Havana Misha—Bva Vapenyu!
Yakanyorwa nomunyori wa“Mukai!” muJapan
MAGWA okutanga akatakura vatamiswi akasvika muzviteshi zvomuIzu Peninsula mukati mousiku hwaNovember 21. Gare gare kwakasarudzwa kuti ava vanhu vanofanira kutumirwa kuTokyo, sezvo Oshima ichidzorwa nehurumende yeguta reTokyo. Hurumende yegutaro pamwe chete nehurumende yorudzi vakaita nhanho yokutanga mukuronga basa rebetsero. Zvapupu zvaJehovha mose muri muviri munharaunda dzeIzu neTokyo uyewo padzimbahwe rebazu, riri muGuta reEbina, anenge mamaira 50 (80 km) kubva kuGomo reMihara, zvakarongawo basa rebetsero.
Mishumo yenhau dzezvinoitikayo zvayaidzongonyedza purogiramu dzenguva dzose dzeterevhizheni, Zvapupu zvaJehovha zvinogara pedyopo zvakava zvinoitira hanya zvikurukuru hama dzazvo dzomudzimu nehanzvadzi pachitsuwacho. Nobumasa Obata weUngano yeIto navamwe vakaonana neZvapupu zviri munharaunda yeIzu ndokuronga mubato wokugamuchirwa kwavatamiswi. Pakuzosvika pa 6:30 p.m. zuva irero, Zvapupu zvakanga zvava kuchiteshi chimwe nechimwe paIzu Peninsula napaAtami, zvakagadzirira kugamuchira hama dzazvo dzinobva Oshima.
Apo Jiro Nishimura navamwe vana vakasvika paAtami panenge pa 10 kiroko madekwana iwawo, Zvapupu zvomuAtami, zvine magazini eNharireyomurindi naMukai! mumaoko azvo, zvakasangana nazvo. Vakuru vakuru vehurumende zvavakanga vasati vasarudza zvokuita, vatamiswi vakabvumirwa kugara nomunhu upi noupi wavaida. Zvakaenda kuYugawara, uko mwanakomana waNishimura anobatira somukuru muungano yomunzvimbomo. Kamuri ravakagara rakava nzvimbo yokubatana nokuda kwavatamiswi neUngano yeOshima.
Pa 8:00 mangwanani akatevera, Dare reBazu rapadzimbahwe rebazu reWatch Tower Society muEbina rakasarudza kutumira nokukurumidza vamiriri vaviri kunzvimbo yeIzu uye vaviri kunharaunda yeTokyo kundoronga basa rebetsero.
Vamiriri vebazu zvavakakurukura basa rebetsero naNishimura, Mitsuo Shiozaki akasvika nemigove yebetsero inobva kuungano iri muNumazu. Vatamiswi vakaonga zvikurukuru zvipfeko zvaakagovera pakati pavo, nokuti chiverengero chikuru kwazvo chavo chakanga chisina zvipfeko kunze kwezvavakanga vakapfeka pavakabva muchitsuwa chavo. Ivo vakagamuchira mukuonga zvokudya zvaakanga auya nazvo.
Matare ebetsero akarongwa muIzu nomuTokyo kugovera mari dzinodikanwa kumitezo yeUngano yeOshima. Matare akadaro aizotarisirawo zvinodikanwa zvomudzimu zvavatamiswi.
Basa Rebetsero muTokyo
Pa 9:15 p.m. pana November 21, pashure pokunge ngarava dzaenda navatamiswi nokuda kwamaguta ari paIzu Peninsula, mudzori weTokyo akaraira kuti vatamiswi vose vatumirwe kuTokyo. Yoshio Nakamura, mukuru weUngano yeMita yeZvapupu zvaJehovha muTokyo akakumbira kuronga basa rebetsero ikoko. Kamuri raNakamura rakava dzimbahwe rebasa rebetsero muTokyo.
Iye akakumbira vamwe vanobva muungano yokwake navamwe vanobva muUngano yeShinagawa kuenda naye. Ivava vane gumi vakabva mukamuri raNakamura panenge paawa rechipiri paChitanhatu mangwanani ndokunanga kuzviteshi zvengarava uko magwa anobva Oshima akanga akarongwa kusvika. Hama dzakanga dzakashongedzerwa nezviratidzo zvinoti: “Mitezo yeOshima Ungano yeZvapupu zvaJehovha, tapota batanai nesu.”
Kutozosvikira ngavara yokupedzisira yasvika, vakaenda vachidzoka pakati pezviteshi zviviri uko magwa akasvikira. Ipapo pakanga pari pashure peawa rechigumi paChitanhatu mangwanani. Zvapupu zvaJehovha zvomuChuo Ungano zvakaendawo kune chimwe chiteshi uko ngarava dzinobva Oshima dzakasvika. Zvisingazivi dziri ngarava dzaizova dzina vadaviri biyazvo, Zvapupu zvomuTokyo zvakaedza kusangana nengarava dzose dzakasvika muTokyo.
“Zvapupu zvaJehovha,” anoyeuka kudaro Kazuyuki Kawashima, “zvaingova bedzi vamiriri veboka rorudzidziso vakauya kuzosangana navadaviri biyavo pachiteshi. Rimwe boka bedzi rakachigura vatamiswi rakanga richibva kumubatanidzwa wavadzidzisi.”
Pakuzosvika paChitanhatu mangwanani, mitezo yeUngano yeMita neShinagawa yakanga yaunganidza nokuzvidira zvipfeko nemimwe migove yebetsero nokuda kwegoverwo yapakarepo pakati pehama dzayo dzomudzimu dzinobva Oshima. Zvapupu zvakatutira iyi migove murori ndokushanyira misasa uko vatamiswi veZvapupu vakanga vaiswa. Zvapupu zvinobva Oshima uye vasati vari Zvapupu vakanga varipo vakabetserekana nemigove yebetsero.
Vakakurudzirwa Nokuitira Hanya Kwavamwe
Chimwe Chapupu chakatamiswa chakarondedzera, kuti: “Patakasiya Oshima, isu timene hatina kuziva kwatakanga tichienda. Patakaburuka igwa, zvisinei, takaona chiratidzo chinoti, ‘Zvapupu zvaJehovha.’ Fungidzira kushamiswa nokuororwa kwatakaitwa! Misodzi yakayerera mumeso omudzimai wangu sezvaakasununguka pakuwana hama dzedu ikoko kuzotichigura pachiteshi.
“Nokukurumidza patakanga tagara pasi muHoro yeMitambo muNzvimbo yeKoto ndokuridzira runhare Hama Nakamura ipapo vamiriri vebazu vakasvika kuzotikurudzira. Ikoku kwakatiorora chaizvoizvo, uye hatati taigona kuwana mashoko okutaura kuonga kwedu.”
Mukati mevhiki, mitezo yedare rebetsero yakashanyira misasa yose yakanga ine Zvapupu ndokunzvera zvinodikanwa zvavadaviri biyavo. Vakawana kuti Zvapupu zvakatamiswa zvakanga zvichitarisirwa zvakanaka neungano dzomunzvimbomo. Vamwe vadzidzi veBhaibheri vakakumbirwa kuenda kumisha yeZvapupu zvomunzvimbomo nokuda kwezvokudya zuva rimwe nerimwe, uye ivo vakaonga mabasa akadaro omutsa akaratidzirwa kwavari neZvapupu izvo vakanga vasingazivi pamberi peiyi ngwavaira.
Uku kutamiswa kwakabudirira nokuti nyevero dzakakodzera dzakapiwa uye vanhu vakadzitetekera. Asika vanhu vose vanangana nengwavaira huru zvikuru kwazvo iri kuuya nokukurumidza zvikuru. Nyevero iri kupiwa zvino, kuratidzira vanhu nzira yokupukunyuka nayo iyi ngwavaira ndokuponesa upenyu hwavo. Uchatetekera nyevero iyoyo here?
[Mufananidzo uri papeji 25]
Jiro Nishimura achinzvera kune vatendi biyakea
[Mashoko Omuzasi]
a Ichi chapupu chinodiwa zvikuru chaJehovha chakafa muna February 1987.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Mitsuo Shiozaki anogovera migove yebetsero
Vatamiswi vazhinji vakarara pahuriri hunotonhora hwenzvimbo dzokurovedzera muviri