RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 6/8 pp. 16-18
  • Ndinogona Sei Kugonana Nohurema Hwangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kugonana Nohurema Hwangu?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Musungo Wokufunga Kwokushuvira
  • Ita Nezivo
  • Zvikurudzire Umene!
  • Usaedza Kugonana Pasina Betsero Yavamwe
  • Neiko Ndichifanira Kutambura Nohurema?
    Mukai!—1993
  • Nei Ndichirwara Zvakadai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndichafanana Nomukoma Wangu Here?
    Mukai!—1993
  • Kugara Nekusakwanisa Kudzidza
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 6/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kugonana Nohurema Hwangu?

“ACHIRI kugona kufamba,” vanodaro amai vomusikana muduku watichadana kuti Maggie. “Asi haagoni kuita kuti mativi akati omuviri wake ashande pamwe chete, uye kutaura kwake kwakavhiringidzwa.” Maggie ane zvinetso zvinoverengeka uye ndomumwe wamamirioni epwere munyika yose anotambura kuvadziko yomuviri.

Zvichida uri mumwe wavo. Uye kana wakazvarwa une hurema kana kuti wakahuwana somuuyo wokurwara kana kuti tsaona,a hapana chikonzero chokugumisa kuti upenyu hwako hahugonizve kuva nomufaro. Nenhamburiko yokushivirira kurutivi rwako, unogona kuita nhano dzakananga dzokugonana nenzira inobudirira nomugariro wako.

Musungo Wokufunga Kwokushuvira

Chokwadika, ndekwomuzvarirwo kusada kugamuchira huchokwadi husingafadzi asi kukarira nokusafara kuti kuvadziko yacho ichangobva hayo. Muapostora Pauro sezviri pachena akatambura rudzi rwakati rwokurwara uko kwakatapura kuona kwake. (Enzanisa naVaGaratia 6:11.) Achinongedzera kushanyo yake yokutanga kumaKristu omuGaratia, Pauro akati: “Ndakakuparidzirai Evhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama; nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muidzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema.” (VaGaratia 4:13, 14) Vamwe vazivi vanofunga kuti nhamo yaPauro yakaparira maziso kubudisa urwa kana kuti neimwe nzira kwakaita kuti chitarisiko chake chive chakashata. Hakushamisi, ipapoka, kuti Pauro “akakumbira Ishe zvikuru katatu” kuti chirwere chibve. Asi hachina. (2 VaKorinte 12:8, 9) Pasinei zvapo nohurema hwake, kunyanguvezvo, iye akafarikanya basa rakatanhamara somufundisi, muzivi, uye munyori.

Iwewo ungatofanira kubvuma kuvadziko yako kuva yechigarire. Mubhuku rinonzi Living With the Disabled, munyori Jan Coombs anonyora, kuti “Kuti murwere agadziridze hurema hwake anofanira kutanga kubvuma kuti iye akaremara. Anofanira kudzidza kuti ganhuriro yake ingamuganhurira nokumutadzisa asi haimurerutsi somunhu.” Kana pasina tariro yakasimba yokurapwa, kuramba huchokwadi hwomugariro wako kuchangobatira bedzi kukuisa mumugariro wokuzvipomera, wokunetseka, uye wokuodzwa mwoyo. Pane rumwe rutivi, “uchenjeri huri kuna vanozvininipisa,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 11:2, uye munhu ane mwero anoziva uye anogamuchira ganhuriro dzake. Ikoku hakusati kuchireva kuva zindoga kana kuti kugutsikana nokuvapo kusingafadzi, kusina mufaro. Panzvimbo pezvo, kuva nemwero kunobatanidza kugamuchira zvapachokwadi mugariro wako uye kugadza nharidzano chaidzo.

Ita Nezivo

Unodawo zivo yakarurama yomugariro wohurema hwako. “Mumwe nomumwe, wakangwara, unoita nokuziva,” inodaro Zvirevo 13:16. (Enzanisa naZvirevo 10:14.) Ikoku kungareva kurava mamwe amabhuku ezvokurapa kana kuti kubvunza mibvunzo yakananga pamusoro pachiremba wako navamwe varapi vanokurapa. Kuzvidzidzisa umene muna ikoku kunogona kukusunungura pamirangariro ipi neipi isina kunaka inokudzivisa kusvika bviro yako.

Kungabetserawo kuramba wakavambirana neenderero mberi dzezvokurapa nemishonga zvingagona kuvandudza mugariro wako. Somuenzaniso, makumbo okuisirwa (prostheses) kushandisa zvinhu zvitsva, zvakareruka akaitwa ayo anobvumira nyaradzo huru nokuchinjika kwokufamba. Zvamazvirokwazvo, magazini yeTime inoshuma nezve“wedzero yakamwe kamwe muchiverengero” chemidziyo inobetsera nokuda kwavanhu vamwe navamwe vane hurema. Zvichida zvinhu zvakadaro zvinowanika munzvimbomo uye zvinogona kutengwa nemhuri yenyu.

Midziyo yakasanogadzirwa, yakadai seyamuro dzokunzwa, madondoro, makirachi, uye simbi dzinobatsira makumbo asina simba, zvingabetserawo zvikuru. Zvino, dzimwe pwere dzinganzwawo dzichikangaidzika zvikurusa uye dzichikwenudzwa kuti dzishandise yamuro dzakadaro. Asi Mambo Soromoni akacherekedza nokuchenjera, kuti: “Kana demo rako ragomara uye ukasarirodza, unofanira kushanda nesimba kuti urishandise.” (Muparidzi 10:10; Today’s English Version) Zvimwe ungatozvinetesa umene—kana kuti kuzviganhurira umene pamibato inofarikanyika—kana ukakundikana kushandisa zvakanaka zvishandiswa zvinogona kukubetsera. Kuregererei rudado ruchikuparira kuita kuti upenyu hwako huve hwakaoma zvikuru kupfuura zvahunofanira kuva? Soromoni akagumisa nokutaura, kuti: “Kushandiswa kwouchenjeri kukubudirira kunoreva betsero.”—NW.

Hungu, kunokubetsera kushandisa chimwe chinhu chichakubetsera kufamba, kuona, kana kuti kunzwa zviri nani. Chokwadi, kungada rovedzo yakati neshiviriro kugona kushandisa kirachi, midziyo yokuisira, kana kuti yamuro yokunzwa. Uye iyi midziyo ingasaita zvakawanda kuvandudza kutarisika kwako. Asi funga nezvorusununguko rwainogona kukupa uye mabanza aingazarura! Mumwe musikana akaremara wokuAfrica anonzi Jay akararama upenyu hwouzindoga, achibuda kunze kwomusha waaigara kamwe chete mumakore ake 18. Pashure pokufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akavamba kupinda misangano yechiKristu. Ikoku kwakada kuti “afambe” madaro akati achizvizvuvira mberi namaoko ake, achikweva mutumbu wake uri shure. Apo chimwe chapupu muEurope chakaziva nezvechinetso chaJay, chakamutumira wheelchair yamavhiri matatu. Yakauya ine cheni yokufambisa iyo Jay aigona kushandisa namaoko ake. Akanga achiyevedza kuona here? Nyangwe. Asi uyu mudziyo wokufambisa unoratidza sounokwenudza wakamubvumira kuenda kumisangano uye kugoverana mubasa rokuparidzira rapaimba neimba.

Zvikurudzire Umene!

Kunyanguvezvo, ngwarira kukudziridza chimiro chendangariro chakashata. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Unogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye unotarira makore, haangacheki.” (Muparidzi 11:4) Unobvumira rutyo kana kuti kupanikira zvichikudzivisa kuita zvinhu zvaunoda nezvaunoshuva kuita here? Rangarira Mosesi. Apo Mwari akamusarudza kununura vaIsraeri muuranda muEgipita, Mosesi akaedza kukumbira kuregerwa pahwaro hwokusakwanisa kutaura. “Ndine miromo isina kudzingiswa,” akadaro Mosesi, sezvingabvira achiratidzira hurema hwakati hwaifumba kutaura kwake. (Eksodho 6:12) Asi Mosesi akanga achizvideredza amene. Mukufambira mberi kwenguva, akabvumikisa kuti akanga achikwanisa kutaura zvakanaka—achitaura kurudzi rwose rwaIsraeri.—Dheuteronomio 1:1.

Usaita mhosho imwe cheteyo yokuzvideredza umene. Zvimanikidzire uye zvikurudzire umene! Becky muduku, somuenzaniso, ane chinetso chakati mukutaura nemhaka yokukuvara kwaakaita mutsaona yakaitika pazera ramakore mashanu. Asi vabereki vake havana kumubvumira kuregeredza. Mukupesana, vakamunyoresa muChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Pazera ramakore manomwe, Becky akanga achipa hurukuro pfupi pamberi pavateereri. Becky anoyeuka, kuti: “Kupa hurukuro kwakabetsera. Kwakandisundira kushanda zvakaoma zvikuru pakutaura kwangu.” Becky akakurudzirwawo kuva negoverano yakazara mubasa rokuparidzira rapaimba neimba. “Dzimwe nguva ndinofunga kuti vanhu vanofanira zvomenemene kuvenga kundinzwa ndichitaura; ndinonetseka pamusoro pezvavanofunga. Asi ipapo ndinozviudza ndimene, kuti ‘Ndiri kuita ikoku nokuda kwaJehovha,’ uye ndinomukumbira kuti andibetsera kukurira.” Nhasi, Becky anobatira somuevhangeri wenguva yakazara.

Craig, zvino ava akura, anotambura necerebral palsy. Iyewo akaramba kubvumira hurema hwake kumudzivisa kuva anokosheswa somutezo weungano yechiKristu. Iye anoti: “Ndinotsamira pana Jehovha, uye iye akandibvumira kufarikanya zvakawanda zvezvikomborero zvake. Ndave ndichikwanisa kubatira sapiona webetsero [muevhangeri] kashanu. Ndinopa hurukuro dzeBhaibheri paChikoro choUshimiri choUbati Ushe hwaMwari, uye ndinokwanisa kuita akaunzi dzeungano.”

Panewo “nguva yokuseka,” uye nerovedzo yakati, ungatokwanisa kunyange kufarikanya mimwe yemibato inofadza dzimwe pwere dzinofarikanya. (Muparidzi 3:4) Becky anobvuma, kuti: “Handigoni kutamba mitambo yakafanana nevolleyball nemhaka yokuti tsinga dzangu dzinonoka zvikuru. Asi ndinogona kumhanya. Uye nokukurumidza pashure petsaona, amai vangu vaindikurudzira kudzidza kutasva bhasikoro. Nguva dzose vaindikurudzira kuedza zvinhu zvitsva.”

Usaedza Kugonana Pasina Betsero Yavamwe

Kugonana nohurema hwomuviri hakusi nyore. Muapostora Pauro akaidza hurema hwake kuti “munzwa munyama.” (2 VaKorinte 12:7) Zvisinei, haufaniri kunangana nezvinetso zvako woga. Sarne, mukadzi muduku akaremara pachiuno, anoti: “Ndinowana kuti kuva nesonganirano yakafanira yechiKristu netsigiro yorudo zvinobva mumhuri uye shamwari dziri muungano kwave kuchikosha kwandiri.” Hungu, usazviparadzanisa umene. (Zvirevo 18:1) Kusvikira kutambanuko inobvira, iva “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinte 15:58) Sarne anorondedzera betsero yacho: “Kuva anoshingaira muzvirondwa zvoUmambo kunondibetsera kuva nomurangariro wakafanira wezvinetso zvangu.” Becky anoti: “Unosvika pakutaura navanhu avo zvomenemene vakatonyanya kuremara kupfuura iwe nemhaka yokuti havana tariro yenguva yemberi. Ikoko kunondibetsera kukanganwa nezvezvinetso zvangu ndimene.”

Kupfuura zvose, tarira kuna Jehovha Mwari nokuda kwetsigiro. Anonzwisisa zvinodikanwa zvako nokunzwa kwako uye anotogona kukugovera “simba rinopfuura renguva dzose” kukubetsera kukurira. (2 VaKorinte 4:7) Zvichida mukufambira mberi kwenguva ungava nomurangariro wakajeka womuKristu akaremara anonzi Terrence. Pazera ramakore mapfumbamwe, Terrence akava bofu asi akaramba kukubvumira kuti kumukurire, achitaura, kuti: “Upofu hwangu hahusi hurema; hunongova chitambudzo bedzi.”

[Mashoko Omuzasi]

a Kana hurema hwako hwakaitika misi ichangobva kupfuura iyi, nenzira inonzwisisika ungave uri kuparapatika nokunzwa kwokushatirwa, hasha, uye rusuruvaro. Kutaura idi, ndokwenguva dzose zvikuru—uye kwakanaka—kupfuura nomunhambo yokurwadziwa apo wakatambura kurasikirwa kwakakomba. (Enzanisa naVatongi 11:37; Muparidzi 7:1-3.) Iva nechokwadi chokuti nenguva netsigiro yorudo zvemhuri neshamwari, fungu rokunzwa kworuvengo pakupedzisira richaderera.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Dzidza zvose zvaunogona pamusoro pohurema hwako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe