Mosesi Akanga Ari Mutsvaki Mvura Norutanda Here?
“MOSESI, uyo akabudisa mvura kupfurikidza nokurova dombo norutanda (Numeri 20:9-11), akatumidzwa kuti mutsvaki mvura norutanda wokutanga.” (The Encyclopedia Americana) Uyu mufungo unomuka kazhinji kazhinji apo nhau yokutsvaka mvura norutanda inokurukurwa. Pamisi ichangobva kupfuura iyi, magazini inonzi National Wildlife nenzira yechokwadi yakatumidza mudonzvo waMosesi kuti “rutanda rwokushopera.” Uye vamwe vatsvaki mvura norutanda vanodavira kuti simba ravo rinobva kuna Mosesi.
Mukupesana zvikuru, kunyange zvakadaro, Mosesi akanga ari iye akanyora murairo unorwisana nokushopera! (Dheuteronomio 18:10) Uye nenji rapaMeribha rakanga rakasiana zvikuru nokutsvaka mvura norutanda. Vatsvaki mvura norutanda vakawanda vanotsamira parutanda kuti vatsvake mvura yakavanzika; vanorutevera pose pose, vachirumirira kuti ridengudze kana kuti kukombama. Asi Mosesi haana kutongotevera pose pose mudonzvo wake achiumirira kuti udengudze; kutaura idi, haana kutongotsvaka chaizvoizvo mvura napaduku zvapo. Jehovha, Musiki wapasi namatsime aro akavandika emvura, akaudza Mosesi nzvimbo chaiyoiyo namawanirwe emvura, kuti: “Munofanira kutaura kudombo,” Mwari akaraira kudaro, “kuti rigokupai zvamazvirokwazvo mvura yaro.”—Numeri 20:8, NW.
Uyezve, vatsvaki mvura norutanda vanowanzoudza bedzi vanhu nzvimbo yokuchera. Apo mudonzvo waMosesi wakarova dombo, mvura zhinji yakabuda—yakaringanira kupedza nyota yorudzi rwose. Mosesi akamutsa hasha dzaMwari apo akatora imwe yembiri yaJehovha nokuda kweiri nenji. Kwakaipisisa zvikuru zvakadini kupa mbiri mudonzvo wake—rutanda rusina pfungwa!