Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura
Chikamu 11: 2 P.N.V.-100 N.V.—Nzira yoKutenda, Tariro, Uye Rudo
“Zvokwadi hurusa ndodzakapfava zvikurusa: ndozvakaitawo vanhu vakurusa.”—Vanyori veBritain vomuzana ramakore rechi 19 Julius naAugustus Hare
MAKORE anenge 320 pashure porufu rwaAlexander Mukuru, mambo weMacedonia, mukundi mukuru zvikuru wenyika akaberekwa. Aizosiana naAlexander munzira mbiri hurusa, sezvakadeya kutaurwa pana Ruka 1:32, 33, kuti: ‘Iye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro, uye umambo hwake hahuzati huchizova nomugumo.’ Jesu Kristu akanga ari uyu Mubati ushe, uye kwakanga kwakafanira kuti apfuurire kurarama panzvimbo pokungova bedzi anoraviwa mumabhuku enhau.
Jesu akanga ari munhu akapfava uyo airarama upenyu hwakapfava. Haana kuva neimba youmambo. Haana kuzvisanganisa amene navapfumi navane simba; haanawo kuva nemiunganidzwa yezvinokosha zvapasi. Jesu akaberekwa munenge muna October 2 P.N.V., mumusha wakaderera wemhuri yechiJudha mumigariro yakapfava zvikuru mukamusha keBhetrehema. Upenyu hwake achimuduku hwakanga husati huzere nezvinoitika. Iye akarovedzwa basa rokuveza, “zvaaiva mwanakomana, sezvakanga zvichifungwa, waJosefa.”—Ruka 3:23, NW; Marko 6:3.
Kunyange vanhu vanoseka mufungo wokuva kwaJesu Mwanakomana waMwari havangagoni kuramba kuti kuberekwa kwake kwakapinza zera idzva, uyewo munhu upi noupi haagoni kupokanidza norubudiriro kutaura kwakaitwa neWorld Christian Encyclopedia kuti “ChiKristu chazova rudzidziso rwakaisvokura uye rwomunyika yose munhau.”
Haruzi Rutsva Asi Rwakasiana
ChiKristu chakanga chisiri rudzidziso rutsva chose chose. Midzi yarwo yakanyura murudzidziso rwavaIsraeri, rwaitsigirwa noMutemo wakanyorwa waJehovha Mwari. Kunyange pamberi pokuva kwaIsraeri rudzi, kunamatwa kwaJehovha kwaiitwa namadzitateguru avo vanaNoa, Abrahama, uye Mosesi uye kwakanga kuri kupfuuridzirwa kworudzidziso rwekaresa rwaivapo, kunamatwa kwechokwadi kwoMusiki sokwaishandiswa pakutanga-tanga muEdheni. Asi vatungamiriri vorudzi navorudzidziso vaIsraeri vakabvumira rudzidziso rwenhema nerevo dzechiBhabhironi kupinda mukunamata kwavo nokudaro ndokukushatsa. Sokureva kunoita World Bible, kuti: “Ungano yechiJudha panguva yokuberekwa kwaJesu yakanga yashatswa nenyengedzo uye yasvipiswa nomuitiro wokuchengeta mitemo wakadzikatidza zvokwadi dzomudzimu dzinokosha dzakataurwa navaporofita vakuru vechiHebheru.”
Dzichienzanisirwa nezvakaoma kunzwisiswa zvavanhu zvakabatanidzwa nokutenda kwechiJudha, dzidziso dzaJesu dzairatidzirwa norupfave. Pauro, mumwe wavafundisi vane simba zvikurusa vomuzana rokutanga ramakore, akaratidzira ikoku apo akataura nezvemavara makuru echiKristu, kuti: “Kwasara kutenda, tariro, rudo, zvitatu izvi; asi chikurusa chaizvozvi ndirwo rudo.” (1 VaKorinte 13:13, NW) Mamwe marudzidziso anotaurawo nezvo“kutenda, tariro, uye rudo,” asika chiKristu chakasiana. Seiko?
Kutenda Munaani Uye Muchii?
Jesu akasimbisa dikanwo yoku“shandisa kutenda muna Mwari,” Uyo waakarondedzera kuva Musiki. (Johane 14:1; Mateo 19:4; Marko 13:19) Naizvozvo chiKristu chinosiana nechiJaini nechiBuddha, zvose zviri zviviri zvinoramba mufungo woMusiki, zvichikambira kuti chisikwo chapose pose changuve chiripo. Uye sezvo Kristu akataura pamusoro pa“Mwari bedzi wechokwadi,” nomutoo wakajeka iye haana kudavira muna vamwari navamwarikadzi vechokwadi vazhinji-zhinji sokudzidzisa kwakaita marudzidziso ekare eBhabhironi, Egipita, Girisi, uye Roma, kana kuti sezvichiri kudzidzisa chiHindu.—Johane 17:3.
Donzo roumwari, Jesu akatsanangura, rakanga riri rokuti ape ‘mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji,’ kuti “aponese chakarashwa,” kuti “munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Marko 10:45; Ruka 19:10; Johane 3:16, NW; enzanisa naVaRoma 5:17-19.) Kudavira rufu rwechibairo kuita yananiso kubva muchivi kunosiana nechiShintō, icho chinoramba kubvuma kuti chivi chapakuvamba kana kuti chokuberekwa nacho chiripo.
Jesu akadzidzisa kuti kunongova bedzi nokutenda kumwe kwechokwadi. Akapangira, kuti: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:13, 14) Bhuku rinonzi Imperial Rome rinoti: “MaKristu [apakuvamba] aiomerera pakuti iwo oga bedzi aiva nezvokwadi, uye kuti mamwe marudzidziso . . . aiva enhema.” Sezvinooneka ikoku kunosiana nechimiro chendangariro chechiHindu nechiBuddha, chinoona marudzidziso ose saane kodzero.
Rudzii Rwetariro?
Tariro yechiKristu yakavakirwa pachipikirwa choMusiki chokuti hurumende yake ichagadzikisa zvinetso zvenyika. Naizvozvo kubvira pakutanga kwoushumiri hwaJesu muna 29 N.V., akakurudzira vanhu ku“va nokutenda mumashoko akanaka” okuti “umambo hwaMwari hwaswedera pedyo.” (Marko 1:15) Mukusafanana namarudzidziso okuMadokero, akadai seCh’ŏndogyo, dzidziso yaJesu haina kusimbisa urudzi senzira yokuziva nayo tariro yechiKristu. Chokwadi, Jesu akaramba zvikarakadzo zvose zvokuti apinde mune zvamatongerwe enyika. (Mateo 4:8-10; Johane 6:15) Sezvinooneka, haana kutaura, sezvinoita vamwe vavatungamiriri vechiJudha, kuti “vanhu vanofanira kubetsera Mwari nomutoo wokushingaira kuunza Mesia.”
Tariro yechiKristu inobatanidza kariro yokufarikanya upenyu husingagumi pasi pano mumigariro yakarurama. (Enzanisa Mateo 5:5; Zvakazarurwa 21:1-4.) Ikoko hakuzati kwakapfava uye kuri nyore kunzwisisa here? Hakuzati kuri kwavazhinji vane ndangariro dzakadzikatidzirwa nomufungo wechiBuddha weNirvana, iyo The Faiths of Mankind rinonongedzera kuva “kuguma” bva “kusaparadzika.” Bhuku iri rinosimbisa kuti, muuchokwadi, Nirvana “haizati ichibvira kuirondedzera.”
Rudo—Ndorwaani Uye Nderworudzii?
Jesu akataura kuti murairo mukurusa ndouyu: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.” (Marko 12:30, NW) Kwakasiana zvikuru kwazvo namarudzidziso anoisa ukoshi paruponeso rwavanhu, nepo achidukupisa fariro dzoumwari. Chechipiri muukoshi, Jesu akati, ndirwo rudo rwakananga rwomuvakidzani. “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei,” akapangira kudaro, “imiwo munofanira kuvaitira nenzira imwe cheteyo.” (Mateo 7:12; 22:37-39, NW) Asika cherekedza masianirane anoita ikoku nedzidziso isina kutsarukana yaConfucius, inoti: “Icho chausingazvishuviri umene, usachiitira vamwe.” Ndorupi rudo rwaunorangarira kuva rwakakwirira, rudzi rwuya rwunodzivisa vanhu kukukuvadza kana kuti rudzi rwuya rwunovasunda kukuitira zvakanaka?
“Nhanho yokutanga yomunhu mukuru chaizvoizvo ndiyo yokuzvininipisa kwake,” anodaro munyori wechiNgezi womuzana ramakore rechi 19 John Ruskin. Mukupa upenyu hwake nokuzvininipisa mufariro yezita raBaba vake nomukurumbira wakanaka uye, chechipiri, nokuda kwomunhu, Jesu akaratidzira rudo nokuda kwavose vari vaviri Mwari nomunhu. Kwakasiana zvikuru kwazvo nekariro dzoudyire kuumwari hwaAlexander Mukuru, uyo Collier’s Encyclopedia inotaura nezvake, kuti: “Muupenyu hwake hwose, uhwo akadzokorora adzokororazve kuisa pangozi, hapana ufakazi hwokuti akambofunga mubvunzo wechaizoitika kuvanhu vake pashure porufu rwake.”
Achienzanisirawo rudo rwaakanga anarwo nokuda kwaMwari nomunhu, Jesu, mukusafanana navaHindu vezera rake vomuIndia, haana kutsigira gadziriro yamapoka anosarura. Uye mukusafanana namapoka echiJudha aibvumira mitezo yawo kugamuchira zvombo ndokurwisana navabati ushe vavasingadi, Jesu akanyevera vateveri vake kuti “vose vanotora munondo vachaparara nomunondo.”—Mateo 26:52.
Kutenda Kunobvumikiswa Namabasa
Kubatikana kwapakuvamba kwechiKristu nokutenda, tariro, uye rudo kwakazviratidzira iko kumene mumufambiro. MaKristu akaudzwa ku“pfekenura hunhu hwekare” hwakarovedzeka kuvanhu vanoita zvivi uye “kupfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi.” (VaEfeso 4:22-24, NW) Vakaita ikoku. Nomutoo unofadza, mushakabvu Harold J. Laski, wezvesayenzi wezvamatongerwe enyika wechiNgezi, akati: “Muedzo, zvamazvirokwazvo, wechitendero hauzati uri mano aavo vanochigamuchira kuti vazivise kutenda kwavo; muedzo wacho ndiwo mano acho okushandura kuzvibata kwavo mukurarama kwakarovedzeka kwezuva nezuva.”—(Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.) Enzanisa na 1 VaKorinte 6:11.
Vazerwe nokutenda kusingatsuguduki uye netariro ine nheyo yakasanosimba uye inosundwa norudo rwechokwadi, maKristu apakuvamba akatanga kuteerera murairo waJesu wokupedzisira kwavari pamberi pokukwira kwake kudenga, unoti: “Naizvozvo, endai mundoita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza . . . , muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.”—Mateo 28:19, 20, NW.
PaPentekosta ya 33 N.V., mudzimu waMwari wakadururirwa pavadzidzi vechiKristu vane 120 vakaungana mukamuri rapamusoro muJerusarema. Ungano yechiKristu yakanga yaberekwa!a Mitezo yayo yakanga yapiwa nomutoo wenenji pazuva irero mano okutaura nemitauro yokumwe, nokudaro ndokuigonesa kutaura navaJudha navaproserite vanobva kune dzimwe nyika vaiva muJerusarema vachipinda mutambo. (Mabasa 2:5, 6, 41) Haiwa, kwakava nomuuyo wakadini! Pazuva rimwe chete, chiverengero chamaKristu chakawedzera kubva pavanenge 120 kusvika kuna vanopfuura 3 000!
Jesu akaganhurira kuparidzira kwake zvikurukuru kuna vaJudha. Asi nokukurumidza pashure pePentekosta, muapostora wechiKristu Petro akashandiswa kuzarura “Nzira” nokuda kwavaSamaria, vaipa ngwariro kumabhuku mashanu okutanga eBhaibheri, uye gare gare, muna 36 N.V., nokuda kwavasati vari vaJudha vose. Pauro akava “muapostora kumarudzi” uye akatanga nzendo nhatu dzoufundisi. (VaRoma 11:13) Nokudaro ungano dzakaumbwa, uye dzakapararira. “Rushingairo rwavo mukuparadzira kutenda rwakanga rwusina kuganhurirwa,” rinodaro bhuku rinonzi From Christ to Constantine, richiwedzera, kuti: “Kupupurira kwechiKristu kwakanga kuchipararira uye kuchibudirira.” Chitambudzo chamaKristu chakava nemiuyo isingakarirwi, chichibetsera kuparadzira shoko, sokufefedza kunoita mhepo rimi rwomwoto. Bhuku reBhaibheri raMabasa rinorondedzera nhau inofadza yomubato usingadziviswi wechiKristu mukati mokutanga kwechiKristu.
‘Handicho chiKristu Chandinoziva!’
Ndiko kuita kwako here pakunzwa uku kurondedzerwa kwamazuva okutanga kwechiKristu? Wati wawana here kuti panzvimbo pokuva nokutenda kwakasimba, maKristu mazhinji okuedzesera nhasi azere nepanikiro, kusava nechokwadi nechokudavira? Wati wawana here kuti panzvimbo petariro, mazhinji awo akabatwa nokutya, nokusava nechokwadi pamusoro penguva yemberi? Uye wati wawana here, sokutaura kwakaita munyori wamabhuku anotsoropodza wechiNgezi womuzana ramakore rechi 18 Jonathan Swift, kuti “tinongova bedzi norudzidziso rwakaringanira kutiita kuti tivenge, asi rusina kuringanira kutiita kuti tidanane”?
Pauro akadeya kutaura chinoitika ichochi chinopesana. “Mapere anodzvinyirira”—vatungamiriri vechiKristu nezita bedzi—aizo“muka uye achitaura zvinhu zvakamonyaniswa kuti atsause vadzidzi vavatevere ivo vamene.” (Mabasa 20:29, 30, NW) Ikoku kwaizova kunobatanidza vakawanda zvakadini? Nyaya yedu inotevera ichatsanangura.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuna vokunze chiKristu chaitaurwa nezvacho kuva “Nzira.” “Makanga muri muAntiokia pakutanga [zvimwe pakati pamakore 10 uye 20 gare gare] umo vadzidzi vakaidzwa nomutoo woumwari kuti maKristu.”—Mabasa 9:2; 11:26.
[Mufananidzo uri papeji 22]
MuKristu ane kutenda muna Mwari mupenyu
[Mufananidzo uri papeji 23]
Tariro yomuKristu inotarisira mberi kuparadhiso inodzorerwa yapasi
[Mufananidzo uri papeji 23]
Rudo rwechiKristu harusaruri mukubetsera vamwe kubatira Mwari