RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 2/8 pp. 27-29
  • Kununurwa Kwapasi Kwava Pedyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kununurwa Kwapasi Kwava Pedyo
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuitira Hanya Pasi kwaJehovha
  • Ruparadziko nokuda Kwaavo Vanoparadza Pasi
  • Pasi Richaguma Nomoto Here?
    Mukai!—1997
  • Kudzivirira Pasi Pakuparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Jehovha ndiMambo
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 2/8 pp. 27-29

Kununurwa Kwapasi Kwava Pedyo

STEPHEN M. WOLF, sachigaro uye mukuru anotarisira wapamusoro weUnited Airlines, akataura munhau yomupepeti wenhau, kuti: “Kunyange mumwe ari wezvokusada kuchinja kana kuti kwete, hakungagoni kurambwa kuti kariro dzinotyisa pamusoro pemhuka nerenje dzinoratidzira mumvuri papasi rose—uye pakupedzisira, dzinotyisidzira kuvapo kwamarudzi ose, kubatanidza rudzi rwomunhu. Sokutaurwa kwazvaitwa, ‘Hatina kuruka dandemutande roupenyu; tinongova hedu utandiro huri mariri. Chipi kana chipi chatinoita kudandemutande, tinochiita kwatiri timene.’” Akataura nomutoo wakarurama.

Akataurawo munhau yomupepeti wenhau, kuti: “Ndisu chisakiso chezvinetso. Uye ndisu bedzi chigadzikiso.” Muna ikoku aingova bedzi akarurama murutivi. Ndisu chisakiso; hatisiri chigadzikiso. Hatisiri kuratidza zviratidzo zvipi nezvipi zvokuva vakadaro. Enderero mberi iri kuitwa, asi idukusa mukurangarira kuvadziko iri kupfuurira mupasi rose.

Gore rakapera Al Gore akanyora Earth in the Balance—Ecology and the Human Spirit. Ibhuku rinonyevera nezvenjodzi inowedzera yemhoteredzo yenyika yose, uye mariri akaita uku kutaura kunokosha: “Kana ndichinzvera zvakadzama zvikuru zvisakiso zvenjodzi yemhoteredzo yenyika yose, ndinopwiswa zvikuru kuti iratidzirwo yokunze yenjodzi yomukatikati iyo, nokuda kwokushaikwa kweshoko riri nani, yomudzimu.”

Zvamazvirokwazvo injodzi yorudzi rwomudzimu. Kuputsika kwomudzimu wohunhu. Kudisa kurasikirwa norunako rwomuzvarirwo rwapasi nepfuma yaro, upenyu hwezviuru zvamarudzi ezvirimwa nemhuka, uye kunyange utano noupenyu zvavanhu. Uyezve, kusarangarirwa chose chose kwavana navazukuru vanofanira kugonana nepasi rakaparadzwa rasiiwa mushure. Kusaongawo uye kusarangarirwa kukuru kwoUyo akasika pasi ndokurirongedzera somusha worudzi rwomunhu.

Isaya 45:18 (NW), inozivisa Jehovha so“Musiki wamatenga, Iye Mwari wechokwadi, Muumbi wapasi noMuiti waro, Iye Uyo akarisimbisa zvakatsiga, asina kungorisikira pasina chinhu, uyo akariumba kunyange kuti rive rinogarwa.” Mukuvamba iye akaisa munhu pasi pano kuti aritarisire: “Jehovha Mwari akapfuurira kutora munhu ndokumugadza mubindu reEdheni kuti aririme uye kuritarisira.” (Genesi 2:15, NW) Kunyange zvazvo akasikwa akakwana, Adhama akasiya kukwana kuti aite nenzira yake amene. Akasiya basa rake roku‘tarisira pasi.’

Kundikano iyeyo inopfuurira kuburukira kuzuva redu, uye kuparadzwa kwazvino uno kwapasi kwazova kwakakomba. “Mwari wechokwadi akaita rudzi rwomunhu rwakarurama, asi ivo vamene vakatsvaka rongedzero dzakawanda.” (Muparidzi 7:29, NW) “Ivo vamene vakaita nomutoo unoparadza; ivo havasi vana vake, hurema ndohwavo vamene. Chizvarwa chakamonyana nechakakombama!” (Dheuteronomio 32:5, NW) Zvisinei, pasi richapfuurira kugarwa, asi kwete nechizvarwa chakamonyana nechakakombama. Wezvamapisarema akataura kuti munguva yakafanira yaMwari, ‘vakarurama [bedzi] vachava varidzi varo.’—Pisarema 37:29.

Kuitira Hanya Pasi kwaJehovha

Apo Jehovha akapedza kusika kwake pasi, iye “akaona chinhu chiri chose chaakanga aita uye, onei! icho chakanga chakanaka zvikuru.” Aida kuti chirambe chakadaro. Akanga asima bindu rakaisvonaka muEdheni uye akanga aisa munhu Adhama imomo kuti aritarisire. Zvirimwa zvakakura imomo zvakanga zvisati zvichizoshandiswa nomunhu oga. Mwari akati: “Ndapa zvinomera zvose zvakasvibira nokuda kwezvokudya kumhuka iri yose yapasi nokuchisikwa chinobhururuka chiri chose chamatenga uye kuchinhu chiri chose chinokambaira papasi chine upenyu somweya.”—Genesi 1:30, 31, NW.

Apo Mutemo waMosesi wakapiwa gare gare kuna Israeri, wakaita gadziriro nokuda kwokutarisirwa kwenyika. Gore riri rose rechinomwe raizova “sabata rezororo rakakwana nokuda kwenyika.” Chaizvikurira chimene munguva iyeyo chaisakohwiwa asi chaiitwa kuti chiwanike kuvanhu varombo pamwe chete nokuda kwezvipfuyo zvavo uye nokuda kwemhuka dzesango dzaiva munyika yavo.—Revhitiko 25:4-7.

Itiro hanya yaJehovha yokuchengetwa kwamarudzi yakaratidzwa nokuita kwake kuti mhuka mbiri mbiri mhenyu dzipinzwe muareka panguva yaMafashamo omuzuva raNoa. Itiro hanya iyeyo yakapupurirwawo musungano yoMutemo. Somuenzaniso, mukono waipura zviyo wakanga usati uchifanira kusungwa muromo. Wakanga une maruramiro okudya zviyo. Mukono nembongoro zvaisafanira kusungwa pajoko rimwe chete kuti zvirime. Ikoko kwaizova kusina kunaka kumhuka duku zvikuru, ine utera zvikuru. Chipfuwo chomuvakidzani chaifanira kubetserwa kana chakanga chiri munhamo, kunyange kana mwene wacho akanga ari muvengi wako uye kunyange kana kwaireva kuita basa rakati paSabata. (Eksodho 23:4, 5; Dheuteronomio 22:1, 2, 10; 25:4; Ruka 14:5) Mazai kana kuti nyana zvaigona kutorwa padendere reshiri, asi kwete mai veshiri. Vaifanira kusiiwa kuti vapfuuridzire rudzi. Uye Jesu akataura kuti kunyange shiri duku yakanga iri youkoshi huduku, ‘hapana neimwe yadzo inowira pasi Mwari asingakuzivi.’—Mateo 10:29; Dheuteronomio 22:6, 7.

Wezvamapisarema akafuridzirwa akataura, kuti: “Matenga ndeaJehovha, asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” (Pisarema 115:16, NW) Jesu akati pana Mateo 5:5, (NW): “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka pasi.” Unofunga here kuti iyi nhaka inobva kuna Jehovha ichava pasi rakashatswa? Kudai wakanga une musha wakaisvonaka wawaizosiira vana vako, waizobvumira here kuti maroja arambe arimo ayo aikuvadza imba nechivanze? Panzvimbo pezvo, hausati waizoabvisa ndokugadziridza usati wausiira vana vako here?

Ndozvakaita Jehovha asati apinza vaIsraeri munyika yaakanga apikira kwavari. VaKanani kupfurikidza noutere hwavo hukurusa, vakanga vashatsa nyika, uye nokuda kwechikonzero ichecho Jehovha akavadzinga. Panguva imwe cheteyo, akanyevera vaIsraeri kuti kana ivo vakashatsa nyika sezvakanga zvaita vaKanani, vaizodzingwawo. Nhauro yacho yakanyorwa pana Revhitiko 18:24-28, (NW):

“Musazvisvibisa mumene nechipi nechipi cheizvi zvinhu [vatano yehama, vatano yavarume, vatano nemhuka, mhaka yeropa], nokuti marudzi andiri kudzinga pamberi penyu akazvisvibisa amene neizvi zvinhu zvose. Naizvozvo nyika yakasvibiswa, uye ndichaunza chirango nokuda kwechikanganiso pairi, uye nyika icharutsa vagari vayo. Uye imi mumene munofanira kuchengeta mitemo yangu nezvisarudzo zvangu zvokutonga, uye hamufaniri kuita chipi nechipi cheizvi zvinhu zvose zvinonyangadza, ungava mugari wemo kana kuti mugari wechienzi ari kugara somuenzi pakati pako. Nokuti vanhu venyika vakakutangirai vakaita izvi zvinhu zvose zvinonyangadza, zvokuti nyika yakasvibiswa. Ipapo nyika haizokurutsii nokuda kwokuisvibisa nenzira imwe cheteyo yaicharutsa zvamazvirokwazvo marudzi akakutangirai.”

Israeri, zvisinei, akashatsa nyika kupfurikidza nokuita utere hwakakomba humwe chetehwo uhwo vaKanani vakanga vaita. Mukuwirirana neshoko rake, Jehovha akadzinga Israeri kupfurikidza nokutumira vaBhabhironi kuti vavaendese senhapwa kuBhabhironi. Kare ikoku kusati kwaitika, nyevero yakapiwa vaIsraeri kupfurikidza nomuporofita waJehovha Isaya: “Tarirai! Jehovha unokutura nyika ndokuiita dongo, uye akakombamisa chiso chayo ndokuparadzira vagari vayo. Uye nyika imene yakashatswa navagari vayo, nokuti vakadarika mitemo, vakachinja murau, vakaputsa sungano isingaperi kusvikira kunguva isingazivikanwi. Ndokusaka kutuka kumene kwakapedza nyika, uye avo vanogara pairi vanowanirwa mhaka. Ndokusaka vagari venyika vakaderera muchiverengero, uye vanhu vashomanene zvikuru vanofa vakasaramo.”—Isaya 24:1, 5, 6, NW.

Ruparadziko nokuda Kwaavo Vanoparadza Pasi

Nhasi tiri mumugariro mumwe chetewo. Mabhuku, magazini, mapepanhau, terevhizheni, mavhidhiyo, uye manyuko enhau zvinowanzoratidza nzanga yakashata muvatano, utsinye hwamasimba masimba, uye ushati hwezvamatongerwe enyika. Masangano enhengeseranwa amakaro anoshatsa muutere mhoteredzo, kunyange kutumira zviitwa zvakarambidzwa sezvine ngozi kuutano mumarudzi awo akapfuma kunyika dzichiri kubudirira uko kusina taviridziro dzakadaro dzinoshanda. MaKristu anonyeverwa kudzivisa muitiro wakadaro:

“Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisiswa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo; vakazvipa vasine hanya kuutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.”—VaEfeso 4:17-19; 2 Timotio 3:1-5.

Zvose zviri zviviri mudzimu wohunhu nemhoteredzo zvakashatswa. Pasi rine kudzora kwaro kwakavakirwa mukati uye dzikamo nokuda kwechinhu chiri chose. Nemhaka yokuita chivi kwomunhu, hana yomunhu, kudzora kwake amene kwakavakirwa mukati, kwashatswa, kuchitungamirira kukushatswa kwapasi. Zvino, Mwari bedzi anogona kudzora munhu. Mwari bedzi anogona kununura pasi. Tine chipikirwa chokuti iye achaita kudaro pana Zvakazarurwa 11:18, (NW) apo Jehovha Mwari anopikira “kuparadza avo vanoparadza pasi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe