Bhaibheri Netsika Dzavechiduku
“Vechiduku vanoratidzika kuva vakagara nhaka yakaipisisa yenyika dzose dzinobvira pamusoro pokuratidzirwa kwavo kumashoko anoreva nezvevatano: Mabhaisikopo, nziyo, nhepfenyuro neTV zvinovaudza kuti vatano ndeyorudo, inofadza, inonyandura . . . Bva, panguva imwe cheteyo, vanhu vaduku vanowana shoko rokuti vasikana vakanaka vanofanira kuti aiwa.”—The Alan Guttmacher Institute.
PWERE dzanhasi dzakakurira muzera rokusaziva tsika. Bhaibheri, kunyanguvezvo, rinopa nhungamiro yakajeka, iri pachena pamusoro petsika dzevatano. Nepo gadziriro dzedzidzo yevatano dzichikombamira kunangidzira ngwariro pakudzivisa pamuviri, Bhaibheri rinoratidza kuti vatano yapamberi peroorano imene ndicho chinhu chinofanira kudziviswa. “Munogona kuva nechokwadi zvikuru chokuti hakuna munhu anopinda zvomenemene muufeve [uhwo hunobatanidza vatano yapamberi peroorano] kana kuti kusachena kana kuti utere . . . anogona kugara nhaka chinhu chipi nechipi choumambo hwaMwari,” rinodaro Bhaibheri. (VaEfeso 5:5, The Jerusalem Bible) Nenzira yakajeka, vatano inofanira kuganhurirwa kuroorano.
Mhinduro kuchinetso chapamuviri pevechiduku nokudaro ndeiyi, kusadzidzisa pwere kudzivisa kunamba pamuviri, asi kudzipa nhungamiro yetsika neyomudzimu. Bhaibheri rinojekesa kuti mutoro waani wokupa iyi nhungamiro: “Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW.
Muimwe nzvero, kunyanguvezvo, pwere dzakakumbirwa kuti “dziyere vabereki vadzo pamwero unovambira pakusagutsa kusvikira pakugutsa zvikuru samanyuko amashoko evatano. Kuyera kwavayaruki vanamai vavo zvikurukuru kwakanga kuri mumwero wakaderera usingagutsi. Kuyerwa kwavanababa kwakanga kuri kusingagutsi zvikuru.” Ndokwechokwadi here, ipapoka, kukarira vabereki kupa vana vavo nhungamiro panhau dzevatano?
Kupa Pwere Nhungamiro Yetsika
Pana Zvirevo 4:1-4, Mambo Soromoni anokurudzira pwere, kuti: “Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; . . . Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, mwana wakadikanwa kwazvo, mumwe oga pamberi paamai vangu; ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri: ‘Mwoyo wako ngaunyatsobata mashoko angu.’” Kuri pachena kuti Soromoni akanga achikwanisa kukurukura kunyange zvinhu zvapachivande nababa vake; Soromoni amene anopfuurira kukurukura utere hwevatano nomutoo wakajeka zvikuru.—Zvirevo 5:1-19.
Pakati peZvapupu zvaJehovha, mhuri dzakawanda dziri kuchengeta kurukurirano yakajeka zvakafanana navana vavo—uye nebudiriro huru! Ivo vanoita zvinopfuura kungoudza vana vavo chete kuti “Aiwa!” pamusoro pevatano. Bhaibheri rinovabetsera kupa vana vavo zvikonzero zvakanaka zvokudzivisa utere. Rangarira, zvakare, mashoko aSoromoni. Pana Zvirevo 5:3, 4, iye anokurudzira majaya kudzivisa vatano nechifeve. “Nokuti miromo yomukadzi wokumwe [chifeve] inodonha uchi; muromo wake unotedza kupfuura mafuta.” Hungu, kariro youtere ingaratidzika kuva inofadza zvikuru. Zvisinei, Soromoni anonyevera, kuti: “Asi pakupedzisira unovava segavakava; unopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka.”
Kufanana naSoromoni, vabereki vanogona kurangarira navana vavo pamusoro pemiuyo yevatano. Hana inonetseka, pamuviri pasingadikanwi, hosha dzinopfuudzwa nevatano zvakadai seAIDS—iyi miuyo yakakasharara yenguva shomanene yomufarwa unonyengera. Soromoni anopazve zano pwere rokuti dzi“rege kupa vamwe kunaka kwoujaya hwadzo.” (Zvirevo 5:9) Hakusati kuchiratidza here kushaikwa kwokuzviremekedza kuti pwere izvipe imene kumumwe munhu asingafariri roorano? Hakusati kuchideredza here kungobatira chete somutoo wokugutsa zemo rako umene kana kuti romumwe munhuwo hake roudyire? Vabereki vanogona kubetsera vana vavo kunzwisisa aya maidi.
Soromoni akapa rimwe zano pamusoro pomunhu ane utere, achiti: “Nzira yako ngaive kure naye, usaswedera pamukova weimba yake.” (Zvirevo 5:8) Nenzira yakafanana, vabereki vanogona kupa pwere pangiro inoshanda mukudzivisa migariro inobvumiranisa pane zvisina kufanira. Ivo vanogona kudzikurudzira kusaronga misi yokundovhakacha navanhu vasina nheyo. Uye apo ivo vanosvika pfundo rokukwaniriswa kunyenga, ivo vanogona kukurudzirwa kuita nhanho dzinoshanda dzokudzivisa mufambiro wakaipa. Somuenzaniso, vaviri vanonyengana vangaronga kuti mumwe munhu nguva dzose avaperekedze pamisi yokundovhakacha. Ndokwechinyakare here? Zvichida. Asi kuri nani kungwarira zvakafanira kupfuura kuti “iwe ugochema pakupedzisira kwako, kana nyama yako nomuviri wako zvaparadzwa, uchiti: ‘Ndakavengereiko kurairirwa . . . Ndakaregereiko kuteerera inzwi ravadzidzisi vangu?’”—Zvirevo 5:11-13.
Kubetsera Pwere Kutya Jehovha
Mukuwirirana nezviverengero, kune pwere dzinoshingaira muvatano dzinopfuura mamirioni 12 muUnited States moga. Kunyange mukondombera weAIDS wakaita zvishomanene kudzivisa ichi chiito choutere. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuroverera muvana vazvo chimwe chinhu chinopesvedzera zvikuru kwazvo kupfuura kutyiwa kweAIDS kana kuti kwapamuviri: kutyiwa kwakanaka kwaJehovha Mwari. Soromoni anoyeuchidza pwere pana Zvirevo 5:21, kuti: “Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha; ndiye anoyera makwara ake ose.” John, mumwe weZvapupu zvaJehovha nababa wavana, anopa iri zano: ‘Chinobetsera ndechokuti vana vave nokutyiwa kworudo kwaJehovha. Usatya kuita kuti mwana wako azive kuti Jehovha anogona kusuruvariswa nezviito zvedu zvoudyire.’—Enzanisa naZvirevo 27:11.
Chokwadika, kuti kutya Mwari kuve chinodzivisa chinobudirira kuutere, Mwari anofanira kuva chaiyeiye zvikuru kumunhu muduku. (Enzanisa naVaHebheru 11:27.) Vabereki vanogona kubetsera vana vavo kusakurira ukama hwechokwadi naMwari kupfurikidza nefundo yenguva dzose yeBhaibheri, munyengetero wezuva nezuva, uye chinoitika chaichoicho choupenyu. Apo pwere inosvika pakunzwisisa kuti Mwari anomuitira hanya, iye achasundwa kudzivisa mufambiro ungagona kumutsamwisa.—1 Petro 5:7.
Nenzira inofadza, ukama hwepwere naMwari hunogona kubetserawo kuita zvinodikanwa zvakati izvo kazhinji kazhinji zvisingaitwi mudzimwe pwere dzakawanda. Nyanzvi dzinotaura, somuenzaniso, kuti utere kazhinji kazhinji inzira yepwere yokukurira nayo mirangariro yokusava nesimba kana kuti kushaikwa kwokuzviremekedza. Mirangariro yakadaro, kunyanguvezvo, haifaniri kutambudza munhu ane ukama naJehovha! Pwere yakadaro inogona kuti: “Mwari ndiye mubetseri wangu; Jehovha ari pakati paavo vanotsigira mweya wangu.”—Pisarema 54:4.
Murangariro Wakadzikama Wevatano Neroorano
Chokwadika, vabereki havadi kuti vana vavo vakudziridze murangariro wokunyanyisa kana kuti wakaipa wevatano. Nepo Bhaibheri richishurikidza ufeve, rinoratidzawo kuti vatano inogona kuva yakaisvonaka zvikuru—ndiko kuti, mukati megadziriro yeroorano. Achishandisa mutauro wokudetembedza, Soromoni anowedzera, kuti: “Tsime rako ngariropafadzwe; ufarire mukadzi woujaya hwako. . . . Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; ugare uchigutiswa norudo rwake.”—Zvirevo 5:18, 19.
Vachirangarira uyu murangariro wakakwirira woukama hweroorano, hapana chikonzero chokuti vabereki vanzwe vachikwenudzwa mukukurukura nhau dzapachivande. John anoti (anongedzerwa kwaari pakuvamba): “Isu nguva dzose tinotaura nokutendeseka navo, naizvozvo nhau yevatano haisi chakavandika. Tinosimbisa kuti chipo chinobva kuMusiki, Jehovha, chinofanira kufarikanywa nomurume nomudzimai panguva yakafanira.” Mumwe baba anoti nezvavakomana vaviri vechiduku: “Kuvambira pamakore avo apakuvamba, takakurukura vatano zvakajeka navo. Takaedza kuvadzidzisa murangariro wokuremekedza, wakakwirira worudo nevatano. Tinochengeta kurukurirano inopfuurira.” Nenzira inokosha, vana vavo vakaramba vakachena.
Kuita Kuti Pwere “Dzive Dzakachenjera Nokuda Kworuponeso”
“Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa,” akadeya kutaura kudaro muapostora Pauro. (2 Timotio 3:13) Mipimo yetsika nokudaro ichapfuurira kuderera. Utere hwavechiduku napamuviri zvichapfuurira kutambudza chaunga.
Vabereki voumwari vachatendeukira kuBhaibheri kuita kuti vaite kuti vana vavo vave “vakachenjera nokuda kworuponeso.” (2 Timotio 3:15, NW) Kana uchiziva kuti iwe umene unoda muraidzo muBhaibheri, inzwa wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha kupfurikidza nokunyorera vabudisi vamagazini ino. Ivo vachafara kuronga kuti ugamuchire muraidzo wakadaro pasina mutengo. Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukugoverawo zvinyorwa zvakadai sebhuku rinonzi Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri.a Irori rine mashoko apaMagwaro ayo akabetsera zviuru zvepwere kunzvenga misungo youtere yenyika.
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvavasikana vakatowana nhamo yapamuviri pasina kururama? Migariro yakadaro haisiri isina tariro. Mwari ‘anokanganwira zvikuru’ munhu ano urombo zvirokwazvo nokuda kwenzira yake yomufambiro. (Isaya 55:7) Nepo kuva mubereki mumwe kusiri nyore, munhu anogona kukuita kuti kubudirire kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri. Mumwe mukadzi muduku uyo akava navana vatatu kunze kweroorano asati ava muKristu akaita izvozvo chaizvo. Iye anoedza kushandisa Shoko raMwari mumhuri yake. Kupfurikidza nokusanosonganirana neungano yeZvapupu zvaJehovha, iye akawana nyaradzo huru netsigiro. Iye anoti: “Zvamazvirokwazvo kunoshamisa kubatira Mwari anokanganwira kwazvo, uye kuva nehama nehanzvadzi vanonzwisisa kwazvo. Kwenguva yokutanga muupenyu hwangu, ndinonzwa ndakachena uye ndakanaka, mumudzimu nomumuviri.”
Chokwadika, kwaizova kwakanakisisa kudzivisa zvinetso zvevatano yapamberi peroorano pakutanga. Nomufaro, zviuru zvepwere nhasi zviri kuita saizvozvo nemhaka yokuti zvinotevera pangiro isingagumi yeBhaibheri.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuroverera muvana vazvo chimwe chinhu chinopesvedzera zvikuru kupfuura kutyiwa kweAIDS kana kuti pamuviri: kutyiwa kwakanaka kwaJehovha Mwari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Mukuwirirana nezviverengero, kune pwere dzinoshingaira muvatano dzinopfuura mamirioni 12 muUnited States moga
[Mifananidzo iri papeji 5
Vabereki vanogona kuchengeta kurukurirano inopfuurira navana vavo pakunouya kunhau dzevatano
[Mifananidzo iri papeji 7]
Pwere dzechiKristu dzichadzivisa mufambiro unogona kukuvadza ukama hwadzo naMwari