Uchatetekera Nyevero Dzengwavaira Yava Pedyo Here?
DZIMWE ngwavaira dzomusikirwo dzinoparira vhiringidziko muupenyu hwavanhu; dzimwe, ruparadziko rukuru rwoupenyu nepfuma. Kazhinji kazhinji, kunyange zvazvo zvakadaro, kwakadarokwo kunotapura rutivi ruduku rwapasi nechiverengero charo chavagari vapasi paimwe nguva ipi neipi. Zvisinei, chizvarwa chedu chiripochi chanangana nengwavaira yemwero yapasi rose iyo ichatapura vanhu vose.
Haiwa, haizati iri hondo yenyukireya pakati pamasimba makuru, kunyange zvazvo iyoyo ichizova ngwavaira yakaipisisa. Kupfuurezvo, tiri kutaura nezvedonzo rakaratidzirwa raMwari rokubvisa ushati hwose pamsoro papasi.
Ukuru hweiyi ngwavaira hwakaratidzirwa naJesu muchiporofita chine chokuita nemhedziso yetsika yezvinhu: “Ipapo pachava nedambudziko guru rakadai serisati rakamboitika chifo chokuvamba kwenyika kutozosvikira zvino, aiwa, uye harichazoitikizve. Chokwadi, kutoti mazuva iwawo akatapudzwa, hakuna nyama ingaponeswa.”—Mateo 24:3, 21, 22.
Vakaponesa Upenyu Hwavo
Jesu akaenzanisa iyi ngwavaira yenyika yose nerimwe jambwa renyika rapakuvamba vamba, Mafashamo ezuva raNoa, achiti: “Nokuti sezvazvakanga zvakaita mumazuva aNoa, ndozvazvichaitawo nokuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateo 24:37) Bhaibheri rinorondedzera kuti mumazuva apashure paMafashamo, “ushati hwomunhu hwakanga hwakawanda mupasi uye kombamiro iri yose yemifungo yemwoyo wake yakanga yakaipa bedzi nguva iri yose.” Jehovha akati: “Ndichaparadza vanhu vandakasika pamsoro papasi.”—Genesi 6:5-8.
Kana ari Noa, tinorava pana VaHebheru 11:7, kuti: “Kupfurikidza nokutenda Noa, pashure pokunge apiwa nyevero youmwari yezvinhu zvichigere kuonwa, akaratidzira kutya kwoumwari ndokuvaka areka nokuda kwokuponesa imba yake.” Noa, mudzimai wake, navanakomana vake navadzimai vavo vose vakachengetwa vari vapenyu vachipfuura nomuMafashamo.
Zvisinei, vamwe vose vasara vavanhu panguva iyeyo vakafuratira nyevero yakapiwa. Mukuwirirana namashoko aJesu, vanhu mumazuva iwawo pamberi paMafashamo vakanga vachi“dya nokunwa, varume vachiroora navakadzi vachiroodzwa, kutozosvikira zuva iro Noa akapinda naro muAreka; uye ivo havana kucherekedza kutozosvikira mafashamo asvika ndokuvaparadza ivo vose.”—Mateo 24:38, 39.
Mumazuva aRoti, Mwari akasarudza kuparadza vagari veSodhoma neGomora nokuda kwoutere hwavo hukuru. Asika, ivo vakapfuurira ‘kudya nokunwa, kutenga nokutengesa, kusima nokuvaka’ sokunge kuti pakanga pasina chinhu chakanga chodokuitika. Kunyange zvazvo Roti akanyevera vakuwasha vake vanokarirwa nezvengozi, ‘mumeso avo iye akaratidzika kuva somunhu akanga achiita musere.’ Asi Mwari akaraira mwoto nesurferi kunaya zvichibva kumatenga, zvichiparadza ivo vose. Roti navanasikana vake vakateerera nyevero ndokuponesa upenyu hwavo.—Ruka 17:28, 29; Genesi 19:12-17, 24.
Nyevero Muzuva raJesu
Muzuva raJesu vanhu vechiJudha vakanga varamba Shoko raMwari nokuda kwamagamuchidzanwa avo vamene, uye vakarambawo Mwanakomana waMwari saKristu, kana kuti Mesia. Mwari akasarudza kuita rutongeso rwake pavari napaguta ravo rine mbiri, Jerusarema, kupfurikidza namauto eRoma. Jesu akanyevera pamsoro paikoku ndokuudza vadzidzi vake mapukunyukire avaizoita rutongeso irworwo. Iye akati:
“Apo imi munoona chinhu chinonyangadza chinoparira ruparadziko, sechakataurwa nezvacho kupfurikidza naDhanieri muporofita, chimire munzvimbo tsvene, . . . ipapo avo vari muJudhea ngavavambe kutizira kumakomo.” Uye: “Apo imi munoona Jerusarema rakomboredzwa namauto akadzika misasa, ipapo zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo. Ipapo avo vari muJudhea ngavavambe kutizira kumakomo, uye avo vari pakati pavo ngavabude, uye avo vari mumaruwa ngavarege kupinda mariri; nokuti iwawo ndiwo mazuva okuita ruramisiro, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvigozadzika.” (Mateo 24:15, 16; Ruka 21:20-22) Yaizova nguva yechiito chokukurumidzira, munhu asingawani nguva kunyange yokuchengetedza pfuma yake yokunyama. Jesu akati: “Munhu uri pamsoro pedenga remba ngaarege kuburuka kuzotora zvinhu mumba make; nomunhu uri mumunda ngaarege kudzoka kumba kuzotora nguvo yake yokunze.”—Mateo 24:17, 18.
Mugore ra 66 N.V., Jerusarema rakakomberedzwa namauto eRoma aitungamirirwa naCestius Gallus, mukuzadzika kwechiporofita chaJesu. VaRoma, vakanga vachisekesa zvamazvirokwazvo chidziro chetembere nokudarokwo vachimira munzvimbo tsvene yavaJudha, vakanga vari chimwe chinhu chinonyangadza kuvaJudha. Chiratidzo chenyevero chakanga chiripo asi pasina banza rokutiza. Ipapo Cestius Gallus nomutoo usingakarirwi akadzora mauto ake. MaKristu akavamba kutizira kumakomo. Vazhinjisa vavanhu, zvisinei hazvo, vakasara vari muguta, uye vamwe vaJudha vakapfuurira havo kupinda mariri nokuda kwemitambo yavo yorudzidziso.
Muna 70 N.V., apo guta rakanga rakazadzwa navachengeti vePaseka, mauto eRoma achitungamirirwa nomutungamiriri wehondo Titus akadzokera namatsive ndokukomberedza Jerusarema nomuchinjiriziri. Munguva yakafanira masvingo akaboorwa, tembere neguta rose zvakaparadzwa, uye mukuwirirana naJosephus wezvenhau, vanhu 1 100 000 vakafa, uye vapukunyuki 97 000 vakatengeserwa muutapwa kuEgipita nokune dzimwe nyika. Uyu ndiwo wakava mugove waavo vakakundikana kutetekera nyevero yaJesu. Avo vakatiza mugutaro, sokuraira kwakanga kwaita Jesu, vakaponesa upenyu hwavo.
Tetekera Nyevero Zvino
Chiporofita chaJesu, sechakanyorwa muna Mateo 24, Marko 13, naRuka 21, chaizova nezadziko yakakura zvikuru. Yeuka, Jesu akanga achipindura mubvunzo wavaapostora vake pamsoro pechiratidzo chokuvapo kwake, icho Bhaibheri rinobatanidza nomugumo wetsika yezvinhu yenyika yose. (Dhanieri 2:44; Mateo 24:3, 21) Jesu akaratidzira kuti kudzoka kwake, kana kuti kuvapo, uko kwaizova kusingaoneki, kwaizoratidzirwa nechiratidzo chaizobatanidza hondo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, nhenda, kuwedzera kwokusateerera mutemo, kutambudzwa kwavadzidzi vake, shungu yamarudzi, navanhu vachipera simba nokuda kwokutya nokukarira zvinhu zvinowira pasi rinogarwa.—Mateo 24:7, 8, 12; Ruka 21:10, 11, 25, 26.
Ndiani hake angagona kuramba kuti chizvarwa chakavambira paHondo yeNyika I chakaona kuwedzera mumazuva ose iwawa enhamo? Kuti vanhu vangonzwisisa revo yezvinhu izvozvi, Jesu akaporofita, kuti: “Uye aya mashoko akanaka oUmambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14) Zvapupu zvaJehovha zvakaparidza nokushingaira aya mashoko akanaka oUmambo mune dzinopfuura nyika 200 mumitauro yakasiana-siana 200, zvichinyevera vanhu nezvokuitwa kwavapedyo kworutongeso rwaMwari. Achitaura nezvaavo vaizoona mavambo amarwadzo enhamo, ayo akavamba neHondo yeNyika I, Jesu akati: “Ichi chizvarwa hachizati chichizotongopfuura kutozosvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.”—Mateo 24:34.
Nzira yokutetekera nayo nyevero yaJesu haizati iri kupfurikidza nokutizira kumakomo chaikoiko kana kuti kupfurikidza nokupukunyukira kune imwe nharaunda yakati kuti yapasi, asi kupfurikidza nokutendeukira kuna Mwari wechokwadi, Jehovha, ndokudzidza gadziriro yake yokuchengeta upenyu. Iwe unogona kuita ikoku kupfurikidza nokuonana naavo vari kupa iyi nyevero, Zvapupu zvaJehovha, uchizvirega zvichifunda Bhaibheri newe, nokusonganirana nazvo.
Kana kutetekera nyevero kwakanga kuchikosha zvikuru kuna maJapan ane 10 000 ayo akapukunyuka ruparadziko runobva mumbumutsa mavhunze, kunokosha sei zvikuru kwatiri kuita zvino kuti tigamuchire taviridziro yaJehovha paruparadziko rwenyika yose munguva ino yomugumo!
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kupfurikidza nokutetekera nyevero, Roti navanasikana vake vakapukunyuka ruparadziko