Kuteerera Nyevero Dzomuviri
Yakanyorwa nomunyori waMukai! muIreland
CHINOITIKA chacho chakanga chichityisa uye chichirwadza, kuna Una nomurume wake, Ron. Humwe usiku hunotonhora hwaJanuary, Una akapera simba. Ron akadana chiremba, uyo akafunga kuti chinetso chacho chaigona kuva kusagadzikana kwehormone kunotapura zvizvaro zvake ndokumuraira kuti aende kuchipatara. Ron akaendesa mudzimai wake—uyo akanga achirasikirwa neropa uye achirwadziwa zvikuru—mumigwagwa ine mabhambu, isina mwenje yomumakomo inoenda kuchipatara chiri kure namakiromita 80.
Zvisinei, chipatara ichecho hachisati chaigona kurapa chinetso chacho, naizvozvo akachinjirwa kuchipatara chikuru zvikuru, chazvino uno zvikuru chiri pedyopo. Ikoko akavhiiwa murubudiriro uye akanaya zvakanaka.
Ron naUna vakaonga vashandi vapachipatara nokuda kwounyanzvi netarisiro zvakanga zvaponesa upenyu hwaUna. Vachingunoratidzira uku kuonga kunyanzvi yokutindivadza kunzwa, iye akataura kuti aifara sei kuti zvinhu zvakanga zvaita zvakanaka. Ipapo iye akaita tsinhiro inofadza: “Zvirwere zvishomanene zvikuru zvezvirwere zvechikadzi zvechibereko zvinotanga kamwe kamwe. Zvizhinjisa zvazvo zvinopa zviratidzo pachine nguva mberi zvikuru.” Akareveiko?
Zviratidzo Zvinonyevera
Una anotsanangura kuti akanga ambova nechinetso makore maviri pamberi pezvi. Mukati mokuenda kumwedzi, aibuda ropa bedzi kana akaita chimwe chinhu nesimba guru, uye ipapo rakanga riri mabumba kazhinji kazhinji. Iye anoti: “Ndaifanira kudai ndakatsvaka pangiro yokurapa, asi handina kucherekedza, ndichifunga hangu kuti zvimwe ndakanga ndiri kuguma kugeza nokukurumidza. Asi panguva ino, muna January, nhambo yangu yakamira pashure pamazuva maviri uye mazuva matatu gare gare yakatangazve nokubuda ropa kukuru zvikuru uye mabumba mahombe. Ndakanga ndisinganetsekani chaizvoizvo, asi pazuva rechipiri, ndaitofanira kundorara, sezvandainzwa ndichirwara zvikuru. Asi kunyange zvakadaro hatina kudana chiremba. Ndihwo usiku hwandaitofanira kuendeswa nokukurumidza kuchipatara.”
Chinoitika chake chingadai chakadziviswa kuti chirege kukura kuva mugariro wakakomba unotyisidzira upenyu here? Una anofunga kuti zvichida chingadai chakadziviswa kudai akanga aziva chokurangarira uye kudai akanga aita chiito nokukurumidza. Sezvineiwo, iye anoti, “kufanana navakadzi vazhinji, ndaigarodukupisa ukoshi hwechinhu chipi nechipi chine chokuita nokumwedzi, ndisingakurangariri nomutoo wakakomba.” Kutaura idi, kunyange zvakadaro, zviratidzo zvaUna zvakanga zviri chaizvoizvo hosha yezvizvaro izvo zvamazvirokwazvo zvakada ngwariro yokukurumidzira.
Mwedzi mumwe nomumwe vakadzi vezera rokubereka vana vane chiratidzo choutano hwavo hwenguva dzose: kushanda kwomuzvarirwo kwokumwedzi. Chisina kururama chipi nechipi chakatanhamara, kutaura idi, chiratidzo chenyevero. Mune zvimwe zvinoitika, kunonoka kuteerera nyevero kungareva musiano pakati pomuitiro wokurapa nomushonga kwakawanda nokuvhiiwa.
Ipapoka, neiko izvi zviratidzo zvichiwanzofuratirwa kana kuti kudukupiswa? Mumhuri zhinji, mudzimai ndiye uyo anoronga zvokudya zvemhuri, anogovera mapiritsi, uye kunzvera utsanana hwemhuri. Mukuita kudaro, angaregeredza zvinetso zvake amene. Zvichida, somuchinoitika chaUna, iye haana chokwadi nezverevo yezviratidzo zvomuviri wake. Kana kuti kunogona kuva kuti mari yokutarisirwa kwoutano yakaganhurirwa, uye anopa nzvimbo yokutanga kuvana vake kana kuti murume wake, achikarira kuti chirwere chake amene neimwe nzira chichapera hacho pasina ngwariro yokurapa. Angave achitya, achida hake mugariro wake wazvino panokuenda kuchipatara uko kunofungidzirwa kuti kuchava mugariro wakaoma. Angavewo ari mai vanoshanda basa rokunyika, vasingakwanisi kana kuti vasingadisi kutora nguva yokusava pabasa nokuda kwegarikano yavo vamene.
Mune zvinoitika zvizhinji, vanachiremba vanoti, mudzimai anosiiwa kuti arwadzwe oga pamusoro pezvinetso zvake zvoutano. Murume wake zvimwe angave asinganyanyoitira hanya “zvirwere zvavanhukadzi.” Zvisinei, varume vanoda vakadzi vavo vachazvizivisa vamene zvinhu zvakadaro kuti vagone kutarisira garikano yavadzimai vavo. Bhaibheri rinokurudzira varume, kuti: “Mumwe nomumwe wenyu somunhu oga ngaade zvikuru mudzimai wake sezvaanozviita amene.” (VaEfeso 5:28, 33, NW) Nokudaro, varume navabereki vanogona sei kubetsera vadzimai vavo navanasikana vavo kudzivisa migariro yakakomba isiri madikanwa?
Ngwarirai Zviratidzo
Svinurirai zvinoitika zvisiri zvenguva dzose izvo zvingava zviratidzo zvenyevero. Somuenzaniso, kubuda ropa kusiri kwenguva dzose namashambo, kunyange zvazvo kusati hako kuchiva pamwe chete namarwadzo, kunofanira kunzverwa.a Ndozvinofanira kuitwawo kuneta kusiri kwenguva dzose, kurashikirwa neropa rakawanda, uye kuva nezvinetso pakuita weti. Izvi zvingava zviratidzo zvamapundu ari munhumbu, ayo anobatwa nawo nomutoo uri nyore kana akawanwa nokukurumidza.
Kusati kuchifanira kufuratirwa ndiko kurwadzwa nomusana, kunzwiwa kwesundo mumukoto wokubereka nawo, kana kuti kubuda weti mukati mokushanda nenhamburiko huru. Izvozvi zvinogona kuratidzira mugariro wokuti kurovedza muviri padzimwe nguva kunogona kururamisa munhano dzakwo dzokutanga asi ikoko kungada kuvhiya gare gare.b
Mukuwedzera kukuita chiito kuzviratidzo zvakadaro, vakadzi vapfuura zera ramakore 25 vangaita zvakanaka kuva nokunzverwa kwokurapwa kwenguva dzose, nesimbiso yokunzverwa mazamu nemitezo yomudumbu neyehudyu. Ikoku kungaitwa makore maviri ari ose kana kuti kazhinji kazhinji sokunodikanwa kuchitsamira panhau youtano yakadaro.
Mukati Menguva Chaidzo Idzodzo
Yeukawo nhano nhatu muupenyu hwomukadzi apo avo vanomuda vanofanira kumupa ngwariro chaiyo: mavambo okuenda kumwedzi (apo musikana anovamba kuenda kumwedzi); kubereka (mutoo wokusununguka nawo vana); uye kuguma kwokugeza; (uye apo kuenda kumwedzi kunoguma). Mukati meimwe neimwe yeidzi nhano, migariro inogona kumuka umo pangiro yokurapwa yokukurumidzira kana kuti kurapwa inogona kudzivisa mugariro wakakomba.
MAVAMBO OKUENDA KUMWEDZI: Vasikana vanoda dzidzo youtano kuti vabetserwe kunzwisisa kushanda kwemiviri yavo uye kuti kuve nyore kunzwisisa mavambo okuenda kumwedzi. Vabereki, zvikurukuru vanamai, vanofanira kuva nekurukurirano dzokusavanza uye dzakajeka navanasikana vavo. Kana pane chinetso, vasikana havafaniri kusiiwa vachishamisika mukunyara kuti chii chashata kana kuti kunzwa kuti vanofanira kutsungirira kuenda kumwedzi kukuru kana kuti jeko rinorwadza panguva iyeyo yomwedzi. Kana vabereki vavo vasingakwanisi kubetsera, zvimwe imwe shamwari yomukadzi akura ingapa nhungamiro pamusoro pokurapa kwakafanira.
Mhandara inogona sei kuziva kana nhambo dzayo dziri dzenguva dzose? Mumunhu mumwe cheteyo, dzinogona kuva dzinosiana zvikuru. Kusatevedza nguva dzokuenda kumwedzi kwakarovedzeka mumwedzi mitanhatu yokutanga kusvikira kugore rimwe (kana kuti kunyange makore maviri mune zvimwe zvinoitika) pashure pamavambo okuenda kumwedzi uye kazhinji kazhinji nokuda kwechinjo duku dzehormone. Kana pashure paaya makore apakuvamba, pane chinjo dzapanhambo nenhambo muurefu hwenhambo yokugeza kana kuti mumutoo wokubuda ropa, ikoku kunorangarirwa kuva kwenguva dzose. Chinjo dzakatanhamara zvikuru dzingava chiratidzo chinonyevera chinoda kuongororwa mukurapa.
Rutivi rwedzidzo youtano rune chokuita nezvokudya. Zvokudya zvisina kunaka, zvinonaka zvikuru panzvimbo pokutsigira muviri, uye kunyanyoitira hanya zvikuru uremu, kunowanzodzivisa vasikana vachiri kuyaruka kuwana zvitsama zvezvinotsigira muviri zvizhinji, zvikurukuru calcium neiron. Mhandara dzisati dzagadza nhambo dzokugeza dzenguva dzose dzinowanzova nokurashikirwa neropa kukuru zvikuru kupinda mwero wapakati napakati mukati mokugeza, uye ikoku kunowedzera kudikanwa kweiron. Naizvozvo kunokosha zvikuru kudya zvokudya zvakadzikama zvikuru uye kudzivisa zvokudya zvakagadzirwa nomutoo wakakwirira zvakawanda. Padzimwe nguva wedzero dzeiron dzingarumbidzwa.
KUBEREKA: Nyanzvi dzokusunungusa dzinorumbidza kunzverwa kwapamberi pokubereka nokuda kwavakadzi vane nhumbu. Vanogona kuongorora ropa kuti vaone kana wedzero dzeiron kana kuti folic acid zvingava zvinodikanwa. Sezvo mukadzi ane nhumbu ane bviro huru yokubuda ropa, kuteerera zviratidzo zvenyevero kunovazve noukoshi hukuru zvikuru.
Kunyange chitsama chidukusa chokubuda ropa mukati mokuva nenhumbu chinoda kunzvera kwokurapa. Zvimwe zviratidzo zvengozi panguva ino marwadzo omuchiuno, zviratidzo zveropa muweti, uye marwadzo mukuita weti. Asi misiano ipi kana ipi kana kuti zviratidzo zvinofanira kushumwa nokukurumidza kunyanzvi yokusunungusa. Kana mari isingakwani, murume ane mutoro chaiwo nokuda kwoutano noupenyu hwouyo akava “nyama imwe” naye, asati achirega upenyu hwake huchipinda mungozi.—Mateo 19:5, 6; VaEfeso 5:25.
KUGUMA KUENDA KUMWEDZI: Uku kutaura kwezvokurapa kwokuguma kwenhambo dzokuenda kumwedzi kwenguva dzose, kwakakwana. Iyi nguva inozivikanwawo senhambo apo masimba omuviri anoderera, kana kuti chinjo youpenyu, uye inhano yenguva dzose muupenyu hwomukadzi. Mupfungwa huru zvikuru, ikoku kwazova kunoreva mwedzi kana kuti kunyange makore apamberi uye pashure peichi chinoitika chomuzvarirwo. Vakadzi vazhinji vanonzwa zviratidzo zvomuviri zvisina kunaka mukati meiyi nguva—zvakadai sokubuda ropa kwokuenda kumwedzi kwokusatevedza nguva uye kupisa kwakamwe kamwe—asi ikoku kucharega pakupedzisira. Kana pane kubuda ropa kwokuenda kumwedzi kwenguva refu kana kuti kwokunyanyisa kana kuti imwe nhambo mwedzi mitanhatu kana kuti yakawanda pashure peyairatidzika kuva yokupedzisira, chiremba anofanira kuonwa nokukurumidza.
Chokwadi, handi migariro yose yakakomba inogona kukarirwa. “Nguva nechinoitika chisingadeyi kuonwa” zvinotiwira tose. (Muparidzi 9:11, NW) Asi, sokutaura kwakaita nyanzvi yokutindivadza kunzwa kuna Una: “Zvirwere zvechikadzi zvishomanene zvechibereko zvinotanga kamwe kamwe.” Dzidzo youtano yakanaka nokusvinurira kushanda kwomuviri zvinogona kutaviridzira vakadzi pamugariro wakakomba wechirwere chechikadzi chinobvira. Kuri nani zvikuru kudzivisa mugariro wakakomba panokufuratira nyevero kutozosvikira njodzi yotofanira kunanganwa nayo. Nokudaro, vadzimai navarume, teererai zviratidzo zvenyevero zvomuviri!
[Mashoko Omuzasi]
a Mune zvimwe, kunyange zvazvo zvisati zviri zvose, zvinoitika izvi zvinogona kuva zviratidzo zvekenza yomukoto wokubereka nawo, iyo muzvinoitika zvizhinji zvikuru, inorapika kana ikabatwa nokukurumidza.
b Kuwa kwenhumbu.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Murume anonzwira tsitsi anogona kubetsera mudzimai wake kuteerera nyevero dzomuviri wake