RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 10/8 pp. 14-16
  • Nhumbu Yowechiduku—Musikana Anofanira Kuitei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhumbu Yowechiduku—Musikana Anofanira Kuitei?
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Tinofanira Kuroorana Here?’
  • Kubvisa Nhumbu—Murangariro weBhaibheri
  • ‘Handigoni Kumupa Zvakanakisisa’
  • Vanamai Vasina Kuchata Vanogona Sei Kubata Namamiriro Avo Ezvinhu Nenzira Yakanakisisa?
    Mukai!—1994
  • Vanababa Vanotiza—Vangatiza Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—2000
  • Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Amai Uchiri Kuyaruka
    Mukai!—2004
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 10/8 pp. 14-16

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nhumbu Yowechiduku—Musikana Anofanira Kuitei?

Kuva nenhumbu kwowechiduku nokubvisa nhumbu zvinetso zvamativi ose emburumbwa. Uye kunyange vazhinji vavaravi vedu vari pwere dzechiKristu avo vanorega nomutoo wokuchenjera vatano yapamberi peroorano, Mukai! anoraviwawo namamirioni avanhu vamwe navamwe vanobva mumigariro yakasiana. Naizvozvo kurukurirano inotevera yakarongedzererwa kubetsera pwere ipi neipi yakanangana nechinetso chokuva mubereki asina kuchata, nepo panguva imwe cheteyo ichisimbisa miuyo inorwadza inoparirwa nevatano yapamberi peroorano.

“NDAKANGA ndine makore 15 uye ndine nhumbu,” akadaro Ann. “Handina kuziva chokuita—ndobvisa nhumbu, ndorererwa mwana, kana kuti ndoitei.” Ann aingova bedzi mumwe wavanopfuura vasikana vechiduku vane mirioni imwe vomuUnited States vakava nenhumbu gore irero.

Nepo muzvinoitika zvishomanene zvinorwadza musikana anova nenhumbu nokuda kwokubatwa chibharo, kuva nenhumbu kwavechiduku kunowanzova kunoparirwa nokutora rutivi kwokudisa muvatano yapamberi peroorano.a Muchinoitika chipi nechipi, kuva nenhumbu kunonangana nomusikana asina kuchata ane zvisarudzo zvinoverengeka zvinorwadza: Anofanira kuroorwa here? Anofanira kurererwa mwana here? Kubvisa nhumbu ndiyo mhinduro here? Sezvinobvumwa, kuva nomwana kunoda vanhu vaviri, uye kupfurikidza namaruramiro ose baba vomwana vanofanira kutakura mutwaro wavo womutoro. (Ona bhokisi.) Asi kazhinji kazhinji zvikuru, ndiye musikana (zvimwe achibetserwa navabereki vake) anosiirwa kuita zvisarudzo izvozvo zvakakomba. Uye chaanosarudza chichava nomuuyo unogara narini pagarikano yake yokunyama, yendangariro, uye yomudzimu uye mwana waane nhumbu yake.

‘Tinofanira Kuroorana Here?’

Vazhinji vangafunga havo kuti kuroorwa nababa vomwana kungava chigadzikiso chakakwana. Kunze kwezvo, kungadzivisira musikana nemhuri yokwavo manyadzi munzanga, uye kungabvumira kuti mwana arerwe navabereki vaviri. Asi roorano haisati iri chigadzikiso chezvinetso zvose. Kutanga, rupfidzo rwoumwari bedzi runogona kururamisa chakaipa mumeso aMwari.b (Isaya 1:16, 18) Kupfuurirazve, kumhanyira muroorano kungagona zvamazvirokwazvo kuumba zvinetso zvomusikana. Sezvo mukomana nomusikana vachiri mu“kuvamba kubve zera,” vangangova havo vasina ukuru muzivo yendangariro inodikanirwa kuita kuti roorano ishande. (1 VaKorinte 7:36, NW) Sezvinobvira mukomana haasiri muKristu wechokwadi nokudaro haana kukodzera somukwanyina weroorano.—1 VaKorinte 7:39.

Dr. Arthur Elster anopfuurira kuti: “Hubereki hwapamberi penguva hunowanzoparira vabereki ivava kurega chikoro, nokudaro ndokuvaisa panhamo yakati kuti yokusadzidzira basa.” Zvinetso zvomugariro wepfuma zvinotevera zvinogona kuparadza roorano. Zvamazvirokwazvo, kumwe kunzvera kunoshuma kuti mwero wechatanuro wedzinovambira pa 50 muzana kusvikira ku 75 muzana pakati peroorano unoparirwa nokuva nenhumbu pamberi peroorano!

Roorano inhano yakakomba uye haifaniri kupindwa mairi nechimbichimbi. (VaHebheru 13:4) Pashure pokurangarira nhau yacho, vose vanobatanidzwa vangabvumirana kuti roorano ingava kusachenjera, kuti musikana angaita zviri nani zvikuru kurerera mwanayo pamba kupfurikidza nebetsero yemhuri yokwake kupfuura muroorano izerwe nezvinetso.

Kubvisa Nhumbu—Murangariro weBhaibheri

Mumwe musikana muduku akati: ‘Ndinoda kuita zvakawanda noupenyu hwangu, uye mucheche haana nzvimbo.’ Nokudaro kubvisa nhumbu ndicho chisarudzo cheinenge hafu yavasikana vane mirioni imwe gore rimwe nerimwe muUnited States moga bedzi. Asika kwakanaka here kana kuti kunyange kururama kungobvisa upenyu hwomwana nemhaka yokuti ‘haana nzvimbo’ murongedzero dzako umene?

Cherekedza icho Bhaibheri rinoreva pana Eksodho 21:22, 23 (NW), pamusoro poupenyu hwomwana asati aberekwa: “Uye kana varume vakarwisana uye ivo ndokukuvadza zvomenemene mukadzi ane nhumbu asi vana vake ndokubuda bva pasina tsaona inouraya inoitika, iye unofanira kuripiswa kuvadziko . . . Asi kana tsaona inouraya ikaitika [kuna mai kana kuti kumwana asati aberekwa], ipapo unofanira kupa mweya nokuda kwomweya.” Hungu, kuuraya mwana asati aberekwa kwairangarirwa sokuponda!

Chokwadi, vamwe vashushi vanotaura havo kuti mwana asati aberekwa anongova hake mwana achangobva kuumbwa kana kuti mirukwo yenyama yomwana achangobva kuumbwa—handi munhu. Asi Mwari anotaura neimwe nzira. Iye anorangarira kunyange mwana achangobva kunambwa somunhu ari oga, munhu mupenyu! (Pisarema 139:16) Ko munhu angabvisa upenyu hwomwana asati aberekwa ndokuramba ari munyasha dzaMwari, uyo “anopa vanhu vose upenyu” here?—Mabasa 17:25.

Bhuku rinonzi Growing Into Love rinogovera rimwe pfundo mukupesana nokubvisa nhumbu: “Kunyange zvazvo miuyo yokunamba nhumbu ichipfaviswa nokubvisa nhumbu, chinoitika chokugumisa nhumbu chinowanzokangaidza zvikuru uye chinovhiringidza. . . . Wechiduku . . . angadavira hake kuti mwana achangobva kunambwa anongova hake akadaro—mwana achangobva kunambwa . . . Asi hapana kutsanangurwa kwapamutemo kwakati kuti kunomuita kuti akanganwe, mumwoyo make chaimo, kuti mwana waakanga anamba akanga ane simba roupenyu.”

Imwe pwere inonzi Linda yakawana ikoku kuva kwechokwadi. Ichitya kuti kuva nomwana kwaizounza manyadzi pamhuri yokwavo, akabvisa nhumbu. Pashure pokuvhiyiwa, kunyange zvazvo zvakadaro, anoyeuka, kuti: “Ndakatanga kudedera zvikuru kwazvo zvokuti handati ndaigona kukudzora. Uye ndakatanga kuchema, uye nokukukurumidza ikoku kwose kwakanditambudza, zvandakanga ndaita chaizvoizvo. Ndakanga ndauraya upenyu hwomwana wangu asati aberekwa, mumwe munhu!” Ko zvino Linda anofungei nezvekubvisa nhumbu? “Yakanga iri mhosho yakaipisisa youpenyu hwangu hwose.”

‘Handigoni Kumupa Zvakanakisisa’

Vamwe vanamai vasina kuchata vanosarudza havo kupa vana vavo kuti varerwe. Vanowanzorangarira saHeather, mumwe musikana akanokorwa mashoko mumagazini yeSeventeen, uyo akati: “Padzimwe nguva ndinova nechinetso chikuru chokuzvitarisira ini ndimene, chichava chikuru sei nomwana. Ndinopenga nokuda vana, uye ndinoda vacheche, asi ndaiziva hangu kuti handati ndaigona kupa uyu mucheche zvakanakisisa.”

Ndokwechokwadi kuti kupa mwana nokuda kwokurererwa kuri nani zvikuru panokuuraya upenyu hwake kupfurikidza nokubvisa nhumbu. Uye sezvinobvumwa, kariro yokuzvirerera mucheche ingaratidzika kuva inoremedza kumusikana muduku uye asina ruzivo rwokuzviwanira. Mumwe mai asina kuchata akaudza Mukai!, kuti: “Unotora mutoro mukuru, zvikuru wako woga uye unotambudza uye uyo unoda kurashikirwa kukurusa.” Yeuka, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti Mwari anorangarira mubereki kuva ane mutoro woku‘govera nokuda kwake amene.’ (1 Timotio 5:8) Mune zvinoitika zvizhinjisa, kungava kwakanakisisa kuti musikana azvirerere mwanayo.

Ann, adudzwa mukuvamba, nokudaro akaita chisarudzo chokuchenjera—kunyange zvazvo chakanga chisiri nyore zvikurusa. “Ini ndakasarudza hangu kuchengeta mwana,” anodaro. “Vabereki vangu vakandibetsera uye vachiri kudaro.” Sezvinobvumwa, kuva mubereki mumwe kwakaoma. Asika hakusi kusingabviri, uye vanamai vazhinji vaduku vanova vabereki vanokwanisa. Zvikurukuru ikoku kunodaro kana mai vasina kuchata vakasarudza mumunyengetero kurera mwana wavo “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”c (VaEfeso 6:4, NW) Vabereki vokurera vangakwanisa kugovera zviri nani zvikuru mune zvokunyama. Asi vachagovera nhungamiro yomudzimu here inodiwa nomwana kuti akure mukuda Mwari wechokwadi, Jehovha?—Dheuteronomio 6:4-8.

Yeukawo, kuti kunyange mubereki mumwe angava asingakwanisi kupa mwana wake zvakanakisisa mune zvokunyama, anogona kumupa chimwe chinhu chinokosha zvikuru kwazvo: rudo. “Ndiro yemirivo iri nani zvikuru apo pane rudo kupfuura nzombe yakakodzwa [“nyama yakanakisisa,” Today’s English Version] nembengo pamwe chete nayo.”—Zvirevo 15:17.

Chokwadi, kutambura kukurusa kusingadikanwi kunogona kudziviswa kana munhu akadzivisa chivi choufeve pakutanga.d Asi kana musikana aita chivi muna ikoku, haadikanirwi hake kurangarira kuti upenyu hwake hwapera. Kupfurikidza nokuita nomutoo wokuchenjera, anogona kudzivisa kuwedzera chikanganiso chake ndokuita kuti mugariro wake uve wakanakisisa zvikuru. Zvamazvirokwazvo, angatowana betsero netsigiro yaMwari iye amene, uyo ano‘kanganwira munzira huru’ avo vanotsauka panzira yakaipa.—Isaya 55:7.

[Mashoko Omuzasi]

a Utere hwevatano hahuregererwi pakati peZvapupu zvaJehovha, sezvo hwakanga husingaregererwi pakati pamaKristu muzana rokutanga ramakore. (1 VaKorinte 5:11-13) Hunyanguvezvo, vanotadza vanogona kuwana betsero yavakuru vano rudo veungano. (Jakobho 5:14, 15) Kupfurikidza nokupfidza panzira yavo yakaipa yomufambiro, vakadarovo vanogona kufarikanya kanganwirwo yavose vari vaviri Mwari neungano yechiKristu.

b MuMutemo waMosesi, Mwari aida kuti murume akanyengera mhandara airoore. (Eksodho 22:16, 17; Dheuteronomio 22:28, 29) Asi mutemo iwowo wakabatira zvinodikanwa zvavanhu vaMwari mumigariro yezuva irero nezera. Uye kunyange panguva iyeyo, roorano yakanga isati ichingozviitikira iyo imene, sezvo baba vaigona kuidzivisa.—Ona mubiyayo wemagazini yedu Nharireyomurindi, yaNovember 15, 1989, paunoti “Mibvunzo Inobva Kuvaravi.”

c Zvapupu zvaJehovha zvakabetsera mhuri zhinji kugadza purogiramu yomurairidzo weBhaibheri wenguva dzose. Zvinogona kuwanwa kupfurikidza nokunyorera vabudisi vamagazini ino.

d Ona ganhuro 24 yebhuku rinonzi Questions Young People Ask—Answers That Work, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Bhokisi riri papeji 15]

Nhumbu Yowechiduku—Miuyo Kuvakomana

Vachisundwa norutyo—kana nokusaitira hanya kwoudyire—vamwe vakomana vakava vanababa vasati vachata vanoedza kunzvenga mitoro chose chose. Mumwe mukomana ane musikana wake akava nenhumbu akati: “Ndakamuudza bedzi kuti, ‘Ndichauya kuzokuona.’”

Sezvineiwo, voruzhinji vavakomana vanoratidzika kuva vanenge vanoda batanidzwo yakati kuti nomwana wavo. Apo roorano inoratidzika kuva isina kukodzera (sezvinowanzoitika), vazhinji vanokarakadzira kubetsera mune zvemari. Vamwe vanotokarakadzira kugoverana mutarisirwo yezuva nezuva yomucheche. Asi nhamburiko dzakadaro dzinowanzobvumikisa kuva dzinogara kwenhambo pfupi, dzichidziviswa nesimba romuripo wakaganhurirwa womukomana nokushaikwa zvikuru kweshiviriro nounyanzvi zvinodikanwa kusvitsa zvinodikanwa zvomucheche muduku.

Uyezve, vabereki vomusikana padzimwe nguva vanoshora zvakakomba kuita kuti mukomana ave nokumwezve kubata kupi nokupi nomwanasikana wavo, vachityira kuti ikoku kungaparira mumwe mufambiro wakaipa wevatano—kana roorano yapamberi penguva. Vangamurambira kugoverana kupi nokupi muzvisarudzo zvinofanira kuitwa pamusoro pomwana, zvimwe kumugombedzera kuti amirepo asingabetseri apo mwana anobviswa kana anopiwa kuti agorerwa, vachigumisa bviro ipi neipi yokuzombogoverana kwake muupenyu hwomwana waakabereka. Kuno rumwe rutivi, zvamazvirokwazvo mukomana angabvumirwa kukudziridza batano nomwana wake—kungoitira bedzi kuti chisungo ichecho chidimbuke nomutoo woutsinye apo musikanayo anoroorwa uye mumwe murume anotora basa rokuva baba.

Nomutoo usingapanikirwi, ipapoka, vabereki vasina kuchata vanotamburawo mufambiro wavo wokusava nomutoro. Mumwe baba asati achata wezera ramakore 16 akati: “Kune kunzwa kuzhinji kwausingagoni chaizvo kubata nakwo. Kwakaita sokunge kuti unonyengetera kuti udzoke kwawaiva kare, asi hapana nzira yaunogona nayo.”—Magazini ye“’Teen,” yaNovember 1984.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe