RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 10/8 pp. 5-6
  • Dzivisa Sipidhi Yakanyanyisa Nokudenha!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzivisa Sipidhi Yakanyanyisa Nokudenha!
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngwarira Kudenha!
  • Chinodikanwa Chokutanga—Tyaira Zvakakotsekana!
  • Kudziridza Miitiro Yokutyaira Yakakotsekana
    Mukai!—1988
  • Kutyaira Kwakakotsekana—Chinodikanwa Chinokosha
    Mukai!—1988
  • Tsaona Dzemotokari—Wakachengeteka Here?
    Mukai!—2002
  • Ndomira Kutyaira Mota Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Mukai!—1988
g88 10/8 pp. 5-6

Dzivisa Sipidhi Yakanyanyisa Nokudenha!

“KUDAI motokari yaigadzirwa nhasi yaizorambidzwa,” anodaro Geoff Large, mutarisiri anobetsera wekotsekano yomugwagwa weRoSPA (Royal Society for the Prevention of Accidents). “Hauzati waizotongobvumirwa kutengesa chimwe chinhu chaizouraya ndokukuvadza rutivi rwechitatu rwamatatu rwavanhu vane mirioni gore riri rose munyika ino bedzi.”

Vagadziri vemotokari vanoziva ngozi inobvira yokubudisa kwavo. Vanobvisa zvitsama zvikurusa zvemari ndokuita zvakawanda zvikuru zvokuvandudza gadziriro dzekotsekano dzinovakirwa mumotokari dzazvino uno. Asi sokutsinhira kunoita Sunday Express Magazine yeLondon, kuti: “Vatyairi vanoitira hanya ngozi vanoziva kuti kudzivirira motokari—navatakurwi vayo—hakuzati kuchiva nyore.” Kunyange zvazvo kuzivisa kungaratidzira gadziriro dzekotsekano, chii chinobata ngwariro yomutengi? Kazhinji kazhinji ndiko kushanda kwemotokari, mawanire ainoita sipidhi yakakwirira munguva shomanene, simba rayo, nokuva kwayo munyorododo.

Mutongi akarega basa Richard Spiegel anodavira kuti vatyairi veGermany vanoratidzika kuva “vakapindwa muropa nechimiro chendangariro chesipidhi . . . kuchindoveri chisakiso chikurusa chenguva dzose chetsaona.” Ndichochi chimiro chendangariro icho iye anodavira kuva chinoshandiswa no“kuzivisa kwenzvimbo dzamabasa dzinogadzirwa motokari.” Ikoku kunodarowo munyika yokwenyu here?

Zvimwe zvikonzero, zvakadai sokuminyana kunowedzera kwemotokari nevara rinoderera rokurukana kwemigwagwa, zvinoita kuti kutyaira kuve kune ngozi zvikuru munyika zhinji. Mishumo inobva Brazil inorereudzira ngwariro pangozi dzemharadzano dzisina kutarwa. “Mumigariro iyoyi,” inotsinhira kudaro Brazil Herald, “mutyairi mumwe kana kuti vakawanda vanova vanovhiringidzwa, vanozengurira, uko kunogona kuparira tsaona.”

Vanangana nengozi dzakadaro, kuri madikanwa kuti vatyairi vemotokari dzazvino uno dzinomhanya nesipidhi yakakwirira vave vanhu vakavimbika, vakasanorovedzwa, navanongwarira. Chinyorwa cheSweden Trygg i trafiken? (Kukotsekana Mumotokari?) chinopa uyu murangariro, unoti: “Chinotevera maruramiro okuvhota, rezinesi romutyairi ndichinhu chinoisvokosha zvikuru chaunogona kuronzeswa nenzanga.”

Ngwarira Kudenha!

Sipidhi inouraya. Vatyairi vakararadza vanouraya. Ungataura hako kuti, ‘Asi ini ndakanamatira kuganhuriro yesipidhi, uye handinwi chinwiwa chipi nechipi chinoraradzisa pandinenge dzichizotyaira. Ndinoziva hangu kuti kutyaira kunogona kuva nhau youpenyu norufu. Chii chimwe chandinogona kuita?’

“Motokari inokudziridza mano omunhu, aya okufamba, ichikuita kubvirire kufamba madaro nokukurumidza zvikuru kwazvo kupinda nomutoo wake amene,” anonyora kudaro wezvoruzivo rwokushanda kwendangariro Zulnara Port Brasil, achiwedzera, kuti: “Ikoko makuri kumene hakuna kushata.” Naizvozvo chinetso chiri papiko? Mukuwirirana naZulnara, icho “chiri mumutoo uyo mutyairi mumwe nomumwe anoshandisa nawo simba iroro.”

Mukusapanikira iwe unobvumirana neLe Monde rinobuda zuva rimwe nerimwe reFrench iro rakatsinhira, kuti: “Chimiro chendangariro chakapararira, chinokudziridzwa chendangariro chinotiita kuti tione . . . vhiri sechiratidzo chesimba . . . Kana munhu asingagoni kudzivisa hufuza hwavamwe . . . , munhu anenge anogona kudzora mutoo wake amene wokutyaira.”—Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.

Kutyaira kwazvino uno kwakaoma zvikuru uye kune ngozi nokuda kweizvo Glasgow Herald inoidza kuti “mwero unowedzera wokudenha nokushivirira uri seri kwevhiri rokutyaira.” Wedzera kuna ikoku “muitiro wokumanikidzira [mugariro une ngozi kuganhuriro dzekotsekano pamberi pokumira] nemitoo yokudimbudzira nokupindira,” uko kwakava “kwakapararira nomutoo unowedzera kusvikira kupfundo rokurwisana nokubonderana,” uye une nzira yokuparadza nayo pamigwagwa. Mukuru mukuru wamapurisa eCanada Ken Cocke anotsinhira, kuti: “Vanhu vakanganwa chaizvoizvo mirau yose—uye munhu ari wose ari muchimbichimbi. Tinofunga hedu kuti tinotofanira kuva vanodenha zvikuru; munhu ari wose anomhanyira kuva pamberi uye hakuna munhu anomirira mumugwagwa.”

Uku kudenha, chiratidzo chomutyairi wanhasi, zvamazvirokwazvo chinoparira nhamo. Rheinischer Merkur, rinoshuma, kuti: “Chikanganiso chakaisvoipisisa ndichiya chokutevera uri pedyo zvikuru mushure. . . . Vashandisi vashomanene vemigwagwa vanonzwisisa manzwire anoita vamwe. Somuenzaniso, vatyairi vemotokari dzino mhanya zvikuru vanowanzorangarira kuti vatyairi vemidhudhudhu ingozi. Vanonzwa vachidenhwa, vane shanje, uye shanje dzinogona nyore nyore kuparira kudenha.” Naizvozvo wakapararira ndiwo uyu muitiro wokuti “munhu mumwe muvatatu akabvunzwa anobvuma kuva akatsamwiswa kana kuti kunyange akavirimirwa kupfurikidza nokuva anopindirwa.”

Chinodikanwa Chokutanga—Tyaira Zvakakotsekana!

Kurwisana kwamasimba masimba kunowedzera kunoitika mumigwagwa muUnited States kunenge kunoratidzira uku kudenha. Imwe nyaya iri muThe Wall Street Journal, August 3, 1987, pasi pomusoro unoti “Vatyairi Vari Kuva Vamasimba Masimba Nomutoo Unowedzera,” yakati: “Mumaguta munyika iri yose, mapurisa anocherekedza kuwedzera mukupfurana, mukurwisana netsiva nokumwe kukuvadza kunoitwa mumigwagwa mikuru, kuzhinji kuchitanga nokurwisana kuduku pakati pavatyairi. Muzvinoitika zvishomanene vatyairi vemotokari vakaurawa.” The New York Times, August 6, 1987, yakashuma, kuti: “Kubvira pakati paJune, kurwisana kwamasimba masimba mumigwagwa yokumaodzanyemba kweCalifornia kwakauraya vanhu vana . . . uye kwakasiya 15 vakuvadzwa.”

Nokudaro hapana panikiro pakuri: kutyaira zvakakotsekana ndechakafanira, nokuda kwebetsero yedu timene uye nokuda kweyeyo yavamwewo. Pashure pokuririra upenyu hunorasika gore rimwe nerimwe pamigwagwa yeBritain, aichimbova munyori wezvifambiso John Moore anokurudzira, kuti: “Kutyaira zvakakotsekana . . . kunofanira kuva chinodikanwa chokutanga chinokosha chaavo vose vanoshandisa mugwagwa.”

Ipapoka, kurutivi runobetsera unogona sei kutyaira zvakakotsekana? Chii chaunofanira kungwaririra? Ko vatyairi vane kotsekano, vane ruzivo rwokuzviwanira vanopa pangiroi? Nyaya yedu inotevera inoti, “Kudziridza Miitiro Yokutyaira Yakakotsekana,” icharangarira iyi mibvunzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe