RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 1/8 pp. 5-6
  • Shongwe Yazvino yeBhabheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shongwe Yazvino yeBhabheri Here?
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Paiva Nechinzwano Here?
  • Mwari Ari Kuteerera Here?
  • Minyengetero Yorugare—Ndiani Anoiteerera?
    Mukai!—1988
  • Zvitendero Zvakaungana muAssisi Zvichitsvaka Rugare
    Mukai!—2002
  • ‘Maoko Enyu Akazara Ropa’
    Mukai!—1988
  • Rugare Rwenyika—Sei Uye Rini?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 1/8 pp. 5-6

Shongwe Yazvino yeBhabheri Here?

SHONGWE yeBhabheri yakare yazova chiratidzo chenyongano nokukamukana. Pakanga pari ipapoka, makore 4 000 apfuura, apo Mwari akanyonganisa mutauro wavanhu. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokumupandukira kwavo. Ivo vakaramba kuteerera Mwari uye panzvimbo pezvo vakanangidzira upenyu hwavo pagadziriro dzavanhu vasina kukwana. Naizvozvo Mwari akavaparadzira.—Genesi 11:1-9.

Ko chakaitika paAssisi chakanga chakasiana kwazvo here? Ko vanhu vakabatanidzwazve zvakafanira ipapo here? Ko vatungamiriri vorudzidziso vavanhu vanopfuura mabhirioni maviri vakasimudzira chaizvoizvo rugare rwenyika here?

Paiva Nechinzwano Here?

Muhurukuro yakakurukurwa mazuva mashomanene bedzi pamberi pezvi, papa akanga asimbisa, kuti: “Chichaitika paAssisi zvamazvirokwazvo hachisati chichizova kubatanidza kworudzidziso.” Iye akawedzera, kuti: “Hatigoni kunyengeterera pamwe chete, ndiko kuti, kukumbanirana mumunyengetero wavose, asi tinogona kuvapo vamwe vachinyengetera.”

Nokudaro papa akaratidzira kuti mupimo wakachengetwa mukunyengeterera rugare waiva uya wokuungana pamwe kuzonyengetera, kwete uya wokunyengetera pamwe chete. Vamwe vakataura kuti iye aida kudzivisa kutora rutivi mumunyengetero wavose. Neiyi nzira iye haasati aizopomerwa mhaka navaKaturike yokuvhenganisa zvitendero zvorudzidziso zvakasiana-siana.

Ikoku kunotsigirwa nehurukuro yokukwazisa yapapa kuvatungamiriri vorudzidziso mangwanani iwayo. Iye akaonesa nesimba kwazvo, kuti: “Idi rokuti tauya pano harirevi donzo ripi neripi rokutsvaka bvumirano yorudzidziso pakati pedu timene kana kuti yokukurukura kutenda kwedu. Uyewo harirevi kuti marudzidziso anogona kuyananiswa pamwero womusengwa wavose mugadziriro yapasi ingapfuura ose.”

Zvamazvirokwazvo, ipapoka, hapasati paizova nenhamburiko yokuyananisa misiano yakawanda mudzidziso dzorudzidziso dzakamirirwa naavo vakaungana paAssisi. Chinzwano chorudzidziso naizvozvo chaizova chisingabviri. Nyongano ye‘ndimi dzorudzidziso’ yaizopfuurira. Nokudaro, zvamazvirokwazvo pane fanano inoshamisa neShongwe yeBhabheri yakare.

Iyi nyongano yorudzidziso iri pachena mumienzaniso yezvitendero. Somuenzaniso, chiBhuddha hachigamuchiri kuvapo kwaMwari chaiye, chichidzidzisa kuti nharidzano yokupedzisira yomunhu iNirvana, mugariro wokukomborerwa kwakakwana unowanwa kupfurikidza nokuparara kwako umene. VaHindu vanodavira mumamirioni avamwari nomukutenderera kunopfuurira kwokuberekwazve kunogona kutungamirira kuNirvana. Marudzidziso eKaturike, Orthodox, uye Purotesitendi anodavira muUtatu. Asi maMuslim anodavira kuti kuna Mwari mumwe, Allah, uye kuti Muhammad ndiye muporofita wake; zvisinei, havadaviri kuti Mwari ane Mwanakomana. VaJudha vanonamata Mwari mumwe asi havagamuchiri Jesu saMesia. Marudzidziso eAfrica anodavira kuti miti, mhuka, uye zvinhu zvisina upenyu zvine mudzimu. MaIndia eAmerica anonamata masimba echisiko.

Zvisinei, rugare rwechokwadi runoreva kuungana pamwe chete kukuru, kana kuti kubatanidzwa kwamarudzi akasiana-siana. Asi marudzidziso akasangana paAssisi akanga akakamuraniswa zvinosiririsa kwazvo zvokuti haasati aigona kunyange kubvumirana pamunyengetero wavose! Zvirokwazvo, Mwari haagoni kutendera idzi pfungwa dzose dzinorwisana nemhaka yokuti, akanyora kudaro muapostora Pauro, “Mwari ndiMwari, kwete wenyongano, asi worugare.”—1 VaKorinte 14:33, NW.

Mwari Ari Kuteerera Here?

Mwari mumwe wechokwadi, Musiki wedenga napasi, anogona sei kuteerera zvakanaka minyengetero yavatungamiriri vorudzidziso vasina donzo rokushandira chinzwano chechokwadi? Shoko raMwari amene rakafuridzirwa rinotaura zvakajeka kuti avo vanoshandisa kunamata kwechokwadi “vanofanira vose kutaura nebvumirano, uye kuti pakati [pavo] hapafaniri kuva nokupesana, kuti [ivo] vabatanidzwe zvakafanira kundangariro imwe cheteyo mumufungo mumwe chetewo.”—1 VaKorinte 1:10, NW.

Kudai Mwari akateerera kumarudzidziso iwaya akakamuranika, aizova achizvipikisa amene. Kwaizoratidzira kutendera kwake chaanoshurikidza—kukamukana. Asi Mwari wezvokwadi haagoni kuva nemhaka yemipimo miviri. Iye haasati achizopikisa Shoko rake amene, nokuti “Mwari . . . haagoni kureva nhema.” (Tito 1:2, NW) Nokudaro, iye haateereri zvakanaka minyengetero yenamato yakadaro yakakamuraniswa.

Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Mwari anotendera bedzi namato iri mutsinhirano nokuda kwake. Jesu akati: “Havazi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga, asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.” Iye akatiwo Mwari “anotsvaka,” ndiko kuti, anotendera uye anoteerera bedzi avo vanomunamata “nomudzimu nezvokwadi.” Ikoko kunoitwa kupfurikidza nokuchengeta Shoko rake nokuteerera mirairo yake. Naizvozvo Mwari haatenderi marudzidziso asingaiti kuda kwake, sezvo asina kutendera vavaki veShongwe yeBhabheri, avowo vakanga vasingaiti kuda kwake. Iye anoramba vanhu vakadaro. Jesu akati kuavo vanoita kuda kwavo vamene panzvimbo pokuda kwaMwari: “Ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.”—Mateo 7:21-23; Johane 4:23, 24, NW.

Nokudaro, mugariro womudzimu wamarudzidziso akasangana paAssisi imhesano yeizvo Mwari anoda kuvanamati vechokwadi. Panzvimbo pokubatanidzwa mundangariro imwe cheteyo nomufungo, iwo akakamuraniswa nokusanzwana, sezvakapararira paShongwe yeBhabheri.

Idi rokuti Mwari haateereri zvakanaka minyengetero yamarudzidziso enyika ino akafanana neBhabheri rinova pachena zvikuru patinoongorora ufakazi hwenhau. Rudziiko rwomufananidzo runopa chipupuriro ichocho?

[Mufananidzo uri papeji 6]

Shongwe yetembere yeBhabhironi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe