Minyengetero Yorugare—Ndiani Anoiteerera?
CHII icho muIndia weAmerica, akapfeka chiremba, ari kuita pachikuva chimwe chetecho nomuprista weGreek Orthodox? Neiko Dalai Lama wechiBhuddha akanga akagara pamwe chete naArchbishop weCanterbury? Chii icho rabhi wechiJudha aigona kugoverana nomukuru weRussian Orthodox Church? Uye neiko Papa John Paul II weChechi yeKaturike aizova achitungamirira pakuungana kwakadaro?
Kasati kari kare kungadai kwakava kusingafungiki kuti papa agoverane chikuva chomunyengetero navatungamiriri vamamwe marudzidziso makuru. Bva, mukupera kwa 1986, muguta reItaly reAssisi, iye akakumbanira aya mamwe marudzidziso ose mukuchengeta “Zuva Renyika Romunyengetero Worugare.” Kuungana kwacho kwakasimudzirwa napapa mutsinhirano nokudana kweChibatanwa chaMarudzi 1986 seGore Ramarudzi Ose Rorugare.
PaAssisi, paiva neminyengetero yakasiana-siana yorugare. Asi ndiani akaiteerera? NdiMwari woUtatu wechiKristudhomu here? Kana kuti Mwari wavaJudha? Allah wamaMuslim? Chigunwe Chikuru uye Mheni Inonguruma zvavanodavira kuti zvinhu zvose zvino mweya here? Ko vapi navapi vaava vamwari vakateerera iyi minyengetero here? Zvino sezvo nguva yakati yapfuura chibviro cheAssisi, mhinduro dzacho dziri pachena.
Chakaitika
Minyengetero yavatungamiriri ivavo vorudzidziso yakanga iri mugumo wezuva ramarudzi ose romunyengetero rakaitirwa paAssisi pakati peItaly pana October 27. Chikuva chikuru chakanga chavakwa, neshoko rokuti “RUGARE” mumitauro 14 kuseri. Vakarongwa muhafu yedenderedzwa guru, papa ari pakati, vatungamiriri vanopfuura 60 vamarudzidziso makuru vakaita majana okunyengetera vari pachikuva. Terevhizheni yakafukidza chinoitika icho chinotaurwa kuti chakaonwa navanhu vane mamirioni 500 munyika yose.
Vokutanga kunyengetera vakanga vari vaBhuddha, avo vakakumbira “gungwa romufarwa nomufaro.” Ipapo vaHindu vakakumbira “rugare kuvanhu vose.” VaMuslim vakanyengetera, kuti: “Mwari ngaarumbidzwe, Ishe wechisiko Chapose pose.”
“Tipei rugare,” ndicho chaiva chikumbiro chavanodavira kuti zvinhu zvose zvino mweya weAfrica sezvavakakumbira vamwari vavo. “Tinopa Chikwepa kuMudzimu Mukuru, kuna Amai Pasi,” akadaro maIndia eAmerica sezvo akasvuta chikwepa chorugare. “Ipai rugare kupasi,” vakakumbira kudaro vaJudha.
“Ngatikumbirei Ishe wedu Mwari murugare nechinzwano,” ndiwo wakanga uri munyengetero wavamiriri veKaturike, Anglican, uye Greek Orthodox. VaSikh, vaZoroastria, vaShinto, uye vaJain vakanyengetererawo rugare rwapose pose.
Nhambo Yacho Yakapiwa Utanhamari
Yakanga iri nguva yokutanga, mapepanhau akatsinhira kudaro, iyo vakuru vorudzidziso vakuru zvikuru vakadaro vamarudzidziso enyika vakanga vaungana munzvimbo imwe cheteyo kuti vanyengetere. Nokuda kweichi chikonzero musangano wacho wakanzi “nhambo inokosha.”
Vamwe vakadavira kuti uporofita hweBhaibheri hwakazadzikwa ipapo. Sezvo Assisi iri pagomo, ivo vakairangarira kuva gomo rokufananidzira raMika ganhuro 4, ndima 2. Mumwe mushumo wakataura kuti kuungana kwapaAssisi kwakanga kuri “musangano uyo muporofita Mika akanga adeya kutaura makore 2 700 apfuura: ‘Mu[nguva yo]mugumo gomo pakamira tembere yaShe richava rakareba zvikurusa . . . Marudzi ose achaungana mujinga maro uye achati: Ngatikwire kugomo raShe. Iye achatidzidzisa chatinofanira kuita.’”—Voce delle Contrade.
Magazini inonzi Il Sabato yakati nembavarira: “Inguva yokutanga chinhu chipi nechipi chorudzi rwacho chakaitika chibviro cheShongwe yeBhabheri. Ipapo, nemhaka yechishuvo chavo chokusvika matenga, vanhu vakakamuraniswa. Nhasi, muzita remirangariro yorudzidziso inovazarurira chipo chaMwari, rugare, vanhu vakabatanidzwa.”
Mibvunzo Yakakomba Yakamutswa
Chinoitika chacho pasina panikiro chaishamisa. Zvisinei, icho chakamutsa mibvunzo yakafanira. La Nazione rezuva nezuva rakabvunza, kuti: “Ko shoko iroro rakabatira donzo raro here? Richave here rasvika mwoyo yavaoni vane hafu yebhirioni? Ko iro richave raita mukaha muzvimiro zvisina kusimba zvaavo, zvakananga kana kuti zvisina kunanga, vanosarudza nokutungamirira zvinoitika nenguva yemberi zvenyika here?”
Vanhu vanofunga vanobvunza mimwe mibvunzo youngwaru: Ko Mwari anogamuchira minyengetero yose pasinei zvapo norudzi rokunamata rwunoshandiswa here? Kwakakwana here kunyengeterera chimwe chinhu pasina kuva nechokwadi chomurangariro waMwari panhau yacho? Ko vanhu vakakurudzirwa here nouyu musangano kushandira rugare? Nguva yakapfuura inotidzidzisei? Uye kupfuura zvose, chii chinotaura Magwaro pamsoro pokuti rugare rwenyika rwuchawanwa sei?
Tinofanira kubvunzawo, kuti: Ko kuungana kwamarudzidziso enyika ino paAssisi chaizvoizvo kwakanga kuri Shongwe yeBhabheri yomuzuva razvino here?