RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 9/8 pp. 16-17
  • “Shamhu Yechirango”—Ndeyechinyakare Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Shamhu Yechirango”—Ndeyechinyakare Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro Wakadzikama
  • Zvakadiniko Ne“shamhu”?
  • Chirango Chinofanira Kupiwa Sei?
  • Bhaibheri Harisimudziri Kubata Zvisina Kufanira
  • Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Chirango Chinobereka Chibereko Chine Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Unofanira Kuranga Sei Vana Vako?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 9/8 pp. 16-17

Murangariro weBhaibheri

“Shamhu Yechirango”—Ndeyechinyakare Here?

“Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana; asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye.”—Zvirevo 22:15.

“Chirango chipi nechipi chomumuviri chinokuvadza mumurangariro uye hachifaniri kutenderwa.”—Parents Anonymous.

KUDUDZA kweBhaibheri “shamhu yokurairira” kunonyandura gakava rakakasharara. Ikoku kunonzwisisika, nokuti gore rimwe nerimwe zviuru zvavana zvinofa somuuyo wakananga wokurova kunoitwa nomubereki. Zvichida ichochi ndicho chikonzero nei rimwe bhuku rinotsinhira Bhaibheri richikwenengera kutendera kweBhaibheri chirango chokurova sokuriwo zvako “murangariro unotsamira patsika.”

Asi mirangariro yetsika haina kufuridzira Bhaibheri—Mwari akadaro. (2 Timotio 3:16) Tsinhiro dzaro pamusoro pe“shamhu yokurairira” hadzina mufungo here? Kunokosha kuti tinzvere “shamhu” mumashoko ayo akapoteredza. Kuenzanisira: Zvidimbu zvimwe nezvimwe zvejigsaw puzzle zvine mufungo mushomanene. Munhu anogona kuona mufanikiso wacho wose pashure bedzi pokuzvibatanidza. Nenzira yakafanana, “shamhu” chidimbu chimwe chete chepuzzle. Kuti tione mufanikiso wakazara, tinofanira kubatanidza “shamhu” nedzimwe nheyo dzeBhaibheri dzine chokuita nechirango.

Murangariro Wakadzikama

Bhaibheri rinotsigira chirango chokurova bedzi here? Rangarira zano rinotevera:

• “Musatongotsamwisa vana venyu.”

• “Musanyanyoruramisa vana venyu, kutyira kuti muchavaodza mwoyo zvikuru.”

‘Ikoko kune mufungo zvikuru kwazvo kupfuura zano reBhaibheri,’ vamwe vangataura kudaro. Asi irori ndiro zano reBhaibheri. Iro rakanyorwa pana VaEfeso 6:4 (The New Jerusalem Bible) naVaKorose 3:21 (Phillips).

Hungu, murangariro weBhaibheri une mufungo. Iro rinobvuma kuti chirango chokurova kazhinji kazhinji hachisati chiri mutoo unobudirira zvikurusa wokudzidzisa. Zvirevo 8:33 (NW), inoti, “Teerera chirango” kwete, ‘Inzwa chirango.’ Uye Zvirevo 17:10 inoonesa kuti “munhu une njere unobaiwa nokutukwa kupfuura benzi nokurohwa rune zana.” Kupfuurirazve, Dheuteronomio 11:19 inorumbidza chirango chokudzivirira, uchishandisa nhambo dzisina kurongwa kuroverera mipimo yetsika muvana vako. Nokudaro, murangariro weBhaibheri wechirango wakadzikama.

Zvakadiniko Ne“shamhu”?

Zvisinei, Bhaibheri rinodudza “shamhu” yechirango. (Zvirevo 13:24; 22:15; 23:13, 14; 29:15) Ikoku kunofanira kunzwisiswa sei?

Shoko rokuti “shamhu” rinoshandurwa kubva mushoko rechiHebheru sheʹvet. KuvaHebheru, sheʹvet raireva muti kana kuti tsvimbo, zvakadai seiyo yaishandiswa nomufudzi. Muaya mashoko akapoteredza shamhu yechiremera inokarakadza nhungamiro yorudo, kwete utsinye hwehasha.—Pisarema 23:4.

Sheʹvet inoshandiswa kazhinji kazhinji nenzira yokufananidzira muBhaibheri, ichimirira chiremera. (2 Samueri 7:14; Isaya 14:5) Pakunongedzera kuchiremera chavabereki, “shamhu” haisati ichinongedzera bedzi bedzi kuchirango chokurova. Inobatanidza zvimiro zvose zvechirango, izvo kazhinji kazhinji zvikurusa zvisingafaniri kuva zvokurova. Uye apo chirango chokurova chinoshandiswa, kazhinji kazhinji imhaka yokuti mimwe mitoo yakabvumikisa kuva isingabudiriri. Zvirevo 22:15 inotaura kuti upenzi huno“namatira” (“tsigiswa,” NJB; “simbisiswa,” The New English Bible) mumwoyo wouyo anogamuchira chirango chokurova. Chinopfuura upenziwo zvahwo hwoucheche chinobatanidzwa.

Chirango Chinofanira Kupiwa Sei?

MuBhaibheri, chirango nguva dzose chinobatanidzwa norudo nounyoro, kwete nokutsamwa noutsinye. Mupi zano ane unyanzvi anofanira kuva “munyoro kuvanhu vose, . . . unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, unodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa.”—2 Timotio 2:24, 25.

Naizvozvo, chirango hachisati chiri panobudiswa napo mirangariro pomubereki. Panzvimbo pezvo, mutoo womurairidzo. Sechakadaro, chinofanira kudzidzisa mwana anotadza. Pachinopiwa mukutsamwa, chirango chokurova chinodzidzisa chifundo chisina kururama. Chinobatira chinodikanwa chomubereki kwete icho chomwana.

Kupfuurirazve, chirango chinobudirira chine miganhu. “Ndichakuranga ndichiita nokururama,” anotaura kudaro Jehovha kuvanhu vake pana Jeremia 46:28. Ikoku kunokosha zvikuru kuyeuka pakupa chirango chokurova. Kurova kana kuti kuzungunusa mucheche kunogona kutungamirira kukuvadziko yendangariro kana kuti kunyange rufu.a Kudarika donzo rinodikanwa rechirango—kururamisa nokudzidzisa—kungatungamirira kukubatwa zvisina kufanira kwomwana.b

Bhaibheri Harisimudziri Kubata Zvisina Kufanira

Asati aruramisa vanhu vake, Jehovha akati: “Usatya hako, . . . nokuti ndinewe.” (Jeremia 46:28) Chirango hachifaniri kusiya mwana achinzwa asiiwa. Panzvimbo pezvo, mwana anofanira kunzwa kuti mubereki a‘naye’ sekurudziro yorudo, inotsigira. Kana chirango chomumuviri chikarangarirwa kuva chiri madikanwa, mwana anofanira kunzwisisa chikonzero nei. Zvirevo 29:15 inotaura kuti “shamhu nokuraira zvinouyisa uchenjeri.”

Iidi rinosuruvarisa kuti nhasi vakawanda vanoshandisa “shamhu” yechiremera choubereki nenzira inokuvadza. Bva, mhaka haigoni kuwanwa munheyo dzakadzikama dzeBhaibheri. (Enzanisa naDheuteronomio 32:5.) Apo tinorangarira “shamhu” mumashoko ayo akapoteredza, tinoona kuti inobatira kudzidzisa vana, kwete kuvabata zvisina kufanira. Somune dzimwe nhau, Bhaibheri rinobvumikisa kuva “rinobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama.”—2 Timotio 3:16, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Bhuku rinonzi Outgrowing the Pain: A Book for and About Adults Abused as Children rinonyevera, kuti: “Kubinha kunogona kuva kubatwa zvisina kufanira kwomwana apo kunoitwa nenzira isingadzorwi, nesimba rakakwana kusiya mavanga. Kushandisa midziyo kurova, kubinha nechibhakera, kurova vana vaduku zvikuru, uye kurova munzvimbo dzinotapurika (kumeso, musoro, dumbu, magaro, mativi emitezo yokubereka nayo) kunogona kuwedzera bviro yokurova kuchiva kubatwa zvisina kufanira kwomwana.”

b Bhuku rinonzi Father Power, rakanyorwa naDr. Henry Biller naDennis Meredith, rinoti: “Chirango chomumuviri chinofanira kuva bedzi chinyoro kwazvo kuti chive chinobudirira. Kana chichibva kune mumwe munhu waanoda nouyo waanoziva kuti anomuda, sundo yemirangariro ichava yakakwana kuita kuti mwana wacho afunge pamusoro pezvaaita.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

The Bettmann Archive

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe