RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 1/8 pp. 26-27
  • Ngozi Yefodya Kuvasvuti Navasiri Vasvuti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngozi Yefodya Kuvasvuti Navasiri Vasvuti
  • Mukai!—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Midzanga Unoiramba Here?
    Mukai!—1996
  • Kusvuta Kwakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?
    Mukai!—2000
  • “Unogona Kurega—Isu Takarega!”
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 1/8 pp. 26-27

Ngozi Yefodya Kuvasvuti Navasiri Vasvuti

Hufakazi hwengozi yefodya kuvasvuti navasiri vasvuti hunopfuurira kukura. Rangarira zvinotevera:

◼ Fodya Munzvimbo Yezvokudya

“Denda rekenza yamapapu rinogona kudeya kutaurwa “nokuda kwenyika dzakawanda dziri kusimukira mumakore gumi, inodaro magazini yeWorld Health. United Nations Food and Agriculture Organization inowedzera kuti kushandiswa kwefodya “kunopfuurira kukwira ne 2,1 muzana gore negore muNyika Dziri Kusimukira.” Pari zvino, 63 muzana yefodya yenyika yose ichikurimwa ikoko, kukwira ne 50 muzana mumakore 25 akapfuura. Iyi kombamiro inokuvadza nyika dziri kusimukira idzodzi. The Times of London inotsanangura kuti sei: “Kurimwa kwefodya, kuri kuitwa muNyika dzose Dziri Kusimukira sechirimwa chokuwana nacho mari, kuri kukwidza mwero yekenza, kuchiparira kuparadzwa kwamasango nokutorwa kwenyika yaigona kurimwa zvokudya zvinodikanwa zvikuru nokuda kwokushandiswa pamba.”

◼ Fodya Nekenza

Muna 1986, paMusangano weNyika Yose weKenza wechi 14 muHungary, nyanzvi dzakatema kuti vanhu 3 500 000 vachafa nekenza gore iroro. “Mukuwirirana namaudzame eWHO [World Health Organization], magazini yezvemishonga yeGermany Ärztliche Praxis, “mirioni imwe yenzufu idzodzi ichaparirwa nokusvuta.”

Sir Richard Doll, purofesa akarega basa wemishonga kuOxford University, akanyevera kuti mumachemical 3 800 ari mufodya inoputwa, 50 acho akaziviswa kuva anoparira kenza mumhuka. Mamwe amachemical iwaya akawanikwa kuva akawanda zvikuru kuhutsi husingamedzwi. Naizvozvo vasvuti vanowadzanyurira vamwe vachiva vasvuti vasingasvuti, kuzvinhu zvinoparira kenza zvikuru. Dzidzo yechiBritish yavanhu vasingasvuti vanorarama navanosvuta yakaona kuti munhu wechipiri mumwe nomumwe anofa nekenza yamapapu aiva munhu asingasvuti.

Chiremba anovhiya weUnited States akakusvudzira makambani kugovera nzvimbo yokushanda isina hutsi nokuda kwevasingasvuti. Mumushumo wake wa 1986 wetapuro youtano yokusvuta, iye akati: “Kusvuta usingadi kunoparira chirwere, kubatanidza kenza, muvanhu vakagwinya vasingasvuti,” uye “kuparadzanisa vanosvuta navasingasvuti mukati menzvimbo yemhepo imwe cheteyo kungagona kuderedza, asi hakusati kuchibvisa kuwadzanyurirwa kwavasingasvuti kumhepo yakapoteredza yefodya.”

◼ Vasati Vaberekwa Vanotapurwa

Boka ravaongorori vemishonga rokuUniversity of Sydney muAustralia rakakambira kuti kusvuta kunoshaisa vana vari mumimba zvokudya zvinodikanwa. Vaongorori vave vachidzidza miuyo yokusvuta kunayo pakuyerera kweropa mumutezo yomuviri unogovera kumwana asati akaberekwa zvokudya neoxygen nokutakura tsvina kupfurikidza nerukuvhu. Apo vanzveri vakaongorora kuyerera kweropa kupfurikidza norukuvhu, vakawana kuti pashure pamaminiti maviri bedzi pashure pokunge mai vaputa mudzanga, kuyerera kweropa kunononozeka, uye tapuro yakadaro inopfuurira kusvikira kuinenge awa imwe.

Dr. Brian Trudinger, nyanzvi yokuberekwa kwavana nezvirwere zvavakadzi, akataura kuti, sezvinoshumwa muThe University of Sydney News: “Paavhareji, vana vavanamai vanosvuta midzanga 10 pazuva munguva yose yavanenge vane mimba vanorema anenge magiramuzi 300 [10 ounces] pasi pakuberekwa kupfuura avo vavasingasvuti. Asi kusvikira zvino kungagona kupikiswa kuti uku imhaka nenzira yakati kuti yomusvuti munzvimbo mokusvuta—kuti rudzi rwomukadzi aisvuta mukati mokuva napamuviri angava akava nezvimwe zvinetso zvakaparira mwana muduku. Zvisinei, kunzvera kwedu kunoratidzira nenzira isingapanikirwi kuti kusvuta kunotapura mwana zvakananga kupfurikidza nokuderedza kuyerera kweropa kubva kwaari kuenda kumutezo unogovera zvokudya kumwana ari mudumbu.”

Uyewo, magazini yokurapa yechiBritish inonzi The Lancet zvino uno yakabudisa miuyo yedzidzo yekenza yavana. Dzidzo yacho yakawana kuti kana midzanga yakawanda pazuva ichiputwa namai mukati mokuva napamuviri pane njodzi huru yokuva nekenza kumwana wake. “Apo nzvimbo dzose dzakazvimba dzakarangarirwa,” The Lancet yakashuma, kuti: “Bviro yokuva nekenza muvana vanowadzanyurirwa kumidzanga 10 kana inopfuura pazuva mukati mekuva nemimba inowedzera ne 50 muzana.”

Pashure pokunge vaberekwa, vana vavasvuti vanotarisana nengozi inowedzera kuutano. Muchimwe chinyorwa, The Lancet yakati: “Makunzvera akawana hukama hwakananga pakati pevasingasvuti zvakananga neasima yavana, chinetso chokufema chisingaperi, nezvirwere zvomumapapu mugore rokutanga nerechipiri roupenyu.”

◼ Kusvuta Kunodhura Panzvimbo Yebasa

Vasvuti vanodhura kuna vashandirwi vavo nemari yokuwedzera inoita $4 000 ($2 650, U.S.) pamunhu mumwe nomumwe pagore, inodaro New South Health Surveyors’ Association yomuAustralia. Sangano racho rinoumbira kambiro yaro paufakazi hwokuti vasvuti vanenge vasiri pabasa vachirwara kakawanda zvikuru kupfuura vasingasvuti uye vanova netsaona kakapetwa ruviri kupfuura vasingasvuti. Tsaona dzinowanzokuitika pakati pavanosvuta, rinodaro sangano racho, nemhaka yokuti hutsi huri mumaziso avashandi kana kuti nemhaka yokuti vasvuti vari kushandisa ruoko rumwe chete kuita basa rumwe rwacho rwakabata mudzanga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe