Kurava Zvinonzwika Kunoita Kuti Kudzidza Kufadze
“PEDYO nokugumbatira mwana wako,” anodaro Jim Trelease, munyori weThe Read-Aloud Handbook, ipa mwana wako “chikamu chendangariro yako uye chikamu chenguva yako.”
Seiko? Kupfurikidza nokumuravira zvinonzwika muupenyu hwake uye kazhinji kazhinji, anorumbidza Trelease. Chinoitika nebetsero icho iwe nomwana wako munogamuchira zvinogara kwenguva yakareba. Nenzira ipi? Kurava kwakadaro hakusati bedzi kuchingounza rangariro yenguva inokosha nguva refu pashure pokunge mwana akura asi kuchabetsera mwana wako kuva muravi akanaka uye nomudzidzi ari naniwo. Mwana wako achakudziridzawo unyanzvi hwokuona nemhaka yokuti achave achidzidza kuisa ndangariro yake pamifananidzo. Somuenzaniso, pamwedzi 18 mwana anogona kukamuranisa mufananidzo wembwanana, uye anogona kunzwisisa shoko nguva yakareba pamberi pokugona kwake kurava. Mukuwedzera, unyanzvi hwokurava, kunyora, kutaura, kuteerera, kufungidzira zvomwana wako hazvisati bedzi zvichivandudzika asi chimiro chake chokuva muravi akanaka chichavandudzikawo—achafarikanya kurava.
“Ndichawana kupiko nguva kana kuti simba rokurava zvinonzwika kuvana vangu?” ndokudanidzira kunowanzokunzwika kwavabereki vakabatikana.
Jim Trelease anocherechedza kuti: “Baba anoti akaneta zvikuru kurava kuvana vake anoshandisa maziso maviri mamwe chetewo kutarira terevhizheni zvikuru.”
Kutenderudza chimiro chakadai, munyori Trelease anogoverana mazano awa navabereki vanorava vomunguva yemberi:
1. Rava mabhuku akarurama. Vana vakawanda havasati vachida mabhuku anovaparidzira. Asi vanofarikanya nhau dzine pikidzano kana kuti zvinetso zvokukunda. Zvisinei, iva nechokwadi chokuti mwana akagadzirira munhuna nokuda kwebhuku kupfurikidza nokusanorihwirudzura iwe umene.
2. Sarudza nguva yakanakisisa. Kuravira mwana wako mangwanani zvikuru, apo anenge asingafari, sezvinobvira haisati iri nguva yakanakisisa. Vamwe vanoravira vana vavo apo vanenge vari muchigaro chapamusoro kana kuti vari kudya zvokudya zvakareruka. Nguva yakanaka yomuzvarirwo inguva yokurara. Ipapo mwana anova nenguva yakareba yokuteerera.
3. Nangana nekokero yacho. Hapana ngozi mukurava bhuku rina mashoko anopfuura nzwisiso yomwana. Mubereki anogona kupa tsananguro iri nyore yeshoko, kupfavisa, kana kuti kunyange kusiya mativi akaoma.
4. Shandisa unyanzvi hwako hwokurava. Kurava zvinonzwika kunoda kufema kwakanaka nokusamhanya. Kana une panikiro pamsoro pekukwanisa kwako, isa padapanzwi nhau, iteerere, uye ipapo kamuranisa unyanzvi hwako umene hwokurava.
5. Cherechedza hurefu hwengwariro. Chokwadi, nhau yakanaka ichatora fariro yomwana wako, asi cherechedza kuti angasapa ngwariro yake yose kunhau yacho. Kunyange zvakadaro, achadzidza chimwe chinhu kubva kwairi.
6. Shivirira. Kufanana navamwe vakura vanofarikanya mufanikiso webhaisikopo kakawanda, vana vanoda kunzwa nhau yavo yavanofarira ichirahwa kakawanda nemhaka yokuti vanowana revo itsva nguva imwe neimwe. Naizvozvo munzvimbo mokuvatorera bhuku ravanodisa, ingowedzera nhau itsva.