Denho Kuvabereki
Nyika inzvimbo ine utere hukurusa kupfuura zvayaichimbova. Kune kunyanyisa kwokushambadza kune chokuita nevatano. Magazini anoratidzira vakadzi sezvinhu zvokutambisa zvapanhambo nenhambo anotengeswa muchitoro chegirosa. Rwiyo rwerock runosimbisa kubatwa chibharo nomuzivikanwi. Zvamazvirokwazvo, sezvinopupurirwa nezvinooneka nokunzwiwa zuva riri rose, iyi inyika youtere!
PUROFESA wefundo dzemhuri Greer Litton Fox akataura kuti pazviito “40 kana kuti zvinopfuura” zvevatano kana kuti vatano inokarakadzwa “kuti mumwe anogona kuva anoratidzirwa paterevhizheni kubvira pa 1:30 kusvikira ku 11 p.m. zuva nezuva, isingasviki 5 muzana inobatanidza vaviri vakaroorana.” Kupfurikidza nenhepfenyuro inokurudzira vatano, hakushamisiwo kurava nezve“mwero inokatyamadza uye miuyo inokangaidza yemimba dzavachiri kuyaruka.”
Zvamazvirokwazvo, kuna vabereki vanoda zvakanakisisa nokuda kwavana vavo, idenho kuvarera munyika ino ine utere. Bva, ikoku hakurevi kuti vanhu vaduku vose vari kupinda muvatano. Vanzveri vanozivisa kuti hafu yavasikana vezera ramakore 15 kusvikira ku 19 veAmerica vakapinda muvatano, nokudaro kunosimbisa kuti hafu haisati! Kupfuurirazve, kunyange vakawanda vaavo vakabatanidzwa muvatano vanoshuva kuti kudai vakanga vasina. Mumwe akanyorera mupepeti wezvokunyorwa kwepepanhau Ann Landers, kuti:
“Vatano naJoe (rudo rwangu rwokutanga rwokuhunguka) yakanga ichiodza mwoyo, nokudaro ndakaedzazve naMike, tevere naNeal, ipapo naGeorge. Handizivi chandakanga ndichitsvaka. Chipi kana chipi chachakanga chiri, handina kuchiwana. Ndakanga ndawana zvakawanda zvepfungwa dzoupenzi mumagazini, mafirimu anokusiya une chiringa namabhaisikopo. Upenyu chaihwo hwakanga husina kudaro.
“Kudai ndaigona kutaura navasikana vaduku vanorava chikamu chenyu, ndaizovaudza kuti vatano yavachiri kuyaruka haipedzi zvinetso, inoparira zvakawanda. Haiiti kuti musikana anzwe achidiwa, inomuita kuti anzwe achizvidzika. Ndaizovaita kuti vazive kuti haiiti musikana ave ‘mukadzi zvikuru,’ inogona kumuita akaderera.
“Kudai ndaigona kutaura navabereki, ndaizovakurudzira kusimbisa kuzviremekedza uye mipimo yakakwirira.”
Zvamazvirokwazvo, vanhu vaduku vari pedyo navabereki vavo uye vanonzwa vakakotsekana mumhuri dzavo uye vakanaka pamusoro pavo vamene vanokombamira zvishoma kukuva vanyajambwa voutere kupfuura avo vasati. Uye kune sangano ravanhu vanopfuura zvikuru mamirioni mana pasi rose umo vanhu vaduku vanobetserwa kuomerera kumupimo wakakwirira zvikurusa kupfuura unowanzoteverwa nhasi.
Nokuda kwaaya maidi, munogona sei kubetsera vana venyu kuzvitaviridzira vamene pautere hunowedzera munyika yanhasi? Munogona sei kuvabetsera kurarama upenyu hunofadza zvikuru, huri nani, uye hune tsika zvikuru? Iyoyo ndiyo nhau yenyaya mbiri dzinotevera.