Ko Kuti Zvishandire Iwe Umene Ndokwako Here?
KO IWE uri nyambavarira wokuti zvishandire iwe umene here? Vanhu vakawanda zvikuru vakadaro. Naizvozvo pfungwa yokuti zvishandire iwe umene yazova yakakurumbira zvikuru zvokuti kutamburira kwemisi ichangobva kupfuura iyi muBritain kusimbisa kurambidza kushanda paSvondo kwakanangana nokudzivisa kwakakomba kwakabva kuna vanamuzvina masupamaketi anoita mhindu zvikuru ane matura emigove yavananyambavarira vapamusha.
Ko kuti zvishandire iwe umene ndokwako here? Chii chichakubetsera kusvika chisarudzo chokuchenjera?
Verenga Ndyiko
Usati watombotanga basa, huchenjera zvikuru kwazvo kuwana ndyiko yaro. Uchawana kuti kuenzanisirwa kwokutema mitengo kwomunhu akadzidzira basa ari nyanzvi nomutengo wezvinhu wezvawaizoda kuzvishandira iwe umene kuchaoneka. Asi usakanganwa zvinhu zvomuraudzo zvakavandika. Zviiko?
Vanhu vazhinji vakadzidzira basa vanosimbisira kuti basa ravo richasvika mupimo wakati kuti panguva yakatemwa. Kana vakakundikana, unogona kazhinji kazhinji kutsvaka rumwe rudzi rwomuripo. Pakupedzisira, kuripira kwakatiwandei ndokubetserekana namabasa omunhu akadzidzira basa kungava chimuko chako.
Chimwe chinhu chikuru chokurangarira indyiko yenguva yako. Ko basa rako rokuti zvishandire iwe umene rinokusiya wapera simba mumuviri zvikuru zvokuti unotangazve basa rako renguva dzose waneta here? Ko basa rako rokuti zvishandire umene rinokutorera nguva inodikanirwa kuchengetedza ndokusimbaradza chisungo chemhuri here? Kana wakaroora, mukwanyina wako anofungei nezvemabasa ako uye nguva yaunopedzera paari? Uye vana vako, vanowana mufarwa mune zvaunoita here? Kana “wakaroora” basa rokuti zvishandire iwe umene rinogona kudyara nyongano kumhuri neshamwari.
Kunobvira, hunyanguvezvo, kuchengeta ukama hwakanaka hwemhuri bva uchishanda pamabasa okuzvishandira iwe umene. Seiko? Kupfurikidza nokuronga betsero yemhuri yako. Mukwanyina wako weroorano anogona kukukumbanira, mukurongedzera kana kuti zvimwe mukuita chaizvoizvo basa, zvimwe kutotarisira mamwe amabasa ako paunenge uchibishaira pabasa rinoda kuitwa. Zvamazvirokwazvo, mhuri yako neshamwari vanofanirwa nokurangarirwa.
Mungasanoronga zvinhu, kurongedzera basa uye kubatanidza kushandira pamwe kwemhuri yako, asika une midziyo yakarurama here?
Ukoshi Hwemidziyo
Unokurudzirwa namabhurocha ane mifananidzo inoratidzira mabasa anobudirira here? Asika unoziva iri midziyo yakashandiswa here, uye kuti inoita marii? Ko kutengwa kwemidziyo yakadaro kunokwaniswa nemari yenyu inorongwa yemhuri here? Paimwe nhambo, ungawana kurenda mimwe yemidziyo ine simba zvikuru kuva chisarudzo chinoshanda kana mutengo wokutengwa kwayo wakanyanyokurisa bva dikanwo ichikosha. Unogona kushanda mabasa mazhinji okuti zvishandire iwe umene nemidziyo mikuru chaiyo. Zvisinei, kuti iyoyi igova youkoshi hunogarisa, sanoitarisira.
Uchachengeta kupi midziyo yako? Pakusarudza pamusoro penzvimbo yokuchengetera, iva nechokwadi chokuti midziyo inochengetwa uye inobatwa zvakakodzera kuti irambe iri mumugariro wakanaka. Kuisa midziyo pamwe chete mudhurowa kunogona kuikuvadza. Gadzira nzvimbo inosarudzwa nokuda kwomudziyo mumwe nomumwe. Uchawana kuti kutara mutaro womudziyo mumwe nomumwe papuranga rakati sandara kunobetsera. Roverera iri puranga pachidziro chechitsindi chako kana kuti kapubhodhi yemidziyo. Ipapo kochekera uye paika midziyo yako ipapo. Nokudaro unogona kuona nyore nyore kana mudziyo uri munzvimbo yawo kana kuti usati.
Mimwe midziyo inoshandiswa yakakungika, yakadai samahakisoo, mizhinji ingada kutsudzurwa isati yachengetwa. Midziyo mizhinjisa ichada kucheneswa nokuzorwa mafuta kuti ichengete ukoshi hwayo. Ita kuti kuchengetedzwa kwemidziyo kuve rutivi rwebasa ripi kana ripi rokuti zvishandire iwe umene raunoita.
Wawana mutengo wacho uye wasarudza kuzvishandira iwe umene. Watova nemidziyo yose uye iri mumugariro wakanaka. ‘Asika pane chimwe chinhu chiri kushaikwa,’ unotaura kudaro. ‘Handina ruzivo rwokuzviwanira.’ Ikoku kunoreva here kuti basa rokuti zvishandire iwe umene rinoregwa?
Rubudiriro Kana Pasina Ruzivo Rwokuzviwanira Here?
Rubudiriro panguva yokutanga harusati ruchingozviitikira rumene. Nhungamiro inobetsera, kunyange zvazvo zvakadaro, ndeyokushandisa chirevo: Tevera miraidzo nokungwarira. Asika miraidzo yaaniko?
“Muvapizano vazhinji-zhinji mune chinopedzwa,” chinodaro chirevo chekare. (Zvirevo 15:22) Naizvozvo, usati watanga kuzvishandira iwe umene, bvunza nyanzvi. Unogona kuwana pauchenjeri hwakaunganidzwa hwenyanzvi kupfurikidza nokurava zvikarakadzo zvavo mumabhuku anoti zvishandire iwe umene. Kana kuti kana mumwe weshamwari dzako akatoita norubudiriro basa rimwe chetero, mubvunze maitire aakariita uye kuti mazanoi aanogona kugovera.
Kotsekano Inodikanwa
Yeuka kudikanwa kwekotsekano. Shandisa midziyo bedzi nenzira yainogadzirirwa kushandiswa nayo. Kana vana vako vachikubetsera, vadzidzise ruremekedzo netarisiro yakafanira nokuda kwemidziyo, zvikurukuru nokuda kweiya inopinza neine ngozi.
Mhatsa yamabasa aunogona kuzvishandira iwe umene ihuru. Asi kudzivisa kuva asina kudzikama mumabasa akadaro, rangarira pangiro yavamwe vanhu. Ipapo chinjira zvikarakadzozvo kune migariro yako umene. Basa ripi kana ripi rinokarakadzwa, sanorifunda usati wasarudza kuzvishandira iwe umene.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
MUTOO WOKUTARISIRA NAWO MIDZIYO YAKO
◻ Ishandise nomutoo wakafanira
◻ Ichenese kwazvo
◻ Ichengete nomutoo wakarurama