‘Maoko Enyu Akazara Ropa’
“KANA muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.” Mwari wamasimba ose akataura kudaro kuavo vaitaura kuti vanomubatira asi vaibatanidzwa mukuteura ropa risina mhaka.—Isaya 1:15.
Ko marudzidziso enyika ino ane mhaka yokudeura ropa risina mhaka here? Hungu, zvamazvirokwazvo anayo. Muhondo iri yose yezana redu ramakore rechi 20, marudzidziso enyika ino navakuru vawo vorudzidziso vakatsigira kudeurwa kweropa. Ikoku kwakatotungamirira kumitezo yorudzidziso rumwe cheterwo kuurayana pamwero mukuru.
Bva, Jesu akadzidzisa vateveri vake ku‘dzorera munondo wavo kunzvimbo yawo.’ (Mateo 26:52) Muapostora Pauro akati: “Nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama.” (2 VaKorinte 10:4) Shoko rine simba reShoko raMwari nderokuti avo vanoshandisa rudzidziso rwechokwadi vanofanira kudana ndizvo kwete kudeura ropa: “Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane; tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akauraya munun’una wake.”—1 Johane 3:10-12.
Kana rudzidziso rusingashandisi rudzi urwu rworudo, minyengetero yarwo haisati ichizonzwiwa naMwari. Bhaibheri rinoti: “Zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinomufadza.” (1 Johane 3:22) Asi marudzidziso enyika ino haana kuchengeta mirairo yaMwari. Panzvimbo pezvo, iwo akabvumirana noutera nokuuraiwa kwavanhu vane mirioni ine zana rimwe muhondo dzezana rino roga ramakore!
Ko Vatungamiriri Navanhu Vachateerera Here?
Muhurukuro yake yokupedzisira paAssisi, John Paul II akati: “Tinokumbira vatungamiriri venyika kucherechedza chikumbiro chedu chokuzvininipisa kuna Mwari nokuda kworugare.” Ko vatungamiriri venyika vezvamatongerwe enyika navanhu vavo vose zvavo vachateerera ichi chikumbiro here? Kuti tiwane ngatitarirei kunhau.
Nhau inozivisa kuti zvibvumirano neminyengetero zvorugare hazvisi zvitsva. MuMiddle Ages, zvibvumirano zvorugare zvaiwanzonzi zvibvumirano zvaMwari kana kuti zvibvumirano zvitsvene. Izvo zvaiziviswa pamitambo yorudzidziso yechiKristudhomu, mukati mazvo rwisano dzose dzaifanira kumira. Asi kunyange tyisidziro yokutandaniswa nokuda kwaavo vakapunza zvibvumirano yakanga isina kukwana kuita kuti vanhu vazviremekedze.
Mugore ra 1915, Pope Benedict XV akatanga chikumbiro kumarudzi chokugumisa “kuuraya kunotyisa” kwehondo yenyika yokutanga. Iye akanyengetera kuna Mwari nokuda kwo“mugumo wenhamo yakaipa.” Asi vatungamiriri vamarudzi kana kuti vanhu vavo havana kuteerera. Uye, nenzira ine mufungo, Mwari haana kuteerera nemhaka yokuti varwi pamativi ose ari maviri vakanga vakaumbwa nemitezo yorudzidziso rumwe cheterwo. Nokudaro, muKaturike akauraya muKaturike, uye muPurotesitendi akauraya muPurotesitendi, chose chose zvakakwana nemirairo yaMwari.
Muchirimo cha 1939, apo mavambo ehondo yenyika yechipiri akanga ava kuitika, Pius XII akaronga “minyengetero yapachena yorugare.” August akatevera wacho, pamberi chaipo pokutanga kwehondo, iye akatanga chikumbiro kuvatungamiriri vorudzi navanhu vavo chokurega “pomero, tyisidziro, zvisakiso zvokusavimbana” kuti vagodzivisa zvakaipisisa.
Asi minyengetero yose iyoyo nezvikumbiro hazvina kumisa gadziriro yehondo yeGermany yavaKaturike navaPurotesitendi; uyewo haina kuratidzira nzira yokurugare nokuda kweItaly yeKaturike kana kuti nokuda kweJapan yaShinto. Uye hapana kutandanisa kwakatyisidzirwa pamitezo yorudzidziso rupi norupi nokuda kwokuuraya vamwe vorudzidziso rumwe cheterwo. Naizvozvo kuurawa kwehama nehama kwakapfuurira kwamakore matanhatu, kuchitsigirwa navakuru vorudzidziso vorudzi rwuri rwose.
Mumhinduro kuchichemo chapapa chapaAssisi, mudzimwe nzvimbo kurwa kwakamira pana October 27, 1986. Asi mudzimwe nyika kwakapfuurira. Muzvinoitika zvakawanda ikoku kwaiva munyika ine rudzidziso rwakamirirwa paAssisi. Somuenzaniso, varwi vechigandanga veKaturike veIRA vakaita denho yebhomba muIreland. VaSikh vakarwa muIndia. MuAfghanistan, Ethiopia, Lebanon, Iran, uye Iraq, pamwe chete nedzimwe nharaunda, kudeura ropa kwakapfuurirawo. Uye kunyange uko chibvumirano chakachengetwa kwezuva rimwe iroro, rufu norutyo zvakadyarwazve zuva rakatevera racho rimene. Rugare rwechienzi zvamazvirokwazvo!
“Mwari worugare” aigona here kukomborera nhamburiko dzakadaro idzo nenzira isina kunanga dzinotendera avo nhasi vanorega kuuraya bedzi kuti vavambe zvakare mangwana? Ko Mwari akabvumira Kaini pashure pokunge auraya Abheri here? Zvirokwazvo kwete!—VaHebheru 13:20.
Haasi Simba Rorugare
Nzvero dzemisi ichangobva kupfuura iyi dzakaitwa mumarudzi akasiana-siana dzinoratidzira kuti chiverengero chikuru chavanhu chinorangarira marudzidziso enyika kuva anokuchidzira hondo panzvimbo pokuva anosimudzira rugare. Ikoko ndiko kurangarira kunoita 47 muzana yavanhu veFrance ne 48 muzana yavaIsraeli.
John Taylor, munyori mukuru weWorld Conference of Religions for Peace, akati mupepanhau romwedzi nomwedzi reKaturike reFrance LʹActualité Religieuse dans le Monde: “Takazvinyengedza timene kupinda mukufunga kuti rudzidziso rungagona uye rwaizounza chiedza nomutsa kurwisano, uye kuti taizobetserwa zvikuru kwazvo nokubatanidzwa kwamasimba mukurwisana nehondo, mukurwisana nezvombo zvehondo. Asi pakuzvera izvi zvinetso, takaziva pashoma napashoma kuti hondo hadziparirwi nezvombo zvehondo, asi noruvengo nokukamukana pakati pavanhu . . . Uye panowo rudzidziso rwakaita rutivi rwarwo.”
Wezvenhau Ernesto Galli Della Loggia, muAvvenire yezuva nezuva yeKaturike, akati kunyange zvakatonanga zvikuru: “Rudzidziso haruratidziki kuva rwakavaka gadziriro inobatanidza pakati pavanhu napakati pamarudzi, panzvimbo pezvo zvakapesana chaizvo. Irwo rwave rwakadaro kwamazana amakore. Marudzidziso makurusa anotenda muna Mwari mumwe haana bedzi kungorwisana muhondo pasina ngoni asi mamwe awo—zvikurukuru chiKristu nechiIslam—akapa simba rawo rose kukuparadzanya marudzidziso anoti zvinhu zvose zvine mweya namarudzi anonzi echinyakare. Ikoku kwakaitika nemhaka yokuti rudzidziso nesimba rezvamatongerwe enyika mativi maviri emari imwe cheteyo.”
Nokuda kwaikoku uye zvimwe zvikonzero, hurumende dzinofuratira vatungamiriri vorudzidziso kana kuti zvimwe kuvashivirira sokunge iwo chinetso chiri madikanwa. Uye rudzidziso rwenyika rumene runongova zvarwo kanhu kaduku kane muuyo muduku kana kuti usingabetseri pamunhu kana kuti pamigariro yenyika.
Pamugumo wezuva romunyengetero, papa amene akabvuma mutoro wechiKaturike muuku kudeura ropa kwose. Iye akati: “Ndinodisa kubvuma kuti vaKaturike vave vasina kutendeka nguva dzose kuuku kusimbiswa kwokutenda.” Uye ipapo akawedzera, kuti: “Nguva dzose tave tisiri ‘vawadzanisi.’ Nokuda kwedu, naizvozvo, asiwo zvichida, nenzira yakati, nokuda kwavose, uku kusangana paAssisi chiito chorupfidzo.”
Asi rudzidziso rwomuzuva razvino uno rwakaratidzira nezviito zvarwo here kuti rune chimiro chakachinjwa kuhondo? Ko irwo rwunopfidza chaizvoizvo here nguva yarwo yekare inonyadzisa? Achitaura nezvehondo dzazvino, Ernesto Galli Della Loggia akaonesa kuti: “Pfumbamwe kubva mugumi idzi rwisano, kana kusiri kupfuura dzose, ndedzorudzidzisowo.”
Minyengetero yorugare nokudaro yave isina basa. Vatungamiriri vezvamatongerwe enyika kana kuti vanhu havasi kuiteerera uye kuita mutsinhirano nayo; Mwari haasiwo, nokuti iye akati: “Kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Ndokusaka Gore Ramarudzi Ose Rorugare ra 1986 rakasimudzirwa neChibatanwa chaMarudzi ndokutsigirwa neminyengetero yamarudzidziso enyika ino raiva kundikano yakadaro.
[Bhokisi riri papeji 10]
Nzvero muItaly
Magazini yaMukai! yakaita nzvero mumaguta akasiana-siana eItaly, mukati mayo mazana avanhu akabvunzurudzwa, voruzhinji vaKaturike. Pavakabvunzwa kana nhamburiko zvakadai sezuva reAssisi romunyengetero worugare nokurega kurwa dzichabetsera kuparadza hondo nezvombo zvehondo, 70 muzana yakati aiwa, 17 muzana yakataura kuti yaingova bedzi nhanho yokutanga, uye 10 muzana bedzi yakafunga kuti chaiva chinhu chakananga chokuita.
Mumwe muprista akabva kuguta rokuchamhembe reItaly reBergamo akati: “Ndinofunga kuti nhamburiko yacho ichava inobetsera zvikuru chero bedzi shoko radzo richipfuuridzirwa. Mavambo akanaka asati achifanira kufuratirwa.”
Asi mumwe mukadzi muduku weKaturike womunharaunda imwe cheteyo akati: “Munhu haagoni kuita chimwe chinhu kunze kwokushamiswa zvikuru nounyengeri hwavanhu vave vachirwa kwamakore, uyewo nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso, uye avo ipapo vanoisa pasi zvombo zvavo ndokunyengetera rugare rwenyika, vachisanoziva kuti zuva rinotevera ivo vachapfuuridzira kurwa.” Uye imwe pwere yokuBrescia yakati: “Misangano yakafanana neiyi haibetseri mukukurira kusakendenga kworudzidziso. Chechi dzinofanira kufarira zvishoma matongerwe enyika kana dzichida kuti Mwari adziteerere.”
Mumhinduro kumubvunzo, “Chii chinofanira kuita rudzidziso kupira zvinobudirira zvikuru kurugare?” mumwe muKaturike wokuTurin akataura kuti “idzo dzinofanira kuzvibvisa dzimene murangano yose yapasi ndokudzidzisa vanhu kurarama pasina zvombo.” Mumwe mukadzi muduku weKaturike wokuCremona akati: “Chechi inofanira kuva yakagadza muenzaniso wakanaka nokusabatanidzwa muhondo namatongerwe enyika. Asi zvino kwava kunyanyononoka.”
Pakubvunzwa kuti, “Chii chaunofunga nezvenhamburiko yapapa yorugare?” rimwe gweta rokuruwa rePesaro rakapindura, kuti: “Chechi iri kushandisa chinetso chorugare kubetserwo yayo imene kuparadzira chiKaturike munyika.” Mumwe mukadzi ane makore 84 weKaturike akati: “Hazvibetseri. Kana vachida hondo, vachangoitanga.”
Chichitaura nezve“gadziriro dzezvamatongerwe enyika” dzorudzidziso, chinyorwa cheMalan Il Corriere della Sera chakaita iyi tsinhiro inokosha: “Chechi inoshandisa rugare ndokusimudzira nhamburiko dzinoibvumira kudzora, panzvimbo pokuva pasi, pekurukurirano dzomurangariro wavanhu panhau huru dzamatongerwe enyika dzenguva ino.”
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Minyengetero yakapiwa navanhu vakabva munyika yose
Vanhu vaduku vazhinji vanofarira rugare rwenyika