RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 10/8 pp. 28-32
  • Nyanzvi Yokudhurowa Mifananidzo Yamakomiki Inoronda Mufarwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyanzvi Yokudhurowa Mifananidzo Yamakomiki Inoronda Mufarwa
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mugwagwa Wokuva Nyanzvi Yokudhurowa Mifananidzo Yamakomiki
  • Kuwana Mukurumbira
  • Ko Upenyu Hwakanga Hwakadini?
  • Manyuko Omufarwa Wechokwadi?
  • Mhinganidzo
  • Kwokuchinjira
  • Nzira Yomufarwa
  • Bhuku Idzva Rinofadza Mamirioni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Mukai!—1988
g88 10/8 pp. 28-32

Nyanzvi Yokudhurowa Mifananidzo Yamakomiki Inoronda Mufarwa

MUMA 1970 apakuvamba, ini ndakanga ndiri nyanzvi yakatanhamara yokudhurowa mifananidzo yamakomiki neKodansha, femu ine mukurumbira yokubudisa mabhuku muJapan. Ini ndakanga ndina makore 23 bedzi, asi ndakanga ndine mari yapamwedzi nomwedzi yamayen inobvira pa 300 000 kusvikira ku 400 000, inopfuura nakatatu kana kuti kana iyo yakanga ichitambirwa nomukundi wechirume wapakoreji ana makore anoverengeka oruzivo rwokuzviwanira mukambani huru. Uyewo, pashure pamakore maviri okunyengana, rudo rwangu nokuda kwejaya rinovimbisa rwakaratidzika kuva rwodokupinda muroorano.

Chakandisimudzirira kuutanhamari hwerudzi chakanga chiri nhevedzano yemifananidzo yamakomiki yainzi Happiness, iyo yakatanga muna February 1972. Musoro wayo wainzi “Musikana anonyimwa dzimwe ropafadzo, Shima, anoronda mufarwa.” Ndakarumbidza zvikurukuru kukosha kworudo rwohunhu. Zvisinei, vavariro yangu yakanga isati iri yokukudziridza garikano yomudzimu yavaravi vaduku asi, panzvimbo pezvo, kuita nhevedzano inobudirira.

Handina kutomborota panguva iyeyo kuti ndakanga ndichigere kudzidza revo yomufarwa wechokwadi ndokuvamba upenyu hutsva apo nhevedzano yakaguma pashure pamavhiki 46. Chiiko chakanga chiri kutanga kutsva ikoku? Kutanga, regai ndikuudzei mavire andakaita nyanzvi yokudhurowa mifananidzo yamakomiki.

Mugwagwa Wokuva Nyanzvi Yokudhurowa Mifananidzo Yamakomiki

Kunyange zvazvo vabereki vangu vakanga vari varombo, vaikoshesa dzidzo uye havana kuva norutsuta pamari nokuda kwamabhuku. Kunze kwamabhuku iwayo, ndairavawo magazini omwedzi nomwedzi avasikana. Ini ndakatapwa nemifananidzo yamakomiki yaaiva nawo. Ndisingagutswi nokungorava bedzi, ndakatanga kudhurowa vanhu vomumakomiki.

Pandaiva muduku, mabhuku matatu bedzi emifananidzo yamakomiki emwedzi nemwedzi avasikana aiwanikwa. Zvisinei, nguva dzinochinja. Kunyange vadzidziswa vapayunivhesiti navakuru vakavamba kurava mabhuku amakomiki pamhene. Asahi Evening News rakacherekedza pamisi ichangobva kupfuura iyi, kuti: “Rudzii rwebhuku rinogona kuva rinopesvedzera zvikuru zvokuti kunyange terevhizheni ine chinetso chokukwikwidzana? MuJapan, mhinduro ibhuku remifananidzo yamakomiki. Kune rudzi rwe‘manga,’ kana kuti bhuku remifananidzo yamakomiki, nokuda kwomunhu ari wose muJapan.”

Mainichi Daily News rakashuma muna 1986, kuti: “Runenge rutivi rwechitatu rwamatatu rwamabhuku namagazini zvinobudiswa muJapan iManga—munzvimbo yamabasa okugadzirwa kwezvinhu yamayen amabhirioni 300 ane paradzirwo yegore negore inosvika mabhirioni 1,5.” Uye pakuvamba pamakeyi pepanhau rakati: “Kubvira pana August 1986, mabhuku emifananidzo yamakomiki akasiana-siana 21 nokuda kwavaravi vechikadzi vakura akanga achitengeswa, aine paradzirwo yakabatana yomwedzi nomwedzi yamakopi anamamirioni 58.”

Sezvandakanga ndichikura, nyanzvi itsva dzokudhurowa mifananidzo yamakomiki dzakanga dzichidikanwa kwazvo. Pandakanga ndiri mukuru muchikoro chapamusoro, imwe yefemu hurusa dzokubudisa mabhuku muJapan yakaita kwikwidzano imwe yokutanga mukutsvaka nyanzvi itsva dzinodhurowa mifananidzo. Ndichifara, ndakapinda mumakwikwiwo asi ndakakundikana. Gore rakatevera racho basa rangu rakaita kusarudza kwokupedzisira. Gore rechitatu ndakagamuchira chiziviso chinobva kukambani inobudisa mabhuku chinoti: “Iwe wakawina Mubairo weChitatu weKodansha wa 1969 Nokuda kwe Nyanzvi Itsva Dzokudhurowa Mifananidzo Yamakatuni Nokuda Kwamakomiki Avana.” Mashoko awa akava netapuro inoshamisa pandiri, achindiita ndizvipinze ini ndimene chose chose mubasa rangu.

Kuwana Mukurumbira

Kuti nyanzvi yokudhurowa mifananidzo igova nenhau inobudiswa mumagazini ezvokutengeserana kunoda rovedzo yorumano. Vhiki riri rose ndaitofanira kubatanidza mugumo unonyandura kunhevedzano, uyewo kugumisa nenzira yaigombedzera varavi kutenga chinyorwa chinotevera. Ikoku hakuzati kuri nyore. Vashandi vanopepeta nhau vanoravawo nyayayo nemeso okutsoropodza. Mumashoko akafanana neebhizimisi anoshaiwa kunzwira urombo, vanoti, “Aya ari apa, aya ari apo—haazati achitongova vara rinoparidzirika!”

Zvandaiva mutsva, handati ndaigona kuvapokanidza. Ndaingotaura mukuora mwoyo, kuti “ndichagadziridza iwawa pakarepo.” Ipapo ndaizomhanyira kumba ndokushanda usiku hwose. Kunyange pashure pokunge ndagadziridza nokuteerera nyayayo kana kana kuti kashanu, vapepeti venhau havasati vaizogutsikana zvakare. Ndaiwanzochema ndiri ndoga hangu, pakuva anorasikirwa pamusoro pokuti ndinofanira kuita chinjo papi uye sei.

Asika, ndaida iri basa. Naizvozvo ndakaita unani hwangu kuwirirana nezvishuwo zvomupepeti wenhau. Kuzviisa pasi pavashandivo, avo vaiziva kwazvo kuita kwavaravi, kwakabetsera kurubudiriro rwangu. Nokukurumidza ndakava pamusoro muzviverengero zvomukurumbira, uko kwakanga kuri kwechienzi kumutangi. Mukufambira mberi kwenguva, ndakanga ndichikwikwidzana nokuda kwenzvimbo yokutanga mumavhoti akakurumbira nenyanzvi dzokudhurowa mifananidzo dzimene dzakanga dzava vayemurwi vangu. Nhevedzano yemifananidzo yamakomiki inonzi Happiness, iyo yakatanga mugore rechitatu rokutanga kwangu kubuda, kubvira pakuvamba kwayo yakava yakaisvokurumbira kupinda makomiki ose.

Vanhu vandaidhurowa vaiita mabutiro eGirls’ Friend, rimwe ramagazini maviri makuru amakomiki nokuda kwavasikana muJapan. Ikoku kwakareva kuti zita rangu rakatengesa magazini. Asika, nomutoo unosuruvarisa, ndakanga ndisingawani zvomenemene mufarwa wandainyora pamusoro pawo.

Ko Upenyu Hwakanga Hwakadini?

Sezvandakava anokurumbira, muraramire wangu wakachinja, zvikurukuru pashure pokunge ndatamira kuTokyo ndokuvamba kugara mukamuri. Ndakazvibata zvakangofananawo nedzimwe nyanzvi dzokudhurowa mifananidzo dzakakurumbira, idzo dzaizoenda pashure pebasa kumabhawa nokumakirabhu kutozosvikira kumambakuedza, kungondorara bedzi mukati mezuva.

Kuti ndigochengeta mukurumbira, ndaitofanira kudhurowa mifananidzo inonyandura zvikuru uye panguva imwe cheteyo ndichiita yakawanda. Handina kutongova nenguva yakaringanira nokuti ndakanga ndisati ndiri mushandi anokurumidza uye handizati ndaizobvumirana pane zvisinokufanira kana toreva nezvoruvara. Kusageza kwamazuva mazhinji uye kusachenesa kamuri rangu kwomwedzi kwakanga kusati kuchitongova kwechienzi. Padzimwe nguva ndaishanda kwamaawa 30 kana kuti 40 akananga kuti ndigosvitsa nhambo yokupera. Ndairashikirwa nechinhu chiri chose nokuda kwebasa rangu.

Ikoku kwakaparira kuvhiringidzika kwokuva nemari asi ndisingavi nenguva yokuishandisa. Naizvozvo ndakavamba kupambadza mari, kutenga rokwe idzva mwedzi uri wose asi ndisingagaroripfeka. Ndaifamba netekisi kuri kwose kwandaienda uye ndakatanga kupambadza makumi ezviuru amayen panguva nenguva pamarekodhi. Ikoku kwakakudziridza bedzi kusava namaturo kwandakanzwa.

Munyika ino umo mukurumbira unokosha, kukwikwidzana kwokurura kunokudziridzika mukurumbira zvaunowedzera. Kukwira nhanho yapamusoro yedanho kwomumwe munhu kunoreva kuti mumwe munhuwo zvake anodzika pasi. Kana wangosvika bedzi pamusoro, dzimwe nyanzvi dzokudhurowa mifananidzo dzinova vavengi vako dzinotsvaka kukudzikisa panzvimbo iyeyo. Zvakadiniko kana mukurumbira wako ukaderera? Kana mari, kana kuti muripo webasa rako ukakwira, hausati uchiwanzoderera. Naizvozvo apo mukurumbira wako unodzikira uye mari yako ichiramba yakakwirira, hapana basa rinouya. Ipapo unokanganwika.

Kunyange zvazvo kunzwa kwangu kwokuita chinhu kwakanga kuri kukuru, munyika yenyanzvi dzokudhurowa mifananidzo yamakomiki dzinobudirira, ndakawana kusava namaturo nokusagadzikana, semhepo inovhuvhuta nomumwoyo mangu. Asika, handina kuda kukubvuma.

Manyuko Omufarwa Wechokwadi?

Muna October 1971 jaya rinoremekedzeka rakagogodza pasuo rangu. Rakanga riri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pashure peshanyo shomanene, iro rakandisuma kuna mai varo, richiti, “Mai vangu ndivo vachapfuurira zvino.”

Ndakanga ndinomukurumbira nemari zvandaishuva, asi ndakanga ndisingaratidziki saakapfuma kana kuti saanofara saMai Satogami, vakandibetsera nefundo yangu yeBhaibheri. Kunyange rudo rwangu kumukomana wangu akatsiga haruna kun’aimira zvikuru somufaro wavakaratidza pavakataura pamusoro paMwari wavo, Jehovha. Chii chakaita musiano? Ndakada kuwana kana Bhaibheri rakanga riri chinhu chikurusa.

Asika kuwana nguva yokufunda kwakanga kuri chinetso, zvikurukuru nomuitiro wangu wokurara masikati, kumuka panguva yechitanhatu ndokushanda kutozosvikira masikati ezuva rinotevera. Ndaiwanzomuka pakurira kwebhero rapasuo, ndokugeza, dzokonokei kwakutanga fundo.

Mhinganidzo

Pakupedzisira, ndakavamba kutaura navabetseri vangu nomukomana wangu pamusoro pezvandakanga ndichidzidza. Ndakafunga kuti, ‘Ivo vose vanofanira kuziva izvozvi.’ Kupfuura zvose, ndakanga ndichida kuti mukomana wangu afunde. Zvisinei, iye haana kuda kuratidzira fariro ipi neipi, uye nguva iri yose nyayayo yaimuka, iye airundumwara. Ndakavhiringidzwa ndokunzwa ndisina kusununguka. Ko ini ndiri kunyengedzwa here sokureva kwaanoita? Ndingarashikirwa naye here pane rimwe zuva kana ndikapfuurira? Mufungo wokurashikirwa naye wakanga usingatsungiririki. Takanga tadana zvikuru kwazvo, kana kuti taifunga kudaro, uye handina kutongonzwa ndichida kushanda kana iye akanga asina kundiridzira runhare. Kuva mwenga wake kwakanga kuri chiroto changu chinochengetwa.

Sezvandakaenderera mberi mufundo yangu, zvimwe zvinhu zvakatanga kundidzongonyedza. Upenyu hwangu nechitarisiko changu paupenyu zvakanga zviri kure zvikuru nemipimo yeBhaibheri. Kurangarira kuti makomiki anoratidzira mifungo yomunyori uye kuti inopesvedzera makumi ezviuru avana vanotapurika, ndakaderera noukombi hwomutoro wangu. Chivimbo changu chakatiza sezvandakaziva kuti kupfurikidza nekurukurirano dzavanhu vangu vomumakomiki, ndingava anoreverera zvinhu zviri zvakashata. Mukurava bedzi tsamba dzavatsigiri dzaiuya vhiki riri rose, ndakaziva chaizvoizvo kuti ndangariro duku dzaiita sei kukurukurirano pfupi idzedzo.

Zvisinei, senyanzvi yairarama nebasa ramakomiki, ndaitofanira kunyora makomiki aizotengwa. Anotengwa zvakanaka sezvinooneka anobva mumakomiki outere naamasimba masimba anopararira zvino. Zvandaiva nyanzvi yakatanhamara yokudhurowa mifananidzo yamakomiki, ndaikarirwa kutarisira zvinodikanwa zvavaravi vakadaro. Ndakanga ndina mano okunyandura kunzwa kwechiroto kwomusikana nokuti ndairatidzira nenzira inofadza kunzwa kwavechiduku vachidanana nokuva nevatano. Chokwadi, ichecho chakanga chiri chikonzero chikurusa chorubudiriro rwangu rwapakuvamba.

Ndakanangana nechinetso. Zvandakanga ndafunda muBhaibheri zvakandikuchidzira kuda kuchinja, asi ndaishaiwa simba guru rinokuchidzira. Ndaidavira mhindumupindu uye ndakanga ndisingazivi kuvako kwoMusiki. Kuno rumwe rutivi, handati ndaigona kuramba kuti zvandakanga ndichifunda zvainzwika kuva zvine pfungwa nezvine mufungo.

Oo, haiwa ndaishuva sei kuti kudai mukomana wangu aizonzvera ikoku pamwe neni! Asi haana kutongobvuma kuita ikoku. Pakupedzisira, rimwe zuva akati, “Ndinotya kukunzvera.” Haiwa imbwende yakadini! Ndakatanga kupanikira kana iye aindida zvomenemene. Asika zvakadiniko neni? Kwaigona here kuva kwokuti ini ndakanga ndichida norudo irwo rwumene?

Kwokuchinjira

Muna May 1972, pandakapinda musangano wavose weZvapupu zvaJehovha kwenguva yechipiri, ndakasumwa kuno mumwe mudzidzi wechiduku weBhaibheri waMai Satogami. Takava vanodanana, uye ini ndakavimbisa kumushanyira kukamuri rake gare gare zuva irero. Mukuenda kwangu, ndakatsvedza ndokuminyuka muziso regumbo rangu. Ikoku kwakandigombedzera kugara naye usiku hwose.

Madekwana iwayo ndakagoerekana ndanhonga bhuku musherufu rake ramabhuku. Rakanga rine musoro unoti Did Man Get Here by Evolution or by Creation? Ndakada kuziva zvakanga zviri mubhuku irero. Kunyange zvazvo maketeni akanga akapfigwa, mwenje womumugwagwa wakadzimaidzika waipindamo. Ndakazvivanza ndimene seri kweketeni, ndichiedza nesimba rose kuita kuti chiedza chirege kupinda murutivi rweshamwari yangu yakarara, ndakavamba kurava bhukuro.

Haiwa rakanga riri bhuku rakaisvonaka sei! Nguva zhinji misodzi yaivhiringidza kurava kwangu. Apo kwakaedza, ndakanga ndotoda kupedza bhuku rose. Handati ndaigona kudzora misodzi yangu. Haiwa dzidziso yemhindumupindu yakanga isina kunaka sei! Musiki mukuru wechisiko chapose pose nowavanhu aripo! Ihwohwo hwakanga hwuri usiku hunotapura hwandati ndambowana muupenyu hwangu. Kuna Mwari! Hufakazi huno mufungo huripo pano chaipo. Ndaizogonazve sei kurega kubatira Mwari Wamasimba ose?

Sezvandakatanga kusonganirana navamwe vane chishuvo chimwe chetecho chokubatira Mwari, zvakanga zvaratidzika kuva zvinofarikanyika—kuenda kundonwa nokupinda mukurukurirano dzisina maturo—zvino zvakaratidzika kuva zvisina maturo. Zvino ndakanga ndonyangadzwa nomutauro usina kuchena weshamwari dzangu nokuzvitutumadza kwadzo pamusoro pezvinoitika zvadzo zvakashata.

Savanhu vamwe navamwe, vashandi vokupepetanhau nenyanzvi dzokudhurowa mifananidzo yamakatuni biyangu vakanga vari vanhu vakanaka kwazvo. Asi mafungu omudzimu wamadiro waSatani akanga apinda munyika yamabhuku edu amakomiki ndokuikukura. Vanhu vanotaura zvakawanda zvinobva pamwoyo yavo. (Mateo 12:34) Mabhuku amakomiki outere anoratidza mipimo yaavo vanoigovera. Ndiani hake anogona kuramba mukubudirira kuti Satani nomutoo wamano mano akashandisa mabhuku akati kuti amakomiki sechombo chine simba chokukurudzira utere nomufambiro wamasimba masimba? Ini pachangu ndaitofanira kubvuma kuti, vhiki nevhiki, ndakanga ndasimudzira kufunga kwoutere kupfurikidza namakomiki.

Pashure pokurangarira rudzi rwomunhu rwandiri, ndakasarudza kuti kwakanga kuchibvira kuisa Mwari pakutanga muupenyu hwangu ndokupfuurira kushanda senyanzvi yakakurumbira yokudhurowa mifananidzo yamakomiki. Ndakazivisa vashandi vokupepeta nhau kuti ndaizorega. Ndakagurawo ukama nomukomana wangu.

Nzira Yomufarwa

Nhevedzano yemifananidzo yamakomiki yainzi Happiness yakaguma muna December 1972, naShima achitanga upenyu hutsva huzere netariro. Iniwo ndakatanga nzira itsva youpenyu pashure pokupedza nhevedzanoyo. Ndakabhapatidzwa muchiratidziro chetsauriro yangu kuna Jehovha Mwari.

Muna June 1973, apo kondirakiti yangu yakapera, ndakarega basa rangu renyanzvi yokudhurowa mifananidzo yamakomiki, uye muna September ndakava mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Kuri zvino, ndino mufaro wokubetsera vaviri vavabetseri vangu kudzidza nzira yokumufarwa wechokwadi. Chifo cha 1975 ndave ndichipedzera anopfuura maawa 140 mwedzi uri wose muushumiri hwechiKristu.

Yave iri nzira yomufarwa here? Handisati ndichasitongovazve nemari yakawanda, asi ndine gutsikano yandisina kufarikanya senyanzvi yokudhurowa mifananidzo yamakomiki. Ndinoshanda pakubetsera vamwe kuwana nzira yomufarwa usingaperi. Uye iri basa rinoita zvakawanda kwazvo kupfuura riya renyanzvi yokudhurowa mifananidzo yamakomiki. Uyewo, ini ndakakomberedzwa navadaviri biyangu, vanoratidzira chidakadaka chaicho choukama. Kupfuura zvose, ini ndine ropafadzo yakaisvonaka yokuziva nokubatira Musiki Mukuru wechisiko chapose pose uye ndine tariro yokumurumbidza nokusingaperi muparadhiso yapasi.—Yakataurwa naYumiko Fujii.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Vanhu vandaidhurowa vaiita mabutiro amagazini makuru amakomiki

[Mifananidzo iri papeji 29]

Ndichiwina mubairo wenyanzvi itsva dzokudhurowa mifananidzo yamakatuni, ini ndakapinda munyika yenyanzvi dzokudhurowa mifananidzo yamakomiki

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zvino ndinogoverana mubasa rapamhene rokuparidza reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe