RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 6/8 pp. 13-15
  • Neiko Ndichifanira Kutambura Nohurema?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndichifanira Kutambura Nohurema?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinetso Zvavakaremara
  • Murangariro waMwari Wenhau Yacho
  • Kugonana Navamwe
  • Tariro Inokubetsera Kugonana
  • Ndinogona Sei Kugonana Nohurema Hwangu?
    Mukai!—1993
  • Nei Ndichirwara Zvakadai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndichafanana Nomukoma Wangu Here?
    Mukai!—1993
  • Kugara Nekusakwanisa Kudzidza
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 6/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Ndichifanira Kutambura Nohurema?

“NDAKANGA ndine makore mashanu okukura,” anoyeuka kudaro Becky. “Shamwari yakanga yakanditakura pabhasikoro rayo apo motokari yakauya napakona ndokutirova.” Chii chakava muuyo wacho? “Ndakatambura nokutyoka gumbo nekuvadziko dzakakomba dzomumusoro. Vanachiremba havana kundikarira kurarama.” Becky akararama, zvisinei, uye nhasi ndowamakore 16 okukura anofara. Kunyanguvezvo, tsaona yakasiya tapuro dzayo. “Yakandisiya ndapera simba zvikuru,” iye anodaro.

Murume muduku anonzi Craig akaremarawo, uri muuyo wechirwere chinozivikanwa seCP (cerebral palsy). “CP inotapura tsandanyama dzangu negadziriro yokushanda kwetsinga,” anotsanangura kudaro Craig. “Tsandanyama dzangu hadzigamuchiri zvakanaka mashoko anotumirwa kwadziri nouropi hwangu. Naizvozvo, ndine chinetso chokufamba, kutaura, uye kuchengeta dzikamo yangu. Ndinogona kuita zvinhu zvose izvozvo asi bedzi kwete zvakanyatsonaka.”

Ko iwe nenzira yakafanana une rudzi rwakati rwohurema hwomuviri here? Zviverengero zvinoratidza kuti pakuzosvika gore ra 2000, chiverengero chavanhu vaduku vane hurema chichasvika anenge mamirioni 59 munyika yose. (World Health, January/February 1985) Zvisinei, idi rokuti vazhinji kwazvo vane chinetso chimwe chetecho chaunacho rinopa nyaradzo duku apo unoda kumhanya, kukwakuka, uye kutamba sedzimwe pwere asi usingagoni.

Zvinetso Zvavakaremara

Hurema hwomuviri hahusi chinhu chitsva. Munguva dzeBhaibheri vamwe vaifanira kubata nokuremara (2 Samueri 4:4; 9:13), upofu (Marko 8:22), uye hurema (Mateo 12:10). Vanhu vakaremara vakadaro kazhinji kazhinji vaiva nechinetso mukuita mabasa anokosha zvikurusa oupenyu.—Enzanisa naDheuteronomio 28:29; Zvirevo 26:7.

Ungava nerwisano imwe cheteyo neganhuriro dzakaiswa pauri. Kupfeka, kudya, kana kuti kuenda kuchikoro kungada nhamburiko huru zvikuru—uye betsero inobva kuna vamwe. “Handigoni kuita kupfakanyika kupi nokupi chaiko kurutivi rwangu rworudyi,” anodaro Becky. “Naizvozvo ndaifanira kudzidza kunyora noruoko rwangu rworuboshwe. Kufamba kwavewo kuri chinetso. Zvino ndinofamba nenzira yenguva dzose zvikuru, asi mamwe mazuva ndinokamhina zvakanyanya.” Kana kuti rangarira zvinetso zvinonangana nomumwe mukomana muduku akatambura humandionerepi. Iye anoti, uye kwete asingafari: “Kusvikira masiwichi amagetsi pamadziro ndeimwe kangaidziko chaiyo . . . Dzimba zvamazvirokwazvo dzakagadzirirwa vanhu varefu.”—How It Feels to Live With a Physical Disability, rakanyorwa naJill Krementz.

Ungawana, kunyange zvakadaro, kuti zvinetso zvako zvinotambudza zvikurusa hazvisiri zvomuzvarirwo. Magazini inonzi Parents inotsanangura, kuti: “Vachiri kuyaruka vanotapurwa zvikuru nokuita kwavamwe, kuchiita kuti upenyu huve hwakaoma zvikuru kwazvo nokuda kwavanhu vaduku vane zvinodikanwa chaizvo. . . . Vanoshamisika neizvo vamwe vanhu vanofunga nezvechitarisiko chavo uye kazhinji kazhinji havavimbi nokutaura kwoushamwari, vachidudzira idzi ratidziro dzapachokwadi samashoko asingagamuchiriki etsitsi.” Ndokwomuzvarirwo bedzi kuda kudiwa nokugamuchirwa navamwe. Bva, unganzwa wasiiwa. Sokukutaura kwakaita Michelle muduku, kuti: “Upenyu hwangu hwose ndave ndakasiana nomumwe munhu ari wose. Chikonzero ndechokuti handina ruoko rwangu rworuboshwe.”

Kuva akasiana kungakuparirawo kusekwa kusingagumi. “Ndakadzidza pachikoro chavana vakaremera kutozosvikira mugiredhi rechishanu,” anoyeuka kudaro Craig. “Asi mugiredhi rechishanu, ndakavamba kuenda kuchikoro chenguva dzose. Handina zvomenemene kuva nezvinetso zvakawanda kutozosvikira rimwe zuva vamwe vakomana vakatanga kundiseka. Kwaiva nemhaka yamafambire angu.” Becky akavawo neyeuko dzinorwadza dzokubatwa nehasha nevomuchikoro biyake vake. Nemhaka yokuti kuvhiiwa kwakare kwakakuvadza ngoi dzake dzenzwi, inzwi rake rine kushoshomera kushoma mariri. “Vana vomuchikoro vaiwanzondidana kuti inzwi hombe,” iye anodaro.

Vakura nenzira yakafanana vangaratidzira kufungira mano kwakaipa. Vamwe vangadzivisa kutarisana newe. Vamwe vangadzivisa kutongotaura newe, vachinangidzira tsinhiro dzavo kuvabereki vako kana kuti shamwari—sokunge kuti hauoneki kana kuti wakaremara mupfungwa. Chinorwadza zvikurusa kupfuura zvose vangava vashuviri vezvakanaka avo nguva dzose vanokutaurira netsitsi, vachisimbisa kunzwa kuti uri chinhu chakakuvadzwa.

Murangariro waMwari Wenhau Yacho

Kunyanguvezvo, Mwari anonzwa sei pamusoro pako? Hurema hwako chiratidzo chakati chokusatendera kwake here? Cherekedza izvo Jesu akataura apo akasangana no“munhu wakanga ari bofu kubva pakuberekwa.” Vadzidzi vake vakabvunza, kuti: “Ndianiko wakatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?” Jesu akapindura, kuti: “Uyu haana kutadza, kunyange vabereki vake.” (Johane 9:1-3) Aiwa, upofu hwakanga husiri muuyo wechivi chaicho chakati kumunhu ari bofu kana kuti kuvabereki vake. Panzvimbo pezvo, waiva muuyo wokusakwana uko isu tose takagara nhaka kuna Adhama. Muapostora Pauro anotsanangura, kuti: “Zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.”—VaRoma 5:12.

Hurema hwomuviri, ipapoka, hahusati huri muuyo wokupindira kwoumwari kana kuti chirango. Humwe zvibereko zvokusangwarira. Bva humwe hunoparirwa bedzi “nenguva nezvinoitika zvisingadeyi kuonwa.” (Muparidzi 9:11, NW) Uye kune pwere dzinotambura mumuviri nemhaka yokubatwa zvisina kufanira kana kuti kuregeredzwa nabereki vadzo.

Chipi kana chipi chiri chisakiso chezvinetso zvako, haufaniri kunzwa kuti Mwari anokurangarira saakakuvadzwa. Mukupesana, anokurangarira saanokosha naanodikanwa, zvikurukuru kana uchitya Mwari. (Ruka 12:7) Iye “unokuchengetai” munzira iri yose yomunhu oga uye anofadzwa kukushandisa mubasa rake. (1 Petro 5:7) Chokwadika, mumwe wavabatiri vakatanhamara zvikurusa vaMwari wekare, muapostora Pauro, sezvinooneka akatambura hurema hwomuviri—“munzwa munyama.” (2 VaKorinte 12:7) Kunonyaradza sei kuziva kuti “munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Anonzwisisa zvizere zvaunogona uye anoziva chauchakwanisa kuita kana ukadzorerwa kukukwana munyika yake itsva.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kugonana Navamwe

Zvisinei, vomuchikoro biyako vako uye vamwe vangasagoverana murangariro wakakwirira waMwari. Zvamazvirokwazvo, vanhu dzimwe nguva vane utsinye zvikuru. Usashamisika, ipapoka, kana vamwe vavaenzani vako vasina tsitsi nenzira yakaenzana pamusoro penhamo yako. Kazhinji kazhinji, kunyange zvakadaro, vanhu havadi chaizvoizvo kukuvadza kana kuti kukwenudza; dzimwe nguva vanongoda bedzi kuziva. Vangasafara nohurema hwako kana kuti zvimwe vangasaitira hanya, vangataura chimwe chinhu choupenzi kana kuti chinokuvadza.

Chii chaunogona kuita? Dzimwe nguva unogona kudzivisa migariro inokwenudza. Somuenzaniso, ungaedza kudzikamisa vamwe kana ukarangarira kuti vanoratidzika kuva vanetseka kana kuti vasingazivi chokutaura. Ziva kuti tose zvedu tinokombamira kukutya zvatisinganzwisisi. Betsera vamwe kufuratira urema hwako zvokuti vanogona kusvika pakuziva iwe chaiye. Apo mugariro unoratidzika kuva unokubvumira, ungaedza kutaura chimwe chinhu chakafanana nokuti: “Muri kushamisika nechikonzero nei ndichifanira kushandisa wheelchair here?” Mukuwirirana nemagazini yeParents, mumwe mudzidzisi, akagurwa gumbo, anogutsa kuda kuziva kwavadzidzi vake kupfurikidza nokutanga kurukurirano nokuti: “Ndinofunga kuti muri kushamisika nechakaitika. Munoda kuziva here?”

Pasinei zvapo nenhamburiko dzako dzakanakisisa, ungatsamwiswa panguva nenguva. Becky muduku anoti: “Apo ndakanga ndiri muduku zvikuru, ndaiwanzoshatirwa zvomenemene apo vamwe vaindiseka; ndave ndichiitira hanya upenyu hwangu hwose. Asi zvino handikubvumiri kuti kunditsamwise. Dzimwe nguva ndinotokwanisa kuseka mugariro wacho.” Hungu, pfungwa yokufara inogona kukurira tsinhiro dzakashata dzinorwadza. Pane “nguva yokuseka.” (Muparidzi 3:4) Mambo Soromoni akapazve iyi pangiro: “Usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.” (Muparidzi 7:21) Pane dzimwe nguva nzira yakanakisisa yokubata nayo nokutaura kwoupenzi ndeyokukufuratira. “Usaitira hanya pamusoro peicho vanhu vanotaura,” anodaro Becky.

Tariro Inokubetsera Kugonana

Zvomenemene, dzinza rose rohunhu rakaremara. “Zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 8:22) Asi unogona kuva netariro yenguva yemberi. Somuenzaniso, rangarira musikana muduku watichadana kuti Carol. Akaberekwa ari matsi chaiyo. Ipapo tsaona nebhasikoro yakaguma nokuva kwake negumbo rakagurwa. Carol aida kufa. Asi akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokudzidza nezvenyika itsva iri kuuya umo “[musina] ugeremo, uchati ‘ndinorwara’” (Isaya 33:24) Zvamazvirokwazvo, akawana tariro yokuti rimwe zuva hurema hwake hucharapwa—nenzira yenenji!—Isaya 35:5, 6.

Kudzidza pamusoro paMwari kwakava netapuro yakadini pamurangariro waCarol? Dzimwe shamwari dzapedyo dzechiKristu dzinoti pamusoro pake: “Nguva dzose anofara uye haatongogari achirangarira nezvehurema hwake.” Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, vanotaurawo, kuti: “Vazhinji veshamwari dzake havazivi kuti ane gumbo rokuisira uye kuti ane chinetso chokusanzwa chakakura kudaro.” Neiko? “Anotsamira pakucherekedza kufambiswa kwemiromo neyamuro dzokunzwa.” Sezvinooneka, Carol akaita zvakawanda kupfuura kungotarira nguva yemberi. Akavavarira kusvika bviro yake izere zvino. Kuti unogona sei kuita zvimwe chetezvo kuchava musoro wenyaya yedu inotevera munhevedzano ino.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Vamwe vanokuwana kuchibetsera kutsanangura mugariro wavo kuna avo vanoratidzika kuva vanoda kuziva

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe