Goverai Nhungamiro Yavanoda
KO VANA venyu vanogona sei kudzidza kuzvitaviridzira vamene pautere hunowedzera hwenyika? Kwete paterevhizheni, iyo rimwe boka repwere rakaronga samanyuko adzo echina anokosha zvikurusa amashoko anoreva nezvevatano. Kwete kuzvikoro, uko izvo vadzidzisi vanodzidzisa zvinoratidzira nheyo nemipimo zvinochinja zvenyika ino youtere. Uye zvamazvirokwazvo kwete munhau dzinorondedzerwa navadzidzi biyavo vavana venyu.
Kana dzidzo mutsika noupenyu hwemhuri zvichizova zvinobudirira, zvinofanira kuvambira pamusha. Sokutaura kwakaita mumwe mudzidzisi anoitira hanya wapachikoro chapamusoro: “Mumwe munhu anofanira kuva noushingi hwokutaura, kuti: ‘Tarirai, vana, kumirira hakusati kuchikukuvadzai!’”
Mati madzidzisa vana venyu kudaro here? Nemhaka yokudirana kwamashoko evatano akatikomba, padzimwe nguva munoshamisika here kana muchiziva nzira yokuvadzidzisa nayo?
Muuyo Womuenzaniso
Kungofanana navabereki venyu vakapesvedzera upenyu hwenyu kupfurikidza nenzira yavairarama nayo, naizvozvo muenzaniso wenyu unotapura zvakasimba upenyu hwavana venyu. Unoratidzira zvakawanda pamusoro pamadire amunovaita uye pamusoro porudzi rwavanhu rwamunoda kuti ivo vave.
Kana makanga makachena mutsika apo imi makaroora, munogona kuita kuti vana venyu vazive kuti ikoko kwakakuitai kuti mufare sei. Vamwe sekuru vanoyeuka zuva iroro, anenge makore 60 akapfuura, apo baba vavo vamene vakavaudza kuti wakanga wave uri mufaro wakadini kuti varoore, vachiziva kuti vakanga vasina kumbopinda mumufambiro upi noupi woutere uyo waizoramba uchimutswa kuti ushatse roorano yavo. Kurukurirano iyoyo yakapesvedzera zvakasimba nzira iyo ava sekuru vakararama nayo upenyu hwavo, uye vanodavira kuti muenzaniso wavo vamene wakatapura zvakasimba upenyu hwavana vavo.
Zvisinei, kana vana venyu vachiziva kuti upenyu hwenyu hwapakuvamba hwakanga husati huri hwomuenzaniso, munofanira kuva nechokwadi chokuti vanoziva chikonzero nei makachinja. Hakusati kuri kungoti bedzi makura zvikuru asi kuti makawana mipimo yakarongwa yakakwirira zvikuru.
Kuteerera Kwakanaka
Vabereki vanobudirira kazhinji kazhinji vanotsinhira pamusoro pokuti inguva yakadini yavanopedza vachiteerera vana vavo. Vanoziva chiri kuitika muupenyu hwavana vavo. Karen akaita nhamburiko chaiyo yokuva anoshanda muimba yokubikira mumasikati. Neiyi nzira, apo vanasikana vake vaisvika pamba, ivo vaigona kutaura naye pamusoro peicho chaitika kuchikoro mukati mezuva racho.
Erline aiwanzomirira vanasikana vake apo vaisvika pamba usiku ndokuteerera kwavari vachirondedzera zvose zvavaita. “Kana chimwe chinhu chaida kururamisa,” aiti, “Ndichatarisira ichocho gare gare. Asi handisati ndaizotongoziva pamusoro pacho kudai ndakanga ndisina kuteerera.” Akaita kuti iyi kurukurirano irambe yakazaruka mumakore echikoro avanasikana vake uye mukupfimbwa kwavo. Nguva yakadaro inopedzwa navana venyu inogona kuvadzivisira kunetseka gare gare.
Asi zvakadiniko kana vana venyu vasati vari vanonyanyotaurisa? Kana vasati, mungazvibvunza mumene kuti, ‘Ivo vakanyarara bedzi nomuzvarirwo here, kana kuti vanotya kundiwadzanyurira nhau nemhaka yenzira yandakaita nayo munguva yakapfuura? Ndinogona here kuvakazve chivimbo chavo kupfurikidza nokuita nhamburiko chaidzo zvino dzokuratidza fariro yangu mavari? Ndinogona kukuita kuti kuve nyore zvikuru here kwavari kuti vazivise zvinhu zviduku zvino uye zvichida zvakakomba zvikuru gare gare?’
Nyevero Dzinokosha
Vana venyu vanoda kunyeverwa pamusoro pemiuyo youtere. Somuenzaniso, vanofanira kuziva kuti pasinei hapo nezvose zvavanonzwa mukupesana, hakuna mutoo wokudzivirira kubereka uri wakavimbika. Nhumbu dzisingadiwi nehosha dzinopfuudziranwa muvatano dzinowanzova muuyo kunyange apo zvinodzivirira kubereka zvinoshandiswa. Mukuwirirana nesangano rinonzi Planned Parenthood, makondomu anokundikana kudzivisa nhumbu kane 12 muzana, uye kukundikana kwawo kungatova kwakakura zvikuru mukudzivisa kupfuudzirana utachiono hweAIDS.
Vanhu vaduku vazhinji vanoratidzika kuva vanopwiswa kuti ngwavaira hadzisati dzichizongoitika kwavari. Zvisinei, hosha dzinopfuuridziranwa muvatano, kubatanidza AIDS, dzinogona kupfuuridziranwa navanhu vachigere kuva nezviratidzo uye avo vasingatozivi kuti vari kutapura vamwe. Hosha zhinji dzakadaro idzo dziri kutapura vanhu vaduku nhasi dzinogona kuparira kusabereka, magambe, kenza, uye kunyange rufu.
Somuenzaniso, maAmerica ane mamirioni 40 zvino anodavirwa kuve ane imwe bedzi yeidzi hosha, hosha dzokuzvimba mitezo yokubereka nayo, dzisina kurapa kunozivikanwa nokuda kwadzo. Vanamai vakatapurwa vanogona kuipfuudzira kuvana vavo. Ava vana vasina chavanoziva panguva iyeyo vangavhiringidzika mundangariro, kutambura kuvadziko yechigarire kusvikira kugadziriro yavo huru yetsinga, kana kuti kufa netapuro dzakakomba dzemitezo yokubereka nayo yavo yomukati. Mutengo wakadini unotyisa wokuripira nokuda kwenhambo shomanene pfupi yomufaro unokarirwa!
Vatano isiri yapamutemo yakapfuudzira iyi hosha ingave yaitove isiri inofadza. Mumwe munzveri akabvunza pwere zhinji akataura kuti “nokuda kwavanhukadzi, zvinoitika zve[vatano] zvomumakore okuyaruka zvakanga zvisina kutapurwa nehosha nekane kaviri kupfuura zvakatapurwa nehosha.” Vabereki vanoda kusimbisa kuvana vavo kuti vatano—mutoo unoshamisa uyo Musiki wedu akaita donzo kuti pasi redu rakaisvonaka rizadzwe kupfurikidza nawo—haifaniri kutangwa muchivande kunze kwezvisungo zveroorano.
Murairidzo Wavanoda Zvikurukuru
Vana venyu vanoda kuziva kuti nzira bedzi inovimbika yokudzivisa nayo zvinetso zvinouya pamwe nevatano yapamberi peroorano ndeyokutevera nheyo dzakabudirira kwenguva refu idzo Mwari akagadza. Nheyo dzipiko? Hapana vatano kutozosvikira paroorano, tevere ruvimbiko rwechigarire norwenduramo kuna iyeyo munhu anodikanwa uyo, mumugariro wakanaka, asinawo kuva nomumwe mubiyake wevatano.
Zvisinei, chikonzero chikuru chokutiza utere hachisiri chokuti hunoparira zvinetso asi kuti Musiki wedu anotaura kuti hwakashata. Bhaibheri rinoti: “Regai ufeve.” “Tizai ufeve.” Neiko? Nemhaka yokuti, avo vanopfuurira kuita zvinhu zvakadaro “havazogari nhaka umambo hwaMwari.”—1 VaTesaronika 4:3; 1 VaKorinte 6:9, 10, 18, NW.
Kutevera nheyo dzoumwari kunotungamirira kuupenyu hunofadza zvikuru, hunogutsa zvikuru. Kunotitaviridzira pahosha inopfuudzwa muvatano, nhumbu dzisingadiwi, zvinetso zvemhuri dzomubereki mumwe, uye kurwadziwa mwoyo kwokuva anosiiwa navanhu vakatishandisa nomutoo woudyire kuti vave nevatano.
Kwaanopfuura makore ane 2 500, mashoko akanyorwa nomuporofita wekare waMwari akabvumikisa kuva echokwadi: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Uyo anokudzidzisa kuti uzvibetsere umene, Uyo anokuparira kuti ufambe munzira yaunofanira kufamba mairi. Haiwa kudai bedzi waizoteerera chaizvoizvo mirairo yangu! Ipapo rugare rwako rwaizova rwakafanana chaizvo norwizi, uye kururama kwako kwakafanana namafungu egungwa.”—Isaya 48:17, 18, NW.
Asi idzi nheyo dzetsika dzinogona sei kuwirirana nomuitiro wazvino uno wokuronga misi yokuvhakacha? Mubvunzo iwoyo unotevera kukurukurwa.