RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g91 4/8 pp. 14-16
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Mukomana Arege Kundinetsa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Mukomana Arege Kundinetsa?
  • Mukai!—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Kuramba Kwakaoma
  • Gadza Miganhu
  • Kuva “Rusvingo”
  • Dzivisa Kupfimba Ikoko
  • Muenzaniso Wokutevedzera​—Mushuramiti
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRwiyo rwaSoromoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 22—Rwiyo rwaSoromoni
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Rudo Rwechokwadi Runokurira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
Ona Zvimwe
Mukai!—1991
g91 4/8 pp. 14-16

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kuita Kuti Mukomana Arege Kundinetsa?

David mukomana anoisvodiwa zvikuru muchikoro. Uye nokukurumidza, mugodo romusikana ari wose muchikoro, akava anokufarira! Iye akakukumbira kanoverengeka kuti uvhakache naye, uye nguva iri yose iwe wakaramba. Asi David anokuudza kuti hakuna mumwe musikana akambomuita kuti anzwe nenzira iyeyo uye kuti iye haangagamuchiri aiwa nokuda kwemhinduro. Iwe haudi kukuvadza kunzwa kwake, asi sezvingabvira unoziva icho iye anorangarira. Neiko iye asingaregi bedzi kukunetsa?

MHANDARA kunzvimbo iri yose (uye kazhinji kazhinji majaya nhasi) vari kudenhwa navavanofunda navo uye vavanoshanda navo vanovapa ngwariro yorudo isingadiwi. Kazhinji kazhinji kupfimba kunoguma nekokero yakajeka yokupinda muutere hwevatano. Waizoita sei kudai ikoko kwaizoitika kwauri?

Nyaya iri muPsychology Today, inoti: “Kana murume achikarakadzira vatano, kupfurikidza nokutaura kwezevezeve kana kuti nechiratidzo chomuviri, unofanira kudavidza nokukurumidza. Kana ukarega, kunyarara kwako kunomukurudzira kupfuurira.” Naizvozvo unofanira kuita chimwe chinhu—asika chiiko?

Chikonzero Nei Kuramba Kwakaoma

Imwe mhandara inonzi Sherron inobvuma nomutoo wakajeka zvikuru, kuti: “Kazhinji kazhinji hakuna kuoma kuramba kana mukomana akashata.” Chinetso ndechokuti, isu tose tinoda kupiwa ngwariro. Uye apo inenge ichibva kune mumwe munhu watinoyemura kana kuti watinowana achikwezva, hakusati kuri nyore kuiramba. Asika zvibvunze umene, kuti: ‘Munhu uyu ane nharidzano dzangu here, murangariro wangu womudzimu, tsika dzangu?’ (2 VaKorinte 6:14) Kana kusina kudaro, kudavidza kuzvikarakadziro zvake kungasanokuisa panzira inoenda kungwavaira.

Kunyanguvezvo, ungananganawo nedzvinyiriro ine simba yavezera rako yokuti urwisane nemipimo yako yorudzidziso. Dana muduku anoshuma, kuti: “Vasikana vokubasa vanondigombedzera kuti ndindodzana navo; vanobvunza chikonzero nei ndisiri kuronga kuvhakacha noupi noupi.” Kana uchiri muchikoro, vaunofunda navo nomutoo wakafanana vangakukurudzira kuti uvhakache navamwe vavakomana ikoko. Urwu rudzi rwedzvinyiriro runogona kunetesa zviri nyore ushingi hwako. Chii chaungaita kuti uhusimbise?

Gadza Miganhu

Chirevo chekare chinoti, “Kudzivirira kukuvara kunokosha kupfuura kurapa.” Maria anobvuma. Anoti: “Ndinoita kuti kuzivikanwe kuti ini ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Apo vakomana vanoziva kuti une mipimo yakakwirira yetsika, sezvingabvira vangakunetsa zvishoma.

Shambidziko yakafanira inoitawo rutivi runokosha mukusakurudzira ngwariro isingadiwi. Mumwe mutarisiri weNew York akaziva ikoku apo iye akavamba kuva nezvinetso navarume kunzvimbo yake yebasa. Iye anoti: “Kunyange zvazvo ndakanga ndichibishaira pabasa rangu, handina kuitarira. Naizvozvo ndakasunga bvudzi rangu uye ndakatanga kupfeka hembe dzeshinda namagogorozi uye zvipfeko zvinosonwa mumisha pakuenda kubasa. Ndairatidzika ndichibishaira, kwakafanana nokuti ndiripo kuti ndishande, kwete kuzotamba zvorudo.” Chokwadika, chitarisiko chakadaro chingava chisiri madikanwa nokuda kwomugariro wako, asi chinoenzanisira chaizvo dikanwo yokuva nechokwadi chokuti mupfekero wako nokushambidzika zvinopa kuorora kwakafanira.—1 Timotio 2:9.

Kusarudza kwako shamwari ndichimwe chitemeso chinokosha. Bhaibheri rinoti: “Iye anofamba navanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye ari kuva nokubata namapenzi [mutsika] achaguma nomutoo wakashata.” (Zvirevo 13:20, NW) Naizvozvo rega kusonganirana—kana kuti kunyange kuteerera—vanhu vanotaura misere yakashata kana kuti vanoganza nokuzvipinza muvatano. Kana ukadaro, vamwe vangawana mufungo usina kururama pamusoro pako. Erica muduku anotaura kuti apo kutaura kusingachadzoreki, iye anovaudza kuti, “Ichecho chiratidzo changu chokuti ndiende,” uye ivo vanowana pfundo racho.

Kuva “Rusvingo”

Kunyange zvakadaro, padzimwe nguva kunyange kusimbisa kuti iwe uri muKristu hakuna kukwana kuti uodze mwoyo vamwe vakomana. (“Kunoita musiano wei kuti iwe uri muKristu?” rimwe jaya rakatsunga rakarangarira kudaro. “Unongova hako mukadzi, uye ini ndinongova hangu murume.”) Unobata sei mugariro wakadaro? Eya, rangarira muenzaniso weBhaibheri womusikana weShuramiti. Akapfimbwa nomumwe wavarume vakapfuma zvikuru, vakaisvochenjera, uye vane simba zvikurusa vakambova papasi—Mambo Soromoni. Zvisinei, iye akanga achitodanana nomufudzi anozvininipisa wokumusha kwake. Naizvozvo aigona sei kuita kuti Soromoni arege kumunetsa?

Pakutanga, akanga achizvirangarira amene nomutoo wakafanira. Akati: “Ndinongovawo zvangu ruva romubani ramahombekombe egungwa.” (Rwiyo rwaSoromoni 2:1, NW) Kuva nechimiro chokuzvininipisa chimwe chetecho kunokosha nokuti mudziyo wokutanga uyo vanyengeri vanoshandisa ndiko kutaura kwokunyengera. MuShuramiti akanga ari munyoro zvokusagona kuva nyajambwa wakwo. Uye apo “vakunda veJerusarema” vakashandisa dzvinyiriro yavezera rimwe chetero yokuedza kumugombedzera kubvuma Soromoni, akaita kuti vapike ‘kusamutsa kana kuti kunyandura maari rudo kutozosvikira irwo rwada.’ (Rwiyo rwaSoromoni 3:5) Kuita kuti shamwari dzako dzizive paumire nenzira yakafanana kungaderedza imwe yedzvinyiriro yadzo.

Chinoisvokosha kupfuura zvose, musikana wechiShuramiti akanga akashinga kudzivisa kutamburira kuri kose kwakaita mambo kumuita kuti achinje pfungwa. “Ini ndiri rusvingo,” akazivisa kudaro nomutoo wokudadirira. (Rwiyo rwaSoromoni 8:10, NW) Unofanira kuzviratidza umene kuva akashinga kudaro kana toreva nezvezvisina kufanira. Kufanana nomuShuramiti, unofanira kudzidza kuva akanaka pakuramba. Kana kuita kudaro kwakakuomera, rovedza kuramba mumigariro isina kunyanyokomba. Rovedza kuomerera pane chaunodavira. Ipapo kana migariro yakaoma ikasvika, uchava akagadzirira zviri nani zvikuru kubata nayo.

Dzivisa Kupfimba Ikoko

Zvino ngatirangarirei dzimwe nyengedzo dzakarovedzeka dzinoshandiswa navakomana namarangaririre aunofanira kudziita:

‘Munhu ari wose anokuita.’ Usakudavire! Nzvero yakaitwa nesangano rinonzi Planned Parenthood yakazivisa kuti 53 muzana yavasikana vane makore 17 muUnited States vakapinda muvatano. Zvisinei, ikoko kunosiya 47 muzana vasina—kubatanidza newe! Kunze kwezvo, maKristu haa‘teveri boka’ kana nheyo dzeBhaibheri dzichiputswa.—Eksodho 23:2.

‘Uri kuzviita mwana.’ Handizvo! Vanhu vakura vanorondedzerwa muBhaibheri sa“avo kupfurikidza nokushanda vane masimba avo okufunga akarovedzwa kutsauranisa zvose zviri zviviri zvakarurama nezvisina kururama.”—VaHebheru 5:14, NW.

‘Une ngava yayo neni.’ Hauna ngava yevatano nomunhu upi noupi—angave waunofunda naye, mubatirwi, shamwari, kana kuti munhu upi noupiwo zvake! Uye hakuna munhu ana maruramiro okuiraira.

‘Oh, tinorarama chinguvana. Tingafa mangwana!’ SamaKristu, tinotarisira mberi kuupenyu husingaperi. Hatingagoni kubvumira chinguvana chimwe chomufaro wevatano isingabvumirwi kuparadza nguva isingaperi yomufaro.—1 VaKorinte 15:32-34.

Kupfimba kunonyengera kwakadaro kunoda—mhinduro dzakananga—padzimwe nguva dzakajeka. Uye kana mumwe munhu achipfuurira, ungada kurangarira zvikuru mapindurire auchaita munhuyo nomutoo unobudirira zvikuru. (Zvirevo 15:28) Chipi kana chipi chaunotaura, ratidza kuti uri kurevesa pamusoro pokuramba zvikarakadziro zvake zvevatano; usaita nokushamiswa kana kuti nokukwenudzwa.

Munyori Joyce Jillson anokarakadzazve, kuti: “Kana uchida zvomenemene kunyaradza nhau dzacho kwechigarire, pinda mukurukurirano yorudzidziso.” Pwere zhinji dzechiKristu dzakawana ikoku kuva kwechokwadi. Anodaro mumwe musikana: “Pari pose apo mumwe munhu anoedza kundipfimba, ndinobudisa Nharireyomurindi.” Hungu, imwe yedziviriro dzakanakisisa ndeyokujekesa zvitendero zvako. Ita kuti munhu wacho azive chikonzero nei uri kuramba zvikarakadziro zvake zvevatano. Hausiri kumuramba chaizvoizvo somunhu asi uri kuramba chiito chaanoda kuita. Mutoo wakadaro wokurangarira unobetsera zvikurukuru kana munhu ari mumwe munhu waunofanira kunangana naye zuva nezuva. Kana achifarira shoko reBhaibheri, mutezo wechirume weungano yechiKristu unogona kudzokerera.

Sezvineiwo, kuna vamwe vasingagoni kurangarirwa navo. Zvaunogona kuita bedzi ndiko kutsanangura chimiro chako nomutoo wakajeka, usinganyemwereri—ndokuenda hako. Kana kunetsa kuchipfuurira kana kuti mugariro wacho wakanyanyokuomera zvokusagona kubata nawo, taura nhau dzacho navabereki vako. Vangava nezvikarakadzo—kana kuti vangasarudza kupindira. Mune zvimwe zvinoitika, ungatofanira kutiza mugarirowo!—Enzanisa naGenesi 39:12.

Zvino, ungatambura kutukwa kana kuti kunetswa somuuyo wechimiro chako, asi rega kuora mwoyo. Kufanana nomuShuramiti, uchafarikanya rugare runoparirwa nokuita chiri chakarurama. (Rwiyo rwaSoromoni 8:10) Kunze kwezvo, handi vakomana vose vachaita nomutoo wokutuka. Mambo Soromoni, kunyange zvazvo akarambwa nomusikana, haana kufunga zvakashata pamusoro pake. Kutaura idi, akanyora imwe yenziyo dzake dzakaisvonakisisa dzorudo dzati dzamboitwa, achimurumbidza! Nomutoo wakafanana, vakomana vazhinji vacharemekedza chimiro chako choushingi. Uye kana vakasadaro? Ingopfuurira bedzi kuva akashinga kudaro somuShuramiti. Iva “rusvingo” uye kwete se“suo” rinozarurwa zviri nyore. (Rwiyo rwaSoromoni 8:9) Yeuka: Garikano yako isingaperi nokuzviremekedza zviri pamutanhiko!

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unogona sei kubata navakomana vasingagamuchiri aiwa nokuda kwemhinduro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe