RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 March p. 3
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Kana Paitika Njodzi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Kana Paitika Njodzi
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira vanenge vawirwa nenjodzi here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Kuyamura Vakawirwa Nenjodzi Muna 2023—“Takazvionera Tega Kuti Jehovha Anotida”
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Tingabatsira Sei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 March p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvatingaita Kuti Tibatsire Kana Paitika Njodzi

Njodzi dzinongoitika dzega dziri kuwedzera mazuva ano. Panoitika njodzi, basa rekuyamura rinofanira kuitwa nenzira yakarongeka. Ndokusaka Dare Rinotungamirira rakaronga kuti pabazi rimwe nerimwe pave neDhipatimendi Rinobatsira Panoitika Njodzi.

Hama dziri mudhipatimendi iri padzinongoziva kuti pane kwaitika njodzi, vanobva vakurumidza kutaura nevakuru vemunzvimbo yacho kuti vanzwe kuti vaparidzi vari kuda kubatsirwa nechii. Kana vaparidzi vasingakwanisi kugadzirisa zvinenge zvaparadzwa vari vega, bazi rinogadza hama dzine unyanzvi kuti dzitungamirire basa rekuyamura. Hama idzi dzinogona kukumbira vaparidzi kuti vazvipire kubatsira, kana kukumbira kuti vape mipiro yezvinhu zvinenge zvichidiwa kana kuti dzinogona kunotenga zvinhu zvekuyamura dzonozvipa vanoda rubatsiro.

Kuita zvinhu nenzira iyi kune zvakwakanakira pane kuti munhu mumwe nemumwe aite zvaangofunga. Zvinoita kuti basa risadzokororwa, pasapambadzwa mari nezvinhu uye zvinhu zviitwe zvakarongeka.

Hama dzinenge dzagadzwa nebazi dzinoona kuti pari kudiwa vanhu vakawanda zvakadii uye marii kuti basa rekuyamura riitwe. Vanogonawo kutaura nevashandi vehurumende vemunzvimbo yacho, avo vanogona kutibatsira kuti basa redu riitwe nekukurumidza. Saka vaparidzi havafaniri kuita urongwa hwekuti vanhu vaunganidze mari kana kutumira zvinhu kana kuenda kunzvimbo dzinenge dzaitika njodzi vasina kukumbirwa kuti vadaro.

Kunyange zvakadaro, panoitika njodzi, tinenge tichida kubatsira. (VaH 13:16) Tinoda hama dzedu, saka zvii zvatingaita? Chikuru chatinogona kuita kunyengeterera vaya vanenge vawirwa nenjodzi yacho uye vari kubatsira pabasa rekuyamura. Tinogonawo kupa mipiro yekutsigira basa remunyika yese. Mahofisi emapazi achitungamirirwa neDare Rinotungamirira, ndiwo anokwanisa kunyatsoziva kuti mari iyi yemipiro yoshandiswa papi. Kana tichida kuzvipira kunobatsira, tinogona kuzadza fomu rinonzi Local Design/Construction Volunteer Application (DC-50).

ONA VHIDHIYO INONZI MAFASHAMO AKAITIKA KUBRAZIL, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi “Mafashamo Akaitika kuBrazil.” Pikicha iri kuratidza mvura yakazara pese pese mune imwe nzvimbo yakaitika mafashamo kuBrazil.

Chii chawanyanya kufarira nezvebasa rekuyamura reZvapupu zvaJehovha rakaitwa kuBrazil pakaitika mafashamo muna 2020?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe