Kutsvaka Mvura Norutanda—Ndokwesayenzi Here kana kuti Ndokwamashiripiti?
“KUNOSHAMISA!” akakuwa kudaro murimi anotengesa mukaka muMidwestern United States. Rutanda rutete rwomupirikisi rwakanga rwuchikombama uye ruchimonereka nomutoo wamasimba masimba muruoko rwake. Akapinza nzara dzake muganda kuti atsigise bazu, asi simba rinokwevera pasi rakanga rakasimba. “Rakatosiya zvimedu zveganda mumaoko ake,” akatura befu, akatyamadzwa. Akashamiswazve zvikuru gare gare apo iye akawana mvura kupfurikidza nokuchera munzvimbo chaimo umo rutanda rwakanga rwanongedzera. Chii chakanga chiri kuitika pano apa?
Murimi akanga achiita icho chinowanzonzi kutsvaka mvura norutanda, kutsvaka mvura namashiripiti, kana kuti kushopera mvura. Kazhinji kazhinji, mutsvaki mvura norutanda anobata bazu rine mhanda mumaoko ake ndokufamba-famba, achipa ngwariro pakutsvaka kwake mvura. Nokukurumidza, rutanda rwake rwokushopera mvura rungaita nomutoo wechienzi. Tumwe tutanda tunokombamira pasi, tumwe tunohwezukira kumusoro, kunyange kurova chiso chomutsvaki mvura norutanda kana kuti chipfuva, nepo tumwezve tusingatongotenheki. Muchinoitika chipi nechipi chakadaro, mutsvaki mvura norutanda anonzwa kuti pasi pane mvura. Kutsvaka mvura norutanda kunoitwa munyika yose. Mukuwirirana nokumwe kukarakadza, vatsvaki mvura norutanda vane 25 000 vanoita basa ravo muUnited States moga.
Ndokwesayenzi Here?
Pane nheyo yakati yesayenzi inoita kuti basa rokutsvaka mvura norutanda rishande here? Mubvunzo wanguve uri gakava. Kwaanopfuura makore 70 akapfuura, magazini yeNharireyomurindi yechiNgezi yakarangarira neiyi nzira: “Hatisati taizoda kuva muchimiro chendangariro chokuzvidza ipi neipi yemitemo yechisiko, asi kunoratidzika kuva kwechienzi zvikuru kuti yerero shomanene yemvura mamita mashanu kana kuti matanhatu pasi pepamusoro pepasi ingava nesimba rinokweva zvimwe zvinhu rakaringanira kukombamisa muwillow withe apo rukova rwose ruzere nemvura rusati rwaizotongotenhedza rutanda rumwe cheterwo. . . . Naizvozvo panofanira kuva nechimwe chinhu kunze kwokushanda kwemitemo yechisiko.”
Zvisinei, vatsvaki mvura norutanda vakawanda vanoomerera pakuti kutsvaka mvura norutanda isayenzi. Kutaura idi, American Society of Dowsers inozviidza imene kuti “Sosaiti isingaiti mhindu, yedzidzo neyesayenzi.” Kwamakore, masayendisiti akawanda akavapo kuti adane bazu idzva kuti ritsanangure kutsvaka mvura norutanda. Muma 1700 zvakanga zviri “zvinhu zvinobva” mumhande dzeatomu zvakaita kuti kutsvaka mvura norutanda kushande. Muma 1800 akanga ari magetsi. Muzana redu ramakore chave chiri chinhu chiri chose chinobva mukushanda kwezvinhu zvinobudisa mwaranzi kusvikira kusimba rinokweva ramagetsi kusvikira kundangariro yomunhu.
Pamisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, muna 1979, magazini yakakurumbira inonzi New Scientist yakabudisa dzinoratidzika kuva rondedzero dzakanaka pamusoro pokutsvaka mvura norutanda. Nyanzvi yoruzivo rwesimba nenyanzvi yomugariro wapasi dzakafungidzira kuti muviri womunhu umene ungava unotapurika zvikuru kuchinjo dzakavandika dzamagetsi, dzesimba rinokweva zvimwe zvinhu, kana kuti dzesimba rinokweva zvimwe zvinhu ramagetsi dzinoparirwa nemvura kana kuti mabwe anokosha zviri pasi pevhu.a
Asi rondedzero dzakadaro dzakundikana kuwina kugamuchirwa kwakafara pakati pamasayendisiti. Kutaura idi, muThe Encyclopedia Americana, masayendisiti apaHarvard University E. Z. Vogt naL. K. Barrett akaramba kutsvaka mvura norutanda neiyi nzira: “Nzvimbo inodzorwa uye kuedza kwamarabhoritari zvakakundikana kubvumikisa kushanda kwokutsvaka mvura norutanda, uye kuchisarudzwa nemipimo yesayenzi muitiro hautongorina hwaro.” Muna November 1990, vatsvaki mvura norutanda vakabvuma kuti kuitwe kuedza kune 720 muKassel, Germany. Kunyange zvazvo vakafadzwa nemigariro yokuedza uye vakanga vane chivimbo chorubudiriro, vatsvaki mvura norutanda vakakundikana; vakangova bedzi norubudiriro netsaona mukuwana mvura nesimbi zviri pasi pevhu. Magazini yomwedzi nomwedzi inonzi Naturwissenschaftliche Rundschau yakagumisa kuti apo kunosarudzwa nomutoo wesayenzi, kutsvaka mvura norutanda “kwakavimbika sechabuta.” Kumwe kuedza kwakadaro kwakaguma nomutoo wakafanana.
Vatsvaki mvura norutanda vanotsanangura kundikano dzakadaro namashoko echienzi. Vamwe vanonyunyuta, somuenzaniso, kuti kuedza kunovaita kuti vapanikire mano avo kana kuti kunovatungamirira kukutsvaka mvura norutanda nokuda kwevavariro dzisina kururama kana kuti dzakakomba zvikuru. Zvinhu zvakadaro, vanotaura kudaro, zvinovaita kuti varasikirwe namasimba avo kwechinguvana. Kutaura idi, chiverengero chakati chavatsvaki mvura norutanda chakawana kuti pashure penduramo yokutsvaka mvura norutanda kunobudirira, ndiimwe nguva apo vanoda zvomenemene kuzvibvumikisa vamene kuti masimba avo anoparara nokukurumidza—kana kuti kuvanyengedza. Naizvozvo vamwe vanogumisa kuti simba rinoparira kutsvaka mvura norutanda rine pfungwa yakashata inosetsa.
Ikoku kunonzwika sesayenzi kwauri here? Pashure pokurangarira zvose, masimba echisiko (ayo anopimwa kupfurikidza nemitoo inozivikanwa nesayenzi) haana pfungwa inosetsa, yakashata kana kuti yakanaka; uyewo haasi fungidziro. Ndeenguva dzose. Haachinji mukuwirirana nomugariro wendangariro, chimiro chendangariro, kana kuti vavariro zvaavo vanoanzvera kana kuti kuayera. Nokudaro, kumasayendisiti mazhinjisa kutsvaka mvura norutanda mashura—hapanazve chimwe chinhu. Kutaura idi, kunyange vatsvaki mvura norutanda vakatanhamara vakabvuma kuti hakuna simba rinozivikanwa kusayenzi ringanzi rinogona kuparira kutsvaka mvura norutanda.
Inyengedzo Here?
Asi uku kusavapo kwetsananguro yesayenzi kunoreva kuti zvinoitika zvose zvakashumwa zvokutsvaka mvura norutanda zvakabudirira ndizvinoitika zvakaitikira pamawa zvakatanhamara kana kuti zvimwe inyengedzo chaidzoidzo here? Zvakadiniko nechinoitika chomurimi chadudzwa pakutanga—chaingovawo zvacho tsaona here, chinoitika chakasiana nezvimwe?
Zvomenemene, rutivi rwokutsvaka mvura norutanda rwakabudisa nhau dzinosanopupurirwa dzakawanda. Somuenzaniso, mumwe mukadzi muVermont akadana mutsvaki mvura norutanda apo mugove wemvura unouya kumba kwake wakavhara. Sezvinooneka pombi refu inobva kutsime riri kure inouya kumba yakanga yabooka. Mukadzi haana kutomboziva apo paiva nepombi—yakanga yakafushirwa kare kwamakore 30—ndoda apo chikamu chakabooka chingava. Asi mutsvaki mvura norutanda mundangariro akabvunza rutanda rwake, uye rwakakombamira panzvimbo yakati. Masendimita gumi namashanu kubva ipapo, chikamu chakabooka chepombi chakawanwa.
Zvimwe nhau yakakurumbira zvikurusa ine chokuita nomutsvaki mvura norutanda akakurumbira weAmerica Henry Gross. Nyanzvi dzomugariro wapasi dzakapwiswa kuti mvura yakachena yaisagona kuwanwa pasi pevhu muBermuda. The Saturday Evening Post yakashuma, kuti: “Gross akawaridza mapu yeBermuda mumba [munyori wamanovheri Kenneth] maRoberts muKennebunkport, Maine, uye achipfuudza rutanda rwake rwokushopera pamusoro payo, akaratidza nzvimbo nhatu apo mvura yakachena yaizowanwa . . . Kuti anzvere zviwanwa zvake, Gross naRoberts vakaenda nendege kuBermuda, vakanyengetedza hurumende kuti igovere michina yokucheresa, uye vakandoshanda. Mwedzi mishomanene gare gare, muna April 1950, matsime matatu ose akabudisa mvura sokutaura kwakanga kwaita Gross kuti aizodaro.”
Vatsvaki mvura norutanda vanotaura kuve vakawana mvura yamatsime ane zviuru. Vatori nhau vakaperekedza vatsvaki mvura norutanda, vakaona tutanda twuchikombama nomutoo wamasimba masimba zvikuru zvokuti zvanza zvomutsvaki mvura norutanda zvakaita mhoni, uye vakanzwa vatsvaki mvura norutanda vachideya kutaura kunyange udzame hwemvura iri pasi. Vakaona matsime achiboorwa uye kudeya kutaura kuchipupurirwa. Nepo sayenzi ingasagovera zvikonzero zvakasimba nei ichi chinoitika chichishanda, chinoshanda nomutoo wakajeka—zvisinei kuna vanhu vakati, pane dzimwe nguva. Neiko?
Nhau Inozivisa
Nhau yokutsvaka mvura norutanda inozivisa zvikuru muna ikoku. Muitiro wacho ungave wave uripo zvikuru kwezviuru zvamakore. Asi apo chiremba womuzana ramakore rechi 16 Georgius Agricola akanyora bhuku rake rezvikwangwani pamusoro pokuchera migodhi, De Re Metallica, rondedzero yokutanga ine udzame yokutsvaka mvura norutanda yakanyorwa. Vacheri vemigodhi veGermany vakanga vachishandisa muitiro wacho kuti vawane mikoto yamanyuko esimbi. Asi kunyange panguva iyeyo kwakanga kune gakava pamusoro pokuti kutsvaka mvura norutanda kwakanga kuri chinoitika chomuzvarirwo here kana kuti chamashura. Agricola akacherekedza kuti vamwe vakaramba muitiro wacho, sezvo “matavi [tutanda twokushopera] asati aizotenheka nokuda kwomunhu ari wose, asi bedzi nokuda kwaavo vanoshandisa detembedzo namashiripiti.” Sezvo kutsvaka mvura norutanda kwakapararira muEurope mose, gakava rakapararira pamwe chete nako. Martin Luther akakushurikidza, uye vamwe vatungamiriri vechechi gare gare vakaita zvakafanana. Kuti vanyaradze vafundisi vakadaro, vamwe vatsvaki mvura norutanda vakaita kuti tutanda twavo tubhapatidzwe, uye vaiteterera Mwari wavo woUtatu pakutsvaka mvura norutanda.
Kuvatsvaki mvura norutanda vakawanda, kutsvaka mvura uye zvisaririra zvesimbi kwakanga kusina kukwana. Vakawana nzira dzakawanda dzokushandisa tutanda. MuFrance yomuzana ramakore rechi 17, Jacques Aymar akavamba kutsvaka norutanda kuti awane matsotsi! Sezvinoshumwa, akanga achitsvaka mvura norutanda rimwe zuva apo rutanda rwake rwakakombamira nomutoo wamasimba masimba paguva romukadzi akapondwa. Rutanda ipapo rwakakombamira kumurume womukadzi, uyo akatiza pakarepo. Aymar—navamwe vatevedzeri vakawanda—vakashandisa rutanda rwokushopera kuti varatidzire matsotsi muEurope mose. Vashingairi vorudzidziso vechiKaturike vakatoshandisa Aymar norutanda rwake rwokushopera kuvabetsera kuvhima vaPurotesitendi kuti vaurawe.
Batano Yamashiripiti
Hakushamisi, kunyange muzuva raAymar kwakanga kune “nyanzvi” dzaifunga kuti dzaigona kutsanangura mabasa makuru akadaro musayenzi. Vakaita rondedzero yokuti rutanda rwokushopera rwaAymar rwakanga rwuchinzwa “zvinhu zvinobuda” zvakavanzika zvechienzi kumhondi, izvo vakaidza kuti “nhau inouraya.” Kunyange zvakadaro, nenzira yakajeka mabasa makuru aAymar akanga asina chokuita nesayenzi. Simba raiparira icho Aymar akaita rakanga rakangwara. Raigona kuratidza matsotsi, kusianisa muPurotesitendi nomuKaturike, uye kuwana mvura pamwe chete nesimbi.
Nenzira yakafanana, chinhu chipi nechipi kunze kwesimba rakangwara chaigona sei kuparira kutsvaka mvura norutanda pamapu, apo rutanda rwakanongedzera pamanyuko emvura pamapuwo zvayo yenyika iri kure? Vamwe vatsvaki mvura norutanda vakawana zvikwama zvemari zvakarasika, mapassport, zvishongo zvinokosha, uye kunyange vanhu kupfurikidza nokutsvaka norutanda runovheya-vheya runorembedzwa pamusoro pamapu. Vamwe vanotarisa kupindura kwomudziyo wokushopera kumibvunzo inopindurwa nokuti hungu kana kuti kwete. Muma 1960 vamwe Varwi Vomungarava dzeHondo veUnited States vaishandisa tutanda twokushopera kuti vawane mikoto, zvimbambaira, nemisungo yapamasuo muVietnam. Nhasi, rutanda rwokushopera rwuri kudiwa nomutoo unowedzera somudziyo wesimba rinopfuura romuzvarirwo. Runoshandiswa kudeya kutaura nguva yemberi, kutsvaka ‘zvipoko,’ uye kufeyafeya ‘upenyu hwakapfuura.’
Munyori Ben G. Hester pakuvamba akapwiswa kuti kutsvaka mvura norutanda kwaingova bedzi “chinoitika chaichoicho chichigere kunzwisiswa.” Asi pashure pamakore masere okufeyafeya nhau yacho, iye akanyora bhuku rinonzi Dowsing—an Exposé of Hidden Occult Forces. Mariri anofananidza rutanda rwokushopera nehakata dzakadai samaOuija board. Akawana kuti vamwe vatsvaki mvura norutanda vanotaura kuti vane mano okuporesa vanhu—kana kuti kuvarwarisa—kupfurikidza norutanda rwokushopera! Nenzira yakafanana, mutsvaki mvura norutanda Robert H. Leftwich akanyora mubhuku rake rinonzi Dowsing—The Ancient Art of Rhabdomancy, kuti: “Umhare hunoshandiswa zvimwe ndohwamasimba . . . ayo akasanobatana naawo anoshandiswa muuroyi. Nokudaro kuedza kwokusangwarira kunogona kuva kune ngozi.”
KumaKristu echokwadi, zviri pamusoro apa zvine kunzwika kusingafadzi kwazviri. Zvisinei nokuti ndokwechokwadi kana kuti inyengedzo, kutsvaka mvura norutanda muzvinoitika zvakadai sezvaonwa pamusoro apa nenzira yakajeka hakusati kuri kwesayenzi; kunoratidzika kuva kwamashiripiti. Sokupeta kwakaita masayendisiti Evon Z. Vogt naRay Hyman muWater Witching U.S.A.: “Naizvozvo isu tinogumisa kuti kutsvaka mvura namashiripiti ndichinoitika chakajeka zvikuru chokushopera kwamashiripiti.”
MuKristu Anofanira Kupinda Mukutsvaka Mvura Norutanda Here?
Chokwadika, kana kutsvaka mvura norutanda kuri zvomenemene chiito chokushopera, muKristu wechokwadi angada kusaita chinhu chine chokuita nakwo. Vanhu vaMwari vakarairwa, sezvatinorava muBhaibheri pana Dheuteronomio 18:10 (NW), kuti: “Mauri hamusati muchifanira kuwanikwa . . . munhu upi noupi anoshandisa kushopera, mushandisi wamashiripiti kana kuti munhu upi noupi anonzvera mashura kana muroyi.” Muporofita Hosea akachemera kundikano yavaIsraeri kutetekera uyu murairo, achinyora, kuti: “Vanhu vangu vakabvunza mazano danda ravo romuti, rutanda runopindura mibvunzo yavo.”—Hosea 4:12, The Jerusalem Bible.
Kunyange zvakadaro, vamwe vangaramba kuti ivo vanopinda bedzi muchimiro chakapfava zvikurusa chokutsvaka mvura norutanda: kuwana mvura. Asi kutsvaka mvura norutanda kwakachena pabatano yose namashiripiti here? Kunofadza kucherekedza kuti varairidzi vokutsvaka mvura norutanda vanowanzodzidzisa vadzidzi kuudza rutanda nomutoo wakananga icho vari kutsvaka, sokunge kuti rwaiva chinhu chakangwara. Mumwe murairidzi wokutsvaka mvura norutanda anotoudza vadzidzi vake kutumidza zita rutanda ndokurudana nezita! Vatsvaki mvura norutanda kazhinji kazhinji vanobvunza tutanda twavo twokutsvakisa mvura kuti manyuko emvura ari pakadzika zvakadini. Rutanda runovamba kukombama, uye mutsvaki mvura norutanda anoverenga chiverengero chekarunoita kudaro. Kuverenga kwokupedzisira kunoenzana noudzame, mumamita, hwamanyuko emvura! Ikoku hakusati kuchikarakadza here kuti pane ungwaru hwakavanzika huri kushanda?
Kupfuurirazve, kutsvaka mvura norutanda kwakabatana nomumwe muitiro uyo Zvapupu zvaJehovha zvanguve zvichingwarira kuti zvidzivise—ESP (extrasensory perception [mufungo wokunzwa kunopfuura kwomuzvarirwo]). Nharireyomurindi yakacherekedza batano iyeyo shure muna 1962. Nokukurumidza pashure pacho, American Society of Dowsers yakapindura netsamba, kuti: “Tinobvumirana nerondedzero yokuti kutsvaka mvura norutanda chimiro cheESP uye kuti kupinda muchimiro chipi nechipi cheESP kunogona kutungamirira ku‘kusvikirwa’ kana kuti kubatanidzwa na‘masimba emidzimu yakaipa’ kutoti nzira dzakafanira dzikashandiswa. Tinofanira kusabvumirana, zvisinei, nepangiro yenyu yechokwadi yokurega chose chose.”b
Unofungeiko? Kana kunyange vatsigiri vanoshingaira vokutsvaka mvura norutanda vachibvuma kuti kune ngozi yokubatanidzwa namasimba emidzimu yakaipa kana kuti kunyange yokusvikirwa, muKristu haafaniri kuda kurega muitiro wakadaro here?
‘Asi kutsvaka mvura norutanda hakuiti zvakanaka zvakawanda here?’ vamwe vangabvunza kudaro. ‘Ikoko hakusati here kuri chibvumikiso chokuti simba rinoparira kutsvaka mvura norutanda rine mutsa?’ Nenzira inosuruvarisa, aiwa. Yeuka, “Satani amene anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 11:14, NW) Kunyange munguva dzeBhaibheri madhemoni panhambo nenhambo akaedza kuwana kudiwa uye pesvedzero kupfurikidza nokutaura zvokwadi.—Mabasa 16:16-18.
Sezvinobvumwa, hatingagoni kusimbisa muuchokwadi kuti chinoitika chiri chose chokutsvaka mvura norutanda (uye pamwe chete neESP) hachitsananguriki musayenzi uye chinofanira kuva chinoparirwa namadhemoni. Pasina panikiro, kune zvakawanda pamusoro pendangariro yomunhu namasimba echisiko izvo zvichiri kunzvenga kunzwisisa kwesayenzi. Uye pasina panikiro kune mabasa makuru okutsvaka mvura norutanda akawanda zvikuru neESP anogona kutsanangurwa senyengedzo yakajeka, yechinyakare. Asi sezvo nhau nomuitiro wazvino uno wokutsvaka mvura norutanda zvakarukana nomutoo usingaparadzanisiki namashiripiti, ESP, uye kutaura nemidzimu, nomutoo wakajeka kune ngozi zvikurusa kurambwa samapipi asingakuvadzi.
Aiwa, pakureva nezvokutsvaka mvura norutanda, “musabata chinhu chine tsvina” kuchiri kunoratidzika kuva zano rakakodzera.—2 VaKorinte 6:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Imwe rondedzero yakadaro yakashumwa muchinyorwa chechiNgezi chaMukai! chaJune 22, 1979.
b Muna 1989 mushumo mukuru pamusoro pokutsvaka mvura norutanda mumagazini yeThe New Yorker wakataura kuti nhasi kunyange vezvokusachinja zvikuru vavatsvaki mvura norutanda vanobvuma—vasingatauri namashoko—kuti ESP isimba rinoparira kutsvaka mvura norutanda.
[Bhokisi riri papeji 29]
Rutanda Rwokutsvaka Mvura Here?
TUTANDA twokutsvaka mvura nhasi tune zvimiro zvakawanda kunze kwebazu rine mhanda. Vamwe vatsvaki mvura norutanda vanoshandisa tutanda tuviri twesimbi tunoumba chipiyaniso apo ano“wana” chinhu chinodiwa. Vamwe vanoshandisa rutanda runobatwa rwakakombamiswa mumaoko avo. Vamwe vanoshandisa mahen’a esimbi. Uye vamwe havatongoshandisi mudziyo; vanongomirira bedzi kunzwa kwokuzokwaira kana kuti kunyeredza mumaoko avo. Muzvitoro munewo tutanda twokutsvaka mvura twakawanda twounyanzvi tunotengeswa, tune zvibatiso nenzvimbo yokuisa chifananidziro chechinhu chiri kutsvakwa. Chokwadika, kunewo zvinhu zvokuwana nazvo zvesimbi zvinotenderwa. Zvinoda manyuko esimba, akadai samabhatiri, uye nokudaro zvinotsauraniswa nyore nyore notutanda twokutsvaka mvura.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Woodcut of dowser from Georgius Agricola’s De Re Metallica