RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 2/8 pp. 14-16
  • Tinofanira Kuenda Kumusangano Womutambo Wechikoro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kuenda Kumusangano Womutambo Wechikoro Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mbavarira Kana Kuti Kunyanyisa?
  • Ndinofanira Kukumbanira Timu Yemitambo Here?
    Mukai!—1996
  • Mitambo Yetimu Yakandinakira Here?
    Mukai!—1996
  • Kuzvipira Kuna Mwari, Kana Kuti Kusimbisa Muviri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Panyaya Dzemitambo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 2/8 pp. 14-16

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Tinofanira Kuenda Kumusangano Womutambo Wechikoro Here?

‘RWISAI, timu, rwisai!’ ‘Winai, winai, winai!’ Kudanidzira kunotaurwa kwataurwazve nembavarira inowedzera uye iri pedyo norushingairo rworudzidziso. Nzvimbo yemitambo yokurovedza muviri inotenheka kusvikira kumutinhimira wakatsiga wenziyo nengoma dzinorira. Vasikana navakomana vakapfeka zvipfeko zvakafanana zvakanaka vanotungamirira kudzokororwa kwekuchidziro nenziyo dzorukundo, panguva imwe cheteyo vachikuchidzira vezera ravo nemitambo younyanzvi nokudzana kwokunyanduka kwokunyanyisa. Varovedzi vetimu navatungamiriri vavatambi vanopa simbisiro dzinokusvudzira dzorukundo. Ipapo, pakuchidziro dzinodzivira nzeve dzavatsigiri vavo, timu yechikoro ichecho inobuda. Boka rinonyandurwa nomugariro wamanyemwe oupengo, uye kunyanduka kunosvika pakunyanyisa. Rukundo rwuchava rwavo!

Muzvikoro zvizhinji, misangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro ndizvinoitika zvinokarirwa nomwoyo wose. Uye nepo panguva nenguva, mamwe marudzi emisangano achiitirwa kuparira mbavarira nokuda kwamabasa akasiana-siana echikoro, misangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro inoitwa mukuwirirana nezvinoitika zvemitambo yechikoro inouya: ragibhi, nhabvu, baseball, basketball. Kupwere zhinji musangano unonyandura mbavarira yomutambo wechikoro unopfuura zororo pamuitiro wechikoro. Ndiro banza rokupa timu yechikoro tsigiro inodikanwa, kukuchidzira mhare dzadzo dzemitambo, kukusvudzira timu kurukundo! Misangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro inobatirawo kunyandura mudzimu wechikoro nepfungwa yechinzwano pakati pavadzidzi.

Sezvinobvumwa, handi munhu ari wose anoitira hanya mitambo. Vamwe vadzidzi vanongofarikanya havo simba, mufaro, uye kunyanduka zvemisangano. “Inguva yokusasana uye kuita noupengo,” inodaro imwe pwere. Kuna vamwe, misangano yemitambo ibanza rokupotsa kirasi—kana kuti kusangana nomutoo wakasununguka nevemitezo yakasiana. “Inguva yokuti shamwarikomana neshamwarisikana dzive pamwe chete,” anodaro mumwe mukomana muduku.

Zvisinei, vadzidzisi vazhinji vanodavira kuti kutsigira zvinoitika zvemitambo yechikoro rutivi runokosha rwomuitiro wedzidzo. Mubhuku rake rinonzi The High School Survival Guide—An Insider’s Guide to Success, Barbara Mayer anonyora, kuti: “Mudzidzi upi noupi anopedza chikoro chapamusoro . . . asingagari munzvimbo yavaoni uye achikusvudzira nokuda kwetimu yomunzvimbomo . . . apfuura dzimwe dzenguva dzinofadza kupfuura dzose uye mabanza makurusa nokuda kwoukuru hwaangaona kwenguva yakati kuti.” Hakushamisi kuti mune zvimwe zvikoro, misangano yokunyandura mbavarira yemitambo yechikoro inobvumirwa kutsiva makirasi akarongwa enguva dzose.

Kana zvinoitika zvakadaro zvichiitika muchikoro chako, zvimwe wakafunga nezvokupinda. Zvamazvirokwazvo, ungava anodzvinyirirwa kuita kudaro. Kukundikana kupinda kungasanoparira vamwe kukurangarira kuva anozvikudza kana kuti asina kuvimbika. Kunyanguvezvo, kune zvikonzero zvakanaka zvokuti pwere dzechiKristu dzisapinde.

Mbavarira Kana Kuti Kunyanyisa?

Hakusi kuti Bhaibheri rinoramba mitambo. Bhaibheri rinobvuma kuti “kurovedzwa kwomuviri kune ukoshi hwakati kuti.” (1 Timotio 4:8, Today’s English Version) MaKristu mazhinji—vaduku navakura—anofarikanya zvose zviri zviviri kuona nokutora rutivi mumitambo yakasiana-siana. Ichiitwa kuti irambe iri mumwero, mitambo inogona kuva inofarikanyika, inobetsera.a

Zvisinei, misangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro inogona kushandura mbavarira yakanaka nokuda kwemitambo kuva kunyanyisa kunouraya. MuRoma yekare, mukuwirirana nebhuku rinonzi Sports and Games in the Ancient World, “kukusvudzira kwokunyanyisa, kudanidzira nokukuchidzira kwaigona kunzwika” pazvinoitika zvemitambo zveRoma. Nomutoo usingashamisi, ipapoka, “kunyanyisa nomutoo usingadzivisiki kwaibudirira.” Mukati mokurwa kwavarwi vakarovedzwa kurwa navanhu nemhuka, “vaoni vaiwedzera kudanidzira kwavo kwokuti ‘Uraya! Rova! Rovanya!,’” vasinganzwiri urombo idi rokuti vakanga vachikuchidzira kupondwa kwoutsinye kwomumwe munhu.

Rushingairo rwokunyanyisa rwemitambo rupenyu uye haruna kunakawo nhasi. Pashure pomutambo wenhabvu yeEurope umo masimba masimba avatsigiri akaparira rufu rwavanhu 38, magazini inonzi Discover yakakarakadza kuti chikonzero chakanga chiri “pfungwa yokusazivikanwa” inoparirwa nokuva muboka. Nokudaro, munhu anonzwa asina mutoro nokuda kwezviito zvake. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera pana Eksodho 23:2, kuti: “Usatevera boka nokuda kwamadonzo akaipa.” Asi kungokusvudzira bedzi nokudanidzira nokuda kwetimu yako zvomenemene kunogona kuva kwakaipa kudaro here? Hungu. Magazini inonzi Discover yakati “kukusvudzira nokudanidzira pachinoitika chemitambo kunomirira inenge denho yokutaura iyo, nokuda kwavamwe vanhu, inogona kupinda nyore nyore mudenho yomuviri.”

Ipapo, kungabvira here kuva kunobetsera kutaura danidziro nenziyo dzinokuchidzira vatambi kuputsanya vakwikwidzani vavo? Gerald muduku anoyeuka misangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro yaaiwanzopinda: “Vaidanidzira nenzwi guru rokukwamatata. Padzimwe nguva boka rainyanyova risingadzoreki. Misangano yakanga yakafanana zvikuru nemiitiro yehondo yaitimutsira kukuita chimurenga. Mashoko akadai sokuti ‘uraya,’ ‘pwanya,’ ‘kwapura,’ aishandiswa nguva dzose.” Padzimwe nguva mashoko anova chiito. Perry muduku anoyeuka mumwe musangano apo “munhu ari wose akatora tsvimbo ndokuvamba kurova mufananidzo wetimu inokwikwidza. Apo kwakapera, vakanga vakuvadza mufananidzo wacho.”

Ndianiko asingatapurwi nomudzimu wakadaro unotapukira wamasimba masimba? Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera.” (1 VaKorinte 15:33) Sokubvuma kunoita mumwe mudzidzi muduku, kuti: “Hapana chaungaita kunze kwokuva anopesvedzerwa kuita icho munhu ari wosewo zvake ari kuita.” Uye kana ukatora rutivi mumasimba masimba, pangagona kuva nemiuyo yakakomba. Yeuka kuti vaEdhomi vekare vakakusvudzira vaBhabhironi apo ivo vakapamba Jerusarema. “Riparadzanyei! Riparadzanyei kusvikira kunheyo!” vaEdhomi vakadanidzira kudaro. (Pisarema 137:7) Zvisinei, Mwari akashurikidza kwazvo mudzimu wavo wamatsive, wamasimba masimba. (Obhadhia 1:1, 8, 12) Ko munhu angaita nomutoo wakafanana nhasi ndokusamutsa hasha dzaMwari here?

Chokwadi, handi misangano yose inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro—uye handi zvinoitika zvose zvemitambo—zvine masimba masimba. Asi kunyange apo mwero wedzikamo unotekeshera, kwakakodzera here kumuKristu kutaura zviratidzo zvinoratidzira ruvimbiko rworushingairo rwokunyanyisa kana kuti zvimwe chimiro chokunamata chikoro kana kuti timu yemitambo? (Enzanisa naEksodho 20:5.) Ko kutaura kwokujwiririkira danidziro dzinonyangadza kunotsinhirana nezano riri pana VaEfeso 4:29, 31 here? Tinorava, kuti: “Kutaura kwakaora ngakurege kubuda pamiromo yenyu . . . Shungu dzose nokutsamwa nehasha nokutaura kwokujwiririka nomutauro wakashata ngazvibviswe kwamuri noushati hwose.” Ko kupinda musangano unokuchidzirwa nehasha kuchakubetsera kukudziridza chibereko chomudzimu waMwari here, uyo unobatanidza “unyoro” no“kuzvidzora”? (VaGaratia 5:22, 23) Kana kuti uchangonyandura bedzi mudzimu usina umwari wamakwikwi anotyisa here?—Enzanisa naVaFiripi 2:3.

Chokwadika, migariro inosiana. Padzimwe nguva kupinda magungano echikoro mutemo, uye musangano unonyandura mbavarira yomutambo wechikoro ungava rutivi rwepurogiramu. Misangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro imene ingava inosiana murudzi nezvainazvo. Uye nepo pasina murao worumano unogona kuitwa pamusoro pokupinda, pwere yechiKristu inova yakachenjera kukurukura nhau dzakadaro navabereki vayo ndokurangarira zvitemeso zvakasiana-siana zvinobatanidzwa. (Ona Zvirevo 24:6.) Kana ukasarudza kusabatanidzwa mumisangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro, ungatofanira kudzivisa noushingi dzvinyiriro ine simba yavezera rako. Asi nguva dzose yeuka kuti ruvimbiko rwako rwokutanga ruri kuna Mwari—kwete kuchikoro kana kuti timu.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nhevedzano yenyaya pamusoro pomusoro unoti “Sports—What Place Do They Have?” muchinyorwa chaAugust 22, 1991, chaMukai! muchiNgezi.

[Bhokisi riri papeji 16]

‘Ini Ndinoda Kuva Mutungamiriri Wekusvudziro!

Vasikana vadiki vazhinji—navakomana—vanopanga mukurumbira, kuzivikanwa, uye mbiri inouya pamwe chete nokuva mutungamiriri wekusvudziro. “Kunokuchidzira midzimu yako kuita kuti vanhu vanyanduke uye vafare,” anodaro Lisa, musikana akanokorwa mashoko mumagazini inonzi Seventeen. “Uye kunokuita kuti unzwe uri mukuru kuita kuti munhu ari wose akuone!” Dzimwe pwere dzinokweverwa kugovero dzenzanga dzefambidzano dzinobvira dzokutungamirira kusvudziro. Apo vatsigiri vakaedza kuita kuti Hannah muduku anyorese nokuda kwokuedza, akaudzwa, kuti: “Kuchakuita kuti ukurumbire ndokukuita kuti usonganirane navakomana.” Vamwe vasikana vanotaura kuti kutungamirira kusvudziro kwakasimudzira kuzviremekedza kwavo.

Kunyanguvezvo, upenyu hwomutungamiriri wekusvudziro hahusati huri bumu reminhenga ravanozunguza mukati mokutamba kwavo nokusvetuka kwemitambo yokusimbisa muviri. Kunowanzova namakwikwi anotyisa pakuedza; kuramba kunogona kuva kunokuvadza. Ruvengo chairwoirwo rungavapo pakati pezvikwata zvinobva muzvikoro zvinokwikwidzana. Kupfuurirazve, mimwe miitiro yanhasi yakaoma yokutungamirira kusvudziro inoda chose chose unyanzvi hwenyanzvi dzemitambo yokurovedza muviri dzeOlympic. Kuvadziko dzinowanzoitika. Vatungamiriri vekusvudziro nokudaro vanofanira kupedza maawa akawanda vhiki rimwe nerimwe vachirovedza. Sokureva kunoita bhuku rokutungamirira kukusvudzira, munhu anofanira “kuva akazvitsaurira kukutungamirira kusvudziro nokutungamirira kuimba somuraramiro.”

Ko muKristu zvomenemene anga“zvitsaurira” kuchimwe chinhu chisina maturo sokusimudzira mudzimu wechikoro here? Nyangwe; uyewo hakungavi kwakakodzera kuti pwere yechiKristu ikurudzire boka kuita danidziro kana kuimba nziyo dzinokudza masimba masimba kana kunamata timu nemhare dzemitambo. Uye, sezvadudzwa kare, ngozi ye“songaniro dzakashata” iitiro hanya inoshanda. (1 VaKorinte 15:33) Uyewo, ngatiregei kukanganwa zvinetso zviri pachena zvingaparirwa nokuzviratidzira umene—uye kudzana—wakapfeka zvipfeko zvisina mwero vatungamiriri vekusvudziro vanowanzodikanirwa kupfeka.—1 Timotio 2:9.

Zvinhu zvose zvazvarangarirwa, kwakajeka kuti kutungamirira kusvudziro hakuna kukodzera pwere yechiKristu. Kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha kunokosha zvikuru kwazvo.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ko mudzimu unonyandurwa pamisangano inonyandura mbavarira yemitambo yechikoro unotsinhirana nenheyo dzechiKristu here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe