RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 1/8 pp. 28-29
  • Ngwavaira—Nguva Yamabasa Orudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwavaira—Nguva Yamabasa Orudo
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugadzirira Nokuda Kwenunurwo
  • Zviito Zveitiro Hanya Yorudo
  • Davidzo Kuzviito Zvorudo Rwouhama
  • Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Mafashamo muMozambique—Nzira iyo vaKristu Vakatarisira Nayo Vakawirwa Nawo
    Mukai!—2001
  • Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 1/8 pp. 28-29

Ngwavaira—Nguva Yamabasa Orudo

Nomunyori wa“Mukai!” muJamaica

Paavhareji, nyika inorovanywa nengwavaira huru 26 pagore, namafashamo achitungamirira. Iwo ndiwo anonyanyoitika, achidzongoyedza upenyu hwamamirioni avanhu gore rimwe nerimwe. Waizoita sei kudai ngwavaira—huru kana kuti duku—ikarovanya nharaunda yenyu? Waizoratidzira itiro hanya yorudo kuna vamwe here? Ko waizoziva zvokuita here? Zvichida nyaya inotevera ichagona kubetsera.

“MVURA mvura, Rwizi rweRio Minho ruri kufashukira! Munhu ari wose ngaamuke atize. Rwizi rwava kufashukira!” Manzwi okudanidzira kwokutya mumambakwedza aJune 6, 1986, akamutsa Tony Burgher nomudzimai wake kuti vape ngwariro. Iyi yakanga isati iri ziviso yokunyepedzera. Vakatomuka kubva mumubhedha, ndokubata mwanakomana wavo ane makore matatu okukura, ndokukambaira vachikwira padenga pemba. Tony nomudzimai wake vakanga vasati varivo voga mukutiza kwavo.

Vagari vazhinji vokuchikamu chokuzasi kwechitsuwa cheJamaica vakamuka vachiwana mvura yamatope ichiyerera pasi pemibhedha yavo. Chii chakanga chaitika? Zvikomo zvakanga zvichioneka muBani reVere zvakanga zvawana mvura inopfuurira kunaya kwamazuva akawanda. Mvura inoyerera yakanga yawandisa muRwizi rweRio Minho kusvikira kupfundo apo rwizi rwakatsemura mahombekombe arwo ndokurashira matani emvura ine matope mubaniro.

Mambakwedza akaratidzira zviono zvokupererwa nezano sezvo mvura dzinoyerera nesimba dzerwizi dzakanga dzichitsvaira misha, dzichiyeredza midziyo yomumba uye pane dzimwe nguva imba yose; dzichinyudza mhuka dzomumapurazi; dzichiparadza zviyo zvomumunda; ndokusiya matope akakora mumisha yakanga isina kuparadzwa. Vamwe vagari vomumisha vakasiiwa vari voga nemhaka yokuparadzwa kwemigwagwa namabhiriji. Vananyajambwa vaifanira kununurwa nemagwa okuraurisa hove nendege dzehondo.

Kugadzirira Nokuda Kwenunurwo

Zvapupu zvokubazu rehofisi yeWatch Tower kuKingston zvakaitira hanya pamsoro peZvapupu biyazvo munharaunda yakanga yatapurwa. Naizvozvo pamangwanani akatevera, mitezo mitatu yeKomiti yeBazu yakafamba nemotokari kuenda kunharaunda yakanga yarohwa zvikuru. Pashure pokutendera tenderera vachidzivisa mafashamo emvura, vakaonana nomukuru weimwe yedziungano mudunhu ramafashamo. Iye akavatungamirira kumusha waTony Burgher, mushumiri piona chaiye. Tony nemhuri yake panguvayo akanga abva pamusoro pemba uye vakanga vaiswa muchivako chechikoro chiri pedyopo chakanga chiri kushandiswa senzvimbo yokununurira. Tony akashuma kukomiti pamsoro pavasara vehama dzakatapurwa. Pashure pekamuraniso yokukurumidzira yezvinoshaikwa zvavo zvekurumidziro, gadziriro yaitwa navakuru vanobva paungano yapedyopo kuti vagovere vanotambura zvokudya. Pakasvika 5 okiroko masikati iwayo, mugove wakavasvika.

PaSvondo, zuva rechipiri pashure pamafashamo, udzisiro yakatumirwa kuungano dzose dzomuKingston kuzobatsira nezvokudya, zvokupfeka, uye mvura yokunwa. Davidzo yakanga iri yekurumidziro, uye mugove unodikanwa wakasvika mumigove yakakura zvikuru kubazu. Pakazosvika masikati iwayo rori yakazara yemigove yakanga yapirwa yakatumirwa kuvanyajambwa vamafashamo.

Zviito Zveitiro Hanya Yorudo

Mipiro yakatumirwa kubazu yakapfuura nokure zvinodikanwa zvaavo vakanga vatambura. Mwanakomana akaremara wamakore 13 okukura wechimwe chapupu, apo akanzwa nezvengwavaira iyi, akapira mari yose yaakanga achengeta inoita $160, U.S., kuhofisi yebazu yeSosaiti kuti igoshandiswa nokuda kwenunuro. Mumwe akafunga nezvezvinodikanwa zvavo zvokumudzimu ndokupira Bhaibheri rakaputirwa nepurasitiki. “Maziso akawanda akazara nemisodzi apo takawana zvipo zvengoni zvinobva kuhama dzedu,” akadaro Tony.

Vhiki rimwe pashure pamafashamo, boka reZvapupu rakadzokera kunharaunda yamafashamo kuzotsvaira dzimba dzakanga dzazara namatope nokuviga mhuka dzakanga dzafa. Muboka ravazvipiri makanga mune hanzvadzi ine gumbo rimwe. Kunyange zvazvo yakaremara, rudo rwakaisunda kufamba mamaira 60 (97 km) kuzobatsira hama dzayo dzomudzimu.

Uriri hweimwe Horo yoUmambo hwakanga hwakafukidzwa namatope mafiti matatu (0,9 m) kudzika. Hama, kunyanguvezvo, dzichiziva kuti hadzisati dzichifanira ‘kuregeredza kuungana kwadzo,’ dzakashanda kusvikira usiku hweChitanhatu—zuva pashure pamafashamo—kuti dzigoita kuti horo ive yagadzirirwa nokuda kweSvondo. (VaHebheru 10:25) Haiwa vakafara sei kuona kuti vanokwana 16 vakanga varipo nokuda kwemisangano pamangwanani eSvondo!

Davidzo Kuzviito Zvorudo Rwouhama

Hurumende yeJamaica yakaronga gadziriro dzokubetsera nokuda kwavose vakatapurwa muchitsuwa chose uyewo yakaronga nhimbe yokutsvaira yorudzi rwose, asi mwero uyo Zvapupu zvaJehovha zvakapinda nawo kuzobatsira hama dzavo dzomudzimu navanhu vanofarira kutsvaira misha yavo kwakaparira mumwe mucherechedzi kutaura kuti “Zvapupu zvakashanda nokukurumidza kupfuura hurumende.”

“Fungidzira hako,” mumwe mudzimai akavimba nomuvakidzani wake Chapupu, ndokuti “vakakuvigira mvura yokunwa kubva kuMontego Bay [kure mamaira anopfuura 100 (160 km)]; ivo vanoda chaizvoizvo!” Imwe hama isingatendi yechimwe Chapupu, ichiona itiro hanya norudo rwakaratidzirwa, yakataura kuti: “Handisati ndichidavira munzira yavo yokunamata, asi chimwe chinhu chandinofanira kutaura, ivo vane rudo zvikuru.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe