RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 4/8 pp. 12-13
  • Kufundirei Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufundirei Bhaibheri?
  • Mukai!—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunozarura Mirangariro Mikuru Yendangariro Yokunzwisisa
  • Manyuko Emipimo Yechokwadi Nouporofita
  • “Akakurukura Navo Achivabatsira Kunzwisisa Magwaro”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Bhaibheri—Bhuku Rinofanira Kuraviwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 4/8 pp. 12-13

Murangariro weBhaibheri

Kufundirei Bhaibheri?

KURAVA Bhaibheri rose harisi basa duku. Wati wakuita kamwe chete here kana kuti zvimwe kanoverengeka? Vanhu vazhinji vanodada nomutoo wakakodzera pamusoro pokuve vakaita kudaro. Kuwana nguva yokurava Bhaibheri kunofanira kurongwa pedyo napamusoro chaipo—uye zvimwe kunotofanira kuva kwokutanga—parudungwe rwedu rwezvinhu zvinoisvokosha. Nokuda kwechikonzero chei? Kuziva zviri mukati zvehwaro zvebhuku rinoisvoparadzirwa zvikuru munhau yose, bhuku bedzi rinokambira nomutoo wakarurama kuva rakafuridzirwa naMwari.—2 Timotio 3:16.

Zvisinei, munhu anogona kuita zvakawanda zvinopfuura kungorava bedzi Bhaibheri ndokuziva mapfundo aro makuru. Chishuvo chako here kufadza Mwari uye kufarira betsero dzizere dzedzidziso dzebhuku dzvene iroro? Ipapo tevera pangiro iyo muapostora Pauro akapa jaya Timotio: “Pfuurira pakuzvishandisa umene kukurava kwapamhene, kukuraira, kukudzidzisa. Rangarira pamusoro pezvinhu izvozvi; batikana mazviri, kuti fambiro mberi yako igooneka kuvanhu vose. Ramba uchizvingwarira umene uye kukudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti kupfurikidza nokuita izvozvi uchaponesa vose vari vaviri iwe umene naavo vanokuteerera.”—1 Timotio 4:13, 15, 16, NW.

Kufungisisa kwakadaro padzidziso dzeBhaibheri uye kuva akanyura madziri kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kurava Magwaro bedzi. Kurava Bhaibheri makuri iko kumene hakusimbisiri kuti munhu anogona nomutoo wakakodzera kushandisa mashoko anowanwa, sezvo kurava bhuku pamusoro pouropi hwomunhu kusingagoni kumukwanirisa kuva chiremba wokuvhiya uropi. Nokudaro, teerera imwezve pangiro yaPauro kuna Timotio: “Ita unani hwako hwokuzvipa umene kuna Mwari, mushandi asina chinhu chokunyadziswa nacho, anobata shoko rezvokwadi zvakarurama.”—2 Timotio 2:15, NW.

Kunozarura Mirangariro Mikuru Yendangariro Yokunzwisisa

Kudzidza kubata Shoko raMwari nomutoo wounyanzvi kunoda fundo. Apo munhu anofunda Bhaibheri mukungwarira, achirangarira zvarinoreva, achiwana mufungo waro, achirava zvikamu zvamashoko mumashoko akapoteredza, achinzwisisa nhau yaro, ipapo mirangariro yendangariro yenzwisiso necherekedzo zvisingakarirwi zvingamuzarukira. Zvino anovamba pachake kubetserwa neShoko raMwari.

Ngatirangarirei muenzaniso unoratidza kuti mukurava bedzi chikamu choRugwaro, hatinganzwisisi revo yechiri kutaurwa kutoti bedzi tikarava mashoko akapoteredza. Pana Mabasa 17:11 (NW), tinorava pamusoro pavanhu veguta reGirisi reBherea, riri pasati pari kure neTesaronika, kuti: “Zvino vapashure vakanga vane ndangariro yakanaka zvikuru kupinda avo vomuTesaronika, nokuti ivo vakagamuchira shoko nokudisa kukurusa kwendangariro, vachisanonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvozvi zvakanga zvakadaro.”

Pakuringa kwokutanga tingataura kuti maKristu omuBherea aifunda zvikuru kupinda ayo omuTesaronika. Zvisinei, cherekedza Mabasa 17:10 mundima 10 yaMabasa ganhuro 17 kuti Pauro naSirasi pakusvika muBherea vakapinda mu“sinagoge ravaJudha” kuti vaparidzire Shoko raMwari. Uye Mab 17 ndima 12 inoti “vazhinji vavo [vaJudha] vakatenda.” Ndima iyeyo inotibetsera kusvika pamhedziso yakasiana. Nhauro tsvene iri kutiudza kuti akanga asati ari maKristu akanga achienzanisiranwa muna aya maguta maviri, asi, kupfuurezvo, vakanga vari vaJudha vaiva munzvimbo idzodzo.

Mukuwedzera, wacherekedza here chakaita kuti vaBherea vave nendangariro yakanaka muvara? Vainzvera nomwoyo wose Magwaro. Purofesa Archibald Thomas Robertson, akatsinhira pamusoro pamashoko iwayo muWord Pictures in the New Testament, akanyora, kuti: “Pauro akatsanangura muudzame Magwaro zuva nezuva somuTesaronika, asi vaBherea, panzvimbo pokutendeukira kududziro yake itsva, vakanzvera (anakrinō rinoreva kusanonzvera kwazvo, sokunge kuti kuripinza nomusefa yakatetepesa, kuita kunzvera kwokungwarira uye chaikoiko somumiitiro yapamutemo . . .) Magwaro nokuda kwavo vamene.” Kunzvera kwavo kwakanga kusiri kwachero. VaJudha ivavo veBherea vakasanoongorora nokuda kwesimbiso yokuti izvo Pauro naSirasi vakanga vachidzidzisa muMagwaro pamusoro paJesu saMesia akapikirwa kwenguva refu zvakanga zviri zvechokwadi.

Naizvozvo, tichitevera muenzaniso wavaBherea vekare, kunokosha kuti tisangorava bedzi Shoko raMwari asiwo tirifunde—“kusanonzvera Magwaro”—kuti tiwane revo yeicho rakareva. Tinogona kuwedzera kunzwisisa kwedu Bhaibheri neiyi nzira, uye isu tinovawo, saTimotio, vanhu vanokwanisa ku‘ponesa vose vari vaviri isu timene naavo vanotiteerera.’ Neiko? Nokuti, mukuwedzera kukurava Magwaro, tadzidza kuti tiite chiito nomutoo wokuteerera pamusoro pezvatadzidza.—Zvirevo 3:1-6.

Manyuko Emipimo Yechokwadi Nouporofita

Ngatirangarirei zvimwe zvikonzero zviviri zvokufunda Bhaibheri. Bhaibheri ndiro bhuku rokutanga pane ose mukugovera mipimo yetsika uye kuzvibata. Makore mazhinji akapfuura, mumwe mudzidzisi weAmerica akaita iyi cherekedzo: “Ndinodavira kuti zivo yeBhaibheri isina kosi yapakoreji inokosha zvikuru kupfuura kosi yapakoreji isina Bhaibheri.” Kuti zivo yeBhaibheri ive chinokosha chako, vavariro yako yokufunda Magwaro inofanira kuva yokushandisa nheyo dzaro nedzidziso kuupenyu hwako hwezuva nezuva kuti rigone kukuita munhu ari nani, ‘uyo anogona kubata shoko rezvokwadi zvakarurama.’—2 Timotio 2:15; Zvirevo 2:1-22.

Mukuwedzera, mumapeji aro munowanwa uporofita hwakafuridzirwa naMwari hwakatozadzika munhau nohumwe huri kuva nokuzadzika kwahwo muzana redu ramakore. Fundo youporofita hweBhaibheri inobetsera munhu kunzwisisa revo yemigariro yazvino uno yenyika—hondo, nzara, kuputsika kwemhuri, utsotsi hwamasimba masimba—uye mutoo wokudzivisa nawo kuva anobatwa mumusungo wokufunganya nokuda kwazvo. (Ruka 21:10, 11, 25-28) Nokudaro, tinovhenekerwa nemhinduro dzaMwari dzezvinetso zvomuzuva razvino uno, mhinduro dzinozivisa pataveri munguva uye kuronga kwatinogona kuita nguva yemberi nenzira inobudirira. Mhinduro idzodzo dzinosvika kwatiri kupfurikidza nomukoto weboka ro‘muranda akazodzwa akatendeka naakachenjera,’ anoshandisa Watchtower Society sesangano raro rinobudisa.—Mateo 24:45-47; 2 Petro 1:19.

Pisarema 119:105 rinoti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” Naizvozvo, vanhu vanogarofunda mashoko ouchenjeri anowanwa muBhaibheri uye vanoashandisa vachava pakati paavo vachanzwisisa kuda kwaMwari nedonzo uye, kureva idi, vachava nenzira yakavhenekerwa inotungamirira upenyu hwavo hwezuva nezuva nomumugariro wetsika wanhasi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe