Chimwe Chinhu Chitsva Mukuvaka Kwamarudzi Ose
VAZHINJI vanoshamiswa nezvivako zvakadai samapyramid eEgypt uye Great Wall reChina. Nhungamakore refu namamita 400 dzazvino uno dzinoshamisawo. Bva, mativi eimwe purogiramu yokuvaka ari kukatyamadza nomutoo wakafanana.
Vazvipiri vari kuvaka zvivako zvizhinji zvihombe munyika yose. Vazhinjisa vavazvipiri ivava vanobva munyika umo zvivako zviri kuvakwa. Asi sezvo betsero yomuraudzo ichidikanwa kazhinji kazhinji, vashandi vanobva kune dzimwe nyika vakapedza mamirioni amadhora emari yavo vamene kuti varipire ndyiko dzokufamba kwavo kuenda kunzvimbo dzokuvaka dziri kure. Vazhinjisa vaava vazvipiri vanopira mazororo avo kubasa; vamwe vanotora nguva yokusava pabasa pabasa ravo renguva dzose nokudaro vanorega mari inotambirwa yakati kuti.
Iyi nhamburiko yebetsero yakatanhamara ndiyo purogiramu yokuvaka yavazvipiri vamarudzi ose iyo inotsinhiraniswa nedzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Kubvira pakutanga kweiyi purogiramu yokuvaka muna November 1985, vanopfuura vanhu 3 000 vakabhadhara ndyiko dzavo dzokufamba kuenda kudzinopfuura nzvimbo 30 dzebasa muNorth neSouth America, Australia, Africa, Europe, nomuzvitsuva zvakasiana-siana.
Panguva ino, vamwe vazvipiri vamarudzi ose vane 600 vari kushanda mudzinenge nyika 25. Vanopfuura 400 vavo vari pamigove yenhambo refu yenguva yegore rimwe kana kuti anopfuura, uye vanonzi “Vabatiri Vamarudzi Ose.” Vamwe vasara vari pamigove yenhambo pfupi yeinobvira pamavhiki maviri kusvikira kumwedzi mitatu.
Neiko ava vashandi vose vari kupira unyanzvi hwavo namabasa pachena? Chii chavanorangarira nezvoukoshi hwakadaro zvokuti vangaita uku kuzvibaira kwomunhu oga?
Kuzadzika Uporofita hweBhaibheri
Chikonzero chedavidzo inoshamisa kupurogiramu yokuvaka yamarudzi ose chinowanwa mumhinduro yomubvunzo. Anopfuura makore 1 900 akapfuura, vaapostora vaJesu Kristu vakamubvunza, kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Pashure pokurondedzera zvinhu zvakadai sehondo dzinopararira, perevedzo dzezvokudya, nhenda, uye kudengenyeka kwapasi, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:3, 14, NW.
Vashandi vanozvipira vanopwiswa kuti zvino ndiyo nguva iyo uporofita hwaJesu huri kuzadzika. Naizvozvo vanofara kuita chipi kana chipi chavanogona kusimudzira kuparidzirwa kwoUmambo mugumo wetsika ino usati wasvika. Iyi purogiramu yokuvaka kwamarudzi ose yakatangwa kuti itsinhiranise nhamburiko dzavanhu vakadai kuti vavake nzvimbo dzinotsikirira uye dzinogovera shoko roUmambo.
Futunuko yeBasa roUmambo
Gore rakapera magazini eNharireyomurindi neaMukai! ane 678 509 507, anoratidzira Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu, akatsikirirwa munzvimbo dzinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Anopfuura zvikuru magazini ane mamirioni maviri—akafanana neyauri kurava—anobuda pamichina yokutsikirira zuva riri rose rebasa! Muwedzero, gore rimwe nerimwe makumi amamirioni amaBhaibheri, mabhuku, mabhukwana, uye mabhurocha zvinotsikirirwa ndokugoverwa.
Nzvimbo hurusa dzokutsikirira dziri padzimbahwe ramarudzi ose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, uye kumusoro kwenyikayo pedyo neWallkill, New York. Zvisinei, mukati mama 1950 nama 1960 nzvimbo dzokutsikiririra zhinji dzakanga dzichivakwawo kunze kweUnited States. Nokudaro, pakuzosvika 1970, Nharireyomurindi naMukai! zvakanga zvichibudiswa munzvimbo dzinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha muGermany, South Africa, Canada, England, Switzerland, Denmark, Sweden, Finland, uye France.
Ipapo, muna 1972 na 1973, magazini akavambawo kubudiswa munzvimbo dzokutsikirira dzeZvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika nhanhatu: Japan, Brazil, Australia, Ghana, Nigeria, uye Philippines. Mumakore akatevera, basa roUmambo zvarakakura, kuvaka kwakatangwa pamahofisi matsva amabazu anotova nenzvimbo huru zvikuru dzokutsikirira. Kupa pfungwa yefutunuko inokurumidza, rangarira kuti midhadhadha yamabazu ine nzvimbo itsva dzokutsikirira Nharireyomurindi naMukai! yakatsaurirwa pamisi inotevera iyi:
Greece, January 16, 1979; Sweden, December 23, 1980; Brazil, March 21, 1981; Canada, October 10, 1981; Italy, April 24, 1982; Republic of Korea, May 8, 1982; Japan, May 15, 1982; Australia, March 19, 1983; Denmark, May 21, 1983; Spain, October 9, 1983; Netherlands, October 29, 1983; Germany, April 21, 1984; India, January 20, 1985; uye South Africa, March 21, 1987.
Kupfuurirazve, kwaiva nokutsaurirwa kwamahofisi matsva amabazu kana kuti wedzero huru kune ekare muCôte d’Ivoire, February 27, 1982; Tahiti, April 15, 1983; England, October 2, 1983; Finland, May 5, 1984; Norway, May 19, 1984; Martinique, August 22, 1984; Peru, January 27, 1985; Mexico, April 13, 1985; Venezuela, April 21, 1985; uye France, May 4, 1985.
Kunyange zvazvo rimwe rebasa rokuvaka pamabazu mashomanene rakaitwa nenyanzvi dzokuvaka dzisiri Zvapupu dzinobhadharwa, Zvapupu zvaJehovha zvikurukuru zvakaita rakawanda raro zvimene. Zvakazvipira mabasa azvo muzviuru, kunyange zvazvo zvizhinji zvazvo zvakanga zvisiri nyanzvi mumabasa okuvaka.
Sezvo basa rokuparidzira Umambo reZvapupu zvaJehovha rakapfuurira kuwedzera, nzvimbo dzakakudziridzwa dzakadikanwa. Idzodzi dzaigona sei kuvakwa nounyanzvi hukuru zvikuru?
Purogiramu Itsva Inosvitsa Chinodikanwa
Kuronga ndokubetsera wedzero inoshamisa yeiri basa rokuvaka kwamarudzi ose, purogiramu chaiyo yavazvipiri yakafungwa ndokutangwa. “Mukati mebasa rokuvaka, unyanzvi chaihwo hwokuvaka hunodikanwa panguva chaidzo,” mumwe wavatariri vepurogiramu akatsanangura kudaro. “Haudi mupfuriri apo nheyo inenge iri kuvakwa. Naizvozvo hofisi yavashandi vamarudzi ose yakagadzwa muBrooklyn, New York, kuti itsinhiranise zvinhu.”
Nokudaro, sezvo mikumbiro nokuda kwavashandi vane unyanzvi inosvika, hofisi yeBrooklyn inobatira so“mutsinhiranisi.” Inotsinhiranisa zvinodikanwa zvebasa rokuvaka munyika yose navashandi vakakodzera kuti isvitse zvinodikanwa zvokuvaka. Somuenzaniso, sezvo wedzero itsva dzepokugara kubazu reMexico dzakanga dzosvika mugumo muna 1988, danidziro yakaitwa kuBrooklyn nokuda kwavavanzariki vekapeti vane unyanzvi. Mukati mamaminiti mashomanene, hofisi yakawana vana vane ruzivo rwokuzviwanira vakanga vachifara kuzvipira. Pakuzosvika panguva apo wedzero dzebazu dzakatsaurirwa muna January 1989, makapeti akanga avanzarikwa uye achiratidzika zvakanaka.
Kukwanirisa Kubatira
Kuti agogoverana mupurogiramu yavazvipiri vamarudzi ose, mushandi anodikanirwa kutanga kukwaniriswa. Muzvipiri mumwe nomumwe anofanira kuva chapupu chakazvitsaurira, chakabhapatidzwa chaJehovha. MuUnited States, muzvipiri anokarirwa anofanira kutanga kubatira pane chimwe chezvivako zveNew York zveZvapupu zvaJehovha. Ikoku kunogovera banza remiitiro yake namano zvebasa zvinofanira kurangarirwa. Ipapo iye angakokwa kuti atumire kumbiriso nokuda kwepurogiramu yacho. Vadzimai vavazvipiri vanokarirwa, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji vasingakokwi kuti vabatire navarume vavo muNew York, vanogonawo kukwaniriswa nokuda kwepurogiramu yacho uye vanozadza kumbiriso.
Zvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika zvinogona kukumbira kuti zvitore rutivi mupurogiramu yacho kupfurikidza nokukumbira fomu rekumbiriso kubazu rokumusha kwazvo. Iyi kumbiriso inotumirwa kuhofisi yedzimbahwe reBrooklyn rinotarisira vabatiri vamarudzi ose navamwe vavashandi vavazvipiri vamarudzi ose. Ipapo mukumbiri anoziviswa apo unyanzvi hwake hwebasa hunodikanwa.
Mupiro Wavadzimai
Kunyange vakadzi vavashandi vokuvaka vachiwanzova vasina unyanzvi mumabasa, vazhinji vakarovedzwa kusungirira pamwe chete simbi dzinosimbisa kongiri newaya, kuisa matayera nokuvhara mikana nedhaka, pamwe chete nokushandisa sandipepa uye kupenda. Vamwe vanotarisira mabasa omumba ari madikanwa. Kupfurikidza naikoko ivo vose vanopira munzira yakaisvonaka kubasa panzvimbo dzokuvaka munyika yose.
Mumwe mudzimai akakumbanira murume wake mukushanda pakuvaka bazu idzva muPuerto Rico pamisi ichangobva kupfuura iyi akanyorera hofisi yokuBrooklyn, achiti: “Takasvika pana January 1, 1991, nokuda kwomugove wedu womwedzi mumwe. Ndakashanda nechikwata chaisunga simbi dzinosimbisa kongiri kuita maponde. Irori rakanga riri basa rokunyama rakaomesesa randati ndamboita. Zvikurukuru, raibatanidza kukotama nokusunga simbi pamwe chete, uchishandisa pinjisi nehata yewaya—muswere wose wezuva!
“Mazuva mashomanene okutanga ngowani yangu yakasimba yairamba ichidonha, uye ini ndairamba ndichisungirira magirovhisi angu mahombe mubonde. Asi pakupedzisira ndakashanda nomutoo unotsinhirana zvikuru. MaBand-Aid mashanu kana kuti matanhatu aidzivirira mhoni dzangu. Ndakadzidza kutora miyero parongedzero dzechivako, kutara mitsetse nechoko, uye kuvanzarika simbi nokuda kwebonde rimwe nerimwe. Zvamazvirokwazvo rakanga riri basa rinogutsa. Zvakawanda zvikuru zvezvandinoita nguva dzose pahwaro hwezuva nezuva zvinoda kuitwa zvaitwazve—kuchenesa, kubika, kusuka mbatya, zvichingunodaro. Asi maponde iwayo esimbi anopinda mumadziro achamira chero bedzi bazu riripo. Mufungo iwoyo unogutsa!”
Kuonga Nokuda Kweropafadzo Yokushanda
Mutariri weiri basa rokuvaka kwamarudzi ose akati: “Ndichinhu chakaisvotanhamara chaunogona kufunga. Vanhu vanoshandisa mazororo avo kuti vafambe kuenda kunzvimbo dzebasa dziri kure, vachiripira ndyiko dzavo vamene. Ikoko vangashanda nesimba zvikuru uye kwenguva refu zvikuru inopfuura yavanova nayo gore rose. Uye pavanosvika kumusha, vanonyora kutionga nokuda kweropafadzo yacho!”
Somuenzaniso, tsamba yemisi ichangobva kupfuura iyi inoti: “Tiri kunyora kukuongai nokuda kweropafadzo huru yatakafarikanya mukushanda kwemwedzi mitatu pabazu muPhilippines. Pakupera kwezuva rimwe nerimwe rebasa, takanga taneta munyama, sezvataikarira, asi tavakwa zvikuru mumudzimu nesonganirano yedu yakaisvonaka. Takafarikanya kuziva vazhinji vavamwe vazvipiri vaivapo, uye takaororwa zvikuru kwazvo neZvapupu zvomunzvimbomo zvataishanda nazvo. Zvamazvirokwazvo zvakava zvinodikanwa nesu, futunuko yemhuri yedu.”
Vamwe vanyakuroorana vakaenda kuEcuador vakanyora, kuti: “Takadzidza kugara tisina zvokudya zvakasiana-siana, kugeza nemvura shomanene bedzi, uye kuveura ndebvu ndokugeza nemvura inotonhora. Takanga tisina pfungwa yokuti kufunga kwedu kwakanga kwapesvedzerwa zvakadini nokuzivisa. Takapa zvakanakisisa zvataiva nazvo kunzvimbo yebasa, asi takauya nezvakawanda zvinopfuura zvatakapa. Hama dzedu dzeEcuador varombo muzvinhu zvokunyama, mukuwirirana nemipimo yeU.S., asi umudzimu hwavo nokunzwisisa nokuda kwebasa rokuparidzira zvakatanhamara. Mashoko haangagoni chaizvoizvo kurondedzera manzwire atinoita pamusoro peiyi ropafadzo.”
Kuvaka Kwokuforomera Pasi Madziro Ndokusimudzwa
Rutivi rwechienzi rwebasa rokuvaka ramarudzi ose ndirwo rwokushandiswa kwomutoo wokuforomera pasi madziro ndokusimudzwa. Uyu mutoo unobatanidza kuforomerwa panzvimbopo kwezvikamu zvihombe zvamadziro ekongiri, zvakasimbiswa nesimbi. Izvozvi zvingasvika kumusoro kuukwiriri hwenhurikidzwa nhatu uye zvichirema matani saane 20. Zvikamu zvinoforomerwa pahuriri hwechivako chacho kana kuti zvimwe pahuriri hwokuforomera huri pedyopo.
Zvikamu zvitanhatu kana kuti zvisere zvinogona kurongwa pamusoro pechimwe nechimwe. Apo zvikamu zvacho zvinenge zvasimba zvakakwana—kazhinji kazhinji pashure pamazuva manomwe—kireni inoshandiswa kuzvisimudza ndokupinzwa munzvimbo. Zvikamu zvino zviri kushandiswa nokuda kwezvose zviri zviviri madziro okunze neomukati, pamwe chete nezvivako zvine nhurikidzwa zhinji. Somuenzaniso, mazana eizvi zvikamu akashandiswa mumusha webazu une nhurikidzwa 11 muPhilippines. Zvikamu zvakakwenenzveka zvekongiri zvakaforomwa zvinongoda bedzi kuva zvinopendwa.
Uyu mutoo wokuvaka hausati uchingochengetedza nguva bedzi asi unoita kushandiswa kunobudirira kwavashandi vane unyanzvi hushoma. Chinyorwa chebasa, Concrete, chakati pamusoro pokuvakwa kwefekitari itsva yeZvapupu zvaJehovha muEngland: “Kuvaka kwokuforomera pasi madziro ndokusimudzwa kwakanga kwakakodzera zvikurukuru zvinodikanwa zvazvo nokuda kwokupfava kwouyu mutoo wokuvaka . . . Kuchengetedza nguva nendyiko nguva dzose zvave zviri betsero huru dzegadziriro.”
Magazini yakawedzera pamusoro pokuvaka kwokuforomera pasi madziro ndokusimudzwa, kuti: “Mano ayo okuvaka nharaunda huru dzamadziro makuru (anokutakura mutoro kana kuti zvimwe zvinhu) munhambo pfupi yenguva, akabatanidzwa kukushandiswa kwavashandi vomunzvimbomo vasingadi hukuru hwechienzi hwetarisiro, anopa mutoo wokukurumidza kwako nomugariro wemari.” Naizvozvo, kwakakodzera sei kuti purogiramu itsva yokuvaka inofanira kushandisa uyu mutoo wakapfava, unobudirira wokuvaka!
Mahofisi Einjiniya
Nhungamiro yeiyi purogiramu yokuvaka kwamarudzi ose inogoverwa nehofisi huru yeinjiniya yapadzimbahwe reZvapupu zvaJehovha riri muBrooklyn, New York. Ikoko, mainjiniya anopfuura zvikuru kwazvo ane zana, nyanzvi dzepurani dzokuvaka, uye vatari vepurani—vari mitezo yavashandi vapadzimbahwe—vanoshanda pakutara rongedzero dzezvivako. Kubetsera pamutoro webasa wakawedzera, mahofisi omunzvimbo einjiniya akaitwa muJapan, muAustralia, uye muEurope.
Muna 1987, CAD (Computer Aided Design) yakatangwa kuti igadzirire mitaro. Nzvimbo chaiyo yeCAD inoumbwa namativi anoverengeka emidziyo. Ichishandiswa pamwe chete, iyoyi inoita kuti kubvire kugadzirira mitaro panokuita noruoko pachitariro. Misi ichangobva kupfuura iyi, nzvimbo dzeCAD dzinopfuura 65 dziri kushandiswa muBrooklyn nomumabazu.
Sezvo mitaro yedzimba ichigona kuchengetwa muyeuko yekomupiyuta, mitaro yezvivako zvekare inogona kuvhurwa ndokubatanidzwa mumitaro yazvino uno. Ikoku kunoyamura mukuvaka zvivako uyewo mukuwiriraniswa kwomutaro nokuvaka.
Mabasa Okuvaka Azvino Uno
Sezvo Hofisi Yeinjiniya yeBrooklyn yakawedzera muukuru, mufungo wokuronga vazvipiri nokuda kwebasa wakawedzerawo. Kungataurwa kuti purogiramu yakavamba apo vashandi vanobva kune dzimwe nyika vakadavidza muna 1985 kuti vabetsere kuvaka bazu idzva muPanama. Yakakudziridzikazve apo Peru yakada betsero pawedzero hombe kubazu rayo. Uye purogiramu yakatanga chaizvoizvo kuva inoratidzirwa pakuvakwa kwebazu muCosta Rica nomuNigeria. Nokukurumidza vashandi chaivo vakanga vachitumirwa kundobetsera pazvivako kupota nyika yose.
Vabatiri vamarudzi ose navamwe vazvipiri zvino vakabetsera kuvaka mabazu matsva mazhinji pamwe chete newedzero kune ekare, kubatanidza mazhinjisa aawo akapedzwa kubvira mumavambo ma 1986. Mumakore mashanu akapfuura kana kuti anopfuura, zvivako zvakapedzwa ndokutsaurirwa muPanama, Costa Rica, Chile, Mexico, New Zealand, Haiti, Liberia, Austria, Ecuador, Papua New Guinea, Guyana, Ghana, Hawaii, Portugal, Hong Kong, Cyprus, Peru, El Salvador, Mauritius, Japan, Honduras, Guatemala, Nigeria, Argentina, Australia, New Caledonia, Fiji, Philippines, uye Greece.
Zvizhinjisa zvaizvozvi zvaiva zvivako zvihombe zvokuvaka. MuNigeria guta duku, kureva idi, rakavakwa panzvimbo yamahekita 57. Fekitari yakareba mamita 140, yakapamhama mamita 70 yakavakwa, pamwe chete nedzimba dzokugara vanhu vanopfuura 400, hofisi, garaji, nezvimwe zvivako. Zvivakiso zvakatumirwa kubva kuUnited States bedzi zvakanga zvakaringana kuzadza midziyo ine 347 yezvinhu zvinotumirwa, iyo kudai yairongwa kumugumo nomugumo yaizotambanukira kumakiromita 3,5!
Padzimwe nguva, panova nechishoro chavakuru vorudzidziso pamabasa okuvaka. MuGreece mukuru worudzidziso akatungamirira mabhazi 40 azerwe navashori muna March 1989, asi mapurisa akatsigira maruramiro apamutemo eZvapupu okuvaka bazu razvo, uye chishoro chakakundikana pashure pokuva namavambo akanaka. Bazu idzva, rine fekitari itsva huru, itsva nezvivako 22 zvokugara zvinogarwa navanhu vanopfuura 170, rakapedzwa ndokutsaurirwa muchirimo chino.
MuFrance, Bhishopi weEvreux, Jacques Gaillot, akashora rongedzero dzebazu idzva guru reZvapupu zvaJehovha muLouviers. Akataura kuti ushumiri hwapamhene hweZvapupu hau“remekedzi chiremera chavanhu.” Bva, vamwe havabvumirani nabhishopi. Vanodavira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuva namaruramiro okufutunura nzvimbo dzazvo munharaunda yacho, sezvazviri kuita kunyange munzvimbo zhinji munyika yose.
Pari zvino, vazvipiri vokuvaka kwamarudzi ose vari kushanda pazvivako zvebazu muColombia, Puerto Rico, Zambia, Brazil, England, Canada, Dominican Republic, Ecuador, Poland, Guadeloupe, Thailand, Leeward Islands, Bahamas, Western Samoa, Tahiti, Solomon Islands, Venezuela, Republic of Korea, South Africa, uye Germany. Zvimwe zvivako zviri kutarwa, kubatanidza mabazu matsva kana kuti wedzero kune azvino muFrance, Spain, Mexico, Sri Lanka, Taiwan, uye Suriname.
Kukarira Chinodikanwa
Apo Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakabvumira wedzero ye 50 muzana yebazu muGermany muna 1988, vamwe vacherekedzi vakarangarira wedzero yacho kuva yakanyanyokurisa. Asi muna 1989 na 1990 basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha rakanyoreswa pamutemo kana kuti rakabvumirwa kushanda risingarambidzwi muPoland, Hungary, East Germany, uye Romania. Uye kubvira pana March 27, gore rino, Zvapupu zvaJehovha zvakazivikanwa pamutemo neSoviet Union sesangano rorudzidziso.
Vanhu vanopfuura 250 000 vanobva kunyika dzokuMabvazuva kweEurope vakapinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha madziya akapfuura uye vaidisa kugamuchira zvinyorwa zveBhaibheri. “Mukati memwedzi miviri bedzi,” rakadaro 1991 Britannica Book of the Year, “hofisi yebazu yeWest Germany yeWatchtower Society yakatumira matani 275 amabhuku akavakirwa paBhaibheri, kubatanidza maBhaibheri 115 000, kuEast Germany bedzi.” Nokudaro kunooneka zvino kuti bazu reGermany rinoda rutivi rwuri rwose rwewedzero inobvumirwa, uye rinoida nokukurumidza!
Kugadzirira Zvinodikanwa Zvomunguva Yemberi
Sezvaunogona kufunga, kuparidzira ‘aya mashoko akanaka oUmambo mupasi rose rinogarwa mugumo usati wasvika’ muzadziko youporofita hwaJesu kunoda nhamburiko huru. (Mateo 24:14) Uye maKristu echokwadi munyika yose ari kuratidzira nhamburiko iyeyo. Ari kuita chinhu chiri chose chaanogona munzira yakasanorongwa yokuita kuti shoko roUmambo riwanike kumarudzi ose.
Kuti zviite ikoku, Zvapupu zvaJehovha zviri kufutunura nzvimbo yazvo nokuda kwokubudisa zvinyorwa zveBhaibheri padzimbahwe razvo renyika muBrooklyn, New York. Kuvakwa kwechivako chine nhurikidzwa 30, chiri pa 90 Sands Street, kuti chigarwe nemimwe mitezo ine chiuru yavashandi vazvo vapadzimbahwe zvino chiri kuvakwa uye chakarongerwa kupera muna 1993.
Zvisinei, basa gurusa rokuvaka nderero riri kuitwa anenge makiromita 110 kubva kuNew York City pedyo nePatterson, New York. “Kana [Zvapupu zvaJehovha] zvapedza, paimwe nguva muna 1996,” The New York Times yaApril 7, 1991, yakashuma kuti, “zvichave zvavaka dzimba dzamafurati 6 dzakakwirira nenhurikidzwa 2 kusvikira ku 5 dzine makamuri 624, garaji remotokari 450, hotera yamakamuri 144, imba huru yokubikira nekamuri rokudyira rinogarwa navanhu 1 600 pakugara kumwe, chivako chehofisi, chivako chekirasi nezvimwe zvivako umo vashandi vamabasa vachashandira mazviri.” Mazana avazvipiri ari kugovera mabasa apachena kuti avake iyi nzvimbo hombe yedzidzo yoUmambo.
Zvamazvirokwazvo, purogiramu inoshamisa yokuvaka iri kuitwa murutivi ruri rwose rwapasi—yose ichitsinhiraniswa uye ichiitwa navashandi vanozvipira. Zvamazvirokwazvo ndichimwe chinhu chitsva mukuvaka kwamarudzi ose!
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kusunga simbi dzinosimbisa kongiri rutivi rwebasa rokuvaka
[Mifananidzo iri papeji 24]
Mukuvaka kwokuforomera pasi madziro ndokusimudzwa, zvikamu zvekongiri zvingaforomerwa pamusoro pechimwe nechimwe. Kana zvikamu zvasimba zvakakwana, zvinosimudzwa ndokupinzwa munzvimbo
[Mifananidzo iri papeji 25]
Mudhadhadha mutsva webazu muPoland uri kuhwirudzurwa muBrooklyn. Mifananidzo yemitaro yechimiro chokuvakwa kwemba ichigadzirwa pakomupiyuta
[Mifananidzo iri papeji 26]
Midhadhadha yamabazu seyakarongwa nokuda kwePuerto Rico, Zambia, uye Leeward Islands
[Mufananidzo uri papeji 27]
Vashandi vanozvipira vari pabasa rokuvaka munyika yeEurope