RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 3/8 pp. 6-8
  • Nzira Yokudzivisa Nayo Kubatwa Chibharo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokudzivisa Nayo Kubatwa Chibharo
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Chiito Nokukurumidza
  • Rwisa
  • Nzira Yokugonana Nayo Nokubatwa Chibharo
    Mukai!—1993
  • Zvomene Yokubatwa Chibharo
    Mukai!—1993
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ndingazvidzivirira Sei Pamabhinya?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Mukai!—1993
g93 3/8 pp. 6-8

Nzira Yokudzivisa Nayo Kubatwa Chibharo

Eric akanga akareba uye achitarisika zvakanaka, uye aibva mumhuri yakapfuma. Lori akanga ane makore 19 uye akanga akokwa kunovhakacha navamwe naEric nowaaigara naye. Akasvika pamadyo kumba kwaEric, asi asingazivi, vamwe vaviri vakaronga kuvhakacha vakanga vasarudza kusauya. Nokukurumidza, vasara vavashanyi vakatanga kubva pakuungana.

“Ndakatanga kufunga kuti, ‘Chimwe chinhu hachina kururama, chimwe chinhu chiri kuitika,’ asi ndakakufuratira,” iye akadaro.

Apo akangova naLori bedzi, Eric akamubata chibharo. Lori haana kutongoshuma kubatwa chibharo kumapurisa, uye gare gare akatamira kure namakiromita 240 kuti adzivise kuona Eric zvakare. Gore rimwe gare gare, akanga achiri kutya kuvhakacha.

KUBATA chibharo ityisidziro inokura, uye dziviriro yakanakisisa yomukadzi ndeyokuva anoziva uye akagadzirira. Hausati uri mugariro wokubata chibharo uri wose unogona kukarirwa, asi kuziva nzira iyo vabati chibharo vanofunga nayo nokuronga kudenha kwavo kungakubetsera kuziva zviratidzo zvenyevero.a Chirevo chekare chinoti: “Munhu ane mufungo achaona chinetso chichiuya ndokuchidzivisa, asi munhu asingafungi achafamba achipinda machiri ndokuzvidemba gare gare.”—Zvirevo 27:12, Today’s English Version.

Nzira yakanakisisa yokudzivisa mugariro wokubatwa chibharo kudzivisa vabati chibharo. Unofanira kuziva mutoo wokuzvibata kwomurume—kunyange waunosanoziva—uyo ungamuzivisa somubati chibharo anobvira. (Ona bhokisi, papeji 7.) Vamwe varume vachashandisa mutoo wokupfeka nawo womukadzi kana kuti kudisa kwake kuva ari oga naye sepembedzo yokumubata chibharo. Nepo mukadzi asina mutoro kana murume ane mirangariro yakadaro yakashata, aizochenjera kuziva zvimiro zvendangariro zvakadaro.

Usazvibvumira umene kuva uri oga nomurume wausingasanoziva. (Kunyange nowaunosanoziva, shandisa uchenjeri.) Mubati chibharo wausingazivi angauya kumba kwenyu achiedzesera kuva munhu anogadzira zvinhu. Nzvera zvibvumikiso zvake. Mubati chibharo anozivikanwa anowanzowana vanyajambwa voga kupfurikidza nokuronga mabasa anoda kuti ashanyire musha wake kana kuti kunyepa pamusoro pokuvapo kwavanhu vakaungana uko anokukoka. Usanyengedzwa.

Kudzivisa zvinetso mumigariro yokuronga kuvhakacha, rongai kuvhakacha mumapoka kana kuti nomuperekedzi. Sanoziva waunoronga kuvhakacha naye, uye gadza ganhuriro dzakasimba pabatano dzomuviri, kana pane dzipi nedzipi, dzauchabvumira. Iva akangwarira pamusoro pokunwa zvinodhakisa zvipi nezvipi! Haungagona kusvinurira ngozi kana kufunga kwako kwakaderedzwa. (Enzanisa naZvirevo 23:29-35.) Vimba nokunzwa kwako. Kana ukanzwa kuti hauna kukotsekana nomumwe munhu, usafunga kuti haana mhaka yevavariro dzakashata. Ibva.

Vabereki vevana vachiri kuyaruka zvikuru vanofanira kukurukura dziviriro dzokubatwa chibharo navana vavo, vachiva vakajeka pamusoro pemigariro ine ngozi nemhaka yokuti voruzhinji vavabati chibharo navanyajambwa vokubatwa chibharo vaduku.

Ita Chiito Nokukurumidza

Haisati iri migariro yose yokubatwa chibharo inogona kukarirwa. Nokusaziva, ungazviwana umene wava woga uye watarisana nomurume akasimba zvikuru kukupfuura uye akatsunga kukumanikidzira kupinda muvatano. Uchaitei ipapo?

Ita chiito nokukurumidza, uye yeuka nharidzano yako: kupukunyuka. Mubati chibharo anowanzoedza nyajambwa wake asati asarudza kudenha, naizvozvo kunokosha kudzivisa rongedzero dzake nokukurumidza sezvinobvira asati awana chivimbo chakakwana chokuita chiito. Nyanzvi dzokubata chibharo dzinogovera nzira mbiri dzechiito: kudzivisa kusina zviito kana kuti kudzivisa kune zviito. Unogona kuedza kudzivisa kusina zviito pakutanga uye, ikoko kukakundikana, enda kukudzivisa kune zviito.

Kudzivisa kusina zviito kungabatanidza chinhu chipi nechipi kubvira kukuva nenguva yokutaura nomubati chibharo kusvikira kukuedzesera kuva une hosha inopomeranwa muvatano kana kuti kurutsa pakudenhwa. (Enzanisa na 1 Samueri 21:12, 13.) “Unyanzvi hunoganhurirwa bedzi nefungidziro yomumwe,” akanyora kudaro Gerard Whittemore mubhuku rake rinonzi Street Wisdom for Women: A Handbook for Urban Survival.

Unyanzvi husina chiito—uhwo hunobatanidza chinhu chiri chose kunze kwokurwisa mubati chibharo—kungada kufunga kwakadzikama uye kunofanira kurongedzerwa kukanganisa kana kuti kudzikamisa mudenhi. Kana kudzivisa kwako kuri kuita kuti mudenhi wako ashatirwe zvikuru uye ave namasimba masimba, edza chimwewo chinhu. Zvisinei, usazvibvumira umene kumanikidzirwa munzvimbo yakanyanya kuva iri yoga apo unenge uchiri kufunga. Uye yeuka chimwe chezvimiro zvokudzivisa kusina zviito—kuzhamba.—Enzanisa naDheuteronomio 22:23-27.

Chimwe chisarudzo kuita nenzira inopesana uye nesimba. Udza mudenhi wako nenzira ine chokwadi kuti hausati uchizotera kuzvishuvo zvake. Mumugariro wokubatwa chibharo mukuvhakacha, ungaedza unyanzvi hwokuvhundutsira kwokudanidzira denho. Kudanidzira kwokuti, “Kubata chibharo! Ndiri kundodana mapurisa!” kungaita kuti anoda kuva mubati chibharo wako arangarire nokungwarira pamusoro pokupfuurira.

Rwisa

Kana kutaura kusati kuchishanda, usatya kuenda kukudzivisa kune zviito. Ikoko hakusati kuchireva kuti ungava anokuvadzwa zvikuru kana kuti kuurawa, uyewo kutera hakusati kuchisimbisira chengeteko yako. Naizvozvo, nyanzvi zhinji dzokubata chibharo dzinokurudzira kudzivisa kubatwa chibharo nezviito.

Kurwisa kunogona kuva kwakaoma kuvakadzi nemhaka yokuti vakaitwa nomuzvarirwo kuti vave vanyoro, vasingaiti zviito, uye vanotera kunyange kana vakatyisidzirwa nesimba romuviri. Naizvozvo, unofanira kusarudza pachine nguva mberi kuti uchadzivisa kuitira kuti ugorega kurasa nguva inokosha kupfurikidza nokuzengurira mukati mokudenha.

Unofanira kunzwa nesimba kuti munhu upi noupi angakutyisidzira kana kuti kukudzvinyirira. Unofanira kuziva kuti kudenha ikoku kwakafungwa kare, uye kuti mubati chibharo anotsamira pauri kuti utere. Shatirwa, kwete kutya. “Kutya kwako chombo chine simba zvikurusa chomudenhi wako,” akadaro munzveri Linda Ledray. Usaitira hanya kuti uri kunyanyisa kana kuti ungaoneka sefuza. “Zviri nani kuva ane chisimbwa pane kubatwa chibharo,” sokukutaura kwakaita imwe nyanzvi. Vakadzi vakabudirira kudzivisa vabati chibharo kazhinji kazhinji vakaita kudaro nezviito uye vakaedza unyanzvi hunopfuura humwe chete, kubatanidza kuruma, kukava, uye kuzhamba.

Kana usingakwanisi kuzvidzivirira umene kukubatwa chibharo, itira hanya pakukwanisa kuzivisa mudenhi wako gare gare. Kana kuchibvira, kumumara kana kuti kubvarura zvipfeko zvake kuchasiya une zvinhu zvokumuzivisa nazvo. Asi papfundo rino, ungasakwanisa bedzi kurwisa zvakare. Muchinoitika chakadaro, “usazviratidza umene kuti ‘uno[mu]bvumira’ kukubata chibharo,” akadaro Robin Warshaw mubhuku rinonzi I Never Called It Rape. “Haudikanirwi kupukunyuka kukuvadzwa kana kuti rufu ‘kuti ubvumikise’ kuti wakabatwa chibharo.”

[Mashoko Omuzasi]

a Hakuna migariro miviri yakafanana, uye hakuna pangiro yokudzivisa iri ufakazi hwoupenzi. Kunyange nyanzvi dzokubata chibharo hadzibvumirani pamusoro penzira norudzi zvokuramba izvo nyajambwa anofanira kuita mukati mokudenha.

[Bhokisi riri papeji 7]

Rondedzero Yomubati Chibharo Anobvira

□ Anokubata zvisina kufanira mundangariro kupfurikidza nokukudenha, kufuratira mirangariro yako, kana kuti kushatirwa kana kuti kutsamwa apo unoita chikarakadzo.

□ Anoedza kudzora zvinhu zvoupenyu hwako, zvakadai samapfekero ako uye vari shamwari dzako. Anoda kuita zvisarudzo zvose pamusoro pokuvhakacha, zvakadai sokwokuenda kunodyira kana kuti rudzi rwebhaisikopo rokuona.

□ Anoita shanje pasina chikonzero.

□ Anozvidza vakadzi vose zvavo.

□ Anodhakwa kana kuti “kusadzikama” uye anoedza kukuita kuti uite zvimwe chetezvo.

□ Anokumanikidzira kuti uve woga naye kana kuti kuva nevatano.

□ Haasati achikubvumira kugovera ndyiko pakuvhakacha uye anoshatirwa kana ukada kubhadhara.

□ Ane masimba masimba kunyange munzira dzokunyengedzera, dzakadai sokumbundira kana kuti kusundidzira.

□ Anokuvhiringidza kupfurikidza nokugara pedyo zvikuru, kuvhara nzira yako, kubata apo unenge wataura kuti asadaro, kana kuti kutaura sokunge anokuziva zviri nani kupfuura zvaanoita chaizvoizvo.

□ Haagoni kubata nekangaidziko pasina kushatirwa.

□ Haakurangariri semakaenzana.

□ Anofarikanya zvombo uye anoda kuita utsinye kumhuka, vana, kana kuti vanhu vaanogona kurova.

Kubva mubhuku rinonzi I Never Called It Rape, rakanyorwa naRobin Warshaw.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vakadzi vakabudirira kudzivisa vabati chibharo kazhinji kazhinji vakaita kudaro nezviito uye vakaedza unyanzvi hunopfuura humwe chete

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe