinhu bedzi bedzi chaunogona kutenga nacho chinhu chipi nechipi.” Somuenzaniso, nhepfenyuro yako ingarangarirwa somudziyo (chimwe chinhu chinokosha). Asika fungidzira hako uchiedza kuitsinhanisa kana kuti kuishambadza nokuda kwechingwa zvacho. Nhepfenyuro ingava inopfuura zvikurukuru ukoshi hwechingwa. Asi kana muzvinashopu yebhekari asingadi nhepfenyuro yako, iye sezvinopanikirika angasakupa chingwa nokuda kwayo. Nhepfenyuro yako ingavawo bedzi isingabetseri! Mari, kunyange zvazvo zvakadaro, inoremekedzwa munyika yose.a Nokudaro inokurumidza uye nyore nyore kutsinhaniswa nokuda kwezvinhu zvipi kana zvipi kana kuti mabasa aunoda.

Nomutoo wokuchenjera, ipapoka, Soromoni akataura pana Muparidzi 7:12 kuti “mariwo chitaviridzo.” Nokudaro mari chinhu chikurusa chokuva nezvinhu zviri madikanwa uyewo mifaro mizhinji youpenyu. Sokupfuurira kutaura kwakaita Soromoni, kuti: “Tafura rine mufaro waro, uye waini inoita upenyu hunofadza; uye mari ndiyo chisakiso chakwo kwose.”—Muparidzi 10:19, The New English Bible.

Asika, mari haizati ichiwanzowanwa nyore nyore. Vabereki vazhinjisa havazati vane manyuko asina kuganhurirwa emari; vanofanira kushanda nesimba nokuda kwezvavanogoverana newe. Soromoni akabvunza, kuti: “Ko munhu anosvika pakuva nechii nokuda kwebasa rake rose resimba?” (Muparidzi 2:22, NW) Vabereki vako vangagutsikana zvishoma—uye muripo muduku—nokuda kwebasa ravo resimba. Chokwadika, vabereki vanoshanda kubvira mangwanani kusvikira usiku kuti vagovere bedzi mhuri dzavo nezviri madikanwa zvoupenyu!

Mari, ipapoka, haisati ichifanira kurerutswa. Inofanira kurangarirwa noruremekedzo ndokutarisirwa nomutoo wokuchenjera. Nzira imwe yokuita nayo ikoku ndeyokudzidza kuronga mari yako inoshandiswa.

Ukoshi Hwokuronga Mari Inoshandiswa

Kuronga mari inoshandiswa kunongova bedzi mutoo wokutarisira nawo kushandiswa nokuchengetwa kwemari yako. Magazini ye’Teen yaMay 1985 yakati: “Kuwana uko madhora ako ose ari ‘kunyangarikira’ ndiyo nhano yokutanga yokuwana udzori pamari yako ndokuzviisa iwe umene pakurongwa kwemari inoshandiswa iyo ichakubetsera.” Naizvozvo kutanga ita rudungwe rwendyiko dzako dzose dzinokarirwa—mari yezvokudya zvamasikati, mari yezvokufambisa, mari yevaraidzo, zvichingunodaro. Tevere, ramba uchinzvera ndyiko dzako chaidzoidzo nokuda kwomwedzi kana kuti inopfuura. Zvino wokwanisa kuita nharidzano dzino mufungo uye chaidzoidzo dzokushandisa mari nokuchengeta.

Kana izvozvi zvangotangwa bedzi, ungaedza kutora emvuropu dzakati kuti ndokudzinyora mukuwirirana neboka rimwe nerimwe rendyiko. Emvuropu imwe, somuenzaniso, inganyorwa kuti “Mari Yezvokudya,” nepo imwe inganyorwa nokuda kwokutenga kumwe kwomunguva yemberi, kwakadai se“Bhurauzi Idzva” kana kuti “Hembe Itsva.” Paunogamuchira mvumiro yako kana kuti muripo, kamuranisira mari mumaemvuropu mukuwirirana nenharidzano dzako dzakagadzwa. Apo ndyiko dzinobuda, dziripire kubva mumaemvuropu akakodzera.b

Wati wamboedza kutevera kurongwa kwemari inoshandiswa ndokukundikana here? Hauzati uri woga bedzi. Leah, imwe mhandara, yakati: “Ndakaedza kuronga mari yangu inoshandiswa pachiverengero chakati kuti chenhambo, asi handigoni kusanoomerera kukurongwa kwemari yangu.” Zvisinei, iye anobvuma, kuti: “Apo ndinoronga mari yangu inoshandiswa, ndinochengeta mari zviri nani zvikuru. Handizati ndichitenga zvinhu zvandisingashaiwi.” Chii chiri chinhu chikuru chorubudiriro? Kuzviranga. Ita chisarudzo ndokuomerera kwachiri! Inzwa wakasunungukawo, kunyengetera kuna Jehovha kukubetsera kudzora miitiro ipi neipi yokusazvidzora yokushandisa mari.—Ruka 11:13.

Nomutoo unofadza, muapostora Pauro akakarakadza kuti maKristu omuKorinte “aronge” imwe yemari yawo, achiti: “Zuva riri rose rokutanga revhiki mumwe nomumwe wenyu paimba yake amene ngaatsaure chimwe chinhu achengete.” (1 VaKorinte 16:1, 2, NW) Mariyo ipapo yaizopirwa kumari chaidzo nokuda kwamaKristu anoshaiwa. Mukusapanikira kwaida kuzviranga chaikoiko kuti maKristu iwawo eKorinte atevere chikarakadzo chomuapostora Pauro, asi zvikomborero zvakaita kuti nhamburiko yakadaro ive yakakukodzera!

Iwewo pasina panikiro unobetserekana nokuomerera pakurongwa kwemari. Imwe pwere inonzi Avian inoti: “Ini ndakanga ndakaita somunhu anodudzwa pana Zvirevo 21:5, “unokurumidzisa” uye ‘unogovangira kushaiwa’ pamberi pezuva rinotevera rokutambira. Kuronga mari kunondiita ndive ane mutoro zvikuru.”

Ngwarira Nezvikwereti

“Tenga zvino ungoripira gare gare!” vanokurudzira kudaro vatengesi vazhinji. Chichishandiswa nomutoo wokungwarira uye nomutoo wokuchenjerera, chikwereti zvamazvikwazvo chine nzvimbo yacho. Zvisinei, chichishandiswa nomutoo wokusangwarira chikwereti chinogona kuva izvo imwe pwere inonzi Kevin yakaidza kuti “chimiro chouranda.”—Enzanisira naZvirevo 22:7.

Nokuda kwedzimwe pwere, chikwereti chinongokuita kuve nyore kutenga zvinhu zvadzisingashaiwi kana kuti zvadzisingagoni kutsunga kutenga. Uye kana usingapedzi kuripira mari yako yasara pakupera kwomwedzi, iwe unochanjwa mhindu pane zvaune ngava nazvo. Kana ukatora nguva refu kuripira, chinhucho chinoguma nokuchanja mari yakawanda. Naizvozvo, pakupedzisira, kwakachipa kuchengeta mari yako nokuda kwechaunoshaiwa ndokuchiripira nemari.

‘Mari Inochengetwa . . . ’

Imwe mhandara inonzi Phyllis yakati: “Hatizati tichitongoziva apo zvitambudzo zvino uya patiri uye tichadikanirwa kuva nemari yakachengetwa.” (Enzanisira Muparidzi 9:11.) Zvamazvirokwazvo, unogona kurwara ndokusakwanisa kuva nebasa. Vabereki vakowo vangawirwa nenguva dzinotambudza ndokuva vasingakwanisi kukupa mari yawakabvumirwa. Naizvozvo kunoita mufungo wakanaka kubatanidza mukuronga mari kwako chitsama chakati kuti chinotsaurwa chemari inochengetwa. Ikoku kunogona kukubetsera kudzivisa chinetso chemari nomutoo uri nyore zvikuru.

Zvino gaba kana kuti kabhokisi kangaratidzika kuva nzvimbo yakanaka yokuchengetera mari yako. Jesu, kunyange zvazvo zvakadaro, akataura nezvokuisa mari mubhengi umo inogona kuwana mhindu ndokuwedzera. (Mateo 25:27) Ipapoka, huregererei kukurukura navabereki vako faniro yokuvhura bhuku rako umene reakaundi kubhengi? Haudikanirwi hako kuva nechitsama chikuru chemari kuti uite kuti gadziriro yokuchengeta mari kubhengi ishande, kunyange zvazvo kune dzimwe nzvimbo chitsama chakaringanira chichidikanwa kudzivisa kuchanjwa kwebasa. Chinhu chikurusa chorubudiriro ndechokuva wenguva dzose mukubhanga mari yako.

Zvakadiniko, kunyange zvazvo zvakadaro, kana mhuri yako isine chinhu kana kuti ichigara munyika isine chimuko mune zvemari umo pwere dzisingagarova nemari yadzo dzimene inoshandiswa? Hunyanguvezvo, mhuri yako ine zvimwewo zvinhu, kunyange zvazvo zvingava zvishoma. Asi kana chimiro chako chendangariro kupfuma yemhuri chiri chokuti sezvo ‘uchiiwana nyore nyore, uchaipambadza nyore nyore,’ ungarwisana nefariro dzako umene uye nedzemhuri. Zvamazvirokwazvo, iwe hausati waizoda kubvumikisa kuva “asingaongi” pakureva nezvezvinhu vabereki vako vanoshanda nesimba kuti vagovere.—Zvirevo 29:21.

Naizvozvo ratidzira chimiro chendangariro chokuva nomutoro kumari—kunyange kana une mari shomanene kana kuti usina yako umene. Somuenzaniso, iwe unogona kudzivisa kupambadza zvinhu, zvakadai sezvinhu zvokudya. (Ona Johane 6:12, 13.) Bata zvinhu zvakaoma kutsiva nezvinodya mari yakawanda, zvakadai samagirazi okuona nawo nemigove yechikoro, noruremekedzo. Pasina panikiro vabereki vako vachaonga zvikurukuru ngwariro yako muna ikoku.

Zvirevo 11:28 inotiyeuchidza, kuti: “Unovimba nepfuma yake, uchawa; asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.” Mari inofanira kubatira kutarisira zvinoshaikwa zvedu. Asi muKristu haazati achifanira kubatikana nokuwana pfuma. Sokutaura kunoita imwe pwere inonzi Matthew, kuti: “Mari ine nzvimbo yayo, asi iyo haizati iri chinhu chose.” Inongova bedzi mudziyo, zvamazvirokwazvo, “chitaviridzo.” (Muparidzi 7:12) Dzidza kushandisa mari nomutoo wokuchenjeri, wokungwara. Nyaya inotevera ichatsanangura mutoo wokushandisa nawo mari yako nomutoo wokuchenjera kutarisira misengwa yako umene neyemhuri.

[Mashoko Omuzasi]

a Musiano mumwe kuna ikoku waizova munyika umo kuderera kwoukoshi hwemari kwakaita kuti mari inoshandisika yamarudzi ive isitongorina maturo.

b Ona nyaya inoti “Budget Your Money—The Easy Way” inooneka muna April 22, 1985, chinyorwa chechiNgezi chaMukai!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]

“Pandinenge ndaronga mari, ndinochengeta zviri nani zvikuru. Handizati ndichitenga zvinhu zvandisingashaiwi”

[Mufananidzo uri papeji 12]

Pwere dzine mutoro dzinochengeta nomutoo wokuchenjera imwe yemari yadzo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe