Murangariro weBhaibheri
Kuramba uye Kuratidzira—Zvinogona Kuchinja Nyika Here?
“TINOFANIRA Kutaura Mifungo Yedu Noushingi, Tinofanira Kuita Kuratidzira Kwapamhene.” Wakarava kudaro musoro wapachikamu chomupepeti wenhau muNational Catholic Reporter, pepanhau reRoma Katurike, pamberi chaipo pokutanga kwehondo yePersian Gulf muna 1991. Chichikuchidzira varavi kutora rutivi mukufora kworugare nomukuratidzira muUnited States mose, chikamu chomupepeti wenhau chakapfuurira, kuti: “Kuchada mamirioni avanhu nenhamburiko dzokushingaira kuwana rugare kuti vanzwisise uku kusaziva norudado rwokutarisira. . . . Vanhu vanotofanira kuita kuratidzira pamhene.”
Kudanidzira kwakadaro muchiito kunonzwika kazhinji kazhinji nhasi. Nemigariro mizhinji zvikuru yezvamatongerwe enyika, yezvemari, uye yemhoteredzo inotyisidzira garikano yorudzi rwomunhu, vanhu vanonzwa vachigombedzerwa “kuita kuratidzira pamhene” mukuramba, kurinda, uye kuratidzira. Nhau dzinovambira mukudzivisa utsotsi hwomunharaunda kuti vasimbise rugare rwenyika. Nomutoo unofadza, chiverengero chikuru chouku kuratidzira chine tendero yamasangano amachechi navatungamiriri vorudzidziso.
Zvisinei, kwakakodzera here kuti maKristu atore rutivi mukuratidzira kwakadaro? Uye kuramba kunogona—mungava muchimiro chokufora kwechimurenga kana kuti kurinda kwakakomba kwokutungidza makenduro usiku—kuchinja zvomenemene nyika nokuda kwezviri nani here?
Kuratidzira—Murangariro wamaKristu
Kuratidzira kwakarondedzerwa neimwe nyanzvi yamagariro avanhu so“mutoo wakati unobudirira wokuratidzira kwezvamatongerwe enyika . . . nokuda kwokunyandura zviremera zvisiri kuita chinhu chipi nechipi kuti zviite zviito zviri madikanwa.” Hungu, avo vanofora mukuramba kana kuti avo vanoita kuratidzira vanowanzoita kudaro mukariro dzokuti nhamburiko dzavo dzokubatira pamwe dzinogona kururamisa kusaruramisira noushati zvinoonwa mumasangano azvino uno amagariro avanhu neezvamatongerwe enyika.
Kunyange zvakadaro, Jesu Kristu akasiira vateveri vake muenzanisoiko? Jesu akararama panguva apo vanhu vechiJudha vakazviwana vamene vari muushushi hwoUmambo hweRoma. Zvamazvirokwazvo, sununguko yokubva mujoko rinodzvinyirira reRoma yakanga ichishuviwa zvikuru navanhu. Bva, Jesu haana kutongokurudzira vateveri vake kuita kuratidzira, kufora mukuramba, kana kuti kuva vanobatanidzwa mune zvamatongerwe enyika mune imwe nzira ipi neipi. Mukupesana, akadzokorora kutaura kuti vadzidzi vake vaizova “vasati vari rutivi rwenyika.”—Johane 15:19, NW; 17:16; onawo Johane 6:15.
Nenzira yakafanana, apo Jesu akapinzwa zvisina kufanira mutorongo navakuru vakuru vehurumende, iye haana kuedza kunyandura kuramba, kunyange zvazvo iye aigona zvamazvirokwazvo kuve akaita kudaro kudai iye akanga asarudza kudaro. Panzvimbo pezvo, akaudza mudzori weRoma, kuti: “Umambo hwangu hahusiri rutivi rwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, varindiri vangu vaizodai vakarwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahusiri hwamanyuko aya.” (Johane 18:33-36, NW) Anangana nokuita nharo, Jesu akarega zviito zvipi nezvipi zvokuramba, achiziva kudikanwa kwokuramba asiri rutivi rwenhau dzezvamatongerwe enyika. Uye akakuchidzira vateveri vake kuita zvakafanana.
Kutora rutivi mukuratidzira, naizvozvo, kungaputsa nheyo huru dzokusatora rutivi kwechiKristu dzakadzidziswa naJesu. Kupfuurezvo, kutora rutivi kwakadaro kungatotungamirira kukubatanidzwa mumufambiro usati uri wechiKristu. Munziraiko? Kuratidzira kunoitwa nevavariro dzakanaka kunowanzova nomudzimu wokupanduka usingapanikirwi, navatori rutivi vachiva vanorwisa, vanotuka, kana kuti vane masimba masimba. Kupinda munhimbe dzisati dziri dzapamutemo nedzounyanzvi hwokupinganidza fambiro mberi kungaraira ngwariro, asi hakutongotsinhirani nezano reBhaibheri roku“zviisa pasi pezviremera zvikuru” uye ku“va norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18; 13:1, NW) Panzvimbo pokukurudzira kuramba kuteerera mirairo yehurumende, Bhaibheri rinokurudzira maKristu kuchengeta mufambiro wawo wakaisvonaka pakati pamarudzi uye kuramba achizviisa pasi pehurumende dzohunhu, kunyange kana avo vari muchiremera vakaoma kufadza kana kuti vari vasina mufungo.—1 Petro 2:12, 13, 18.
‘Asi handi kuratidzira kose kuri kunorwisa kana kuti kwamasimba masimba,’ vamwe vangadaro. Chokwadi, uye kuratidzira kwakati kuti kunoratidzika kuva kunoita miuyo yakanaka. Asi kuramba—kunyange kana iko kune rugare uye kuchiitirwa chisakiso chakanaka—kunochinja nyika nokuda kwezviri nani here?
Kunogona Kuchinja Nyika Here?
MaKristu anoitira hanya zvikurukuru vavakidzani vawo uye anoda kuvabetsera. Asi kutora rutivi mukuratidzira zvomenemene inzira yakanakisisa yokupa betsero here? Bhuku rinonzi Demonstration Democracy rinoti: “Pane ganhuriro yezvinogona kuwanwa nechishandiswa chipi nechipi chokuratidzira kwezvamatongerwe enyika.” Nomutoo usingarambiki, kubvisa nhamo dzakanangana norudzi rwomunhu kunoda chinjo dzisingagoni kuitwa nokuramba kupi nokupi kana kuti kufora.
Jesu akataura pfundo rakafanana pakukurukura tsika yorudzidziso yagara kwamazana amakore yomuzuva rake. Pamusoro petsika iyeyo yenyengedzo yokunamata yaishandiswa navaFarise, akati: “Hakuno munhu unoisa chiremo chitsva panguvo yasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguvo, vuri rikanyanya.” (Mateo 9:16) Chii chaiva pfundo raJesu? Kuti chiKristu chechokwadi hachisati chaizowirirana netsika dzakaipa uye dzasakara dzakanga dzagadzirirwa kuva dzinoregwa. Akaziva kuti kubatanidza tsika isingabetseri kwaizova kusina maturo.
Ndozvakaitawo tsika yenyika yakapinza rudzi rwomunhu mumazana okusaruramisira, utsinye, uye dzvinyiriro. Muparidzi 1:15 (NW), nomutoo wakananga inotsanangura, kuti: “Icho chakaitwa chakakombama hachingagoni kutwasanudzwa.” Hungu, tsika yenyika yanhasi haingagoni kururamiswa, pasinei hapo nenhamburiko dzakanakisisa. Kunokona nei? Nemhaka yokuti, sokureva kunoita 1 Johane 5:19 (NW), “nyika yose iri musimba rowakaipa,” Satani Dhiabhorosi. Jesu akanongedzera kuna iyeyo so“mutongi wenyika ino.” (Johane 12:31, NW) Chero bedzi tsika ino ichishanda mupesvedzero yaSatani, hakuna ukuru hwokubatanidza huchaunza sununguko yechigarire.
Ikoku hakusati kuchireva kuti maKristu haakendengi kuzvinetso zvenyika kana kuti kudisa kuita chiito chakananga. Zvomenemene, maKristu anoudzwa kuva anoshingaira zvikuru, kwete mukuramba, asi mubasa rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari—hurumende chaiyo yoUmambo iyo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera. (Mateo 6:10; 24:14) Bhaibheri rinoratidza kuti Umambo hahuzoedzi kununura nyika ino isingachinjiki; huchabvisa chose chose hurumende dzakaipa netsika dzamagariro avanhu idzo zvino dzinodzvinyirira rudzi rwomunhu ndokudzitsiva netsika inogona kugadza ruramisiro yechokwadi nokururama mupasi rose. (Dhanieri 2:44) Mutsika yakadaro, hakuna munhu achafanira kufora mukuramba nokuti Jehovha Mwari, uyo ari ku“gutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose,” achatarisira kuti zvinodikanwa zvedu zvose zvinosvitswa nomutoo wakakwana.—Pisarema 145:16, NW.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]
Labor strike, Leslie’s