RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 7/8 pp. 15-17
  • Ndagadzirira Kubhapatidzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndagadzirira Kubhapatidzwa Here?
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ndakura Zvakaringanira Here?’
  • ‘Ndati Ndapinza Zivo Yakaringanira Here?’
  • “Vaiti veShoko”
  • ‘Ndati Ndaita Mwari Shamwari Yangu Here?’
  • Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Vechidiki—Magadzirira Here Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kuite Vavariro Yako Kubatira Mwari Nokusingaperi
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 7/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndagadzirira Kubhapatidzwa Here?

Watchtower Society Inodiwa:

Zita rangu ndinonzi Sharon uye ndine makore 13. Ndave ndichizvibvunza kana ndagadzirira rubhapatidzo. Ndinofunga kuti ndagadzirira, asi ndichiri asina chokwadi. Ndine chokwadi chokuti ikoku kuriwo pandangariro dzamamwe maKristu maduku. Ndapota munganyora nyaya here yokubetsera kundiruramisa?

SHARON akarurama. Zvamazvirokwazvo rubhapatidzo ruri pandangariro dzepwere zhinji dzinotya Mwari. Pakati peZvapupu zvaJehovha, pwere dzinoziva kuti dzinofanira kuita chisarudzo chadzo dzimene chokubatira Mwari, kuti vabereki vadzo havagoni kudziitira chisarudzo chacho. Dzinonzwisisawo kuti Jesu Kristu akaraira vateveri vake kuratidzira tsauriro yavo kuna Mwari kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura.—Mateo 28:19, 20.

Kuita ziviso yapamhene somubatiri akazvitsaurira waMwari mutoro mukuru. Zvamazvirokwazvo hauzati waizoda kuchimbidzikira marwuri kungofadza bedzi shamwari dzako kana kuti vabereki. Kupfuurirazve, hakuno munhu anofanira kukupesvedzera kupinda murubhapatidzo. (Pisarema 110:3) Zvisinei, Jesu akapangira chaizvo vose “kuverenga ndyiko” yokuva mudzidzi wake. (Ruka 14:28, NW) Ikoku hakuzati kuchireva kuti unofanira kupima kana uchida kuva mudzidzi waKristu kana kuti kwete. Nomutoo wakajeka, ichi ndichinhu chakarurama chokuita. Kunyange zvazvo zvakadaro, unofanira kusvinurira zvizere icho kuva Chapupu chaJehovha kunobatanidza.a Tevere, unofanira kusarudza kana wagadzirira zvomenemene kutora uyu mutoro.—Enzanisa naZvirevo 20:25.

‘Ndakura Zvakaringanira Here?’

Vechiduku zvavanoramba vachikura, vanowanzorangarira kuti vana maruramiro okufarikanya dzimwe ropafadzo nemitoro. Dzinowanzoomerera pakuchaira motokari yemhuri, kukumbira rubvumidzo rwokuita mabasa pashure pechikoro, kuda mari yadzo dzimene yokupambadza. Asi pakureva nezvorubhapatidzo, pwere zhinji dzinozvipembedza idzo dzimene sedziri dukusa kana kuti dzisati dzagadzirira mutoro iwowo. Imwe pwere inonzi Andre inoti: “Pwere zhinji dzinomirira kutozosvikira dzava namakore 17 kana kuti 18 kuti dzibhapatidzwe, padzinenge dzatikurei.” Neiko? “Nemhaka yokuti nguva refu pamberi paikoko dzinenge dzakura zvakaringanira kuzvisarudzira dzimene zvimwe zvisarudzo.”

Hungu, idiwo zvaro rokuti uri wechiduku harizi pembedzo yo‘kuva nemwoyo miviri,’ uyewo harizi chikonzero chinoshanda chokurega kutora chimiro somuKristu. (1 Madzimambo 18:21) “Yeuka, zvino, Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako,” rinopangira kudaro Bhaibheri. (Muparidzi 12:1, NW) Muporofita Samueri aiva mumwe akavamba kubatira Jehovha pazera duku zvikuru. (1 Samueri 3:1-18; 12:2) Dhavhidhi wezvamapisarema aigona nenzira imwe cheteyo kuti: “Imi muri tariro yangu, O Changamire Ishe Jehovha, chivimbo changu kubvira paupwere.”—Pisarema 71:5, NW.

Nomutoo wakafanana, zviuru zvepwere dzechiKristu nhasi—kubatanidza nedzapamberi pokuva dzechiduku—dzakazvibvumikisa dzimene kuva dzakatendeka kuita tsauriro yokubatira Mwari. Sezvinobvumwa, dzimwe pwere dzinoshaiwa kuva nomufungo uye dzichakanyanyova dzisati dzakura muukuru nomundangariro kuita chisarudzo chikurusa chakadai sorubhapatidzo. (Zvirevo 22:15) Asika ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru here muchinoitika chako? (Vabereki vako pasina panikiro vane zvakawanda zvokutaura muna ikoko.) Mwari haatongokariri pwere kuti ive noukuru hwomunhu ane zera ramakore 40. Anosanoziva kuti unogona kutapurwa ne“zvishuvo zvinongoerekana zvamuka zvepwere.” (2 Timotio 2:22, NW) Asi kana wakura zvakaringanira kuva ano mufungo nomutoo wakakomba uye akatendeka, ipapo sezvingabvira zvikurusa wakura zvakaringanira kurangarira kuita tsauriro. Zvisinei, kune mimwe mibvunzo yaunofanira kuzvibvunza umene.

‘Ndati Ndapinza Zivo Yakaringanira Here?’

Bhuku rinonzi The Adolescent, rakanyorwa naF. Philip Rice, rinoti “mufungo wokusanzwisisa, wokusachenjera hauzati uchizokurira padenho nomuedzo.” Bva, VaRice vanoti: “Pane dzimwe ratidziro dzokuti pwere dzanhasi hadzizivi nomutoo unonzwisa tsitsi. Kunzverwa kwezivo yeBhaibheri yavadzidzi vari kuita gore rechipiri vapayunivhesiti vePurotestendi navechiJudha kwakawadzanyura kusaziva chaikwo Testamende Yekare neItsva.”

Ikoku hakuzati kuchifanira kudaro kuno uyo anoda kubhapatidzwa. Munhu anofanira kutanga ‘kupinza zivo’ kuti agova mudzidzi, kana kuti akadzidziswa. (Johane 17:3; Mateo 28:19, 20) Naizvozvo hakuzati kwaizova kuno mufungo here kukarira kuti pamberi pokubhapatidzwa, unofanira kuziva zvinenge “zvinhu zvapakuvamba zvamashoko matsvene aMwari”? (VaHebheru 5:12, NW) Izvozvo zvingabatanidza kuziva icho Bhaibheri rinodzidzisa panhau dzakadai somweya, mugariro wavakafa, kutsveneswa kwezita raMwari, Umambo, uye rudzikinuro.

Chokwadi, unosungirwa kuziva chimwe chinhu pamusoro peBhaibheri kupfurikidza nokubatana hako navabereki vako kuenda kumisangano yechiKristu. Asi zivo inowanwa nenzira iyoyo ingava duku uye haiwanzo“mira mukudenhwa nomukuedzwa.” Unofanira kukwanisa kupa vamwe “chikonzero chetariro iri mauri.”—1 Petro 3:15.

Terry anotaura kuti aidavira zvokwadi dzeBhaibheri. Bva anobvuma, kuti: “Ndakanga ndisina kutongozvigutsa ndimene kupfurikidza nokubvunza mibvunzo yangu ndimene dzokonokei kwaakuipindura. Pamisi ichangobva kupfuura iyi, ndakavamba kuita ikoku.” Chii chakava muuyo wepurogiramu yakadaro yefundo yeBhaibheri? “Kutenda kwangu kuri kuwedzera, uye zvino ndinowana kuti ndava kukwanisa kutaura kuvanhu nepwiswo chaiyoiyo. Ndinoudza pwere dzose dzeZvapupu kuva dzisingatyi kuzvibvunza dzimene kana iyi iriyo zvokwadi. Wanai! Nzverai, fundai. ‘Ivai nechokwadi chechinhu chiri chose.’ Ipapo muchakwanisa kuzvitsaurira mumene nomwoyo wose kuna Jehovha.”—1 VaTesaronika 5:21.

“Vaiti veShoko”

Zvisinei, tinofanira kuva “vaiti veshoko, uye kwete vanzwi bedzi.” (Jakobho 1:22, NW) Haungagoni kuzvipa umene nokuda kworubhapatidzo uye ndokuva mumwe ano‘vanza zvaari iye’ kupfurikidza nokuvanza zvakaipa zvakakomba. (Pisarema 26:4) Zvakaipa zvakadaro zvingabatanidza utere hwevatano, udhakwa, shandiswo isinokufanira yemirimo, kana kuti chipi nechipi chezvivi zvinodudzwa pana 1 VaKorinte 6:9, 10. Kana wakambova nezvinetso muna izvozvi, huregerereiko kuronga navabereki vako kutaura navamwe vakuru vechiKristu? Iva ane chokwadi chokuti betsero yomutsa ichakupiwa.—Jakobho 5:14, 15.

Kungavawo kwokuti dzimwe chinjo dzinodikanwa munzira yaunobata nayo vabereki vako kana kuti yaunorangarira nayo zano rinobva kuvakuru vechiKristu, kunyange nzira yaunosarudza nayo shamwari. (Zvirevo 6:20; 13:20; 1 VaKorinte 15:33; VaHebheru 13:17) Kungava kusiri nyore kuita chinjo dzakadaro, asi Zvirevo 11:19, (NW) inotiyeuchidza, kuti: “Uyo anomira zvakatsiga nokuda kwokururama anowana upenyu, asi uyo unodzingana nezvakaipa unowana rufu rwake amene.”

Jehovha anoda kuti uve akakwana here? Nyangwe. “Ndianiko anogona kutaura, kuti: ‘Ndakachenura mwoyo wangu; ndakava akachena pachivi changu’?” inobvunza kudaro Zvirevo 20:9. (NW) Zvatiri vasina kukwana, tichiri vakakombamira kukuita mhosho. Bva nokuda kworudzikinuro rwaKristu, tinogona kurambira muchimiro chakanaka naMwari. (1 Johane 2:1, 2) Somuenzaniso, pwere inorwa zvakasimba kudzivisa muitiro wakashata, wakadai somuitiro usina kuchena webonhora, haidikanirwi kufunga kuti iyo haikwaniriswi hayo nokuda kworubhapatidzo.b Zvamazvirokwazvo, kupfurikidza nokudzivisa kwakasimba zvikuru kusarurama, munhu anogona kuita kuti mwoyo waJehovha ufare!—Zvirevo 27:11.

‘Ndati Ndaita Mwari Shamwari Yangu Here?’

Zvimwe mubvunzo unoisvokosha zvikuru, kunyange zvazvo zvakadaro, unobatanidza ukama hwako naMwari. Yeuka: Unozvitsaurira umene, kusati kuri kubasa kana kuti kuchiito, kana kuti kunyange kusangano, asi kuna Mwari iye amene. Ko Mwari anoratidzika kuva asi mupenyu, ari kure here? Kana kuti wati wamuziva here ndokumuda soMunhu? (Eksodho 34:6, 7) Kana zvakadaro, uchazviwana umene uchitaura naye kazhinji kazhinji, neisati iri karukano kwaitika, asi kuchibva pamwoyo.—Pisarema 62:8.

Uchazviwanawo umene uchigombedzerwa chose chose kutaura navamwe pamusoro paMwari. (Enzanisa 2 VaKorinte 5:14.) Zvirevo 15:7 (NW) inoti: “Miromo yavakachenjera inoramba ichiparadzira zivo pose pose.” Uri kuita kudaro kupfurikidza nokugaroparidzira kuna vamwe here? Kana kuti uri kubvumira hako nhandaro, varaidzo, kana kuti kunyange usimbe kukudzivisa kubetsera vamwe kuziva Mwari here?—Zvirevo 19:24.

Hungu, kuti rubhapatidzo rugova nerevo, Mwari anofanira kuva shamwari yako chaiyoiyo zvikuru. (Enzanisa Jakobho 2:23.) Kana ikoku kusati kwakadaro zvino, mhaka haizati iri yaMwari, nokuti iye anokoka noushamwari vose kumutsvaka. (Mabasa 17:27) Uye kupfurikidza nokusimbirira mufundo yomunhu oga, munyengetero, uye kusonganirana navanhu vake, mukufambira mberi kwenguva uchanzwa kuva pedyo zvikuru naMwari. (VaRoma 12:12; 1 Timotio 4:15; VaHebheru 10:24, 25) Rubhapatidzo ruchava muuyo womuzvarirwo wo‘kuswedera pedyo kwakadaro kuna Mwari.’—Jakobho 4:8.

Somuenzaniso, rangarira imwe mhandara inonzi Cindy. Inonyora, kuti: “Ndakabhapatidzwa pazera ramakore 14. Ndinoziva kuti kuva anozengurira kwakadini pamusoro pokuita kudaro. Asi ndinoda kutaura kuti ndichinhu chakaisvonaka zvikuru chaunogona kuita. Funga hako, kuziva kuti Jehovha akakutendera uye kuti ‘haazati achizotongokusiya kana kuti kukurega’! (VaHebheru 13:5) Kudai munhu upi noupi aizondibvunza kana iye achifanira kuzvitsaurira amene kuna Jehovha, ndaizoti hungu! Asika rega kukuitira kufadza mumwe munhuwo zvake. Kuite nokuti unoda kukuita.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona inoti “Ndinofanira Kubhapatidzwa Here?” inoteverwa neino muchinyorwa chino chaMukai! No. 3, 1990.

b Ona maganhuro 25, 26 ebhuku Questions Young People Ask—Answers That Work, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Pwere zhinji dzinokwaniriswa nokuda kworubhapatidzo. Iwe unokwaniriswa here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe