Mutoo Wokuva Mutengi Anobudirira
UNYANZVI hwokutenga hauzati hwakatongova hunokosha zvikuru kupinda mazuva ano emitengo yakakwirira nokuwedzera kwemitengo. Munyika nenyika, mitengo yakasvika ukwiriri hunokatyamadza, pasina tariro yokuderera munguva yemberi inodeya kuonwa. Mumhuri zhinji vabereki vose vari vaviri vanotofanira kushanda kuti vaone mari yakaringanira yokurarama nayo. Ipapoka, haiwa kunokosha sei kuti iwe uzive mutoo wokutenga nawo, kwokutenga, uye rini nomutoo wokupedza nawo mari yako nenzira yokuisvochenjera zvikuru!
Ziva Ukoshi Hwezvinhu
Chimwe chezvinhu zvinoisvokosha zvikuru mukuva mutengi akanaka ndechokuziva ukoshi hwezvinhu. Chinhu chiri pasero—chingava chipfeko, mudziyo, kana kuti zvokudya—hachizati chichizomirira kuchengetedzwa kwemari kana chiri choruvara rusina kutsarukana, chinoda kuchinjwa kukurusa kana kuti kugadziridzwa, kana kuti hachinyanyoshandiswa.
Somuenzaniso, pakutenga zvipfeko, zvibvunze umene, kuti: Ko chipfeko chacho ndechoruvara rwakanaka here? Chakasanosonwa here? Ko icho chinofanira kuchinjwa here? Ko ini ndichachipfeka kazhinji kakadini? Ko icho chitaera chichagara here? Ko icho chiri nyore kuti chirambe chakachena here? Chinhu chinoda kuendeswa kudhiraikirina chinogona kuva chinodya mari yakawanda pakupedzisira kupinda chipfeko chinowachwa chinoda mutengo wakakwirira pakuvamba. Naizvozvo kuchichengeta chitemeso. Zvipfeko zvapasero chaizvoizvo ndizvo zvipfeko zvinosanokodzera, zvinonatsa chiso chako nechimiro, uye zvinogona kupfekwa ndokufarikanywa kwamakore.
Nheyo dzimwe chetedzo dzinoshanda pakutenga fenicha nemidziyo, kunyange zviri zvitsva kana kuti zvakashandiswa. Ko chinhu chacho ndechoruvara rwakanaka here? Chinoshanda here? Kana kugadziridzwa kuchidikanwa, unogona kukuita iwe umene here? Chii chichava mutengo pakupedzisira? Kuzvibvunza iwe umene iyi mibvunzo, zvikurukuru pakutenga pagaraji napanzvimbo dzinotengeserwa kana kuti mumisika inowanwa zvose, kunogona kudzivisa kutenga kwechishuvo ndokuchengeta masendi akawanda.
Kuwana ukoshi hwakanakisisa mumidziyo, unofanira kuziva kuti zvinodya marii pakuzvishandisa. Kuchengetedza kukuru namabhiri okushandisa zvinogona kuwedzera kumutengi wechinhucho. Fungawo nezvokuchashandiswa chinhucho. Somuenzaniso, muchina unochinja mugariro wemhepo unoiswa pafafitera rine zuva zvikuru uchashandisa magetsi zvikuru kwazvo kutonhodza kamuri kupinda uyo unoiswa pafafitera riri kure nezuva. Urefu hwenguva inoshandiswa mudziyowo uyewo ukuru hwahwo, zera, nokushandisa zvichatema kuti isimba rakadini raunoshandisa uye, nokuda kwechikonzero ichocho, mutengo wose zvawo.
Ziva Nguva Yokutenga
Kuziva nguva yokutenga padzimwe nguva kunogona kuva kunokosha zvikuru kupinda kwokutenga. Kazhinji kazhinji, zvipfeko zvakanakisisa muzvipfeko zvamadziya zvinogona kuwanwa kunenge kumugumo womwaka wamadziya. Zvitoro zvizhinjisa zvezvipfeko zvinova nesero dzokutengesa zvose panguva iyeyo kuita nzvimbo nokuda kwezvipfeko zvavo zvomumunakamwe. Kumwe cheteko kunodarowo pakupera kwomwaka wechando. Kuchengetedzwa kwemari kukurusa kuchaitwa kupfurikidza nokuzvitenga kunenge kumugumo kwechando uye pamberi chaipo pokusvika kweshawo yomuchirimo. Chokwadi, kusarudza kungave kusino kupamhama, asi zvinowanzova zvakaringanira.
Marudzi emotokari mazhinjisa zvaasati achichinja zvikuru mugore negore, unogona kuchengetedza mari kupfurikidza nokutenga motokari itsva kunenge kumugumo kwegore apo vatengesi vanotengesa migove yavo yose nokuda kwamarudzi anotevera egore. Rega kuva anotya kubvunza mibvunzo pamusoro paari magwaro nesevhisi zvinova pamwe chete nokutenga kwako. Munguva yakafanira izvozvi zvingava zvinobvumikisa kuva zvinokosha zvikuru kupinda mamwe mativi emotokari iyo imene.
Tenga Bedzi Zvaunoda
Kunoda chirango chikuru kwazvo chokudzivisa kutenga kwechishuvo. Uye ikoku hakuzati kuchitongova kwechokwadi zvikuru kupinda pakutenga zvokudya. Ndiko kumwe kwezvinhu zvinoda mari zvikurusa mumari yakarongwa yemhuri.
Panguva imwe cheteyo, yaunoripira nokuda kwezvokudya inogona nguva dzose kuva inoderedzwa zvikuru kwazvo kupfurikidza nokusanoronga. Uchirangarira ikoku, cherekedza murau mukurusa, unoti: Usatongotenga zvokudya paunenge uchirumwa nenzara. Nyangwe. Nguva dzose uchatenga zvinhu (kazhinji kazhinji zviwitsi) zvausati waizotenga nguva dzose. Hauzati wawana ikoku kuva kwechokwadi here?
Kuita ndaza yokutenga ndokuomerera kwairi ndichimwe chakafanira chokurambira mukati memari dzakarongwa dzokushandisa. Kutoti bedzi ukadaro, nguva imwe neimwe yaunopinda muchitoro, uchabuda nezvakawanda zvinopfuura zvawakaronga kutenga. Mukuwirana navanzveri, mukadzi anorongedzera kutenga zvinhu 3 musupamaketi, asina ndaza, achaguma nezvinhu 8 kusvikira ku 10; murume nezvinenge 20! Chokwadika, zvitoro zvinoparira ikoku. Seiko?
Zvinodikanwa, zvakadai sezvinhu zvomukaka, nyama, nemiriwo, zvinowanzochengetwa kure nenzvimbo dzamakaunda dzokunzvera. Naizvozvo, unofanira kupfuura zvinhu zvizhinji kusvika kuzvinhu izvozvo. Uye usati wava nezvinhu zvawavinga, tsvanda yako ingave yazara hafu. Sezvinooneka, ndaza iri muruoko inodikanwa mukuderedza kutenga zvisingadikanwi.
Usati watenga, kuchenjerawo kunzvera zviziviso zvezvitoro nokuda kwesero. Nenzira iyeyo, kana mari yako yakarongwa yokushandisa ichibvumira, unogona kukoshesa zvokudya zvikuru ndokuronga zvokudya zvinotevera zvevhiki mukuwirirana nazvo. Kuziva zvinhu nemitengo yazvo yenguva dzose kuchakubetsera kudzivisa kutenga zvinhu zvinoderedzerwa mitengo apo chinhu chinosimudzirwa asi pasati pari pakuchengetedza mari. Kutenga pakati pevhiki ndiimwe yamuro. Chitoro chichave chisina kutsikinyidzanwa, uye hauzati uchizochimbikidziswa, uye unogona kubetserekanazve nesero. Uye yeuka kushandisa michero nemiriwo zviri mumwakawo. Zvakaderera mitengo zvikuru kwazvo panguva iyoyo uye zvinogona kuwanzoiswa mumatini nokuda kwenguva yemberi. Sezvinooneka, kusanoronga pachine nguva mberi kuri madikanwa.
Ungakuwana kuri kuchenjera kusaenda navana kundotenga. Neiko? Nokuti havazati vachizokuvhiringidza bedzi asi ivo vakarereudzira ngwariro kukukugombedzera kutenga zvavanoona paterevhizheni. Vanamai vazhinji vave vachisakiswa kutenga navana vavo kukaunda retire kutenga zvimidhori zvisiri madikanwa kana kuti zvokudya zvakasiana-siana zvakaiswa nomutoo wakakodzera apo mwana anogona kuzvibata. Vamwe amai muUnited States yapakati yokumadokero vakabvuma kuti hapatongorina rwendo rwokutenga rwakaitika apo ivo vasina kuto“fanira kutengera” mwanakomana wavo muduku chimudhori cherori kana kuti motokari itsva. Hakuzati kuri madikanwa kutaura, kana wakaneta munzvimbo iyoyi, nhamburiko yokushingaira inofanira kuitwa kuva anoda asi akatsiga kuvana vako kana vanewe paunenge uchitenga.
Murau wokutenga zvaunoda bedzi unoshanda kunyange zvikuru kwazvo kuzvipfeko paunenge uchishanda nokurongwa kworumano kwemari yokushandisa. Sezvineiwo, chitsama chinopedzerwa munzvimbo iyi chinogona kudzorwa, kuderedzwa, uye kunyange kubviswa kwechinguvana. Seiko? Kutanga, kupfurikidza nokusiira zvipfeko vamwe mumhuri. Kunyange zvazvo vamwe vana vane mhinganidzo yepfungwa mukusada zvipfeko zvekare, kana ivo vakakurudzirwa kunzwisisa kuti batira pamwe yavo ichachengeta mari yemhuri, pfundepfunde yavo inganyangarika. Zvikurukuru ikoku kunodaro apo ivo vanoona mari inoshandiswa nokuda kwokuvhakacha, mazororo, namamwe mabasa emhuri.
Kechipiri, kusangana kwokutsinhanana kwokuratidzirana zvipfeko nemidziyo kunogona kurongwa pakati peshamwari navavakidzani. Rokwe rine ruvara rusina kunaka nokuda kwomumwe mukadzi ringava rakanaka nokuda kwomumwe. Shangu dzakanga dzakanyanyokudukupa kana kuti dzakanyanyokukura zvino dzingagona kushandiswa. Midziyo, isingashandiswi muno mumwe musha asi inodikanwa muno mumwe, inogona kutsinhaniswa. Rutivi rwakanakisisa ndorwokuti izvi zvinodikanwa zvinogamuchirwa pasina ratidzirwo ipi neipi yemari—chiroto chomutengi.
Kuenzanisira Kutenga
Kuchengetedza mari kuno mufungo kunogona kuwanwa kupfurikidza nokuenzanisira mitengo yezvitoro. Uyewo, pakutenga zvakawanda, nzvera kuona kuti ndechipi chitoro chinopa deredzwo hurusa. Somuenzaniso, zvimwe zvitoro zvependi zvinopa deredzo ye 10 muzana nokuda kwamarita ana makumi maviri kana kuti anopfuura oruvara rwakafanana. Kazhinji kazhinji unogona kuumba chikwata navamwe ndokugoverana zvinhuzvo uyewo nemari.
Pakutenga zvokudya, muitiro mumwe chetewo unogona kuteverwa. Nzvera pepanhau renyu romunzvimbomo kuti uzive apo chitoro chimwe nechimwe chinova nesero dzacho ndokutenga mukuwirirana nadzo. Usava muranda wamazita ezviratidzo. Zviratidzo zvakakurumbira zvingatungamirira kusero asi zvisati hazvo zvichidaro mukutsigira muviri. Zviratidzo zvakakurumbira zvinowanzoiswa mutengo wakakwirira kufukidza kuzivisa nokuputira. Zviratidzo zvezvitoro zvingagovawo zvakafanana.
Zvinhu “zvisina kunyanyoshongedzerwa” zvamakore ano ikuchidziro kumari ipi neipi inorongwa yokushandisa. Zvinowanzopakwa muzvinhu zvitema kana kuti zvichena zvisina kunyorwa (nokudaro hazvina mazita). Asika rega kuzvishora pamberi pokuzviyedza. Zvizhinji zvacho zvinoenzanirana muruvara nomurunako nezvinamazita ezviratidzo, asi zviri zvisinganyanyodya mari yakawanda. Kumwe cheteko kunoitikawo kumirimo inorongerwa. Murimo worudzi rwose unoratidzirwa nezita rawo ramakemikari panzvimbo pezita rechiratidzo rakanyorwa. Kuitwa kwawo ndikumwe cheteko, asi unodya mari shoma zvikuru.
Chokwadika, ngwariro inofanira kushandiswa pakuita enzanisiro yokutenga. Kana munhu achimhanyira mutaundi mose mose nokuda kwechinhu chimwe bedzi kana kuti zviviri zviri pasero, mari inochengetedzwa ichakurumidza kushandiswa mumitengo yokufambisa. Naizvozvo iva ano mufungo. Iwe unogona kunyange kuchengetedza mari kupfurikidza nokutenga muchitoro chimwe nguva dzose. Unosvika pakuziva apo sero dzinovapo. Unozivawo kune zvinhu, nokudaro unochengetedza nguva. Kuna avo vane rudungwe rwakabatikana zvikuru, ikoko kunogona kuva kunokosha sokuchengetedza mari.
Dzivisa Misungo Yokutenga
Masupamaketi mazhinjisa anotamburira kusimudzira kutenga kwokutorwa mwoyo. Sezvo mitoo yavo ichiwanzova yakavanzika, unodikanirwa kurwisa zvinhu zvavo nezivo, norushingairo, nechirango.
Kuiswa mumapaketi kwokuchenjera ndimumwe mutoo unoshandiswa. Wati wambocherekedza here kuti zvinhu zvingani zvine mifananidzo inoruvara yezvokudya pazviri? Zvizhinji zvakatsvuka muruvara kana kuti zvina mabhii matsvuku pazviri. Ndokusaka “zvinhu zvisina kunyorwa mazita” zvichiratidzika kuva zvisina kutsarukana muenzanisiro—nzara haina kunyandurwa!
Iva akasvinurira mutoo uyo zvinhu zvinoiswa nawo mutengo. Yeuka, kuiswa mutengo pa 99¢, $1,99, $2,99, zvichingodaro, inyengedzo yepfungwa inoshanda pavazhinji. Uyewo, usanzwa uchigombedzerwa kutenga zvinhu zvaungave usingadi nemhaka bedzi yokuti zvinoziviswa zviri zvitatu nokuda kwamaseti 99.
Imwe nzira iyo makasitoma anopesvedzerwa nayo kutenga iri kupfurikidza napanoiswa zvokudya muchitoro. Ratidziro dzapanogumira mikoto, apo mutengi anotofanira kuderedza kufamba, dzinowanzova nezvinhu zvine mhindu yakakwirira kana kuti zvokudya zvakasiana-siana. Zvinhu zvinodya mari zvikuru zvinowanzoiswa panoona meso. Zvienzanise nemitengo yezvinhu zviri pamasherufu apamusoro naapasi.
Makuponi anochengetedza mari, asi anosimudzirawo zvinotengwa. MuUnited States, anopfuura mabhirioni 90 akabudiswa muna 1980 moga bedzi. Vanhu vazhinji vanotenga zvinhu nemhaka bedzi yokuti ivo vane makuponi. Naizvozvo yeuka: Makuponi achava anochengetedza mari bedzi kana uchiatenga nokuda kwezvinhu zvaunoshaiwa nezvaunoshandisa nguva dzose. Hapana chinhu—pasinei zvapo nomutengo—chiri chinotengwa zvakanaka kana iwe usati zvomenemene uchichishaiwa.
Usarega kurinda kwako sezvaunosvika pakaunda retire. Ungave wadzivisa misungo mizhinji, asi zvino unobatwa—unotofanira kumirira mumutsetse. Uye chii chiripo chokukunyengedza? Chokwadika, masiwiti, magazini, nezvidhori izvo vana vanogona kubata ndokuzviisa mutsvanda yako. Paunozviona, kunowanzova kunyanyononoka. Watozviripira kana kuti zvimwe unotofanira kunangana nomwana wako akatsunga. Chitoro chakunda!
Asi iwe unogona kuva mukundi. Vatengi vane unyanzvi havagoni bedzi kurambira pamari yavo yakarongwa yokushandisa asi vanochengetedzawo mari pavanenge vachitenga. Ko unyanzvi hwako hwokutenga hungavandudzwa here? Kuregererei kukuita pfundo vhiki rimwe nerimwe kutsvaka nzira itsva dzokutenga nadzo ndokuchengetedza mari. Mhuri yako ichabetserekana uye iwewo.
[Bhokisi riri papeji 26]
Unoziva Here
Chikonzero nei zvichiwanzova kure namakaunda amatire?
Mutoo uyo zvitoro zvinobetsera nawo vana kuita kuti vabereki vavo vatenge zvinhu?
Mutoo waunogona kuchengetedza nawo mari pamishonga inorongerwa?
[Mufananidzo uri papeji 27]
Zvinhu zvinodya mari zvikurusa zvinowanzowanwa panoona meso, naizvozvo enzanisa zvinhu zviri pamusoro nezviri pasi