“Zvirokwazvo Imi Munoitira Hanya Vanhu”
Ndiyo mhinduro yakabudiswa nomumwe murume muCalifornia, U.S.A., uyo anofarikanya kurava zvinyorwa zveWatch Tower Society. Pamusoro pebhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, anonyora, kuti:
“Zvino ndiri kurirava rose kechipiri, uye harisati richitongova rinogomadza kurava. Bhuku racho harisati richingorairidza bedzi zvikuru asi mifananidzo ine ruvara inopa upenyu zvikuru. Mufananidzo mumwe nomumwe unondiita ndinzwe sokunge kuti ndiri kurarama munguva yaJesu.
“Somuenzaniso, munhu ane dhemoni ari mumufananidzo muganhuro 45 zvirokwazvo anoratidzika kuva anopenga naane ngozi. Nepo Jesu anoratidzirwa achisvika mumhenderekedzo yegungwa asingatyi uye achidzinga midzimu yamadhemoni . . .
“Mifananidzo yose yavatungamiriri vechiJudha vanovenga ibasa rounyanzvi. Inoratidzira kuti munhu akatsamwa anogona kuratidzika sei apo iye anenge akanangana nokubata naJesu nepo asingazoregi nzira yake yokuita chivi. Ndingagona kutaura zvakawanda zvikuru. . . . Zvirokwazvo imi munoitira hanya vanhu . . .
“Handisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha asi ndinoda kugamuchira Nharireyomurindi naMukai! Ndinomirira nomwoyo wose chinyorwa chimwe nechimwe, uye apo chinosvika, icho rutivi rukurusa rwetsamba dzangu dzezuva. Mukai! yaJuly 8 yakanga iri mubairo womukundi! ‘Kurera Vana Munyika Youtere’ hawati waingogona bedzi kuva musoro wakakodzera nguva zvikuru. . . .
“Ndine zera ramakore 35 uye ndakazoziva kuti nyika ino yekare iri munhamo huru. Ndinofara kuti muri ikoko muchizivisa zvokwadi pamusoro penyika yacho namanzwire anoita Mwari pamusoro payo.”
Zvapupu zvaJehovha isangano ramarudzi ose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vane mamirioni mana vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo aMwari. Kana muchida mamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorerai Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.