RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Dheuteronomio 1:1-34:12
  • Dheuteronomi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dheuteronomi
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Dheuteronomi

DHEUTERONOMI

1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vese vaiva munharaunda yeJodhani murenje, renje rakatarisana neSufi, pakati peParani, neToferi, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhu. 2 Zvinotora mazuva 11 kubva kuHorebhi kuenda kuKadheshi-bhaneya+ nenzira inoenda nekuGomo reSeiri. 3 Mugore rechi40,+ mumwedzi wechi11, pazuva rekutanga remwedzi wacho, Mozisi akataura nevaIsraeri* zvese zvaakanga anzi naJehovha avaudze. 4 Akataura navo pashure pekunge akunda Sihoni+ mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni, naOgi+ mambo weBhashani, aigara muAshtaroti, muEdrei.+ 5 Munharaunda yeJodhani, munyika yeMoabhi, Mozisi akatanga kutsanangura Mutemo+ uyu achiti:

6 “Jehovha Mwari wedu akataura nesu kuHorebhi achiti, ‘Magarisa mumakomo+ muno. 7 Dzokai muende kumakomo ekunyika yevaAmori+ nekunzvimbo dzese dziri pedyo navo kuArabha,+ kumakomo, kuShefera, kuNegebhu, nekumhenderekedzo yegungwa,+ nyika yevaKenani, neRebhanoni,*+ kusvikira kurwizi rukuru, rwaYufratesi.+ 8 Onai, ndiri kuisa nyika yacho pamberi penyu. Pindai mutore nyika yakapikirwa naJehovha madzibaba enyu, Abrahamu, Isaka,+ naJakobho,+ kuti achapa ivo nevana* vavo vaizovatevera.’+

9 “Uye ndakakuudzai panguva iyoyo kuti, ‘Handikwanisi kukutakurai ndiri ndega.+ 10 Jehovha Mwari wenyu akaita kuti muwande, uye nhasi mawanda senyeredzi dzekudenga.+ 11 Jehovha, Mwari wemadzitateguru enyu, ngaaite kuti muwedzere+ kakapetwa nechiuru kupfuura zvamuri, uye ngaakukomborerei sezvaakakuvimbisai.+ 12 Ndingakutakurai sei ndiri ndega nekurema kwamunoita uye ndingatakura sei mutoro wenyu uye kupopota kwamunoita?+ 13 Sarudzai varume vemadzinza enyu vakachenjera, vanonzwisisa, uye vava neruzivo, ndivagadze kuti vave vakuru venyu.’+ 14 Makandipindura kuti, ‘Zvamati tiite zvakanaka.’ 15 Saka ndakatora vatungamiriri vemadzinza enyu, varume vakachenjera, vava neruzivo, ndikavagadza sevatungamiriri venyu, vakuru vezviuru, nevakuru vemazana, nevakuru vemakumi mashanu, nevakuru vemakumi, nevamwe vakuru vakuru vemadzinza enyu.+

16 “Panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndichiti, ‘Panouya hama dzenyu nenyaya dzaitika pakati pavo, munofanira kutonga zvakarurama+ pakati pemunhu nehama yake kana kuti nemutorwa.+ 17 Musasarura pakutonga.+ Munofanira kuteerera zvinotaurwa nemudiki sezvamunoita zvinotaurwa nemukuru.+ Musatya munhu,+ nekuti kutonga ndekwaMwari;+ uye kana nyaya yakakuomerai, munofanira kuuya nayo kwandiri, ndoinzwa.’+ 18 Panguva iyoyo ndakakuudzai zvese zvamunofanira kuita.

19 “Takabva tabva kuHorebhi, tikafamba nemurenje+ riya guru, rinotyisa, ramakaona tiri munzira tichienda kumakomo kunyika yevaAmori,+ sezvatakanga tarayirwa naJehovha Mwari wedu, tikazosvika kuKadheshi-bhaneya.+ 20 Ndakabva ndati kwamuri, ‘Masvika kumakomo kunyika yevaAmori, yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu. 21 Onai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika yacho. Kwirai munoitora sezvamakataurirwa+ naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu. Musatya kana kuvhunduka.’

22 “Asi imi mese makauya kwandiri mukati, ‘Ngatitumei varume mberi kwedu kuti vanoongorora nyika yacho, vodzoka kuzotiudza kuti tofamba nenzira ipi uye kuti maguta ariko akaita sei.’+ 23 Ndakaona kuti pfungwa yacho yakanga yakanaka, saka ndakasarudza varume 12 pakati penyu, murume mumwe chete kubva mudzinza rimwe nerimwe.+ 24 Vakasimuka, vakakwidza kumakomo,+ vakasvika kuBani reEshkori,* vakaisora.* 25 Vakatora zvimwe zvibereko zvenyika yacho vakauya nazvo kwatiri, vakadzoka neshoko kwatiri, vachiti, ‘Nyika yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu yakanaka.’+ 26 Asi makaramba kuendako, uye makapandukira murayiro waJehovha Mwari wenyu.+ 27 Makaramba muchinyunyuta muri mumatende enyu, muchiti, ‘Jehovha akatibudisa munyika yeIjipiti kuti atiise mumaoko evaAmori kuti vatiparadze nekuti aitivenga. 28 Nzvimbo yatiri kuenda yakaita sei? Hama dzedu dzakatiodza mwoyo*+ dzichiti, “Vanhu vacho vahombe uye varefu kutipfuura, uye maguta avo makuru, ane masvingo anosvika kumatenga,*+ uye takaona vanakomana vevaAnaki.”’+

29 “Saka ndakati kwamuri, ‘Musavavhunduka kana kuvatya.+ 30 Jehovha Mwari wenyu achaenda mberi kwenyu uye achakurwirai,+ sezvaakangoita kuIjipiti makatarisa nemaziso enyu.+ 31 Uye makaona matakurirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu murenje sekutakura kunoita murume mwanakomana wake, kwese kwamaienda kudzamara masvika pano.’ 32 Asi pasinei nezvese izvi, hamuna kutenda muna Jehovha Mwari wenyu,+ 33 aikutungamirirai munzira, kuti asore nzvimbo yekuti mudzike musasa. Aizviratidza ari mumoto usiku uye mugore masikati kuti akuratidzei nzira yekufamba nayo.+

34 “Nguva yese iyoyo Jehovha ainzwa mashoko enyu, uye akatsamwa, akapika achiti,+ 35 ‘Hapana kana mumwe wevarume ava vechizvarwa ichi chakaipa achaona nyika yakanaka yandakapika kuti ndichapa madzibaba enyu,+ 36 kunze kwaKarebhi mwanakomana waJefune. Achaiona, uye ndichapa iye pamwe nevanakomana vake nyika yaakafamba mairi, nekuti akatevera Jehovha nemwoyo wese.*+ 37 (Jehovha akatonditsamwirawo ini nekuda kwenyu, uye akati, “Iwewo hauzopindi imomo.+ 38 Joshua mwanakomana waNuni, mubatsiri wako,*+ ndiye achapinda munyika yacho.+ Musimbise*+ nekuti ndiye achaita kuti Israeri aigare nhaka.”) 39 Uyezve vana venyu vamakati vachapambwa,+ nevanakomana venyu vasati vava kuziva chakanaka nechakaipa, ndivo vachapinda, uye ndichavapa nyika yacho, yova yavo.+ 40 Asi kana muri imi, chisimukai mudzokere kurenje nenzira yekuGungwa Dzvuku.’+

41 “Makabva mati kwandiri, ‘Takatadzira Jehovha. Tichaenda kunorwa sezvakarayirwa naJehovha Mwari wedu!’ Saka mumwe nemumwe wenyu akapakata zvombo zvake zvehondo, muchifunga kuti zviri nyore kukwira mugomo macho.+ 42 Asi Jehovha akati kwandiri, ‘Vaudze kuti: “Musakwira kunorwa, nekuti handisi pakati penyu.+ Mukaenda, muri kunokundwa nevavengi venyu.”’ 43 Saka ndakataura nemi, asi hamuna kuteerera. Pane kudaro, makapandukira murayiro waJehovha uye makazvikudza, mukaedza kukwira mugomo. 44 VaAmori vaigara mugomo iroro vakabva vabuda kuzosangana nemi, vakakudzingirirai sezvinoita nyuchi, mukaita bararamhanya muSeiri kusvikira kuHoma. 45 Saka makadzoka, mukatanga kuchema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kukuteererai kana kunzwa kuchema kwenyu. 46 Ndokusaka makazogara nguva yakareba zvakadaro kuKadheshi.

2 “Takabva tasimuka tikadzokera takananga kurenje nenzira yekuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndaudzwa naJehovha,+ uye takafamba kwemazuva akawanda tichitenderera Gomo reSeiri. 2 Jehovha akazoti kwandiri, 3 ‘Magarisa mugomo rino muchingotenderera. Chiendai nekuchamhembe. 4 Uye udza vanhu kuti: “Muchapfuura nepamuganhu wehama dzenyu, vana vaIsau,+ vari kugara muSeiri,+ uye vachange vachikutyai,+ saka munofanira kunyatsongwarira. 5 Musanetsana navo,* nekuti handisi kuzokupai nyika yavo, kunyange panokwana tsoka, nekuti ndakapa Isau Gomo reSeiri kuti rive nhaka yake.+ 6 Munofanira kuvapa mari yezvinhu zvamuchadya uye munofanira kubhadhara mvura yamuchanwa.+ 7 Nekuti Jehovha Mwari wenyu akakukomborerai pazvese zvamakaita. Anonyatsoziva kufamba kwamakaita nemurenje rino guru. Kwemakore 40 aya Jehovha Mwari wenyu aiva nemi uye hapana chamakashayiwa.”’+ 8 Saka takapfuura nekwaiva nehama dzedu, vana vaIsau,+ vanogara muSeiri, tikaramba tichinyenyeredza nzira yekuArabha, kuErati nekuEziyoni-gebheri.+

“Takabva tazoenda nenzira yekurenje reMoabhi.+ 9 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Musanetsana nevaMoabhi kana kurwa navo, nekuti handizokupii nyika yavo kuti ive yenyu, nekuti ndakapa Ari kuvana vaRoti+ kuti ive nhaka yavo. 10 (VaEmimu,+ avo vaimbogara imomo, vaiva vanhu vahombe, vakawanda uye vakareba sevaAnaki. 11 VaRefaimu+ vaionekwawo sevaAnaki,+ uye vaMoabhi vaivashevedza kuti vaEmimu. 12 VaHori+ vaimbogara muSeiri, asi vana vaIsau vakavadzinga, vakavaparadza, vakatanga kugara munyika yavo,+ sezvichaitwa naIsraeri kunyika yenhaka yavo, yavachapiwa naJehovha.) 13 Iye zvino chisimukai muyambuke Bani reZeredhi.’* Saka takayambuka Bani reZeredhi.*+ 14 Zvakatitorera makore 38 kubva kuKadheshi-bhaneya kusvikira tayambuka Bani reZeredhi,* kusvikira chizvarwa chese chevarume vehondo chapera mumusasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.+ 15 Ruoko rwaJehovha rwairwisana navo ruchivaparadza mumusasa kusvikira vapera.+

16 “Varume vese vehondo vaiva pakati pevanhu pavakangopera kufa,+ 17 Jehovha akabva ataurazve neni achiti, 18 ‘Nhasi muchapfuura nemunharaunda yeMoabhi, kureva Ari. 19 Pamunosvika pedyo nevaAmoni, musavanetsa kana kuvadenha, nekuti handisi kuzokupai kana nzvimbo ipi zvayo munyika yevaAmoni kuti ive yenyu, nekuti ndakaipa vana vaRoti kuti ive nhaka yavo.+ 20 Naiyowo yaimbonzi inyika yevaRefaimu.+ (VaRefaimu vaimbogara imomo, uye vaAmoni vaivati vaZamzumimu. 21 Vaiva vanhu vahombe, vakawanda, uye vakareba sevaAnaki;+ asi Jehovha akavaparadza pamberi pevaAmoni, uye vakavadzinga ndokugara munyika yavo. 22 Izvozvo ndizvo zvaakaitira vana vaIsau, vava kugara muSeiri,+ paakaparadza vaHori+ pamberi pavo, kuti vavatorere nzvimbo yavo, uye nanhasi vari kugaramo. 23 Kana vari vaAvhimu, vakambogara mumisha yaisvika kuGaza,+ kusvikira vaparadzwa nevaKaftorimu+ vaibva kuKaftori,* uye vakagara munzvimbo yavo.)

24 “‘Simukai, muyambuke Bani reAnoni.*+ Onai, ndaisa mumaoko enyu Sihoni+ muAmori, mambo weHeshbhoni. Saka tangai kutora nyika yake kuti ive yenyu, uye irwai naye. 25 Nhasi ndichatanga kuita kuti vanhu vese vari pasi pedenga vavhunduke uye vatye, pavachanzwa nezvenyu. Vachanetseka uye vachadedera* nemhaka yenyu.’+

26 “Ndakabva ndatuma nhume kubva kurenje reKedhemoti+ kuna Mambo Sihoni weHeshbhoni nemashoko aya erugare,+ 27 ‘Ndibvumireiwo kupfuura nemunyika yenyu. Ndicharamba ndiri mumugwagwa uye handizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.+ 28 Ndichangodya zvekudya zvamuchanditengesera uye ndichangonwa mvura yamuchanditengesera. Ingondibvumiraiwo chete kupfuura netsoka, 29 sezvandakaitirwa nevana vaIsau vanogara muSeiri nevaMoabhi vanogara muAri, kuti ndiyambuke Jodhani ndichipinda munyika yatichapiwa naJehovha Mwari wedu.’ 30 Asi Mambo Sihoni weHeshbhoni haana kutibvumira kupfuura, nekuti Jehovha Mwari wenyu akamurega achiomesa musoro+ uye achiomesa mwoyo, kuti amuise muruoko rwenyu sezvazvakaita nhasi.+

31 “Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Ona, ndatotanga kukupa Sihoni nenyika yake. Tanga kutora nyika yake.’+ 32 Sihoni paakabuda nevanhu vake vese kuzorwa nesu kuJahazi,+ 33 Jehovha Mwari wedu akabva amuisa mumaoko edu, zvekuti takamukunda iye nevanakomana vake nevanhu vake vese. 34 Panguva iyoyo takakunda maguta ake ese, tikaaparadza, kusanganisira varume, vakadzi, nevana. Hatina watakasiya.+ 35 Takangopamba zvipfuwo chete, pamwe chete nezvimwewo zvinhu mumaguta atakanga takunda. 36 Kubva kuAroeri,+ iri kumucheto kweBani reAnoni,* (kusanganisira guta riri mubani), kusvikira kuGiriyedhi, hapana guta ratakasiya. Jehovha Mwari wedu akaaisa ese mumaoko edu.+ 37 Asi hamuna kuenda pedyo nenyika yevaAmoni,+ Bani reJabhoki*+ rese uye maguta emumakomo, kana imwe nzvimbo yakarambidzwa naJehovha Mwari wedu.

3 “Takabva taenda neNzira yeBhashani. Uye Ogi, mambo weBhashani, akabuda nevanhu vake vese kuzorwa nesu kuEdrei.+ 2 Saka Jehovha akati kwandiri, ‘Usamutya, nekuti ndichamuisa muruoko rwako pamwe nevanhu vake vese nenyika yake, uye uchamuita zvawakaita Sihoni mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni.’ 3 Saka Jehovha Mwari wedu akaisawo Mambo Ogi weBhashani nevanhu vake vese mumaoko edu, uye takaramba tichivauraya kusvikira pasisina akasara. 4 Takabva tatora maguta ake ese. Hapana guta ratisina kutora, maguta 60, nharaunda yese yeAgobhu, umambo hwaOgi muBhashani.+ 5 Maguta aya ese aiva nemasvingo marefu, masuo, nemazariro,* uye paiva nemamwe maguta madiki akawanda aiva kumamisha. 6 Asi takavaparadza,+ sezvatakanga taita Mambo Sihoni weHeshbhoni, patakaparadza maguta ese, kusanganisira varume, vakadzi, nevana.+ 7 Uye takatora zvipfuwo zvese nezvimwe zvinhu zvese zvatakawana mumaguta.

8 “Ipapo ndipo patakatora nyika yemadzimambo maviri evaAmori+ aiva munharaunda yeJodhani, kubvira kuBani reAnoni* kusvikira kuGomo reHemoni+ 9 (gomo raishevedzwa nevaSidhoni kuti Siriyoni, vaAmori vachirishevedza kuti Seniri), 10 maguta ese enyika yakakwirira uye yakati sandara, Giriyedhi yese, uye Bhashani yese kusvikira kuSareka neEdrei,+ maguta eumambo hwaOgi aiva muBhashani. 11 Nekuti Mambo Ogi weBhashani ndiye ega akanga asara pavaRefaimu. Hwanyanza* hwake hwaiva hwesimbi, uye huchiri muRabha yevaAmoni. Hwakareba makubhiti* 9 uye hwakafara makubhiti 4. 12 Ipapo takatora nyika iyi: kubvira kuAroeri,+ iri pedyo neBani reAnoni,* nehafu yemakomo eGiriyedhi, ndikapa maguta ayo kuvaRubheni nevaGadhi.+ 13 Uye rumwe rutivi rwakanga rwasara rweGiriyedhi neBhashani yese yeumambo hwaOgi ndakaipa hafu yedzinza raManase.+ Nharaunda yese yeAgobhu, yevaBhashani, yaizivikanwa kuti inyika yevaRefaimu.

14 “Jairi+ mwanakomana waManase akatora nharaunda yese yeAgobhu+ kusvikira kumuganhu wevaGeshuri nevaMaakati,+ akatumidza misha iyoyo yeBhashani zita rake rekuti Havhoti-jairi,*+ kusvikira nhasi. 15 Uye ndakapa Giriyedhi kuna Makiri.+ 16 Uye vaRubheni nevaGadhi+ ndakavapa kubvira kuGiriyedhi kusvikira kuBani reAnoni,* pakati pebani pari pamuganhu, uye kusvikira kuJabhoki, bani riri muganhu wevaAmoni, 17 uye Arabha naJodhani nemuganhu wacho, kubvira kuKinereti kusvikira kuGungwa reArabha, Gungwa reMunyu,* riri nechemuzasi menzvimbo dziri mumateru ePisga nechekumabvazuva.+

18 “Ndakabva ndakupai murayiro uyu: ‘Jehovha Mwari wenyu akupai nyika ino kuti ive yenyu. Varume venyu vese vakashinga vachapakata zvombo voyambuka pamberi pehama dzenyu, vaIsraeri.+ 19 Madzimai enyu nevana venyu chete ndivo vacharamba vachigara mumaguta andakakupai pamwe nezvipfuwo zvenyu (ndinonyatsoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji), 20 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo, sezvaakuitaiwo, uye ivowo vatora nyika yavachapiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJodhani. Kana zvadaro mozodzoka, mumwe nemumwe kunhaka yake yandakakupai.’+

21 “Ipapo ndipo pandakarayira Joshua+ kuti: ‘Wakazvionera wega nemaziso ako zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita izvozvo kumadzimambo ese ekwamuchayambuka muchienda.+ 22 Usavatya, nekuti Jehovha Mwari wako ndiye achakurwirai.’+

23 “Panguva iyoyo ndipo pandakateterera Jehovha ndichiti, 24 ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, imi matanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu uye ruoko rwenyu rune simba,+ nekuti ndiani mwari ari kudenga kana kuti ari panyika anoita mabasa esimba akaita seenyu?+ 25 Ndinokumbirawo kuti mundibvumire kuyambuka ndionewo nyika yakanaka iri mhiri kwaJodhani, nzvimbo iyi yakanaka ine makomo pamwe chete neRebhanoni.’+ 26 Asi Jehovha akanga achakanditsamwira nemhaka yenyu,+ uye haana kunditeerera. Jehovha akatoti kwandiri, ‘Zvakwana! Usataurazve neni nezvenyaya iyi. 27 Kwira pamusoro pePisga,+ utarise kumavirira nekuchamhembe nekumaodzanyemba nekumabvazuva uone nyika yacho nemaziso ako, nekuti hauzoyambuki Jodhani urwu.+ 28 Gadza Joshua,+ umukurudzire uye umusimbise, nekuti ndiye achayambuka+ ari pamberi pevanhu ava uye ndiye achaita kuti vagare nhaka nyika yauchaona.’ 29 Zvese izvi zvakaitika tichigara mubani riri pakatarisana neBheti-peori.+

4 “Saka imi vaIsraeri, teererai mirau nemitongo zvandiri kukudzidzisai kuti muchengete, kuti murarame+ uye mupinde mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu. 2 Hamufaniri kuwedzera chimwe chinhu pashoko randiri kukurayirai, uye hamufaniri kubvisa chimwe chinhu,+ kuti muchengete mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandiri kukurayirai.

3 “Makazvionera nemaziso enyu zvakaitwa naJehovha panyaya yaBhaari wePeori; Jehovha Mwari wenyu akaparadza pakati penyu munhu wese akatevera Bhaari wePeori.+ 4 Asi imi mese muri vapenyu nhasi nekuti muri kuramba muri pana Jehovha Mwari wenyu. 5 Onai, ndakakudzidzisai mirau nemitongo,+ sekurayirwa kwandakaitwa naJehovha Mwari wangu, kuti muichengete munyika yamuchatora. 6 Munofanira kunyatsoitevedzera,+ nekuti ichaita kuti muve vakachenjera+ uye vanonzwisisa+ pamberi pemarudzi achanzwa nezvemirau yese iyi, oti, ‘Rudzi urwu rukuru zvechokwadi uye rune vanhu vakachenjera, vanonzwisisa.’+ 7 Nekuti nderupi rudzi rukuru runa vanamwari vari pedyo narwo sezvakaita Jehovha Mwari wedu kwatiri pese patinodana kwaari?+ 8 Uye nderupi rudzi rukuru rune mirau nemitongo zvakarurama sezvakaita Mutemo wese uyu wandiri kuisa pamberi penyu nhasi?+

9 “Imi ingochenjererai uye ngwarirai, kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nemaziso enyu uye kuti zvirege kubva mumwoyo menyu mazuva ese eupenyu hwenyu. Munofanira kuzvizivisawo vanakomana venyu nevazukuru venyu.+ 10 Musi wamakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu muHorebhi, Jehovha akati kwandiri, ‘Unganidza vanhu kwandiri kuti ndiite kuti vanzwe mashoko angu,+ kuti vadzidze kunditya+ mazuva ese avanenge vari vapenyu panyika uye kuti vadzidzise vanakomana vavo.’+

11 “Saka makauya pedyo, mukamira mujinga megomo, uye gomo racho rakanga richibvira moto kusvika kudenga chaiko;* kwakava nerima, gore, uye kwakasviba kuti ndo-o.+ 12 Uye Jehovha akatanga kutaura nemi ari mumoto wacho.+ Mainzwa inzwi riri kutaura, asi hapana wamakaona.+ Raingova inzwi chete.+ 13 Akakuudzai sungano yake,+ yaakakurayirai kuti muchengete, iyo Mirayiro Gumi.*+ Akazoinyora pamahwendefa maviri ematombo.+ 14 Panguva iyoyo Jehovha akandirayira kuti ndikudzidzisei mirau nemitongo yamunofanira kuchengeta munyika yamuchatora.

15 “Saka ngwarirai,* sezvo musina wamakaona pazuva rakataura Jehovha nemi muHorebhi ari pakati pemoto, 16 kuti murege kuita zvakaipa nekuzvigadzirira mufananidzo wakavezwa wakafanana nechiratidzo chero chipi zvacho, mufananidzo wemunhurume kana munhukadzi,+ 17 mufananidzo wemhuka chero ipi zvayo iri panyika kana mufananidzo weshiri chero ipi zvayo inobhururuka mudenga,+ 18 mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chinokambaira panyika kana mufananidzo wehove chero ipi zvayo iri mumvura pasi penyika.+ 19 Uye pamunotarisa kudenga moona zuva nemwedzi nenyeredzi, uto rese rekudenga, musazofurirwa, mozvikotamira nekuzvinamata.+ Jehovha Mwari wenyu akazvipa marudzi ese ari pasi pedenga. 20 Asi imi ndimi makatorwa naJehovha achikubudisai muchoto chinonyungudutsirwa simbi, muIjipiti, kuti muve nhaka yake+ pachake sezvazvakaita nhasi.

21 “Jehovha akanditsamwira kwazvo pamusana penyu,+ uye akapika kuti handifaniri kuyambuka Jodhani kana kupinda munyika yakanaka yamuchapiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.+ 22 Nekuti ndiri kufanira kufira munyika ino; handizoyambuki Jodhani,+ asi imi muchayambuka, motora nyika iyi yakanaka. 23 Ngwarirai kuti musakanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi,+ uye musazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chamakarambidzwa naJehovha Mwari wenyu.+ 24 Nekuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza,+ ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+

25 “Kana mukabereka vanakomana nevazukuru, magara kwenguva refu munyika yacho, moita zvakaipa uye mogadzira mufananidzo wakavezwa+ wemhando ipi zvayo, moita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu muchimugumbura,+ 26 ndinoti denga nenyika ngazvikupupurirei nhasi kuti chokwadi muchakurumidza kuparara panyika yamuri kuyambuka kunotora kumhiri kwaJodhani. Hamuzogarimo kwenguva refu, asi muchaparadzwa zvachose.+ 27 Jehovha achakuitai rumwe rumwe pakati pemamwe marudzi,+ uye vashomanana venyu ndivo vachasara vari vapenyu+ pakati pemarudzi amuchadzingirwa kwaari naJehovha. 28 Ikoko muchashumira vanamwari vematanda nematombo, vakagadzirwa nemaoko emunhu,+ vanamwari vasingagoni kuona kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.

29 “Kana mukatsvaga Jehovha Mwari wenyu muri ikoko, muchamuwana zvechokwadi+ kana mukamutsvaga nemwoyo yenyu yese uye nemweya* yenyu yese.+ 30 Pamunenge mava kutambudzika kwazvo, uye zvinhu zvese izvi zvaitika kwamuri, panopera mazuva acho, muchabva madzoka kuna Jehovha Mwari wenyu moteerera inzwi rake.+ 31 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari ane ngoni.+ Haazokurasiyi kana kukuparadzai kana kukanganwa sungano yaakapikira madzitateguru enyu.+

32 “Iye zvino bvunzai nezvemazuva amakanga musati mavako, kubvira pazuva rakasikwa munhu panyika naMwari; tsvagai kubvira kune mumwe mugumo wedenga kusvikira kune mumwe mugumo wedenga. Pane chimwe chinhu chikuru zvakadaro chati chamboitika here kana kuti pane chakadaro chati chambonzwiwa here?+ 33 Pane vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari richitaura riri mumoto sekurinzwa kwamakaita vakaramba vachirarama here?+ 34 Kana kuti Mwari akamboedza kuzvitorera rudzi pakati perumwe rudzi achishandisa mitongo,* zviratidzo, zvishamiso,+ nehondo,+ neruoko rune simba,+ neruoko rwakatambanudzwa, uye nemabasa anotyisa,+ sezvamakaitirwa naJehovha Mwari wenyu muIjipiti makatarisa here? 35 Imi makaratidzwa zvinhu izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi;+ hakuna mumwe kunze kwake.+ 36 Akaita kuti munzwe inzwi rake ari kudenga kuti akururamisei, uye akaita kuti muone moto wake mukuru panyika, uye makanzwa mashoko ake achibva mumoto.+

37 “Akada madzitateguru enyu uye akasarudza vana vawo vaiatevera,+ saka akakubudisai muIjipiti muri pamberi pake achishandisa simba rake guru. 38 Akadzinga pamberi penyu marudzi makuru aiva nesimba kukupfuurai, kuti aite kuti mupinde imomo, akupei nyika yawo kuti ive nhaka yenyu sezvazvakaita nhasi.+ 39 Saka zivai izvi nhasi, uye zvichengetei mumwoyo menyu, kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi kudenga kumusoro nepanyika iri pasi.+ Hakuna mumwe.+ 40 Munofanira kuchengeta mirau yake nemirayiro yake yandiri kukurayirai nhasi, kuti zvikufambirei zvakanaka pamwe nevanakomana venyu vachakuteverai, kuti mugare kwenguva refu munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.”+

41 Panguva iyoyo Mozisi akasarudza maguta matatu kumabvazuva kwaJodhani.+ 42 Kana paine munhu anenge auraya mumwe wake netsaona uye asina kugara achimuvenga,+ anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya, ararame.+ 43 Maguta acho iBhezeri+ iri murenje panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara kuti ishandiswe nevaRubheni, Ramoti+ iri muGiriyedhi kuti ishandiswe nevaGadhi, neGorani+ iri muBhashani kuti ishandiswe nevaManase.+

44 Uyu ndiwo Mutemo+ wakaiswa pamberi pevaIsraeri naMozisi. 45 Izvi ndizvo zviyeuchidzo, mirau, nemitongo, zvakapiwa vaIsraeri naMozisi pavakabuda muIjipiti,+ 46 munharaunda yaJodhani, iri mubani rakatarisana neBheti-peori,+ munyika yaMambo Sihoni wevaAmori, aigara muHeshbhoni,+ akakundwa naMozisi nevaIsraeri pavaibuda muIjipiti.+ 47 Uye vakatora nyika yake nenyika yaMambo Ogi+ weBhashani, madzimambo maviri evaAmori aiva munharaunda yaiva kumabvazuva kwaJodhani, 48 kubvira kuAroeri,+ iri pamahombekombe eBani reAnoni,* kusvikira kuGomo reSioni, kureva Hemoni,+ 49 neArabha yese iri kumabvazuva kwaJodhani, kusvikira kuGungwa reArabha* riri nechemuzasi menzvimbo dziri mumateru ePisga.+

5 Mozisi akabva ashevedza vaIsraeri vese, akati kwavari: “Imi vaIsraeri, inzwai mirau nemitongo yandiri kukuudzai nhasi, uye munofanira kuidzidza monyatsoichengeta. 2 Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu kuHorebhi.+ 3 Jehovha haana kuita sungano iyi nemadzitateguru edu, asi nesu, isu tese tiri vapenyu pano nhasi. 4 Jehovha akataura nemi mugomo zviso zvakatarisana, ari mumoto.+ 5 Ndakanga ndakamira pakati paJehovha nemi panguva iyoyo+ kuti ndikuudzei shoko raJehovha, nekuti maitya moto uye hamuna kukwira mugomo.+ Akati:

6 “‘Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda.+ 7 Usambova nevamwe vanamwari kunze kwangu.+

8 “‘Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa,+ kana mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika. 9 Usazvikotamira kana kuitwa kuti uzvishumire,+ nekuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara,+ anoranga vanakomana nekuda kwekukanganisa kwemadzibaba avo, kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina chevaya vanondivenga,+ 10 asi ane rudo rusingachinji kuzviuru zvezvizvarwa zvevaya vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.

11 “‘Usashandisa zita raJehovha Mwari wako zvisina kukodzera,+ nekuti Jehovha haazoregi kuranga munhu wese anoshandisa zita rake zvisina kukodzera.+

12 “‘Chengeta zuva reSabata uriite dzvene, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako.+ 13 Unofanira kushanda uchiita basa rako rese kwemazuva matanhatu,+ 14 asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako.+ Usaita chero basa ripi zvaro,+ iwe kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako kana murandarume wako kana murandasikana wako kana mombe yako kana dhongi rako kana chipfuwo chako chero chipi zvacho kana mutorwa wako ari mumaguta* ako,+ kuti murandarume wako nemurandasikana wako vazororewo sewe.+ 15 Yeuka kuti iwe wakava muranda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wako akakubudisa imomo neruoko rune simba uye neruoko rwakatambanudzwa.+ Ndokusaka Jehovha Mwari wako akakurayira kuti uchengete zuva reSabata.

16 “‘Kudza baba vako naamai vako,+ sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti urarame kwenguva refu uye kuti ubudirire* panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.+

17 “‘Usauraya.+

18 “‘Usaita upombwe.+

19 “‘Usaba.+

20 “‘Usapa uchapupu hwenhema nezvemumwe wako.+

21 “‘Usachiva mudzimai wemumwe wako.+ Usachiva imba yemumwe wako, kana munda wake kana murandarume wake kana murandasikana wake, kana mombe yake kana dhongi rake, kana chinhu chipi zvacho chemumwe wako.’+

22 “Jehovha akataura mirayiro iyi* nenzwi guru kuungano yenyu yese mugomo, ari mumoto, mugore, uye murima gobvu+ uye haana chaakawedzera; akabva azoinyora pamahwendefa maviri ematombo akandipa.+

23 “Asi pamakangonzwa inzwi richibva murima, gomo richibvira, vatungamiriri vese vemadzinza enyu nevakuru vakauya kwandiri.+ 24 Makabva mati, ‘Onai Jehovha Mwari wedu atiratidza kubwinya kwake neukuru hwake, uye tanzwa inzwi rake richibuda mumoto.+ Nhasi taona kuti Mwari anogona kutaura nemunhu, munhu wacho oramba ari mupenyu.+ 25 Saka tofireiko? Moto uyu mukuru unogona kutiparadza. Kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu, chokwadi tichafa. 26 Nekuti pavanhu vese* pane akambonzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto sezvataita akaramba ari mupenyu here? 27 Imi ndimi munofanira kuswedera pedyo kuti munzwe zvese zvichataurwa naJehovha Mwari wedu, motiudza zvese zvamuchaudzwa naJehovha Mwari wedu, uye tichateerera tozviita.’+

28 “Saka Jehovha akanzwa mashoko amakandiudza, uye Jehovha akati kwandiri, ‘Ndanzwa zvawaudzwa nevanhu ava. Zvese zvavataura zvakanaka.+ 29 Kudai vaingoramba vaine mwoyo unonditya+ uye vairamba vachichengeta mirayiro yangu;+ zvaizovafambira zvakanaka nekusingaperi pamwe nevanakomana vavo!+ 30 Enda unoti kwavari: “Dzokerai kumatende enyu.” 31 Asi iwe unofanira kusara pano neni, ndikuudze mirayiro, nemirau, nemitongo yese yaunofanira kuvadzidzisa uye yavanofanira kuchengeta munyika yandichavapa.’ 32 Saka vanhu imi munofanira kungwarira kuti muite zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.+ Musatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+ 33 Munofanira kufamba munzira dzese dzamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu,+ kuti murarame uye mubudirire, uye muve nemazuva mazhinji munyika yamuchatora.+

6 “Iyi ndiyo mirayiro, nemirau, nemitongo yawakapiwa naJehovha Mwari wako kuti akudzidzise, kuti uichengete paunenge wayambuka uchipinda munyika yauri kufanira kutora, 2 kuti utye Jehovha Mwari wako, wochengeta mirau yake yese nemirayiro yake yandiri kukurayira, iwe nemwanakomana wako nemuzukuru wako,+ mazuva ese eupenyu hwako, kuti urarame kwenguva refu.+ 3 Uye unofanira kuteerera, haiwa iwe Israeri, wonyatsoichengeta, kuti ubudirire, muwande munyika inoyerera uchi nemukaka, sezvamakapikirwa naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu.

4 “Teerera, haiwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.+ 5 Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese+ nesimba rako rese.*+ 6 Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako, 7 uye unofanira kuramba uchiadzokorora kuvanakomana vako,+ uchitaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.+ 8 Asungirire sechiyeuchidzo paruoko rwako, uye anofanira kuva serundanyara* pahuma yako.*+ 9 Anyore pamagwatidziro* eimba yako nepamagedhi ako.

10 “Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yaakapika kumadzitateguru ako Abrahamu, Isaka, naJakobho kuti achakupa,+ ine maguta makuru, akanaka ausina kuvaka,+ 11 dzimba dzakazara zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvausina kushandira, matsime akacherwa pamatombo ausina kuchera, uye minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kudyara, wodya woguta,+ 12 chenjera kuti usakanganwa Jehovha,+ akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda. 13 Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kutya,+ uye ndiye waunofanira kushumira,+ uye unofanira kupika nezita rake.+ 14 Musatevera vamwe vanamwari, chero vanamwari vapi zvavo vemarudzi akakupoteredzai,+ 15 nekuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+ Mukavatevera, Jehovha Mwari wenyu achakutsamwirai kwazvo+ okuparadzai panyika.+

16 “Musaedza Jehovha Mwari wenyu,+ sekumuedza kwamakaita paMasa.+ 17 Munofanira kunyatsochengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezviyeuchidzo zvake nemirau yake zvaakakurayirai kuti muchengete. 18 Munofanira kuita zvakarurama uye zvakanaka pamberi paJehovha, kuti muzobudirira uye kuti mupinde, mutore nyika yakanaka kwazvo yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha,+ 19 nekudzinga vavengi venyu vese pamberi penyu, sezvakapikirwa naJehovha.+

20 “Kana ukabvunzwa nemwanakomana wako mune ramangwana kuti, ‘Zviyeuchidzo, nemirau nemitongo yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinomborevei?’ 21 ibva wati kumwanakomana wako, ‘Takava varanda kuna Farao muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti neruoko rune simba. 22 Saka Jehovha akaramba achiisa zviratidzo nezvishamiso, zvikuru uye zvinoparadza, paIjipiti,+ pana Farao, nepaimba yake yese isu tichizviona.+ 23 Uye akatibudisa imomo kuti atiunze kuno kuti atipe nyika yaakanga apikira madzitateguru edu.+ 24 Jehovha akabva atirayira kuti tichengete mirau yese iyi uye titye Jehovha Mwari wedu kuti zvirambe zvakatinakira,+ toramba tiri vapenyu+ sezvatiri nhasi. 25 Uye tichanzi takarurama kana tikachenjerera kuita mirayiro iyi tichiteerera Jehovha* Mwari wedu, sezvaakatirayira.’+

7 “Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yawava kuda kupinda mairi kuti uitore,+ achabvisawo marudzi ane vanhu vakawanda pamberi pako:+ vaHiti, vaGigashi, vaAmori,+ vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ marudzi 7 ane vanhu vakawanda uye ane simba kukupfuura.+ 2 Jehovha Mwari wako achavaisa mumaoko ako, uye uchavakunda.+ Unotofanira kuvaparadza zvachose.+ Usatomboita sungano navo kana kutombovanzwira tsitsi.+ 3 Usaroorerana navo. Usaroodza vanasikana vako kuvanakomana vavo, kana kuita kuti vanakomana vako varoore vanasikana vavo.+ 4 Nekuti vachaita kuti vanakomana vako vasanditevera, voshumira vamwe vanamwari;+ Jehovha achabva akutsamwira kwazvo, uye achakurumidza kukuparadza.+

5 “Pane kudaro, izvi ndizvo zvamunofanira kuvaita: Pazai atari dzavo, putsai shongwe dzavo dzinoyera,+ temai mapango avo anoyera,*+ uye pisai zvifananidzo zvavo zvakavezwa.+ 6 Nekuti imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu, uye Jehovha Mwari wenyu akakusarudzai kuti muve rudzi rwake, pfuma yake yaanokoshesa, pakati pemarudzi ese ari panyika.+

7 “Hakusi kuti Jehovha akakudai akakusarudzai nekuti makanga makawanda kupfuura mamwe marudzi ese,+ nekuti ndimi maitova vashomanana pamarudzi ese.+ 8 Asi Jehovha akakubudisai neruoko rune simba, kuti akudzikinurei muimba yeuranda,+ muruoko rwaFarao mambo weIjipiti, nekuti Jehovha aikudai, uye nekuti aichengeta mhiko yaakapikira madzitateguru enyu.+ 9 Munonyatsoziva kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wechokwadi, Mwari akatendeka, anochengeta sungano yake uye ane rudo rusingachinji kuzviuru zvezvizvarwa zvevaya vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.+ 10 Asi vaya vanomuvenga achavatsiva zviri pachena* achivaparadza.+ Haazononoki kuita chimwe chinhu kuvanhu vanomuvenga; achavatsiva zviri pachena.* 11 Saka mungwarire kuti mutevedzere mirayiro nemirau nemitongo yandiri kukurayirai nhasi muchiichengeta.

12 “Mukaramba muchiteerera mitongo iyi uye mukaichengeta, moiita, Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano uye rudo rusingachinji zvaakapikira madzitateguru enyu. 13 Achakudai, okukomborerai, uye achaita kuti muwande.+ Zvechokwadi achakukomborerai nevana vakawanda, nezvibereko zvakawanda zvevhu renyu, nezviyo* zvenyu, waini yenyu itsva, mafuta enyu,+ nemhuru dzemombe dzenyu nemakwayana emakwai enyu, munyika yaakapikira madzitateguru enyu kuti achakupai.+ 14 Muchava rudzi rwakakomborerwa kupfuura mamwe marudzi ese;+ hapana murume kana mukadzi achange asina mwana, uye zvipfuwo zvenyu hazvizotadzi kubereka.+ 15 Jehovha achakubvisirai zvirwere zvese, uye haazokuunzirei zvirwere zvese zvakaipa zvamakaziva kuIjipiti.+ Asi achazviisa pane vese vanokuvengai. 16 Munofanira kuparadza marudzi ese ari kuiswa mumaoko enyu naJehovha Mwari wenyu.+ Hamufaniri* kuanzwira tsitsi,+ uye hamufaniri kushumira vanamwari vawo,+ nekuti izvozvo zvingava musungo kwamuri.+

17 “Kana ukati mumwoyo mako, ‘Marudzi aya ane vanhu vakawanda kutipfuura. Ndingaadzinga sei?’+ 18 haufaniri hako kuatya.+ Unofanira kuyeuka zvakaitwa naJehovha Mwari wako kuna Farao nekuIjipiti yese,+ 19 mitongo* mikuru yawakaona nemaziso ako uye zviratidzo nezvishamiso+ neruoko rune simba neruoko rwakatambanudzwa+ rwawakabudiswa narwo naJehovha Mwari wako. Ndizvo zvichaitwa naJehovha Mwari wako kumarudzi ese auri kutya.+ 20 Jehovha Mwari wako achaita kuti vapere simba,* kusvikira vese vakanga vasara+ uye vakanga vakakuhwanda vaparara. 21 Usavhundutswa navo, nekuti Jehovha Mwari wako anewe,+ Mwari mukuru uye anoshamisa.+

22 “Jehovha Mwari wako achadzinga marudzi aya pamberi pako zvishoma nezvishoma.+ Hauzobvumirwi kuti ukurumidze kuvaparadza, kuti mhuka dzesango dzirege kuzokuwandira. 23 Jehovha Mwari wako achavaisa muruoko rwako, ovakunda zvachose, kusvikira vapera vese.+ 24 Achaisa madzimambo avo muruoko rwako,+ uye uchaparadza mazita avo pasi pedenga.+ Hapana munhu achamirisana newe,+ kusvikira wavaparadza.+ 25 Unofanira kupisa mifananidzo yavanamwari vavo yakavezwa.+ Usachiva sirivha negoridhe zviri pairi, kana kuzvitora,+ kuti zvirege kuva musungo kwauri, nekuti izvo zvinosemesa Jehovha Mwari wako.+ 26 Usaunza chinhu chinosemesa mumba mako choita kuti uve chinhu chinofanira kuparadzwa sezvakaita chinhu chacho. Unofanira kuchisema kwazvo nekuchivenga zvachose, nekuti icho chinhu chinofanira kuparadzwa.

8 “Munofanira kuchenjerera kuti muchengete mirayiro yese yandiri kukupai nhasi, kuti murambe muchirarama+ uye muwande, mupinde munyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha moitora.+ 2 Yeukai nzira yakareba yamakafambiswa nayo naJehovha Mwari wenyu kwemakore 40 aya murenje,+ achida kukuninipisai uye kukuedzai+ kuti azive zvaiva mumwoyo menyu,+ kuti maizochengeta mirayiro yake here kana kuti kwete. 3 Saka akakuninipisai, akakuregai muchinzwa nzara,+ akakupai mana+ kuti mudye, yamakanga musina kuziva imi kana madzibaba enyu, kuti muzive kuti munhu haararami nechingwa chete, asi kuti munhu anorarama nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.+ 4 Zvipfeko zvenyu hazvina kusakara, uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba kwemakore 40 aya.+ 5 Munonyatsoziva mumwoyo menyu kuti sekururamisa kunoita munhu mwanakomana wake, Jehovha Mwari wenyu aikururamisai.+

6 “Saka munofanira kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nekufamba munzira dzake uye nekumutya. 7 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kukupinzai munyika yakanaka,+ nyika ine hova dzemvura, zvitubu nezvisipiti zvinoyerera mubani nemumakomo, 8 nyika yegorosi nebhari, yemizambiringa, mionde, nemipomegraneti,+ nyika yemafuta emaorivhi neuchi,+ 9 nyika isingazoshayikwi zvekudya uye isina chamunozoshayiwa, nyika ine matombo ane simbi uye yamuchachera mhangura mumakomo ayo.

10 “Pamunenge madya maguta, munofanira kurumbidza Jehovha Mwari wenyu nekuti akakupai nyika yakanaka.+ 11 Chenjererai kuti musakanganwa Jehovha Mwari wenyu nekutadza kuchengeta mirayiro yake, nemitongo yake, nemirau yake yandiri kukurayirai nhasi. 12 Pamunodya moguta, uye movaka dzimba dzakanaka, mogara madziri,+ 13 mombe dzenyu nemakwai enyu zvowedzera, uye sirivha yenyu negoridhe zvowedzera, zvinhu zvenyu zvese zvowanda, 14 musarega mwoyo yenyu ichizvikudza+ yoita kuti mukanganwe Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, muimba yeuranda,+ 15 akakufambisai nemurenje guru rinotyisa,+ maiva nenyoka dzine uturu, nemarize,* nevhu rakaoma risina mvura. Akaita kuti mvura ibude padombo rakaomarara+ 16 uye akakupai mana+ murenje kuti mudye, yakanga isina kuzivikanwa nemadzibaba enyu, kuti akuninipisei+ uye kuti akuedzei kuti zvizokubatsirai mune ramangwana.+ 17 Kana mukazoti mumwoyo menyu, ‘Pfuma iyi ndakaiwana nesimba rangu nemaoko angu,’+ 18 yeukai kuti ndiJehovha Mwari wenyu anopa simba rekuti muwane pfuma,+ kuti azadzise sungano yake yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazvakaita nhasi.+

19 “Kana mukangokanganwa Jehovha Mwari wenyu, motevera vamwe vanamwari movashumira uye movakotamira, ndinokupupurirai nhasi kuti chokwadi muchaparara.+ 20 Muchaparara semarudzi ari kuparadzwa naJehovha pamberi penyu, nekuti munenge maramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.+

9 “Chinzwa iwe Israeri, nhasi uri kuyambuka Jodhani+ kuti upinde, utore nyika yemarudzi makuru uye ane simba kukupfuura,+ maguta makuru uye ane masvingo anosvika kumatenga,*+ 2 vanhu vahombe uye varefu, vanakomana vevaAnaki,+ vaunoziva uye vawakanzwa nezvavo zvichinzi, ‘Ndiani angamirisana nevanakomana vevaAnaki?’ 3 Saka nhasi unofanira kuziva kuti Jehovha Mwari wako achayambuka pamberi pako.+ Iye moto unoparadza, uye achavaparadza.+ Achavakunda wakatarisa kuti uvadzinge nekukurumidza uye uvaparadze, sezvawakavimbiswa naJehovha.+

4 “Jehovha Mwari wako paanovadzinga pamberi pako, usati mumwoyo mako, ‘Jehovha akandiunza kuti nditore nyika iyi nekuti ndakarurama.’+ Marudzi aya ari kudzingwa naJehovha pamberi pako nemhaka yekuipa kwawo.+ 5 Hausi kupinda kunotora nyika iyi nekuti wakarurama kana kuti mwoyo wako wakarurama. Asi Jehovha Mwari wako ari kudzinga marudzi aya pamberi pako+ nemhaka yekuipa kwawo kuti Jehovha azadzise shoko raakapikira madzitateguru ako, Abrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+ 6 Saka ziva kuti Jehovha Mwari wako haasi kukupa nyika ino yakanaka pamusana pekururama kwako, nekuti uri rudzi rwakaoma musoro.*+

7 “Yeuka uye usakanganwa kutsamwisa kwawakaita Jehovha Mwari wako murenje.+ Kubvira pazuva ramakabva munyika yeIjipiti kusvikira masvika kunzvimbo ino, manga muchingopandukira Jehovha.+ 8 Kunyange kuHorebhi makatsamwisa Jehovha, uye Jehovha akakutsamwirai kwazvo zvekuti akanga ava kutoda kukuparadzai.+ 9 Pandakakwira mugomo kunopiwa mahwendefa+ ematombo, mahwendefa esungano yakaitwa naJehovha nemi,+ ndakaramba ndiri mugomo kwemazuva 40 neusiku 40,+ ndisina chandaidya uye ndisinganwi mvura. 10 Jehovha akabva andipa mahwendefa maviri ematombo akanga akanyorwa nemunwe waMwari, aiva nemashoko ese akanga ataurwa naJehovha kwamuri mugomo ari mumoto pazuva regungano.*+ 11 Pakapera mazuva 40 neusiku 40, Jehovha akandipa mahwendefa maviri ematombo, mahwendefa esungano, 12 uye Jehovha akanditi, ‘Simuka, kurumidza kuburuka muno, nekuti vanhu vako vawakabudisa muIjipiti vaita zvakaipa.+ Vakurumidza kutsauka panzira yandakavarayira kuti vafambe. Vazvigadzirira mufananidzo wesimbi.’*+ 13 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Ndaona kuti vanhu ava vakaoma musoro.*+ 14 Rega ndivaparadze ndidzime zita ravo pasi pedenga, uye rega ndikuite rudzi rune simba uye rune vanhu vakawanda kuvapfuura.’+

15 “Ndakabva ndatendeuka ndikaburuka mugomo, gomo richibvira moto,+ mahwendefa maviri esungano ari mumaoko angu.+ 16 Ndakabva ndatarisa ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu! Makanga mazvigadzirira mhuru yesimbi. Makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marayirwa naJehovha kuti mufambe nayo.+ 17 Saka ndakabata mahwendefa acho maviri, ndikaarovera pasi nemaoko angu ese, ndikaapwanya makatarisa.+ 18 Ndakapfugama pamberi paJehovha, sezvandakaita pakutanga, kwemazuva 40 neusiku 40. Handina chandakadya kana kunwa mvura,+ nekuda kwezvivi zvenyu zvese zvamakanga maita pamakaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimugumbura. 19 Nekuti ndakatya kutsamwa kukuru kwaJehovha pakuti aida kukuparadzai.+ Zvisinei, Jehovha akanditeerera panguva iyoyo zvakare.+

20 “Jehovha akatsamwira Aroni kwazvo zvekuti akanga ava kutoda kumuparadza,+ asi panguva iyoyo zvakare ndakakumbirirawo Aroni kuti aregererwe. 21 Ndakabva ndatora mhuru+ yacho yamakanga magadzira, yakaita kuti muite chivi, ndikaipisa mumoto; ndakaipwanya, ndikaikuya-kuya kusvikira yatsetseka seguruva, uye ndakamwaya guruva racho murukova rwaiyerera ruchibva mugomo.+

22 “Uyezve, kuTabhera,+ nekuMasa+ nekuKibroti-hataavha,+ makatsamwisa Jehovha zvakare. 23 Jehovha paakakubudisai muKadheshi-bhaneya+ uye paakati, ‘Endai munotora nyika yandichakupai!’ makapandukira murayiro waJehovha Mwari wenyu,+ uye hamuna kutenda+ maari uye hamuna kumuteerera. 24 Kubvira pandakakuzivai maingopandukira Jehovha.

25 “Saka ndakaramba ndakapfugama pamberi paJehovha kwemazuva 40 neusiku 40,+ nekuti Jehovha akati aizokuparadzai saka ndakaramba ndakaisa musoro pasi saizvozvo. 26 Ndakatanga kuteterera Jehovha ndikati, ‘Haiwa Changamire Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu. Ivo ipfuma yenyu,*+ vamakadzikinura neukuru hwenyu, vamakabudisa muIjipiti neruoko rune simba.+ 27 Yeukai vashumiri venyu Abrahamu, Isaka, naJakobho.+ Musatarisa kuoma musoro kwevanhu ava, kuipa kwavo, nechivi chavo.+ 28 Mukadaro vanhu vemunyika yamakatibudisa vanozoti: “Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira, uye akavaurayira murenje nekuti aivavenga.”+ 29 Nekuti ivo vanhu venyu nepfuma yenyu,*+ vamakabudisa nesimba renyu guru uye neruoko rwenyu rwakatambanudzwa.’+

10 “Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, ‘Veza mahwendefa maviri ematombo akaita seekutanga,+ ukwire kwandiri mugomo; unofanirawo kuzvigadzirira areka yemuti. 2 Uye ndichanyora pamahwendefa acho mashoko aiva pamahwendefa ekutanga, awakaputsa, uye unofanira kuaisa muareka.’ 3 Saka ndakagadzira areka nemuti wemubayamhondoro, ndikaveza mahwendefa maviri ematombo akaita seekutanga, ndikakwira mugomo ndiine mahwendefa acho maviri mumaoko angu.+ 4 Akabva anyora pamahwendefa acho mirayiro yaakanga ambonyora,+ Mirayiro Gumi,*+ yakanga yataurwa naJehovha kwamuri mugomo ari mumoto+ pazuva regungano;*+ uye Jehovha akandipa mahwendefa acho. 5 Ndakabva ndatendeuka, ndikaburuka mugomo,+ ndikaisa mahwendefa acho muareka yandakanga ndagadzira, umo maachiri, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha.

6 “VaIsraeri vakabva vasimuka kuBheeroti Bhene-jaakani vakaenda kuMosera. Aroni akafira ikoko akavigwa,+ uye mwanakomana wake Eriyezari akatanga kushumira semupristi panzvimbo pake.+ 7 Vakatama ikoko vachienda kuGudhigodha, uye vakabva kuGudhigodha vakaenda kuJotbhata,+ nyika inoyerera hova dzemvura.

8 “Panguva iyoyo Jehovha akatsaura dzinza raRevhi+ kuti ritakure areka yesungano+ yaJehovha, kuti rimire pamberi paJehovha, richimushumira uye kuti rikomborere vanhu muzita rake+ sezvavari kuita nanhasi. 9 Ndokusaka Revhi asina kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete nehama dzake. Jehovha ndiye nhaka yake, sezvakataurwa naJehovha Mwari wako kwaari.+ 10 Ini pachangu ndakagara mugomo sezvandakanga ndamboita, kwemazuva 40 neusiku 40,+ uye Jehovha akanditeerera zvakare musi iwoyo.+ Jehovha haana kuda kukuparadzai. 11 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Tungamirira vanhu, vagadzirire kusimuka, kuti vapinde vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndichavapa.’+

12 “Saka iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodei kwauri?+ Anongoda izvi: kuti utye Jehovha Mwari wako,+ ufambe munzira dzake dzese,+ umude, ushumire Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese,+ 13 uye kuti uchengete mirayiro nemirau yaJehovha yandiri kukurayira nhasi kuti zvikunakire.+ 14 Ona, matenga, matenga ekumatenga,* uye nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.+ 15 Asi Jehovha akaswedera pedyo nemadzibaba enyu chete uye akaratidza kuti anoada, akakusarudzai imi vana vawo,+ pamarudzi ese, sezvamuri nhasi. 16 Iye zvino munofanira kuchenesa mwoyo*+ yenyu, uye regai kuramba makaoma musoro.*+ 17 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavanamwari naShe wemadzishe,+ Mwari mukuru, ane simba, uye anoshamisa, asina waanosarura+ uye asingabvumi chiokomuhomwe. 18 Anotonga zvakarurama nyaya dzenherera nechirikadzi+ uye anoda mutorwa,+ achimupa zvekudya nezvekupfeka. 19 Imiwo munofanira kuda mutorwa, nekuti maiva vatorwa munyika yeIjipiti.+

20 “Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, uchimushumira,+ unamatire kwaari, uye unofanira kupika nezita rake. 21 Ndiye waunofanira kurumbidza.+ Ndiye Mwari wako, akakuitira zvinhu zvese izvi zvikuru uye zvinoshamisa zvawakaona nemaziso ako.+ 22 Madzitateguru ako akaenda nevanhu* 70 kuIjipiti,+ asi iye zvino Jehovha Mwari wako aita kuti muwande senyeredzi dzekudenga.+

11 “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako,+ uye kugara uchiita zvaakati uite uye kuchengeta mirau yake, mitongo yake, nemirayiro yake. 2 Unoziva kuti nhasi ndiri kutaura newe, kwete nevanakomana vako vasingazivi uye vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wako,+ ukuru hwake,+ ruoko rwake rune simba+ uye ruoko rwake rwakatambanudzwa. 3 Havana kuona zviratidzo zvake nemabasa ake zvaakaita muIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti nekunyika yake yese;+ 4 kana zvaakaitira mauto eIjipiti, aakanyudza mumvura yemuGungwa Dzvuku pamwe nemabhiza aFarao nengoro dzake dzehondo, pavaikudzingirira, Jehovha akavaparadza zvachose.*+ 5 Havana kuona zvaakakuitira* murenje kusvikira wakasvika munzvimbo ino, 6 kana zvaakaita Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriyabhi mwanakomana waRubheni, pakashama nyika ikavamedza, pamwe chete nemhuri dzavo nematende avo nezvinhu zvese zvipenyu zvaivatevera, vaIsraeri vese vakatarisa.+ 7 Wakazvionera nemaziso ako mabasa ese makuru akaitwa naJehovha.

8 “Munofanira kuchengeta mirayiro yese yandiri kukupai nhasi, kuti muve nesimba uye muyambuke, mupinde munyika yacho muitore, 9 uye kuti mugare kwenguva refu+ munyika yakapikirwa naJehovha kuti achapa madzitateguru enyu nevana vawo,*+ nyika inoyerera uchi nemukaka.+

10 “Nyika yamuri kuenda kunotora haina kuita senyika yeIjipiti kwamakabva, kwamaidyara mbeu modiridza netsoka dzenyu,* sebindu remuriwo. 11 Asi nyika yamuri kuyambuka kuti munotora inyika yemakomo nemapani.+ Inonwa mvura yekudenga;+ 12 inyika iri kuchengetwa naJehovha Mwari wenyu. Maziso aJehovha Mwari wenyu ari pairi nguva dzese, kubvira pakutanga kwegore kusvikira pakupera kwegore.

13 “Uye kana mukanyatsoteerera mirayiro yangu yandiri kukurayirai nhasi, moda Jehovha Mwari wenyu uye momushumira nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese,+ 14 ndichapawo nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yemunhuruka* nemvura yemasutso,* uye muchakohwa zviyo* zvenyu newaini yenyu itsva nemafuta enyu.+ 15 Ndichaita kuti zvipfuwo zvenyu zvive nemafuro, uye muchadya muchiguta.+ 16 Chenjererai kuti mwoyo yenyu irege kunyengerwa motsauka, monamata vamwe vanamwari nekuvakotamira.+ 17 Mukangodaro, Jehovha achakutsamwirai kwazvo, uye achavhara denga zvekuti hakuzonaya+ uye ivhu racho harizopi zvibereko zvaro uye muchakurumidza kuparara panyika yakanaka yamuri kupiwa naJehovha.+

18 “Unofanira kuisa mashoko angu aya mumwoyo mako nemupfungwa dzako, uasungirire paruoko rwako sechiyeuchidzo, uye anofanira kuva serundanyara* pahuma yako.*+ 19 Adzidzise vana vako, uchitaura nezvawo paunenge wakagara mumba mako nepaunenge uchifamba mumugwagwa nepaunorara uye paunomuka.+ 20 Anyore pamagwatidziro* eimba yako nepamagedhi ako, 21 kuti iwe nevanakomana vako murarame kwenguva refu+ munyika yakapikirwa madzitateguru ako naJehovha, chero bedzi denga riri pamusoro penyika.+

22 “Kana mukanyatsochengeta murayiro uyu wese wandiri kukupai, moutevedzera, kuti mude Jehovha Mwari wenyu,+ mufambe munzira dzake dzese uye kuti munamatire kwaari,+ 23 Jehovha achadzingawo marudzi ese aya pamberi penyu,+ uye muchatora nyika dzemarudzi makuru ane vanhu vakawanda kukupfuurai.+ 24 Pese pamuchatsika netsoka dzenyu pachava penyu.+ Muganhu wenyu uchabvira kurenje kusvikira kuRebhanoni, wobvira kuRwizi, irwo rwizi rwaYufratesi, kusvikira kugungwa rekumavirira.*+ 25 Hapana achamirisana nemi.+ Jehovha Mwari wenyu achaita kuti vanhu vese venyika yese yamuchafamba vavhunduke uye vakutyei+, sezvaakakupikirai.

26 “Onai, ndiri kuisa pamberi penyu nhasi chikomborero nekutukwa:+ 27 chikomborero kana mukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandiri kukurayirai nhasi,+ 28 uye kutukwa kana mukasateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu+ uye mukatsauka panzira yandiri kukurayirai kuti mutevere nhasi, motevera vamwe vanamwari vamanga musingazivi.

29 “Kana Jehovha Mwari wenyu akupinzai munyika yamuri kufanira kunotora, munofanira kutaura chikomborero muri paGomo reGerizimu uye kutukwa muri paGomo reEbhari.+ 30 Ko makomo acho haasi kumhiri kwaJodhani nechekumavirira here, munyika yevaKenani vanogara muArabha, pakatarisana neGirigari, pedyo nemiti mikuru yeMore?+ 31 Nekuti muri kuyambuka Jodhani kuti mupinde mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.+ Kana maitora uye mava kugara mairi, 32 munofanira kuchenjerera kuchengeta mirau yese nemitongo yandiri kuisa pamberi penyu nhasi.+

12 “Iyi ndiyo mirau nemitongo yamunofanira kunyatsotevedzera mazuva ese amunenge muri vapenyu munyika yamuchapiwa naJehovha Mwari wemadzitateguru enyu. 2 Munofanira kuparadza zvachose nzvimbo dzese dzainamatirwa vanamwari+ nemarudzi amuri kutorera nyika, mungava mumakomo marefu kana muzvikomo kana pasi pemiti yese yakasvibirira. 3 Munofanira kuputsa atari dzavo, mopwanya shongwe dzavo dzinoyera,+ mopisa matanda avo anoyera* mumoto, uye moputsa mifananidzo yakavezwa yavanamwari vavo+ moita kuti mazita avo asayeukwa zvachose munzvimbo iyoyo.+

4 “Musanamata Jehovha Mwari wenyu nenzira iyoyo.+ 5 Panzvimbo pekudaro, tsvagai Jehovha Mwari wenyu chero kwaanenge asarudza kuisa zita rake uye nzvimbo yake yaanenge achigara pakati pemadzinza enyu ese, moenda ikoko.+ 6 Ndiko kwamuchaunza mipiro yenyu inopiswa,+ zvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu,+ zvipo zvinobva mumaoko enyu,+ mipiro yemhiko, mipiro yenyu yekungopa muchizvidira,+ uye zvinotanga kuberekwa pamombe dzenyu nemakwai enyu.+ 7 Imi nemhuri dzenyu munofanira kudyira ikoko pamberi paJehovha Mwari wenyu+ uye mufare pazvese zvamunoita,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu akakukomborerai.

8 “Musazoita sezvatiri kuita kuno nhasi, zvekuti mumwe nemumwe ari kuita zvaanoona sezvakarurama,* 9 nekuti hamusati mapinda munzvimbo yamuchazororera+ uye nhaka yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. 10 Pamunenge mayambuka Jodhani+ uye mava kugara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, achakupai zororo pavavengi venyu vese vakakupoteredzai, uye muchagara musina chekutya.+ 11 Muchaunza zvinhu zvese zvandiri kukurayirai kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wenyu kuti zita rake rigare:+ mipiro yenyu inopiswa, zvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu,+ zvipo zvinobva mumaoko enyu, uye mipiro yese yemhiko dzese dzamunoita kuna Jehovha. 12 Muchafara pamberi paJehovha Mwari wenyu,+ imi nevanakomana venyu, nevanasikana venyu, nevarandarume venyu, nevarandakadzi venyu, nemuRevhi ari mukati memaguta* enyu, nekuti haana kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete nemi.+ 13 Muchenjere kupa zvibayiro zvenyu zvinopiswa mune imwewo nzvimbo yamungaona.+ 14 Munofanira kubayira zvibayiro zvenyu zvinopiswa munzvimbo inosarudzwa naJehovha chete kunharaunda yerimwe remadzinza enyu, uye ikoko ndiko kwamunofanira kuita zvese zvandiri kukurayirai.+

15 “Asi kana ukanzwa* nhomba yenyama, unogona hako kuuraya mhuka wodya,+ maererano nechikomborero chawakapiwa naJehovha Mwari wako mumaguta* ako ese. Munhu asina kuchena neakachena vanogona havo kuidya, sekudya kwamunongoita mhara kana nondo. 16 Asi haufaniri kudya ropa racho;+ unofanira kuridurura pasi semvura.+ 17 Hauzobvumirwi kudyira mukati memaguta* ako chegumi chako chezviyo,* chewaini yako itsva, chemafuta ako, mombe nemakwai ako zvinotanga kuberekwa,+ chero mipiro yako yemhiko dzaunoita, mupiro wekungopa uchizvidira, kana zvipo zvinobva muruoko rwako. 18 Izvi unofanira kuzvidyira pamberi paJehovha Mwari wako munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ iwe nemwanakomana wako, nemwanasikana wako, nemurandarume wako, nemurandakadzi wako, nemuRevhi ari mukati memaguta* ako; uye uchafara pamberi paJehovha Mwari wako pazvese zvaunoita. 19 Chenjera kukanganwa muRevhi+ mazuva ese aunenge uri panyika yako.

20 “Jehovha Mwari wako paanokudza nharaunda yako,+ sezvaakakupikira,+ uye iwe woti, ‘Ndiri kuda kudya nyama,’ nekuti uri kuda* kudya nyama, unogona hako kuidya pese paunonzwa* nhomba yenyama.+ 21 Kana nzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise zita rake+ iri kure newe, unofanira kubva wauraya dzimwe mombe dzako kana makwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakurayira, uye unofanira kudyira mukati memaguta* ako pese paunonzwa* nhomba yenyama. 22 Unogona kuidya sezvinongoitwa mhara kana nondo;+ munhu asina kuchena neakachena vanogona havo kuidya. 23 Ingova nechokwadi chekuti haudyi ropa,+ nekuti ropa ndiro upenyu,*+ uye haufaniri kudya upenyu* pamwe chete nenyama yacho. 24 Usaridya. Unofanira kuridurura pasi semvura.+ 25 Usaridya, kuti zvikufambire zvakanaka iwe nevana vako vanokutevera, nekuti uri kuita zvakanaka pamberi paJehovha. 26 Unofanira kungotakura zvinhu zvako zvitsvene nemipiro yako yemhiko paunouya kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha. 27 Ikoko ndiko kwaunopa zvibayiro zvinopiswa, nyama neropa,+ paatari yaJehovha Mwari wako, uye ropa rezvibayiro zvako rinofanira kudururirwa pedyo neatari+ yaJehovha Mwari wako, asi unogona hako kudya nyama yacho.

28 “Chenjerera kuti uteerere mashoko aya ese andiri kukurayira, kuti zvigare zvichikufambira zvakanaka iwe nevanakomana vako vanokutevera, nekuti uri kuita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

29 “Kana Jehovha Mwari wako aparadza marudzi auri kutorera nyika,+ uye wava kugara munyika yawo, 30 chenjerera kuti urege kunyengerwa paanenge aparadzwa pamberi pako. Usabvunza pamusoro pavanamwari vawo, uchiti, ‘Marudzi aya ainamata vanamwari vawo sei? Ini ndichaatevedzerawo.’+ 31 Usaitira Jehovha Mwari wako izvi, nekuti ivo vanoitira vanamwari vavo zvinhu zvese zvinosemesa, zvinovengwa naJehovha, kunyange kupisira mumoto vanakomana vavo nevanasikana vavo kuna vanamwari vavo.+ 32 Unofanira kunyatsotevedzera mashoko ese andiri kukurayira.+ Usawedzera chimwe chinhu paari kana kubvisa.+

13 “Kana pakati pako pakamuka muprofita kana kuti munhu anorotswa zvichaitika, okupa chiratidzo kana kuti ofembera, 2 uye chiratidzo chacho kana kuti zvaanenge afembera zvacho zvoitika achiti, ‘Ngatiteverei vamwe vanamwari,’ vanamwari vausina kuziva, ‘uye ngativashumirei,’ 3 usateerera mashoko emuprofita iyeye kana munhu iyeye anorotswa,+ nekuti Jehovha Mwari wako ari kukuedza+ kuti azive kana uchida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese uye nemweya* wako wese.+ 4 Unofanira kutevera Jehovha Mwari wako, umutye, uchengete mirayiro yake, uteerere inzwi rake; ndiye waunofanira kushumira, uye unofanira kunamatira kwaari.+ 5 Asi muprofita iyeye kana munhu iyeye anorotswa anofanira kuurayiwa,+ nekuti akakurudzira vanhu kupandukira Jehovha Mwari wako, achikutsausa panzira yawakarayirwa kuti ufambe nayo naJehovha Mwari wako akakubudisa munyika yeIjipiti uye akakudzikinura muimba yeuranda. Uye unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+

6 “Kana munin’ina wako, mwanakomana waamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo,* akaedza kukufurira pachivande achiti, ‘Handei tinoshumira vamwe vanamwari,’+ vanamwari vausina kuziva, iwe kana madzitateguru ako, 7 pakati pevamwe vanamwari vemarudzi akakupoteredza, vangava vari pedyo newe kana kuti vari kure, kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika, 8 usabvuma zvaanotaura kana kumuteerera,+ kana kumunzwira tsitsi kana kusiririswa naye kana kumudzivirira; 9 asi unotofanira kumuuraya.+ Ruoko rwako ndirwo runofanira kuva rwekutanga kuva paari kuti umuuraye, maoko evamwe vese ozotevera.+ 10 Unofanira kumutema nematombo,+ afe, nekuti akatsvaga kukutsausa pana Jehovha Mwari wako, akakubudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda. 11 VaIsraeri vese vachabva vazvinzwa votya, uye havazofi vakaita chero chinhu chipi zvacho chakaipa kudaro pakati pako.+

12 “Kana ukanzwa mune rimwe remaguta ako auri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ugare, zvichinzi, 13 ‘Pane varume vasingabatsiri vakabuda pakati pako kuti vatsause vagari vemuguta ravo, vachiti: “Handei tinoshumira vamwe vanamwari,” vanamwari vausina kuziva,’ 14 unofanira kuongorora nyaya yacho, uchinyatsoferefeta uye uchibvunzisisa;+ uye kana zvikaonekwa kuti ndezvechokwadi kuti zvinhu zvinosemesa izvi zvakaitika pakati pako, 15 unotofanira kuuraya vagari vemuguta iroro nebakatwa.+ Riparadze zvachose nebakatwa,+ nezvinhu zvese zviri mariri, nezvipfuwo zvaro. 16 Unofanira kuunganidza zvese zvamunenge mapamba mariri pakati penzvimbo yaro inoungana vanhu, wopisa guta racho nemoto, uye zvakapambwa mariri zvichava semupiro unopisirwa Jehovha Mwari wako. Richagara riri murwi wematombo. Harifaniri kuzombovakwazve. 17 Ruoko rwako harufaniri kutora chinhu changa chichifanira kuparadzwa,+ kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru, okuitira ngoni uye okunzwira tsitsi, uye oita kuti uwande, sezvaakapikira madzitateguru ako.+ 18 Nekuti unofanira kuteerera Jehovha* Mwari wako nekuchengeta mirayiro yake yese yandiri kukurayira nhasi, kuti uite zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.+

14 “Muri vanakomana vaJehovha Mwari wenyu. Musazvicheka-cheka+ kana kuzviveura pahuma dzenyu nekuda kwemunhu akafa.+ 2 Nekuti muri rudzi rutsvene+ kuna Jehovha Mwari wenyu, uye Jehovha akakusarudzai kuti muve rudzi rwake, pfuma yake yaanokoshesa, pakati pemarudzi ese ari panyika.+

3 “Usadya chinhu chese chinosemesa.+ 4 Idzi ndidzo mhuka dzamunogona kudya:+ mombe, gwai, mbudzi, 5 nondo, mhara, mhembwe, mbudzi yemusango, mharapara, gwai remusango, negwai remumakomo. 6 Unogona kudya mhuka yese ine mahwanda* akaparadzana nepakati uye inodzeya. 7 Asi haufaniri kudya mhuka idzi dzinodzeya kana kuti dzine mahwanda akaparadzana: ngamera, tsuro, nembira, nekuti dzinodzeya asi hadzina mahwanda akaparadzana. Hadzina kuchena kwauri.+ 8 Uyewo nguruve, nekuti ine mahwanda akaparadzana asi haidzeyi. Haina kuchena kwauri. Usadya nyama yadzo kana kudzibata kana dzafa.

9 “Unogona hako kudya izvi, pazvinhu zvese zvinogara mumvura: Unogona kudya chero chinhu chine zvimbi* nemakwati.+ 10 Asi usadya zvinhu zvese zvisina zvimbi nemakwati. Hazvina kuchena kwauri.

11 “Unogona hako kudya shiri yese yakachena. 12 Asi haufaniri kudya idzi: gondo, hungwe, gora dema,+ 13 ngavi tsvuku, ngavi nhema, marudzi ese eruvangu, 14 marudzi ese emakunguo, 15 mhou, zizi, shiri yemugungwa, marudzi ese erukodzi, 16 zizi diki, zizi rine nzeve refu, dhadha remutsipa murefu, 17 dhadha remuromo murefu, gora, shambira, 18 shuramurove, marudzi ese eshorechena, mhupupu, nechiremwaremwa. 19 Zvisikwa* zvese zvine mapapiro zvinofamba zvakawanda hazvinawo kuchena kwauri. Hazvifaniri kudyiwa. 20 Unogona hako kudya zvisikwa zvese zvakachena zvinobhururuka.

21 “Haufaniri kudya mhuka yakafa yega.+ Unogona kuipa mutorwa ari mukati memaguta* ako, uye anogona hake kuidya, kana kuti inogona kutengeserwa mutorwa. Nekuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako.

“Usabika mbudzana nemukaka waamai vayo.+

22 “Unotofanira kupa chegumi chezvibereko zvako zvese zvembeu yaunodyara mumunda gore negore.+ 23 Chegumi chezviyo* zvako, chewaini yako itsva, chemafuta ako, nemombe dzako nemakwai zvinotanga kuberekwa, uchazvidyira pamberi paJehovha Mwari wako munzvimbo yaanosarudza kuti zita rake rigare,+ kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzese.+

24 “Asi kana nzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise zita rake+ ikakuitira kure, rwendo rwacho rwakakurebera uye usingakwanisi kuchitakura kuenda ikoko (nekuti Jehovha Mwari wako achakukomborera), 25 unogona kuchitengesa, wouya wakabata mari yacho kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako. 26 Unogona kushandisa mari yacho kutenga chero chaunoda:* mombe, makwai, mbudzi, waini, zvimwe zvinwiwa zvinodhaka, nezvese zvaunoda;* uye uchadyira ipapo pamberi paJehovha Mwari wako wofara, iwe neimba yako.+ 27 Uye usakanganwa muRevhi ari mumaguta ako,+ nekuti haana kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete newe.+

28 “Panopera makore matatu ega ega, unofanira kuuya nechegumi chese chezvibereko zvako zvegore iroro, wozviisa mukati memaguta ako.+ 29 MuRevhi, uyo asina kupiwa nhaka kana mugove pamwe chete newe, mutorwa, nherera, nechirikadzi vari mukati memaguta ako, vachauya, vodya voguta,+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pane zvese zvaunoita.+

15 “Panopera makore manomwe ega ega unofanira kudzima zvikwereti.*+ 2 Aya ndiwo madzimiro aunofanira kuita: Munhu wese akakweretesa muvakidzani wake achamudzimira chikwereti chake.* Haafaniri kureva chikwereti kumuvakidzani wake kana kuti hama yake, nekuti pachaziviswa kudzima zvikwereti* kunoitirwa Jehovha.+ 3 Unogona hako kureva chikwereti kumutorwa,+ asi unofanira kudzima zvese zvawakakweretesa hama yako. 4 Asi pakati pako hapana anofanira kuva murombo, nekuti chokwadi Jehovha achakukomborera+ munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka, 5 ndokunge wanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wako uye wanyatsochengeta murayiro uyu wese wandiri kukupa nhasi.+ 6 Nekuti Jehovha Mwari wako achakukomborera sezvaakakupikira, uye uchakweretesa nyika dzakawanda, asi iwe hauzosvika pakukwereta;+ nyika dzakawanda dzichava pasi pako, asi iwe hauzovi pasi padzo.+

7 “Kana imwe yehama dzako ikava murombo pakati pako mune rimwe remaguta ako, munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako, usaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko rwako kuhama yako murombo.+ 8 Nekuti unofanira kupfumbanura ruoko rwako uchimupa+ uye unofanira kumukweretesawo zvese zvaanoda kana kuti zvaanoshayiwa. 9 Chenjera kuti usapindwa nepfungwa yakaipa mumwoyo mako yekuti, ‘Gore rechinomwe, rekudzima zvikwereti*+ rava kusvika,’ worega kuva nerupo kuhama yako murombo, woinyima. Kana akashevedzera kuna Jehovha pamusoro pako, chichava chivi kwauri.+ 10 Unofanira kumupa zvakawanda,+ uye haufaniri kumupa mwoyo wako uchigunun’una, nekuti izvi ndizvo zvichaita kuti Jehovha Mwari wako akomborere mabasa ako ese uye zvese zvaunoita.+ 11 Nekuti munyika hamuzomboshayikwi varombo.+ Ndokusaka ndiri kukurayira kuti, ‘Unofanira kupfumbanura ruoko rwako uchipa hama yako inotambudzika uye murombo ari munyika yako.’+

12 “Kana mumwe wehama dzako, murume kana mukadzi wechiHebheru, akatengeswa kwauri okushandira kwemakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kubva wamusiya achienda akasununguka.+ 13 Uye kana ukamusunungura, usamuendesa achingova maoko. 14 Unofanira kumupa zvakawanda uchibvisa pamakwai ako, pagoho raunopura, uye pamafuta newaini zvaunosvina. Sekukomborerwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupawo. 15 Yeuka kuti iwe wakava muranda munyika yeIjipiti, uye kuti Jehovha Mwari wako akakudzikinura. Ndokusaka nhasi ndiri kukurayira kuti uite izvi.

16 “Asi kana akati kwauri, ‘Handisi kuda kukusiyai!’ nekuti anokuda uye anoda imba yako, sezvo anga achifara paanga ainewe,+ 17 unofanira kubva watora mutsunda, woubooresa nzeve yake wakaitsimbirira padhoo, uye achabva ava muranda wako kweupenyu hwese. Unofanira kuita zvimwe chetezvo kumurandasikana wako. 18 Kana ukamusunungura oenda hake, haufaniri kuzviona sezvakaoma, nekuti basa raakakuitira mumakore matanhatu rinopeta kaviri basa rinoitwa nemunhu wemaricho, uye Jehovha Mwari wako akakukomborera pazvese zvakaitwa.

19 “Unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako mukono wese unotanga kuberekwa pamombe dzako nepamakwai ako nembudzi.+ Usaitisa mombe* yako inotanga kuberekwa basa, kana kuveura gwai rako rinotanga kuberekwa. 20 Iwe neimba yako munofanira kudyira mukono wacho pamberi paJehovha Mwari wako gore negore munzvimbo ichasarudzwa naJehovha.+ 21 Asi kana mhuka yacho yakaremara, ichikamhina, iri bofu, kana kumwewo kuremara kwakanyanya, haufaniri kuibayira kuna Jehovha Mwari wako.+ 22 Munofanira kuidyira mukati memaguta* enyu, munhu asina kuchena nemunhu akachena, semadyiro amunoita mhara kana nondo.+ 23 Asi hamufaniri kudya ropa rayo;+ munofanira kuridurura pasi semvura.+

16 “Chengeta mwedzi waAbhibhi,* wopemberera Paseka yaJehovha Mwari wako,+ nekuti Jehovha Mwari wako akakubudisa muIjipiti usiku mumwedzi waAbhibhi.+ 2 Uye unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka kuna Jehovha Mwari wako,+ chemakwai nembudzi nechemombe,+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha kuti zita rake rigare.+ 3 Usachidya pamwe chete nechinhu chakaiswa mbiriso;+ kwemazuva manomwe unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, chingwa chekutambudzika, nekuti wakabuda munyika yeIjipiti uchimhanya-mhanya.+ Chero bedzi uri mupenyu, unofanira kuita izvi kuti uyeuke zuva rawakabuda munyika yeIjipiti.+ 4 Kwemazuva manomwe, munyika yenyu yese hamufaniri kuonekwa muine mukanyiwa wakavira,+ uye nyama yese yauchabayira manheru pazuva rekutanga haifaniri kurara usiku hwese kusvikira mangwanani.+ 5 Hauzobvumirwi kubayira chibayiro chePaseka muguta rese rese pamaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako. 6 Asi chinofanira kubayirwa kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare. Unofanira kubayira chibayiro chacho chePaseka manheru panongovira zuva,+ kana zuva rawakabuda muIjipiti rasvika. 7 Unofanira kuchibika,+ wodyira munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ uye mangwanani unozodzokera hako kumatende ako. 8 Kwemazuva matanhatu, unofanira kudya chingwa chisina mbiriso, uye pazuva rechinomwe pachava negungano dzvene rinoitirwa Jehovha Mwari wako. Haufaniri kuita basa.+

9 “Unofanira kuverenga mavhiki manomwe. Unofanira kutanga kuverenga mavhiki acho manomwe kubvira panotanga kupinzwa jeko muzviyo* zvisati zvakohwewa.+ 10 Unofanira kubva wapemberera Mutambo Wemavhiki unoitirwa Jehovha Mwari wako,+ uine mupiro unobva muruoko rwako wekungopawo zvako uchizvidira, uchipa maererano nekukomborerwa kwaunoitwa naJehovha Mwari wako.+ 11 Uye unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi ari mukati memaguta* ako, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari pakati pako, munzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare.+ 12 Yeuka kuti wakava muranda muIjipiti,+ saka chengeta uye tevedzera mirau iyi.

13 “Unofanira kuchengeta Mutambo Wematumba+ kwemazuva manomwe paunounganidza zvinobva paburiro* rako, uye pamafuta newaini zvaunosvina. 14 Fara panguva yemutambo wako,+ iwe nemwanakomana wako, mwanasikana wako, murandarume wako, murandakadzi wako, muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, vari mukati memaguta ako. 15 Kwemazuva manomwe uchaitira Jehovha Mwari wako mutambo+ munzvimbo inosarudzwa naJehovha, nekuti Jehovha Mwari wako achakomborera zvibereko zvako zvese uye zvese zvaunoita,+ uye uchafara kwazvo.+

16 “Vanhurume vako vese vanofanira kuenda pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachasarudza: paMutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ paMutambo Wemavhiki,+ nepaMutambo Wematumba,+ uye hapana anofanira kuuya pamberi paJehovha achingova maoko chete. 17 Chipo chinounzwa nemunhu mumwe nemumwe chinofanira kuenderana nechikomborero chaakapiwa naJehovha Mwari wako.+

18 “Unofanira kugadza vatongi+ nevatungamiriri vedzinza rimwe nerimwe mumaguta* ako ese auri kupiwa naJehovha Mwari wako, uye vanofanira kutonga vanhu zvakarurama. 19 Usatonga nyaya zvisina kururama,+ kana kusarura,+ kana kugamuchira chiokomuhomwe,+ nekuti icho chinopofumadza vakachenjera uye chinoita kuti vakarurama vamonyorore mashoko. 20 Unofanira kuramba uchitonga zvakarurama,+ kutonga zvakarurama chete, kuti urambe uchirarama uye utore nyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako.

21 “Haufaniri kusima muti chero wemhando ipi zvayo kuti uve bango rinoera*+ pedyo neatari yaJehovha Mwari wako yaunozvigadzirira.

22 “Uyewo usazvigadzirira shongwe inoyera,+ iyo inovengwa naJehovha Mwari wako.

17 “Haufaniri kubayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara kana kuti rine chimwe chinhu chisina kumira zvakanaka, nekuti izvozvo zvinosemesa Jehovha Mwari wako.+

2 “Ngatitii pakati pako pawanikwa murume kana mukadzi, mune rimwe remaguta auri kupiwa naJehovha Mwari wako, achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achiputsa sungano yake,+ 3 orasika, ononamata vamwe vanamwari, ovakotamira, kana kukotamira zuva kana mwedzi kana uto rese rekudenga,+ izvo zvandisina kurayira kuti zviitwe,+ 4 wozviudzwa kana kuti wonzwa nezvazvo, unofanira kubva wanyatsoferefeta nyaya yacho. Kana ukaziva kuti zvechokwadi+ zvinhu izvi zvinosemesa zvakaitika pakati paIsraeri, 5 unofanira kuenda nemurume wacho kana kuti mukadzi wacho akaita zvinhu izvi zvakaipa kumagedhi eguta, uye murume wacho kana kuti mukadzi wacho anofanira kuurayiwa achitemwa nematombo.+ 6 Munhu wacho anofanira kuurayiwa chete kana papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.+ Haafaniri kuurayiwa kana papiwa uchapupu nemunhu mumwe chete.+ 7 Maoko ezvapupu zvacho ndiwo anofanira kutanga kumuuraya, maoko evamwe vanhu vese ozotevera. Unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+

8 “Kana mune rimwe remaguta ako mukamuka imwe nyaya yakakuomera kutonga, ingava yekudeurwa kweropa,+ kana imwewo yekukwidzana kumatare kana yekurwisana kana dzimwewo nyaya dzekukakavadzana, unofanira kusimuka woenda kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako.+ 9 Uende kuvapristi vedzinza raRevhi, nekumutongi+ anenge aripo mazuva iwayo, wobvunza, uye vachakupa mutongo wacho.+ 10 Unofanira kubva waita maererano nemutongo wavachakupa panzvimbo inosarudzwa naJehovha. Unyatsoita zvese zvavanokurayira. 11 Unofanira kuita maererano nemutemo wavanokuratidza uye maererano nemutongo wavanokupa.+ Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, pamutongo wavachakupa.+ 12 Munhu anoita zvekuzvikudza asingateereri mupristi ari kushumira Jehovha Mwari wako kana kuti mutongi, anofanira kufa.+ Unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.+ 13 Vanhu vese vachabva vazvinzwa, votya, uye havazoiti zvekuzvikudza zvakare.+

14 “Kana wapinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, uye waitora, wava kugara mairi, woti, ‘Regai ndigadze mambo kuti anditonge sezvinoita mamwe marudzi ese akandipoteredza,’+ 15 unofanira kugadza mambo anosarudzwa naJehovha Mwari wako.+ Unofanira kugadza mambo anobva pakati pehama dzako. Haubvumirwi kugadza mambo anobva kune imwe nyika asiri hama yako. 16 Asi mambo wacho haafaniri kuva nemabhiza akawanda+ kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kunotora mamwe mabhiza,+ sezvo Jehovha akakuudza kuti, ‘Usazombodzokerazve nenzira iyi.’ 17 Haafaniriwo kutora madzimai akawanda, kuti mwoyo wake urege kutsauka;+ uyewo haafaniri kuzviwanira sirivha negoridhe zvakawandisa.+ 18 Paanogara pachigaro chake cheumambo, anofanira kuzvinyorera Mutemo uyu mubhuku, achitora pane uya unochengetwa nevapristi vedzinza raRevhi.+

19 “Anofanira kugara ainawo, uye anofanira kuuverenga mazuva ese eupenyu hwake,+ kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye achengete mashoko ese eMutemo uyu nemirau iyi nekuitevedzera.+ 20 Izvi zvichaita kuti mwoyo wake usazozvikwidziridza kupfuura hama dzake uye asazotsaukira kurudyi kana kuruboshwe achibva pamurayiro wacho, kuti ave nenguva yakareba paumambo hwake, iye nevanakomana vake vari pakati paIsraeri.

18 “Vapristi vedzinza raRevhi, uye vanhu vedzinza rese zvaro raRevhi, havafaniri kupiwa mugove kana nhaka pamwe chete naIsraeri. Vachadya zvinobva pamipiro inopisirwa Jehovha nemoto, zvinova ndizvo nhaka yake.+ 2 Saka havafaniri kuva nenhaka pakati pehama dzavo. Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvaakavaudza.

3 “Vanhu vanofanira kupa vapristi zvinhu izvi: Munhu wese anopa chibayiro, ingava mombe kana gwai, anofanira kupa mupristi bandauko, shaya, neguru. 4 Unofanira kumupa zviyo* zvako zvinotanga kuibva, waini yako itsva, mafuta ako, nemvere dzinotanga kuveurwa pamakwai ako.+ 5 Jehovha Mwari wako akamusarudza nevanakomana vake pamadzinza ako ese, kuti agare achishumira muzita raJehovha.+

6 “Asi kana muRevhi akabva mune rimwe remaguta ako raanga achigara muIsraeri,+ achida* kuenda kunzvimbo inosarudzwa naJehovha,*+ 7 anogona hake kushumira ikoko muzita raJehovha Mwari wake sezvinongoitawo hama dzake dzese, vaRevhi, vari kushumira pamberi paJehovha.+ 8 Achapiwa zvekudya zvakaenzana nezvavanopiwa,+ kuwedzera pane zvaanowana kana atengesa zvinhu zvemadzitateguru ake.

9 “Paunenge wapinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevedzera zvinhu zvinosemesa zvinoitwa nemarudzi iwayo.+ 10 Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto,+ munhu anoshopera,+ munhu anoita zvemashiripiti,+ munhu anotenda mashura,+ muroyi,+ 11 munhu anotsinga vamwe, munhu anobvunza svikiro+ kana mufemberi,+ kana munhu anobvunza vakafa.+ 12 Nekuti munhu wese anoita zvinhu izvi anosemesa Jehovha, uye nemhaka yemaitiro aya anosemesa, Jehovha Mwari wako ari kuvadzinga pamberi pako. 13 Unofanira kuva munhu asina mhosva pamberi paJehovha Mwari wako.+

14 “Nekuti marudzi aya auri kutorera nyika aiteerera vaya vanoita zvemashiripiti+ nevanoshopera,+ asi Jehovha Mwari wako haana kukubvumira kuita zvakadaro. 15 Jehovha Mwari wako achakumutsira muprofita anobva pakati pehama dzako akafanana neni. Unofanira kumuteerera.+ 16 Iyi imhinduro yezvawakakumbira Jehovha Mwari wako kuHorebhi pazuva regungano*+ pawakati, ‘Musaita kuti ndinzwe zvakare inzwi raJehovha Mwari wangu kana kuona moto uyu mukuru, nekuti ndingafa.’+ 17 Jehovha akabva ati kwandiri, ‘Zvavataura zvakanaka. 18 Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo, akaita sewe,+ uye ndichaisa mashoko angu mumuromo make,+ uye achataura navo zvese zvandinomurayira.+ 19 Zvechokwadi munhu acharega kuteerera mashoko angu aachataura muzita rangu, achazvidavirira.+

20 “‘Kana muprofita akazvikudza otaura muzita rangu shoko randisina kumurayira kuti ataure kana kutaura muzita revamwe vanamwari, muprofita iyeye anofanira kufa.+ 21 Asi pamwe ungati nechemumwoyo: “Tichaziva sei kuti haasi Jehovha ataura shoko racho?” 22 Kana muprofita wacho akataura muzita raJehovha, zvaataura zvorega kuzadziswa kana kuti zvorega kuitika, zvinoreva kuti haasi Jehovha akataura shoko iroro. Muprofita wacho akaritaura achizvikudza. Haufaniri kumutya.’

19 “Kana Jehovha Mwari wako aparadza marudzi ane nyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako uye watora nyika yavo, wava kugara mumaguta avo nemudzimba dzavo,+ 2 unofanira kusarudza maguta matatu pakati penyika yako yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.+ 3 Unofanira kukamura nyika yawapiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive zvikamu zvitatu, wogadzira migwagwa kuitira kuti munhu anenge auraya mumwe munhu atizire kune rimwe remaguta iwayo.

4 “Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa nemunhu anenge auraya mumwe munhu otizira ikoko kuti asaurayiwa: Kana akauraya mumwe wake netsaona uye akanga asingamuvengi;+ 5 pakadai sekuti anoenda kusango kunotsvaga huni nemumwe wake, osimudza ruoko rwake kuti ateme muti nedemo, demo racho rosvotoka mumupinyi rorova mumwe wake obva afa, nyakuuraya anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya kuti asaurayiwa.+ 6 Akasadaro, mutsivi weropa,+ sezvo akatsamwa kwazvo, anogona kumudzingirira omubata, omuuraya, nekuti guta racho rinenge riri kure. Asi anga asingafaniri kufa, sezvo akanga asingavengi mumwe wake.+ 7 Ndokusaka ndiri kukurayira kuti: ‘Sarudza maguta matatu.’

8 “Kana Jehovha Mwari wako akakudza nharaunda yako sezvaakapikira madzitateguru ako+ uye akakupa nyika yese yaakapikira kupa madzitateguru ako,+ 9 zvichienderana nekuti wanyatsochengeta murayiro uyu wese wandiri kukupa nhasi, wekuda Jehovha Mwari wako uye kugara uchifamba munzira dzake,+ unofanira kuzowedzera mamwe maguta matatu kune aya matatu.+ 10 Izvi zvichaita kuti parege kudeurwa ropa risina mhosva+ munyika yako yauri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka, uye urege kuva nemhosva yekudeura ropa.+

11 “Asi kana munhu aivenga mumwe wake,+ ndokumuhwandira, omurova ofa, munhu wacho otizira kune rimwe remaguta aya, 12 vakuru veguta rake vanofanira kubva vaita kuti aunzwe kwavari, vomuisa mumaoko emutsivi weropa, uye anofanira kufa.+ 13 Haufaniri* kumunzwira tsitsi, uye unofanira kubvisa mhosva yeropa risina mhaka pakati paIsraeri,+ kuti zvikufambire zvakanaka.

14 “Paunopiwa nhaka yako munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako, haufaniri kuchinja muganhu+ wemuvakidzani wako kubva pawakaiswa nemadzitateguru ako.

15 “Hapana chapupu chimwe chete chinofanira kupupura kuti mumwe munhu akapara mhosva kana kuti akaita chivi.+ Nyaya inofanira kutongwa papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.+ 16 Kana munhu akapa uchapupu achiroverera mumwe munhu kuti asvibise zita rake, uye achimupomera kuti ane zvakaipa zvaakaita,+ 17 varume vacho vaviri vari kunetsana vachamira pamberi paJehovha, pamberi pevapristi nevatongi vanenge vachishumira mazuva iwayo.+ 18 Vatongi vacho vachanyatsoongorora,+ uye kana munhu wacho akapa uchapupu ari chapupu chenhema uye akapomera hama yake zvenhema, 19 munofanira kumuita zvaanga aronga kuti zviitirwe hama yake,+ uye munofanira kubvisa zvakaipa pakati penyu.+ 20 Vaya vanosara vachazvinzwa votya, uye havazomboitizve chero chinhu chipi zvacho chakadai pakati penyu.+ 21 Haufaniri* kunzwa tsitsi:+ Upenyu huchatsiviwa neupenyu,* ziso neziso, zino nezino, ruoko neruoko, tsoka netsoka.+

20 “Kana ukaenda kuhondo kunorwa nevavengi vako, woona mabhiza nengoro dzavo dzehondo, uye varwi vakawanda kupfuura vako, usavatya nekuti Jehovha Mwari wako akakubudisa munyika yeIjipiti anewe.+ 2 Pamunenge mava kuda kutanga kurwa, mupristi anofanira kuswedera pedyo nevanhu otaura navo.+ 3 Anofanira kuvaudza kuti, ‘Inzwai imi vaIsraeri, mava kuda kurwa nevavengi venyu. Musarohwe nehana. Musavatya kana kuvavhunduka kana kuvadedera, 4 nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kufamba nemi kuti arwise vavengi venyu uye akuponesei.’+

5 “Vatungamiriri vanofanirawo kuudza vanhu kuti, ‘Pane akavaka imba asi asati atanga kuigara here? Ngaadzokere kumba kwake. Angazofira kuhondo, mumwe munhu akazoigara. 6 Uye pane akadyara munda wemazambiringa asi asati atanga kuukohwa here? Regai aende, adzokere kumba kwake. Angazofira kuhondo, mumwe munhu akazotanga kuukohwa. 7 Uye pane akavimbisa mukadzi kuti achamuroora asi asati amuroora here? Regai aende, adzokere kumba kwake.+ Angazofira kuhondo, mumwe murume akamuroora.’ 8 Vatungamiriri vanofanirawo kubvunza vanhu kuti, ‘Pane ari kutya uye ari kurohwa nehana here?+ Anofanira kudzokera kumba kwake, kuti arege kuita kuti hama dzake dzipere simba sezvaaita iye.’*+ 9 Kana vatungamiriri vapedza kutaura nevanhu, vanofanira kugadza vakuru vemauto kuti vatungamirire vanhu.

10 “Kana ukaswedera pedyo neguta uchida kurirwisa, unofanira kuudza vanhu varo kuti vangava sei nerugare newe.+ 11 Kana vakakupindura zvine rugare, vokuvhurira magedhi avo, vanhu vese vanowanikwa muguta racho vachava vashandi vako vebasa rekumanikidzwa, uye vachakushandira.+ 12 Asi kana vakaramba kuita rugare newe, vosarudza kukurwisa, unofanira kuvakomba, 13 uye Jehovha Mwari wako achariisa muruoko rwako, uye unofanira kuuraya vanhurume vese vari muguta racho nebakatwa. 14 Asi vakadzi, vana, zvipfuwo, nezvese zvinenge zviri muguta racho, zvese zvaunenge wawana imomo, unogona hako kuzvipamba,+ uye uchadya zvaunenge wapamba kuvavengi vako, zvawapiwa naJehovha Mwari wako.+

15 “Ndizvo zvauchaita maguta ese ari kure kure newe asiri maguta emarudzi aya ari pedyo newe. 16 Asi mumaguta evanhu ava, auri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ave nhaka yako, hapana chinhu chinofema chaunofanira kusiya chichirarama.+ 17 Asi unofanira kuvaparadza zvachose, vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako; 18 kuti varege kukudzidzisa kutevedzera tsika dzavo dzese dzinosemesa dzavaiitira vanamwari vavo, voita kuti utadzire Jehovha Mwari wako.+

19 “Kana ukakomba guta uchida kurikunda uye wava nemazuva akawanda uchirirwisa, haufaniri kutema miti yaro nedemo uchiiparadza. Unogona kudya michero yacho, asi haufaniri kutema miti yacho.+ Ungakomba muti wemusango seuri kukomba munhu here? 20 Unogona kutema muti waunoziva kuti haudyiwe. Unogona kuutema kuti uvakise zvekushandisa pakukomba guta racho riri kurwa newe, kusvikira warikunda.

21 “Kana munhu akawanikwa akafa musango munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako uye pasingazivikanwi kuti ndiani akamuuraya, 2 vakuru vako nevatongi+ vanofanira kubuda, voyera kuti vaone kuti pane mufambo wakadii kubva pachitunha chacho kusvika kumaguta akapoteredza. 3 Vakuru veguta rinenge riri pedyo nechitunha chacho vanofanira kubva vatora tsiru risati ramboitiswa basa, risati rambokweva pajoko, 4 uye vakuru veguta iroro vanofanira kuenda netsiru racho mubani munoyerera mvura musati mamborimwa kana kudyarwa mbeu, uye vanofanira kutyora mutsipa wetsiru racho mubani imomo.+

5 “Uye vapristi, vedzinza raRevhi, vachasvika ipapo nekuti Jehovha Mwari wako akavasarudza kuti vamushumire,+ kuti vakomborere muzita raJehovha.+ Vachataura kuti magakava ese anobatanidza kurwisana anofanira kupedzwa sei.+ 6 Vakuru vese veguta riri pedyo nechitunha chacho vanofanira kubva vagezera maoko avo+ pamusoro petsiru racho rinenge ratyorerwa mutsipa mubani, 7 uye vanofanira kuti, ‘Maoko edu haana kudeura ropa iri, uye maziso edu haana kuriona richideurwa. 8 Jehovha, musapa mhosva iyi kuvanhu venyu vaIsraeri vamakadzikinura,+ uye musaisa mhosva yeropa remunhu asina mhaka pakati pevanhu venyu vaIsraeri.’+ Kana vadaro havazopiwe mhosva yeropa racho. 9 Izvi zvichaita kuti ubvise mhosva yeropa pakati pako nekuita zvakarurama pamberi paJehovha.

10 “Kana ukaenda kunorwa nevavengi vako uye Jehovha Mwari wako akavakunda pamberi pako, uye ukavatapa,+ 11 woona mukadzi akanaka pakati penhapwa, okutora mwoyo, uye uchida kumutora kuti ave mudzimai wako, 12 unogona hako kuenda naye kumba kwako. Anofanira kubva aveura musoro wake, kucheka nzara, 13 obvisa zvipfeko zvaakatapwa akapfeka, ogara mumba mako. Achachema baba vake naamai vake kwemwedzi wese,+ wozorara hako naye; uchava murume wake uye iye achava mudzimai wako. 14 Asi kana asina kukufadza, unofanira kumusiya achienda+ kwaanoda.* Asi haufaniri kumutengesa nemari kana kumubata zveutsinye sezvo wamunyadzisa.

15 “Kana murume aine madzimai maviri, achinyanya kuda mumwe kupfuura mumwe wacho,* uye vese vomuberekera vana vakomana, dangwe riri reuya waasingadi,+ 16 musi waanopa vanakomana vake nhaka yake, haazobvumirwi kubata mwanakomana wemudzimai waanoda sekunge ndiye dangwe, achisiya dangwe rake, mwanakomana wemudzimai waasingadi. 17 Anofanira kuratidza kuti mwanakomana wemudzimai waasingadi ndiye dangwe rake nekumupa mugove wakapetwa kaviri pazvinhu zvese zvaainazvo, nekuti iyeye ndiye kutanga kwesimba rake rekubereka. Ndiye ane kodzero yeudangwe.+

18 “Kana munhu aine mwanakomana ane musikanzwa, anomupandukira, asingateereri baba vake kana amai vake,+ uye vakaedza kumururamisa asi iye asingavateereri,+ 19 baba vake naamai vake vanofanira kumubata, vouya naye kuvakuru pagedhi reguta rake, 20 voudza vakuru veguta rake kuti, ‘Mwanakomana wedu uyu ane musikanzwa uye anotipandukira, uye anoramba kutiteerera. Ane makaro+ uye chidhakwa.’+ 21 Varume vese veguta rake vanofanira kubva vamutema nematombo ofa. Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako, uye vaIsraeri vese vachazvinzwa vobva vatya.+

22 “Kana munhu akaita chivi chakakodzera kutongerwa rufu ourayiwa,+ uye womuturika padanda,+ 23 chitunha chake hachifaniri kuramba chiri padanda usiku hwese.+ Asi unofanira kumuviga musi iwoyo, nekuti munhu akaturikwa chinhu chakatukwa naMwari,+ uye haufaniri kusvibisa nyika yako yauri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka yako.+

22 “Kana ukaona mombe yehama yako kana kuti gwai rake zvichirasika, haufaniri kungozvisiya.+ Unofanira kuzvidzorera kuhama yako. 2 Asi kana hama yako isingagari pedyo newe kana kuti usingaizivi, unofanira kuenda nechipfuwo chacho kumba kwako, uye ucharamba uinacho kusvikira hama yako yachitsvaga, wobva waidzosera.+ 3 Ndizvo zvaunofanira kuitawo nedhongi rake, nechipfeko chake, uye nechinhu chese chehama yako chinenge charasika chaunenge wawana. Haufaniri kungochisiya.

4 “Kana ukaona dhongi rehama yako kana kuti mombe yake zvakawira pasi mumugwagwa, haufaniri kungozvisiya. Unofanira kumubatsira kumutsa chipfuwo chacho.+

5 “Mukadzi haafaniri kupfeka chipfeko chechirume, uye murume haafaniri kupfeka chipfeko chechikadzi. Nekuti munhu wese anoita izvi anosemesa Jehovha Mwari wako.

6 “Kana ukaona dendere reshiri uri mumugwagwa riine manyana kana mazai, ringava riri mumuti kana pasi, uye amai vacho vakavhumbamira manyana acho kana mazai, haufaniri kutora amai vacho pamwe nemanyana acho.+ 7 Unofanira kurega amai vacho vachienda, asi unogona hako kutora manyana acho. Ita izvi kuti zvikufambire zvakanaka uye urarame kwenguva refu.

8 “Kana ukavaka imba, unofanira kuvaka kamudhuri kanopoteredza denga racho,+ kuti urege kuisa mhosva yekudeura ropa paimba yako mumwe munhu adonha achibva pairi.

9 “Usadyara mbeu dzemarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa.+ Kana ukadaro, zvibereko zvese zvembeu yaunenge wadyara nezvese zvichabva pamazambiringa acho zvichatorwa zvoendeswa kunzvimbo tsvene.

10 “Usarima nemombe nedhongi zviri pamwe chete.+

11 “Usapfeka zvipfeko zvakarukwa zvichisanganiswa shinda yemvere dzemakwai neshinda yejira.+

12 “Unofanira kusunga mapfundo pamasa* ezvipfeko zvako pamakona acho mana.+

13 “Kana murume akatora mudzimai, akarara naye, asi ozomuvenga,* 14 uye omupomera kuti akanga asingazvibati uye osvibisa zita rake achiti: ‘Ndakatora mukadzi uyu, asi pandakarara naye handina kuona zvairatidza kuti akanga ari mhandara,’ 15 baba naamai vemusikana wacho vanofanira kubudisa uchapupu hunoratidza kuti mwanasikana wavo akanga ari mhandara, voratidza vakuru vanenge vari pagedhi reguta. 16 Baba vemusikana wacho vanofanira kuudza vakuru kuti, ‘Ndakapa murume uyu mwanasikana wangu kuti ave mudzimai wake, asi ava kumuvenga* 17 uye ari kumupomera kuti akanga asingazvibati achiti: “Ndakawana mwanasikana wenyu asiri mhandara.” Saka uhwu ndihwo uchapupu hwekuti mwanasikana wangu yaiva mhandara.’ Vachabva vatambanudza jira racho pamberi pevakuru veguta. 18 Vakuru veguta+ vachatora murume wacho vomuranga.+ 19 Vachamuripisa mashekeri* esirivha 100 voapa baba vemusikana wacho, nekuti murume wacho akasvibisa zita remhandara yaIsraeri,+ uye acharamba ari mudzimai wake. Haazobvumirwi kumuramba kweupenyu hwake hwese.

20 “Asi kana zvaari kupomerwa zviri zvechokwadi, uye pasina uchapupu hunoratidza kuti musikana wacho aiva mhandara, 21 vanofanira kuuya nemusikana wacho pasuo reimba yababa vake, uye varume veguta rake vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa, nekuti akaita zvinhu zvinonyadzisa+ muIsraeri nekuita unzenza*+ muimba yababa vake. Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+

22 “Kana murume akawanikidzwa akarara nemukadzi wemunhu, vese vanofanira kuurayiwa, murume wacho pamwe nemukadzi wacho waakarara naye.+ Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.

23 “Kana paine mhandara yakavimbiswa kuroorwa nemurume, uye zvikaitika kuti mumwe murume anosangana nayo muguta, orara nayo, 24 munofanira kuvabudisa vese kunze kwegedhi reguta iroro movatema nematombo kusvikira vafa, musikana wacho nekuti haana kuridza mhere muguta uye murume wacho nekuti akanyadzisa mudzimai wemumwe wake.+ Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.

25 “Asi kana zvikaitika kuti murume anosangana nemusikana akavimbiswa kuroorwa ari kusango, uye murume wacho omukunda simba, orara naye, murume akarara naye anofanira kuurayiwa ega, 26 uye musikana wacho hapana zvaunofanira kumuita. Musikana haana chivi chaakaita chakakodzera rufu. Izvi zvakafanana nezvinoitika kana murume akarwisa mumwe wake omuponda.+ 27 Nekuti akasangana naye ari kusango uye musikana wacho akavimbiswa kuroorwa akaridza mhere, asi pakashayikwa anomununura.

28 “Kana zvikaitika kuti murume anosangana nemhandara isina kuvimbiswa kuroorwa, akaibata, akarara nayo, uye vakawanikidzwa,+ 29 murume anenge arara naye anofanira kupa baba vemusikana wacho mashekeri esirivha 50, uye achava mudzimai wake.+ Sezvo akamunyadzisa, haazobvumirwi kumuramba kweupenyu hwake hwese.

30 “Hapana murume anofanira kutora mudzimai wababa vake, nekuti akadaro anenge azvidza baba vake.*+

23 “Hapana murume ane mabhora akapwanywa kana kuti akachekwa nhengo yake yechirume anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha.+

2 “Hapana mwanakomana asiri wepamutemo+ anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha. Kunyange kusvikira kuchizvarwa chechigumi, hapana mwana wake anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha.

3 “Hapana muAmoni kana muMoabhi anobvumirwa kupinda muungano yaJehovha.+ Kunyange kusvikira kuchizvarwa chechigumi, hapana mwana wavo anotombobvumirwa kupinda muungano yaJehovha, 4 nekuti havana kukubatsirai nezvekudya nemvura pamaibva kuIjipiti,+ uye nekuti vakanobhadhara Bharami mwanakomana waBheori wekuPetori yeMesopotamiya kuti akutukei.+ 5 Asi Jehovha Mwari wenyu akaramba kuteerera Bharami.+ Jehovha Mwari wenyu akatochinja kutuka kwacho kuti kuve chikomborero kwamuri,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu aikudai.+ 6 Hamufaniri kuvabatsira kuti vagare zvakanaka kana kuti vabudirire mumazuva enyu ese.+

7 “Haufaniri kuvenga muEdhomu, nekuti ihama yako.+

“Haufaniri kuvenga muIjipiti, nekuti wakava mutorwa munyika yake.+ 8 Chizvarwa chechitatu chevana vavachabereka chinogona hacho kupinda muungano yaJehovha.

9 “Kana wakadzika musasa uchida kurwisa vavengi vako, usaita chinhu chakaipa.*+ 10 Kana murume akava asina kuchena nekuti anenge azvirotera usiku,+ anofanira kuenda kunze kwemusasa, orega kudzoka mumusasa. 11 Kana ava manheru anofanira kugeza nemvura, uye anogona hake kudzokera mumusasa zuva ravira.+ 12 Panofanira kuva nenzvimbo yakasarudzwa* kunze kwemusasa, kwamunofanira kuenda. 13 Unofanira kugara uine chekucheresa pazvinhu zvako zvaunoshandisa. Unofanira kuchera gomba nacho paunozvibatsira, wofushira tsvina yako. 14 Nekuti Jehovha Mwari wako ari kufamba-famba mumusasa wako+ kuti akununure uye kuti aise vavengi vako mumaoko ako, saka musasa wako unofanira kuva mutsvene,+ kuti asaona chinhu chisina kunaka pauri, orega kuenda newe.

15 “Haufaniri kudzorera muranda kuna tenzi wake kana atiza tenzi wake achiuya kwauri. 16 Anogona hake kugara chero kwaanosarudza mune rimwe remaguta ako kwaanenge achida. Haufaniri kumubata zvakaipa.+

17 “Hapana mwanasikana waIsraeri anofanira kuva pfambi yepatemberi,+ uye hapana mwanakomana waIsraeri anofanira kuva pfambi yepatemberi.+ 18 Haufaniri kuuya nemubhadharo wepfambi yechikadzi kana mubhadharo wepfambi yechirume* muimba yaJehovha Mwari wako kuti uzadzise mhiko, nekuti vese vanosemesa Jehovha Mwari wako.

19 “Usaita kuti hama yako ikubhadhare mubereko,+ ungava mubereko pamari, pazvekudya, kana pachinhu chero chinogona kubhadhariswa mubereko. 20 Unogona hako kubhadharisa mutorwa mubereko,+ asi usabhadharisa hama yako mubereko,+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pane zvese zvaunoita munyika yauri kunotora.+

21 “Kana ukaita mhiko kuna Jehovha Mwari wako,+ usanonoka kuiripa.+ Nekuti Jehovha Mwari wako anotoda kuti uiripe; ukasadaro, unenge waita chivi.+ 22 Asi kana ukarega kuita mhiko, hauzovi nechivi.+ 23 Unofanira kuita zvaunenge wataura nemuromo wako,+ uye unofanira kuita zvawakapikira Jehovha Mwari wako nemuromo wako semupiro wekungopa uchizvidira.+

24 “Kana ukapinda mumunda wemizambiringa wemuvakidzani wako unogona hako kudya mazambiringa kusvikira waguta,* asi haufaniri kuisa mamwe mumudziyo wako.+

25 “Kana ukapinda mumunda wemuvakidzani wako une zviyo* zvisati zvakohwewa, unogona kutanha nemaoko ako hura* dzakaibva, asi haufaniri kucheka nejeko zviyo zvemuvakidzani wako.+

24 “Kana murume akaroora mukadzi asi otadza kufadzwa naye nekuti anenge aona chimwe chinhu chisina kunaka paari, anofanira kunyora gwaro rekumuramba omupa,+ omudzinga mumba make.+ 2 Kana mukadzi wacho abva pamba pemurume wacho, anogona hake kuva mudzimai wemumwe murume.+ 3 Kana murume wechipiri akamuvenga,* uye akanyora gwaro rekumuramba, omupa, omudzinga mumba make, kana kuti kana murume wechipiri uya akamuroora akafa, 4 murume wake wekutanga akamudzinga haazobvumirwi kumuwanazve kuti ave mudzimai wake, pashure pekunge mukadzi wacho asvibiswa, nekuti izvozvo zvinosemesa Jehovha. Haufaniri kuunza chivi munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka.

5 “Kana murume achangoroora, haafaniri kushanda muchiuto kana kupiwa mamwe mabasa api zvawo. Ngaasapiwa mabasa kwegore rimwe chete uye ngaagare pamba achifadza mudzimai wake.+

6 “Hapana anofanira kutora guyo kana huyo yaro achibatira munhu waakapa chikwereti,+ nekuti ikoko kubatira munhu chinhu chinomuraramisa.

7 “Kana munhu akazivikanwa kuti akaba hama yake yechiIsraeri, uye kuti akaibata zvakaipa, akaitengesa,+ munhu wacho akaba anofanira kuurayiwa.+ Unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.+

8 “Kana denda remaperembudzi* rikapararira, unyatsoita zvese zvaunoudzwa kuti uite nevapristi vedzinza raRevhi.+ Unofanira kunyatsoita zvandakavarayira. 9 Yeuka zvakaitwa Miriyemu naJehovha Mwari wako pamaiva munzira muchibva kuIjipiti.+

10 “Kana ukapa muvakidzani wako chikwereti,+ haufaniri kupinda mumba make kuti utore chaanenge ati achakupa kuti ufanobata. 11 Unofanira kumira panze, uye murume wawapa chikwereti anofanira kukuunzira uri panze chinhu chacho chaari kuda kuti ufanobata. 12 Uye kana ari munhu anoshayiwa, haufaniri kunorara uine chaanenge ati ufanobata.+ 13 Unotofanira kumudzorera chaunenge wamubatira panongovira zuva, aende kunorara aine nguo yake,+ uye achakukomborera; uye uchanzi wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

14 “Usabiridzira munhu wemaricho anoshayiwa uye murombo, angava mumwe wehama dzako kana kuti mutorwa ari munyika yako, mumaguta* ako.+ 15 Unofanira kumubhadhara musi iwoyo,+ zuva risati ravira, nekuti iye anoshayiwa uye upenyu hwake hwakabatwa nemari yaanotambira. Ukasadaro, achakuchemera kuna Jehovha, uye uchanzi une chivi.+

16 “Vanababa havafaniri kuurayirwa mhosva yevana, uye vana havafaniri kuurayirwa mhosva yavanababa.+ Munhu anofanira kufira chivi chake chete.+

17 “Usatonga mhosva yemutorwa kana yenherera+ uchitsaudzira, uye usabatira chirikadzi chipfeko chayo kana waikweretesa.+ 18 Yeuka kuti iwe wakava muranda muIjipiti, uye Jehovha Mwari wako akakudzikinura imomo.+ Ndokusaka ndiri kukurayira kuti uite izvi.

19 “Kana ukakohwa mumunda mako, wokanganwa chisote mumunda, usadzokera kunochitora. Chinofanira kusiyirwa mutorwa, nherera, nechirikadzi,+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pazvese zvaunoita.+

20 “Kana ukazunza muorivhi wako, usarambe uchingozunza mapazi acho. Zvinenge zvasara zvinofanira kuva zvemutorwa, nherera, nechirikadzi.+

21 “Kana wakohwa mazambiringa mumunda wako wemizambiringa, usadzokera kunounganidza anenge asarira. Anofanira kusiyirwa mutorwa, nherera, nechirikadzi. 22 Yeuka kuti iwe wakava muranda munyika yeIjipiti. Ndokusaka ndiri kukurayira kuti uite izvi.

25 “Kana vanhu vakanetsana, uye vakauya nenyaya yavo kuvatongi,+ vatongi vacho vachavatonga vozivisa kuti munhu akarurama haana mhosva uye munhu akaipa ane mhosva.+ 2 Kana munhu akaipa achifanira kurohwa,+ mutongi achaita kuti azvambarare uye acharohwa mutongi achiona. Shamhu dzaacharohwa dzinofanira kuenderana nemhosva yaakaita. 3 Anogona kumurova shamhu 40+ asi haafaniri kupfuura ipapo. Kana akaramba achimurova dzimwe shamhu kupfuura idzi, hama yako inenge yava kunyadziswa pamberi pako.

4 “Usasunga muromo wenzombe* painenge ichipura zviyo.+

5 “Kana mukoma nemunin’ina vachigara pamwe chete, mumwe wacho ofa asina mwanakomana, mudzimai wemufi haafaniri kuroorwa nemumwe murume asiri wemumhuri yacho. Asara wacho anofanira kuenda kumuramu wake, omutora kuti ave mudzimai wake, omugara nhaka.+ 6 Dangwe raachabereka richamutsidzira zita reuya akafa,+ kuti zita rake rirege kudzimwa pakati paIsraeri.+

7 “Kana murume wacho asingadi kuroora chirikadzi yacho, chirikadzi yacho inofanira kuenda kuvakuru pagedhi reguta yonoti, ‘Munin’ina wemurume wangu aramba kuchengetedza zita remukoma wake pakati paIsraeri. Aramba kundigara nhaka.’ 8 Vakuru veguta rake vanofanira kumushevedza, votaura naye. Kana akaramba achingoti, ‘Handidi kumuroora,’ 9 chirikadzi yacho inofanira kuenda paari vakuru vachizviona, yobvisa shangu yake mutsoka yake,+ yomusvipira kumeso, yoti, ‘Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa munhu asingadi kuvaka imba yemukoma wake.’ 10 Kubva ipapo, zita reimba yake* pakati paIsraeri richava rekuti ‘Imba yemunhu akabviswa shangu.’

11 “Kana varume vaviri vakarwa, mudzimai wemumwe wacho opindira kuti anunure murume wake pane ari kumurova, otambanudza ruoko rwake, omubata nhengo dzake dzakavandika, 12 unofanira kumudimbura ruoko. Haufaniri* kumunzwira tsitsi.

13 “Usava nematombo maviri ekuyeresa+ akasiyana muhomwe yako, guru nediki. 14 Usava nemidziyo yekuyeresa+ miviri yakasiyana mumba mako, mukuru nemudiki.* 15 Unofanira kunge uine dombo rekuyeresa rakarurama uye risiri rekubiridzira uye mudziyo wekuyeresa wakarurama usiri wekubiridzira, kuti urarame kwenguva yakareba munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako.+ 16 Nekuti munhu wese anobiridzira achiita zvinhu zvakadaro anosemesa Jehovha Mwari wako.+

17 “Yeuka zvawakaitwa naAmareki uri munzira pawaibuda muIjipiti,+ 18 kusangana kwaakaita newe munzira akarwisa vese vaiva necheshure kwako vaisaririra pawakanga waneta uye warukutika. Haana kutya Mwari. 19 Kana Jehovha Mwari wako akuzorodza pavavengi vako vese vakakupoteredza munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka,+ unofanira kudzima zita revaAmareki pasi pedenga.+ Usakanganwa.

26 “Paunenge wazopinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka yako uye waitora, wava kugaramo, 2 unofanira kutora zvimwe zvibereko zvekutanga pazvibereko zvese zvenyika, zvauchakohwa munyika yako yauchapiwa naJehovha Mwari wako, wozviisa mutswanda, woenda kunzvimbo inosarudzwa naJehovha Mwari wako kuti zita rake rigare.+ 3 Unofanira kuenda kumupristi anenge achishumira mazuva iwayo uti kwaari, ‘Nhasi ndiri kuudza Jehovha Mwari wenyu kuti ndapinda munyika yakapikirwa madzitateguru edu naJehovha.’+

4 “Mupristi achabva atora tswanda yacho mumaoko ako, oiisa pamberi peatari yaJehovha Mwari wako. 5 Unofanira kubva wazivisa pamberi paJehovha Mwari wako kuti, ‘Baba vangu vaiva muAramu+ aidzungaira,* uye vakaenda kuIjipiti+ vakagara ikoko semutorwa vaine vanhu vashomanana muimba yavo.+ Asi vari ikoko vakava rudzi rukuru, rune simba uye rune vanhu vazhinji.+ 6 Uye vaIjipiti vakatibata zvakaipa, vakatidzvinyirira, vachitifondotsa nebasa reuranda.+ 7 Saka takatanga kuchema kuna Jehovha, Mwari wemadzitateguru edu, uye Jehovha akanzwa inzwi redu, akaona kutambudzika kwedu, nhamo dzedu nekudzvinyirirwa kwataiitwa.+ 8 Jehovha akazotibudisa muIjipiti neruoko rune simba, uye neruoko rwakatambanudzwa,+ nemabasa anotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso.+ 9 Akabva atiunza munzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ 10 Saka ndauya nezvibereko zvekutanga pazvibereko zvenyika yandakapiwa naJehovha.’+

“Unofanira kuzviisa pamberi paJehovha Mwari wako wokotama pamberi paJehovha Mwari wako. 11 Uchabva wafara chaizvo iwe nemuRevhi nemutorwa ari pakati pako pamusoro pezvinhu zvese zvakanaka zvawakapiwa naJehovha Mwari wako iwe neimba yako.+

12 “Paunopedza kupa chegumi+ chese pazvibereko zvako mugore rechitatu, gore rekupa chegumi, uchachipa muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi, uye vachadya vari mukati memaguta* ako kusvikira vaguta.+ 13 Uchabva wati pamberi paJehovha Mwari wako, ‘Ndabvisa mugove mutsvene mumba mangu ndikaupa muRevhi, mutorwa, nherera, nechirikadzi,+ sezvamakandirayira. Handina kutyora kana kusiya murayiro wenyu. 14 Handina kuzvidya panguva yandaichema, kana kubvisa zvimwe zvacho pandakanga ndisina kuchena kana kupa zvimwe zvacho ndichiitira munhu akafa. Ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu uye ndakaita zvese zvamakandirayira. 15 Iye zvino chitarisai muri kunzvimbo yenyu tsvene yamunogara, iko kudenga, mukomborere vanhu venyu vaIsraeri nenyika yamakatipa,+ sekupikira kwamakaita madzitateguru edu,+ nyika inoyerera uchi nemukaka.’+

16 “Nhasi Jehovha Mwari wako ari kukurayira kuti utevedzere mirau iyi nemitongo iyi. Unofanira kuichengeta, uchiitevedzera nemwoyo wako wese+ nemweya* wako wese. 17 Nhasi waita kuti Jehovha akuzivise kuti achava Mwari wako paunenge uchifamba munzira dzake uye uchichengeta mirau yake,+ mirayiro yake,+ mitongo yake,+ uye paunenge uchiteerera inzwi rake. 18 Uye nhasi Jehovha aita kuti imi muzivise kuti muchava vanhu vake, pfuma yake yaanokoshesa,+ sezvaakakupikirai, uye kuti muchachengeta mirayiro yake yese 19 uye kuti achakuisai pamusorosoro pemamwe marudzi ese aakaita,+ achikurumbidzai, achiita kuti mukurumbire uye muve nembiri pamunoratidza kuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu,+ sezvaakapikira.”

27 Mozisi nevakuru vaIsraeri vakabva varayira vanhu vachiti: “Chengetai mirayiro yese yandiri kukupai nhasi. 2 Musi wamuchayambuka Jodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, mumise matombo makuru moadzurura.*+ 3 Munyore paari mashoko ese eMutemo uyu pamunenge mayambuka, kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka, sezvamakapikirwa naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu.+ 4 Kana mayambuka Jodhani, munofanira kumisa matombo aya paGomo reEbhari+ moadzurura,* sezvandiri kukurayirai nhasi. 5 Muvakirewo Jehovha Mwari wenyu atari ipapo, atari yematombo. Hamufaniri kushandisa midziyo yesimbi pamatombo acho.+ 6 Munofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wenyu nematombo asina kuvezwa, mopa Jehovha Mwari wenyu zvibayiro zvinopiswa pairi. 7 Mupe zvibayiro zverugare+ mozvidyira ipapo,+ uye muchafara muri pamberi paJehovha Mwari wenyu.+ 8 Uye munyore zvakajeka mashoko ese eMutemo uyu pamatombo acho.”+

9 Mozisi nevapristi vedzinza raRevhi, vakabva vataura nevaIsraeri vese vachiti: “Ramba wakanyarara, uteerere, iwe Israeri. Nhasi wava rudzi rwaJehovha Mwari wako.+ 10 Unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uchengete mitemo yake nemirau yake,+ yandiri kukurayira nhasi.”

11 Musi iwoyo Mozisi akarayira vanhu achiti: 12 “Aya ndiwo madzinza achamira paGomo reGerizimu+ kuti akomborere vanhu kana mayambuka Jodhani: Simiyoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa, naBhenjamini. 13 Uye ava ndivo vachamira paGomo reEbhari+ kuti vataure kutukwa kwacho: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuroni, Dhani, naNaftari. 14 Uye vaRevhi vachataura kuvaIsraeri vese nenzwi guru vachiti:+

15 “‘Ngaatukwe munhu anogadzira ovanza mufananidzo wakavezwa+ kana kuti mufananidzo wesimbi,+ chinhu chinosemesa Jehovha,+ basa remaoko emhizha.’* (Vanhu vese vachadavira vachiti, ‘Ameni!’*)

16 “‘Ngaatukwe munhu anozvidza baba vake kana amai vake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

17 “‘Ngaatukwe munhu anochinja pane zviratidzo zvemuganhu+ wemuvakidzani wake.’ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

18 “‘Ngaatukwe munhu anoita kuti bofu rirasike nzira.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

19 “‘Ngaatukwe munhu anotonga mhosva yemutorwa, nherera, kana kuti chirikadzi+ achitsaudzira.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

20 “‘Ngaatukwe munhu anorara nemudzimai wababa vake, nekuti azvidza baba vake.’*+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

21 “‘Ngaatukwe munhu anorara nemhuka chero ipi zvayo.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

22 “‘Ngaatukwe munhu anorara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana mwanasikana waamai vake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

23 “‘Ngaatukwe munhu anorara naamai vemudzimai wake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

24 “‘Ngaatukwe munhu anohwandira muvakidzani wake omuuraya.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

25 “‘Ngaatukwe munhu anobvuma chiokomuhomwe kuti auraye munhu asina* mhosva.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

26 “‘Ngaatukwe munhu asingazoshandisi mashoko eMutemo uyu achiatevedzera.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)

28 “Uye kana ukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wako nekunyatsoita mirayiro yake yese yandiri kukurayira nhasi, Jehovha Mwari wako achakuisa pamusoro pemamwe marudzi ese epanyika.+ 2 Makomborero ese aya achauya pauri uye haazobvi pauri, nekuti unenge waramba uchiteerera+ inzwi raJehovha Mwari wako:

3 “Uchakomborerwa muguta, uye uchakomborerwa mumunda.+

4 “Vana vako vachakomborerwa+ uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvezvipfuwo zvako, mhuru dzako nemakwayana ako zvichakomborerwa.+

5 “Tswanda yako nendiro yako yekukanyira chingwa zvichakomborerwa.+

6 “Uchakomborerwa paunopinda, uye uchakomborerwa paunobuda.

7 “Jehovha achaita kuti vavengi vako vanenge vachida kukurwisa vakundwe pamberi pako.+ Vachakurwisa vachibva nedivi rimwe chete, asi vachakutiza nemativi manomwe.+ 8 Jehovha achazivisa kuti chikomborero chiuye pazvinhu zvaunenge wakachengeta mumatura ako+ nezvese zvauchaita, uye achakukomborera munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. 9 Jehovha achaita kuti uve rudzi rwake rutsvene,+ sezvaakakupikira,+ nekuti unenge waramba uchichengeta mirayiro yaJehovha Mwari wako, uchifamba munzira dzake. 10 Marudzi ese epanyika achaona kuti zita raJehovha riri kushevedzwa pauri,+ uye achakutya.+

11 “Jehovha achaita kuti uve nevana vakawanda uye zvipfuwo zvakawanda nevhu rinobereka munyika+ yakapikirwa madzitateguru ako naJehovha kuti achakupa.+ 12 Jehovha achakuzarurira dura rake rakanaka, denga, kuti ape nyika yako mvura mumwaka wayo+ uye kuti akomborere zvese zvaunoita. Uchakweretesa marudzi mazhinji, asi iwe hauzofaniri kukwereta.+ 13 Jehovha achaita kuti uve musoro, kwete muswe; uye uchava pamusoro,+ kwete pasi, kana uchinge waramba uchiteerera mirayiro yaJehovha Mwari wako yandiri kukurayira nhasi kuti uichengete uye uiite. 14 Usatsauka pamashoko ese andiri kukurayira nhasi, uchienda kurudyi kana kuruboshwe,+ uchitevera vamwe vanamwari kuti uvashumire.+

15 “Asi kana ukasateerera inzwi raJehovha Mwari wako uchirega kuchengeta mirayiro yake yese nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kutukwa kwese uku kuchauya pauri uye hakuzobvi pauri:+

16 “Uchatukwa muguta, uye uchatukwa mumunda.+

17 “Tswanda yako nendiro yako yekukanyira chingwa zvichatukwa.+

18 “Vana vako vachatukwa+ uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvezvipfuwo zvako, mhuru dzako nemakwayana ako zvichatukwa.+

19 “Uchatukwa paunopinda, uye uchatukwa paunobuda.

20 “Jehovha achatumira pauri kutukwa, kuvhiringidzika, nekurangwa pazvinhu zvese zvauchaita, kusvikira waparadzwa uye wapera munguva pfupi pfupi, nemhaka yekuipa kwemabasa ako uye kundisiya kwaunenge waita.+ 21 Jehovha achaita kuti chirwere chirambe chiri pauri kusvikira akuparadza panyika yauri kuenda kunotora.+ 22 Jehovha achakurova netiibhii, fivha,+ kuzvimba, kupisa muviri, bakatwa,+ mhepo inopisa zvirimwa, uye zvirimwa zvenyu zvichava nezvirwere;+ uye izvi zvichakutevera kusvikira waparara. 23 Denga riri pamusoro pako richava semhangura, uye nyika iri pasi pako ichava sesimbi.+ 24 Jehovha achaita kuti mvura inonaya munyika yako ive upfu neguruva zvinouya pauri zvichibva kudenga kusvikira waparadzwa. 25 Jehovha achaita kuti ukundwe pamberi pevavengi vako.+ Uchavarwisa uchibva kudivi rimwe chete, asi uchavatiza nemativi manomwe; umambo hwese hwepanyika huchatya pahuchaona zvakaipa zvinenge zvichiitika kwauri.+ 26 Uye zvitunha zvenyu zvichava zvekudya zveshiri dzese dzekudenga nezvemhuka dzepanyika, pasina anodzidzinga.+

27 “Jehovha achakurova nemamota eIjipiti, uye uchabuda musana,* uchaita mhezi, nemaronda paganda, zvisingazorapiki. 28 Jehovha achakurova nekupenga neupofu+ uye nekuvhiringidzika.* 29 Uchatsvangadzira masikati machena, sekutsvangadzira kunoita bofu murima,+ uye hauzobudiriri pane zvese zvaunoita; uye uchagara uchibiridzirwa uye uchibirwa, pasina munhu anokubatsira.+ 30 Uchavimbisa mukadzi kuti umuroore, asi mumwe murume achamubata chibharo. Uchavaka imba, asi hauzoigari.+ Uchadyara munda wemizambiringa, asi hauzotangi kuushandisa.+ 31 Mombe yako ichaurayiwa wakatarisa, asi hauzomboidyi. Dhongi rako richabiwa wakatarisa, uye hauzorionizve. Makwai ako achapiwa vavengi vako, uye hapana anozokuponesa. 32 Vanakomana vako nevanasikana vako vachapiwa vamwe vanhu+ wakatarisa, uye uchagara uchivasuwa asi usina zvaunogona kuita. 33 Zvibereko zvenyika yako nezvese zvauchakohwa zvichadyiwa nevamwe vanhu vausina kumbobvira waziva,+ uye uchagara uchibiridzirwa uye uchidzvinyirirwa. 34 Uchapengeswa nezvauchaona nemaziso ako.

35 “Jehovha achakurova nemamota anorwadza asingarapiki mumabvi ako nemumakumbo ako, kubvira pasi petsoka kusvikira panhongonya. 36 Jehovha achakudzinga pamwe namambo wauchagadza kuti akutonge okuendesai kurudzi rwawanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako,+ uye uchanoshumira vamwe vanamwari, vanamwari vematanda nevematombo.+ 37 Uye marudzi ese auchaendeswa kwaari naJehovha achatya paachaona zvakaipa zvinenge zvichiitika kwauri uye achakuita chiseko* okunyomba.+

38 “Uchaenda nembeu yakawanda kumunda,+ asi uchakohwa zvishoma, nekuti zvichaparadzwa nemhashu. 39 Uchadyara minda yemizambiringa nekuisakura, asi hauzonwi waini uye hapana zvauchakohwa,+ nekuti zvichadyiwa nemakonye. 40 Uchava nemiti yemiorivhi munyika yako yese, asi hauzozori mafuta, nekuti maorivhi ako achadonha. 41 Uchabereka vanakomana nevanasikana, asi havazorambi vari vako, nekuti vachatapwa.+ 42 Zvipukanana zvakawanda zvichaparadza miti yako yese nezvibereko zvevhu rako. 43 Mutorwa ari pakati pako acharamba achingokwirira kukupfuura, asi iwe ucharamba uchingodzikira. 44 Achakukweretesa, asi iwe hauzomukweretesi.+ Achava musoro, asi iwe uchava muswe.+

45 “Kutukwa kwese uku+ kuchatouya pauri, kwokutevera, uye hakuzobvi pauri kusvikira waparadzwa,+ nekuti unenge usina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako nekuchengeta mirayiro yake nemirau yake yaakakurayira.+ 46 Uye kucharamba kuri pauri nepavana vako sechiratidzo nechishamiso nariini,+ 47 nekuti unenge usina kushumira Jehovha Mwari wako uchipembera uye mwoyo wako uchifara pawaiva nezvinhu zvakawanda.+ 48 Jehovha achatuma vavengi vako kwauri, uye uchavashandira+ uine nzara+ nenyota, usina chekupfeka uye uchishayiwa zvinhu zvese. Achaisa joko resimbi pamutsipa wako kusvikira akuparadza.

49 “Jehovha achatuma rudzi runobva kure+ kuti rukurwise, runobva kumugumo wenyika; ruchakuhwapura sezvinoita gondo,+ rudzi rune mutauro wausinganzwi,+ 50 rudzi runotyisa, rusina basa nevakwegura uye rusinganzwiri tsitsi vadiki.+ 51 Vachadya zvipfuwo zvako zvichaberekwa uye zvibereko zvevhu rako kusvikira waparadzwa. Havana kana chavachasiya pazviyo, waini itsva kana mafuta, mhuru kana makwayana ako kusvikira vakuparadza.+ 52 Vachakukomba, vokuvharira mumaguta* ako ese ari munyika yako kusvikira masvingo ako marefu uye akasimba aunenge uchivimba nawo akoromoka. Vachakukomba uri mukati memaguta ako ese ari munyika yako yese yawakapiwa naJehovha Mwari wako.+ 53 Uye uchadya vana vako, nyama yevanakomana vako nevanasikana vako+ vawakapiwa naJehovha Mwari wako, nemhaka yekuomerwa kwaunenge waitwa wakakombwa uye kurwadziswa kwauchaitwa nemuvengi wako.

54 “Kunyange murume ari pakati pako akagarika, ane upenyu hwakanaka, haazonzwiri tsitsi hama yake kana mudzimai wake waanoda kana vanakomana vake vanenge vasara, 55 uye achavanyima nyama yevanakomana vake yaachadya, nekuti anenge asisina kana chinhu nemhaka yekuomerwa kwaanenge aitwa pamusana pekukombwa uye kurwadziswa kwaunenge uchiitwa nemuvengi wako mumaguta ako.+ 56 Uye mukadzi ari pakati pako akagarika, ane upenyu hwakanaka asingatombozivi kutsika pasi netsoka yake nekuti akanyanya kugarika,+ haazombonzwiri tsitsi murume wake waanoda kana mwanakomana wake kana mwanasikana wake, 57 zvekuti achadyira pachivande vanakomana vake vaanobereka uye chevakuru* chinobuda pakati pemakumbo ake, nemhaka yekuomerwa kwaanenge aitwa pamusana pekukombwa uye kurwadziswa kwaunenge uchiitwa nemuvengi wako mumaguta ako.

58 “Kana ukasanyatsochengeta mashoko ese eMutemo uyu akanyorwa mubhuku rino+ uye ukasatya zita iri rinokudzwa nerinoshamisa,+ raJehovha+ Mwari wako, 59 Jehovha achaita kuti iwe nevana vako murwadziwe nematambudziko akanyanya,+ matambudziko makuru asingaperi, uye zvirwere zvakaipa zvisingaperi. 60 Achadzosa kwauri zvirwere zvese zveIjipiti zvawaitya, uye zvichakunamatira. 61 Uyewo Jehovha achakuunzira zvirwere zvese nematambudziko zvisina kunyorwa mubhuku reMutemo uno, kusvikira waparadzwa. 62 Kunyange zvazvo mawanda senyeredzi dzekudenga,+ muchasara muri vashoma,+ nekuti munenge musina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.

63 “Uye kufarira kwaiita Jehovha kuti mubudirire uye muwande, ndiko kufarira kuchaita Jehovha kuti akuparadzei uye akupedzei; uye muchabviswa panyika yamuri kuenda kunotora.

64 “Jehovha achakuparadzira pakati pemarudzi ese, kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika,+ uye ikoko uchashumira vanamwari vematanda nevematombo vawakanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako.+ 65 Hauzogadzikani kana kuwana nzvimbo yekuisa tsoka yako kuti izorore pakati pemarudzi iwayo.+ Jehovha achatoita kuti ugare uchizvidya mwoyo+ uye maziso ako anete uye uore mwoyo.+ 66 Upenyu hwako huchazara nematambudziko, uye uchange uchitya usiku nemasikati; uchange uchityira upenyu hwako. 67 Mangwanani uchati, ‘Dai ari manheru!’ uye manheru uchati, ‘Dai ari mangwanani!’ nemhaka yekutya kwaunenge uchiita mumwoyo mako uye nemhaka yezvauchaona nemaziso ako. 68 Uye Jehovha achakudzosera kuIjipiti nengarava, nenzira yandakakuudza kuti, ‘Hauzomboionizve,’ uye muchazvitengesa kuvavengi venyu ikoko kuti muve varandarume nevarandakadzi, asi pachange pasina anokutengai.”

29 Aya ndiwo mashoko esungano yakarayirwa Mozisi naJehovha kuti aite nevaIsraeri munyika yeMoabhi, kuwedzera pasungano yaakanga aita navo kuHorebhi.+

2 Mozisi akabva ashevedza vaIsraeri vese, akati kwavari: “Makaona zvese zvakaitwa naJehovha pamberi penyu munyika yeIjipiti kuna Farao nevashandi vake vese nenyika yake yese,+ 3 mitongo* mikuru yamakaona nemaziso enyu, zviratidzo zviya zvikuru nezvishamiso.+ 4 Asi nanhasi Jehovha haasati akupai mwoyo wekuti munzwisise, nemaziso ekuti muone, nenzeve dzekuti munzwe.+ 5 ‘Pandaikutungamirirai kwemakore 40 murenje,+ zvipfeko zvenyu hazvina kusakara, uye shangu dzaiva mutsoka dzenyu hadzina kusakara.+ 6 Hamuna kudya chingwa, uye hamuna kunwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ 7 Makazosvika munzvimbo ino, uye Sihoni mambo weHeshbhoni+ naOgi mambo weBhashani+ vakabuda kuzorwa nesu, asi takavakunda.+ 8 Takabva tatora nyika yavo tikaipa vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza revaManase+ kuti ive nhaka yavo. 9 Saka chengetai mashoko esungano iyi muateerere, kuti zvese zvamunoita zvifambe zvakanaka.+

10 “Nhasi mese makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vakuru vemadzinza enyu, vakuru venyu, vatungamiriri venyu, varume vese vaIsraeri, 11 vana venyu, madzimai enyu,+ nevatorwa venyu+ vari mumusasa wenyu, kubvira pane vanokutsvagirai huni kusvikira pane vanokuchererai mvura. 12 Muri pano kuti mupinde musungano yaJehovha Mwari wenyu nemhiko yake, zviri kuitwa naJehovha Mwari wenyu nemi nhasi+ 13 kuti akuitei vanhu vake+ nhasi uye kuti ave Mwari wenyu,+ sezvaakakuvimbisai uye sezvaakapikira madzitateguru enyu, Abrahamu,+ Isaka,+ naJakobho.+

14 “Iye zvino handisi kuita sungano iyi uye mhiko iyi nemi chete, 15 asi nevaya vakamira nesu pano nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu uye nevaya vasiri pano nhasi. 16 (Nekuti munonyatsoziva magariro atakaita munyika yeIjipiti uye kupfuura kwatakaita nepakati pemarudzi akasiyana-siyana tiri parwendo rwedu.+ 17 Uye maigara muchiona zvinhu zvawo zvinonyangadza nezvidhori zvawo zvinosemesa*+ zvematanda nezvematombo, zvesirivha nezvegoridhe, zvaiva pakati pavo.) 18 Ngwarirai kuti nhasi pakati penyu parege kuva nemurume kana mukadzi, mhuri kana dzinza vane mwoyo unotsauka pana Jehovha Mwari wedu kuti vaende kunoshumira vamwe vanamwari vemarudzi iwayo,+ kuti pakati penyu parege kuva nemudzi unoita kuti muti ubereke muchero une muchetura uye unovava.+

19 “Asi kana mumwe munhu akanzwa mashoko emhiko iyi, ozvirumbidza mumwoyo make achiti, ‘Ndichava nerugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yemwoyo wangu,’ achiparadza zvese* zviri munzira yake, 20 Jehovha haazodi kumuregerera.+ Asi hasha huru dzaJehovha dzichauya pamunhu iyeye, uye kutukwa kwese kwakanyorwa mubhuku rino kuchatouya paari,+ uye Jehovha achatodzima zita rake pasi pedenga. 21 Jehovha achabva amutsaura pakati pemadzinza ese aIsraeri oita kuti matambudziko auye paari maererano nekutuka kwese kuri musungano yakanyorwa mubhuku rino reMutemo.

22 “Chizvarwa chinotevera chevanakomana venyu nemutorwa anobva kunyika iri kure pavachaona matambudziko enyika yacho, nhamo dzinenge dzaunzwa naJehovha pairi, 23 sarufa nemunyu nekupisa, zvekuti nyika yacho yese haizodyarwi kana kumera zvinenge zvadyarwa, uyewo hapana zvinozomera musango, sekuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora,+ Adma neZebhoimu,+ zvakaparadzwa naJehovha akatsamwa uye aine hasha, 24 ivo nemarudzi ese vachati, ‘Nei Jehovha akaita izvi kunyika iyi?+ Hasha dzakakura kudai dzakakonzerwa nei?’ 25 Vachabva vati, ‘Imhaka yekuti vakasiya sungano yaJehovha,+ Mwari wemadzitateguru avo, yaakaita navo paakavabudisa munyika yeIjipiti.+ 26 Asi vakaenda, vakanoshumira vamwe vanamwari, vakavakotamira, vanamwari vavakanga vasingazivi uye vaakanga asina kuvabvumira kunamata.*+ 27 Jehovha akabva atsamwira nyika iyoyo kwazvo ndokuiunzira kutukwa kwese kwakanyorwa mubhuku rino.+ 28 Saka Jehovha akavadzura panyika yavo akashatirwa,+ akatsamwa, uye akagumbuka kwazvo, akavaendesa kune imwe nyika, kwavari nanhasi.’+

29 “Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari+ wedu, asi zvinhu zvakaziviswa ndezvedu nevana vedu vachatitevera nekusingagumi, kuitira kuti tishandise mashoko ese eMutemo uyu.+

30 “Kana mashoko ese aya aitika kwauri, chikomborero nekutukwa zvandaisa pamberi pako,+ wozviyeuka mupfungwa dzako*+ uri kunyika dzaunenge waparadzirwa kwadziri naJehovha Mwari wako,+ 2 wodzoka kuna Jehovha Mwari wako,+ woteerera inzwi rake maererano nezvese zvandiri kukurayira nhasi, iwe nevanakomana vako, nemwoyo wako wese nemweya* wako wese,+ 3 Jehovha Mwari wako achabva adzosa vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira tsitsi,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ese aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+ 4 Kunyange kana vanhu vako vakaparadzirwa kunogumira matenga, Jehovha Mwari wako achakuunganidza uye achakudzosa.+ 5 Jehovha Mwari wako achakuunza munyika yakatorwa nemadzibaba ako, uye uchaitora; achaita kuti ubudirire uye uwande kupfuura madzibaba ako.+ 6 Jehovha Mwari wako achachenesa* mwoyo wako nemwoyo yevana vako,+ kuti ude Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese kuti urarame.+ 7 Jehovha Mwari wako achabva aisa kutukwa uku kwese pavavengi vako, vaikuvenga uye vaikutambudza.+

8 “Uchabva wadzoka woteerera inzwi raJehovha, wochengeta mirayiro yake yese yandiri kukurayira nhasi. 9 Jehovha Mwari wako achaita kuti ubudirire zvikuru pamabasa ese emaoko ako,+ achiita kuti uve nevana vakawanda nezvipfuwo zvakawanda, nezvibereko zvevhu rako zvakawanda, nekuti Jehovha achafarirazve kuti ubudirire, sekufarira kwaakaita madzitateguru ako.+ 10 Nekuti ipapo uchateerera inzwi raJehovha Mwari wako uye uchachengeta mirayiro nemirau yake yakanyorwa mubhuku rino reMutemo, uye uchadzoka kuna Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese.+

11 “Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kukuomera, uye hausi kure newe.+ 12 Hausi kumatenga, zvekuti ungati, ‘Ndiani achakwira kudenga kunotitorera, kuti tiunzwe uye tiuchengete?’+ 13 Uyewo hausi mhiri kwegungwa, zvekuti ungati, ‘Ndiani achayambuka mhiri kwegungwa kunotitorera, kuti tiunzwe uye tiuchengete?’ 14 Nekuti shoko racho riri pedyo chaizvo newe, mumuromo mako nemumwoyo mako,+ kuti uriite.+

15 “Ona, nhasi ndinoisa pamberi pako upenyu nezvakanaka, uye rufu nezvakaipa.+ 16 Kana ukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wako yandiri kukurayira nhasi, uchida Jehovha Mwari wako,+ uchifamba munzira dzake, uchichengeta mirayiro yake nemirau yake nemitongo yake, uchabva wararama+ uye uchawanda, uye Jehovha Mwari wako achakukomborera munyika yauri kunotora.+

17 “Asi kana mwoyo wako ukatsauka,+ worega kuteerera, uye ukanyengedzwa, wokotamira vamwe vanamwari wovashumira,+ 18 ndinokuudza nhasi kuti chokwadi uchaparara.+ Hauzorarami kwenguva refu panyika yauri kuyambuka kunotora kumhiri kwaJodhani. 19 Ndinoti denga nenyika ngazvikupupurire nhasi kuti ndaisa upenyu nerufu pamberi pako, uye chikomborero nekutukwa;+ saka unofanira kusarudza upenyu kuti urarame,+ iwe nevana vako,+ 20 nekuda Jehovha Mwari wako,+ nekuteerera inzwi rake, uye nekunamatira kwaari,+ nekuti iye ndiye upenyu hwako uye ndiye achaita kuti ukwanise kugara kwenguva refu munyika yakapikirwa naJehovha kuti achapa madzitateguru ako, Abrahamu, Isaka, naJakobho.”+

31 Mozisi akabva aenda, akataura mashoko aya kuvaIsraeri vese 2 achiti: “Iye zvino ndava nemakore 120.+ Handichakwanisi kukutungamirirai,* nekuti Jehovha akati kwandiri, ‘Hauzoyambuki Jodhani urwu.’+ 3 Jehovha Mwari wenyu ndiye ari kuyambuka ari pamberi penyu, uye iye pachake achaparadza marudzi aya pamberi penyu, uye muchaadzinga.+ Joshua ndiye achakutungamirirai pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.+ 4 Jehovha achaaitira zvaakaitira Sihoni+ naOgi,+ madzimambo evaAmori nenyika yavo, paakavaparadza.+ 5 Jehovha achavakunda pamberi penyu, uye munofanira kuvaitira zvinoenderana nemurayiro wese wandakakupai.+ 6 Shingai, musimbe.+ Musatya kana kuvhunduka pamberi pavo,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye ari kufamba nemi. Haazokurasiyi kana kukusiyai.”+

7 Mozisi akabva ashevedza Joshua, akataura naye vaIsraeri vese vachizviona achiti: “Shinga, usimbe,+ nekuti ndiwe uchapinza vanhu ava munyika yakapikirwa madzitateguru avo naJehovha kuti achavapa, uye ndiwe uchavapa nyika yacho kuti ive nhaka yavo.+ 8 Jehovha ndiye ari kufamba pamberi pako uye acharamba ainewe.+ Haazokurasi kana kukusiya. Usatya kana kuvhunduka.”+

9 Mozisi akabva anyora Mutemo+ uyu akaupa vapristi, vedzinza raRevhi, vanotakura areka yesungano yaJehovha, uye vakuru vese vaIsraeri. 10 Mozisi akavarayira, achiti: “Panopera makore manomwe ega ega, mugore rekudzima zvikwereti,*+ kana nguva yeMutambo Wematumba+ yasvika, 11 panouya vaIsraeri vese pamberi paJehovha+ Mwari wako kunzvimbo yaanosarudza, unofanira kuverengera vaIsraeri vese Mutemo uyu kuti vaunzwe.+ 12 Unganidza vanhu,+ varume, vakadzi, vana, nemutorwa ari mukati memaguta* ako, kuti vateerere, vadzidze nezvaJehovha Mwari wenyu uye vamutye, vonyatsotevedzera mashoko ese eMutemo uyu. 13 Vanakomana vavo vasina kuziva Mutemo uyu vachabva vateerera+ vodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu mazuva ese amuchagara munyika yamuchayambuka kunotora mhiri kwaJodhani.”+

14 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ona! Nguva yekuti ufe yava pedyo.+ Shevedza Joshua, mumire patende rekusanganira, kuti ndimugadze semutungamiriri.”+ Saka Mozisi naJoshua vakaenda vakanomira patende rekusanganira. 15 Jehovha akabva azviratidza patende ari mushongwe yegore, uye shongwe yegore yakamira pedyo nesuo retende.+

16 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ona! Wava pedyo nekufa,* uye vanhu ava vachatanga kuita unzenza hwekunamata vamwe vanamwari vakavapoteredza munyika yavari kuenda.+ Vachandisiya+ votyora sungano yangu yandakaita navo.+ 17 Panguva iyoyo ndichavatsamwira,+ ndovasiya,+ ndovavanzira chiso changu+ kusvikira vaparadzwa. Zvadaro, kana matambudziko akawanda nenhamo zvavawira,+ vachati, ‘Matambudziko aya haasi kutiwira nekuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’+ 18 Asi ndicharamba ndakavanza chiso changu pazuva iroro nemhaka yezvakaipa zvese zvavanenge vaita vachienda kune vamwe vanamwari.+

19 “Saka nyorai rwiyo urwu+ murudzidzise vaIsraeri.+ Itai kuti varudzidze* kuti ruve chapupu changu kuvaIsraeri.+ 20 Pandinovapinza munyika yandakapikira madzitateguru avo,+ nyika inoyerera uchi nemukaka,+ vodya, voguta,+ vobudirira,* vachatsaukira kune vamwe vanamwari, vovashumira, vorega kundiremekedza, voputsa sungano yangu.+ 21 Kana matambudziko mazhinji nenhamo zvavawira,+ rwiyo urwu ruchava sechapupu kwavari (nekuti vana vavo havafaniri kurukanganwa), nekuti ndiri kutoona mafungiro avo+ iye zvino ndisati ndatombovapinza munyika yandakapika nezvayo.”

22 Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu zuva iroro, ndokurudzidzisa vaIsraeri.

23 Akabva* agadza Joshua+ mwanakomana waNuni semutungamiriri akati: “Shinga, usimbe,+ nekuti ndiwe uchapinza vaIsraeri munyika yandakavapikira,+ uye ini ndicharamba ndiinewe.”

24 Mozisi paakangopedza kunyora mashoko ese eMutemo uyu mubhuku,+ 25 Mozisi akarayira vaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti: 26 “Torai bhuku iri reMutemo,+ muriise parutivi peareka+ yesungano yaJehovha Mwari wenyu, uye richava sechapupu kwamuri. 27 Nekuti ini ndinonyatsoziva kupanduka kwenyu+ nekuoma musoro*+ kwenyu. Kana manga muchipandukira Jehovha zvakadaro ndiinemi, ndichiri mupenyu kudai, ko kuzoti kana ndafa! 28 Ndiunganidzirei vakuru vese vemadzinza enyu, nevatungamiriri venyu, nditaure mashoko aya vachinzwa, uye ndichaita kuti denga nenyika zvivapupurire.+ 29 Nekuti ndinonyatsoziva kuti kana ndafa chokwadi muchaita zvakaipa,+ uye muchatsauka panzira yandakakurayirai. Uye muchawirwa nematambudziko+ panopera mazuva acho, nekuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha uye muchamugumbura nemabasa emaoko enyu.”

30 Mozisi akabva ataura mashoko erwiyo urwu kubvira kwekutanga kusvikira kwekupedzisira ungano yese yaIsraeri ichizvinzwa:+

32 “Teerera, iwe denga, uye ini ndichataura,

Uye nyika ngainzwe mashoko emuromo wangu.

 2 Mirayiridzo yangu ichanaya semvura;

Mashoko angu achadonha zvishoma nezvishoma sedova,

Semvura inopfunha pauswa

Uye semvura zhinji pazvinhu zvinomera.

 3 Nekuti ndichazivisa zita raJehovha.+

Taurai nezveukuru hwaMwari wedu!+

 4 Iye iDombo, basa rake rakakwana,+

Nekuti nzira dzake dzese dzakarurama.+

NdiMwari akatendeka,+ asingaiti zvisina kururama;+

Iye akarurama uye akatendeseka.+

 5 Ndivo vakaita zvakaipa.+

Havasi vana vake, imhosva yavo.+

Ivo chizvarwa chisina kururama uye chakamonyana!+

 6 Izvi ndizvo zvamungaitira Jehovha here,+

Imi mapenzi uye vanhu vakapusa?+

Haasi iye here Baba venyu vakaita kuti muveko,+

Vakakusikai uye vakakusimbisai?

 7 Yeukai mazuva ekare;

Fungai nezvemakore ezvizvarwa zvakapfuura.

Bvunza baba vako, uye vachakuudza;+

Bvunza vakuru vako, uye vachakuzivisa.

 8 Wekumusorosoro paakapa marudzi nhaka yawo,+

Paakaparadzanisa vanakomana vaAdhamu,*+

Akaisa muganhu wemarudzi+

Zvichienderana nekuwanda kwevanakomana vaIsraeri.+

 9 Nekuti vanhu vaJehovha ndivo mugove wake;+

Jakobho ndiye nhaka yake.+

10 Akamuwana munyika yakaita renje+

Uye mugwenga risina chinhu, rinorira mhuka dzesango.+

Akamukomberedza achimudzivirira, akamuchengeta,+

Uye akamuchengetedza semboni yeziso rake.+

11 Segondo rinobhabhama mapapiro aro padendere raro,

Rinobhururuka pamusoro pemanyana aro,

Richitambanudza mapapiro aro, roatora,

Richiatakura pamapapiro aro,+

12 Jehovha ega ndiye akaramba achimutungamirira;*+

Hapana mwari wekune imwe nyika waaiva naye.+

13 Akamuita kuti afambe nemunzvimbo dzakakwirira dzenyika,+

Zvekuti akadya zvibereko zvemunda.+

Akamugutsa neuchi hwakabva mudombo,

Nemafuta akabva mudombo rakaomarara,

14 Ruomba rwemukaka wemombe uye mukaka wemakwai,

Pamwe chete nemakwai akanakisisa,*

Nemakondohwe ekuBhashani, nenhongo,

Pamwe chete negorosi rakanakisisa;+

Uye wakanwa waini yeropa remazambiringa.*

15 Jeshuruni* paakanga akora, akakava zvekuratidza kupanduka.

Wakora, wasimba, uye wafuta.+

Saka akasiya Mwari akamusika,+

Akazvidza Dombo reruponeso rwake.

16 Vakamushatirisa vachinamata vanamwari vekune dzimwe nyika;+

Vaimugumbura nezvinhu zvinosemesa.+

17 Vaibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari,+

Kuna vanamwari vavakanga vasingazivi,

Vatsva vakanga vachangouyawo,

Kuna vanamwari vakanga vasingazivikanwi nemadzitateguru enyu.

18 Wakakanganwa Dombo+ rakakubereka,

Uye hauna kuyeuka Mwari akakuzvara.+

19 Jehovha paakazviona, akavaramba+

Nekuti vanakomana vake nevanasikana vake vakamugumbura.

20 Saka akati, ‘Ndichavavanzira chiso changu;+

Ndichaona kuti vachaita sei.

Nekuti ivo chizvarwa chakatsauka,+

Vanakomana vasina kutendeka.+

21 Vakandishatirisa* vachinamata vanamwari pasina;+

Vakandigumbura nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+

Saka ini ndichaita kuti vave negodo nevanhu pasina;+

Ndichavagumbura nerudzi rune mapenzi evanhu.+

22 Nekuti hasha dzangu dzabatidza moto+

Uchapisa kusvika muGuva* makadzika,+

Uye uchaparadza nyika nezvibereko zvayo

Uye uchaita kuti nheyo dzemakomo dzibvire.

23 Ndichawedzera matambudziko avo;

Ndichapedzera miseve yangu pavari.

24 Vachaziya nenzara+

Uye vachaparadzwa nefivha uye vachaparadzwa zvinorwadza.+

Ndichavatumira mazino ezvikara,+

Neuturu hwezvinofamba muguruva.

25 Kunze, bakatwa richaita kuti vafirwe;+

Mukati, muri kuvatyisa+

Vese jaya nemhandara,

Mwana mucheche neharahwa yachena musoro.+

26 Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira;

Ndichaita kuti vasayeukwa zvachose pakati pevanhu,”

27 Dai kusiri kuti ndaitya zvinozoitwa nemuvengi,+

Nekuti vavengi vangazozvitora nepasipo.+

Vangazoti: “Simba redu ndiro rakunda;+

Haasi Jehovha akaita zvese izvi.”

28 Nekuti ivo rudzi rusingafungi,*

Uye hapana kana mumwe wavo anonzwisisa.+

29 Dai vakanga vakachenjera!+ Vaizofungisisa nezvazvo.+

Vaizofunga kuti zvichazovafambira sei.+

30 Munhu mumwe chete angadzingirira sei vanhu 1 000,+

Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu 10 000 vatize?

Hazviiti, kunze kwekunge Dombo ravo ravatengesa+

Uye Jehovha avaisa mumaoko avo.

31 Nekuti dombo ravo harina kuita seDombo redu,+

Kunyange vavengi vedu vava kuzvinzwisisa.+

32 Nekuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa wekuSodhomu

Nekumateru eGomora.+

Mazambiringa avo mazambiringa emuchetura,

Masumbu avo anovava.+

33 Waini yavo uturu hwenyoka,

Muchetura unouraya wemhungu.

34 Handina here kuzvichengeta,

Mudura rangu randakanama?+

35 Kutsiva ndekwangu, nekudzorera,+

Panguva yacho chaiyo pachatsvedza tsoka dzavo,+

Nekuti zuva redambudziko ravo rava pedyo,

Uye matambudziko achavawira achakurumidza kuuya.’

36 Nekuti Jehovha achatonga vanhu vake,+

Uye achanzwira tsitsi vashumiri vake*+

Paachaona kuti simba ravo rapera,

Uye kuti kwangosara vasina zvavachagona kuita nevasina simba.

37 Achabva ati, ‘Vanamwari vavo vari kupi,+

Dombo ravakapotera kwariri,

38 Vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,*

Vainwa waini yemipiro yavo yezvinwiwa?+

Ngavasimuke vakubatsirei.

Ngavave nzvimbo yenyu yekupotera.

39 Chionai zvino kuti ini ndini iye,+

Uye hakuna vamwe vanamwari kunze kwangu.+

Ndinouraya, uye ndinoraramisa.+

Ndinokuvadza,+ uye ndichaporesa,+

Uye hapana anogona kununura kubva muruoko rwangu.+

40 Nekuti ndinosimudza ruoko rwangu kudenga,

Uye ndinoti: “Ndinopika nekurarama kwangu nekusingaperi,”+

41 Kana ndikarodza bakatwa rangu rinopenya

Uye ndikagadzirira ruoko rwangu kuti rupe mutongo,+

Ndichatsiva mhandu dzangu+

Uye ndichatsiva vaya vanondivenga.

42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa,

Uye bakatwa rangu richadya nyama,

Neropa revakaurayiwa nevakatapwa,

Nemisoro yevatungamiriri vemuvengi.’

43 Farai, imi marudzi, nevanhu vake,+

Nekuti achatsiva ropa revashumiri vake,+

Achatsiva mhandu dzake+

Uye achayananisira* nyika yevanhu vake.”

44 Saka Mozisi akauya, aina Hoshea*+ mwanakomana waNuni, akataura mashoko ese erwiyo urwu vanhu vachinzwa.+ 45 Pashure pekunge Mozisi apedza kutaura mashoko ese aya kuvaIsraeri vese, 46 akati kwavari: “Isai mashoko ese andiri kukuyambirai nhasi mumwoyo menyu,+ kuitira kuti murayire vanakomana venyu kuti vanyatsoita zvese zviri kutaurwa muMutemo uyu.+ 47 Nekuti iri harisi shoko ramangotaurirwawo, asi rinokuponesai,+ uye neshoko iri munogona kurarama kwenguva refu panyika yamuri kuyambuka kunotora kumhiri kwaJodhani.”

48 Jehovha akataura naMozisi musi iwoyo, achiti: 49 “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandiri kupa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 50 Uchabva wafira mugomo rauri kukwira mariri, woiswa kwakaiswa vanhu vekwako,* sekufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake, 51 nekuti mese muri vaviri hamuna kuva vakatendeka kwandiri pakati pevaIsraeri pamvura yeMeribha+ yekuKadheshi murenje reZini, nekuti hamuna kunditsvenesa pakati pevaIsraeri.+ 52 Uchaona nyika yacho uri nechekure, asi hauzopindi munyika yandiri kupa vaIsraeri.”+

33 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi munhu waMwari wechokwadi achikomborera vaIsraeri asati afa.+ 2 Akati:

“Jehovha akauya achibva kuSinai,+

Uye akavapenyera achibva kuSeiri.

Akapenya achibwinya kumakomo ekuParani,+

Uye akanga aine makumi ezviuru evatsvene,+

Kurudyi rwake kuine varwi vake.+

 3 Aida vanhu vake;+

Vatsvene vavo vese vari muruoko rwenyu.+

Vakanga vakagara patsoka dzenyu;+

Vakatanga kuteerera mashoko enyu.+

 4 (Mozisi akatipa murayiro, mutemo,+

Senhaka yeungano yaJakobho.)+

 5 Uye akava* mambo muJeshuruni,*+

Vakuru vevanhu pavakaungana pamwe chete,+

Pamwe nemadzinza ese aIsraeri.+

 6 Rubheni ngaararame arege kufa,+

Uye varume vake ngavarege kuva vashoma.”+

7 Uye akakomborera Judha nemashoko aya:+

“Haiwa Jehovha, inzwai inzwi raJudha,+

Uye mudzosei kuvanhu vake.

Maoko ake akarwira zvinhu zvake,

Uye mubatsirei kurwisa mhandu dzake.”+

8 NezvaRevhi akati:+

“Tumimu yenyu* neUrimu+ yenyu ndezvemurume akavimbika kwamuri,+

Wamakaedza paMasa.+

Makatanga kurwisana naye pedyo nemvura yeMeribha,+

 9 Murume akati kuna baba vake naamai vake, ‘Handina basa navo.’

Kunyange hama dzake haana kudzibvuma,+

Uye haana kuva kurutivi rwevanakomana vake.

Nekuti akachengeta shoko renyu,

Uye akachengeta sungano yenyu.+

10 Ngaadzidzise Jakobho mitongo yenyu+

Uye ngaadzidzise Israeri Mutemo wenyu.+

Ngaape rusenzi kuti inhuhwirire zvakanaka kwamuri*+

Nemupiro unopiswa wese paatari yenyu.+

11 Haiwa Jehovha, komborerai simba rake,

Uye farirai basa remaoko ake.

Tyorai makumbo evaya* vanomupandukira,

Kuti vaya vanomuvenga varege kusimukazve.”

12 NezvaBhenjamini akati:+

“Anodiwa naJehovha ngaagare akachengetwa naye;

Paanenge akamudzivirira zuva rese,

Achagara pakati pemapfudzi ake.”

13 NezvaJosefa akati:+

“Nyika yake ngaikomborerwe naJehovha+

Nezvinhu zvakanaka chaizvo zvekudenga,

Nedova uye nemvura yemuzvitubu zvakadzika,+

14 Nezvinhu zvakanakisisa zvinobudiswa nezuva

Negoho rakanakisisa remwedzi nemwedzi,+

15 Nezvinhu zvakanakisisa zvinobva mumakomo ekare kare*+

Uye zvinhu zvakanakisisa zvemuzvikomo zvekare,

16 Nezvinhu zvakanakisisa zvenyika nezvizere mairi,+

Uye nekubvumira kwaIye anogara mugwenzi reminzwa.+

Ngazviuye pamusoro waJosefa,

Panhongonya yemunhu akatsaurwa kubva pahama dzake.+

17 Runako rwake rwakaita serwenzombe inotanga kuberekwa,

Uye nyanga dzake inyanga dzenzombe yemusango.

Achatunga marudzi nadzo

Ese pamwe chete kusvikira kumigumo yenyika.

Ndivo makumi ezviuru aEfremu,+

Uye ndivo zviuru zvaManase.”

18 NezvaZebhuroni akati:+

“Fara, haiwa iwe Zebhuroni, paunobuda,

Newe Isakari, fara mumatende ako.+

19 Vachashevedza marudzi kuti auye kumakomo.

Ikoko vachabayira zvibayiro zvekururama.

Nekuti vachatora* pfuma papfuma yakawanda yemakungwa

Nepfuma yakavanzwa mujecha.”

20 NezvaGadhi akati:+

“Akakomborerwa munhu anowedzera miganhu yaGadhi.+

Anorara ipapo seshumba,

Yakagadzirira kubvambura ruoko, kunyange nhongonya.

21 Achazvisarudzira mugove wekutanga,+

Nekuti ikoko ndiko kwakachengetwa mugove wemunhu anopa mitemo.+

Vakuru vevanhu vachaungana.

Achatonga zvakarurama achimiririra Jehovha,

Uye achapa mitongo yake kuna Israeri.”

22 NezvaDhani+ akati:

“Dhani mwana weshumba.+

Achakwakuka achibva muBhashani.”+

23 NezvaNaftari akati:+

“Naftari anogutswa nekufarirwa

Uye akazara nechikomborero chaJehovha.

Tora kumavirira nekumaodzanyemba.”

24 NezvaAsheri akati:+

“Asheri akakomborerwa nevanakomana.

Ngaafarirwe nehama dzake,

Uye ngaanyudze* tsoka dzake mumafuta.

25 Simbi nemhangura ndiwo makiyi emagedhi ako,+

Uye uchange wakachengeteka mazuva ako ese.*

26 Hakuna mumwe akaita saMwari wechokwadi+ waJeshuruni,+

Anofamba nemudenga achiuya kuzokubatsira

Uye anotasva makore muukuru hwake.+

27 Mwari inzvimbo yekupotera kubvira kare kare,+

Maoko ake asingagumi ari pasi pako.+

Uye achadzinga muvengi pamberi pako,+

Uye achati, ‘Vaparadzei!’+

28 Israeri achagara akachengeteka,

Uye chisipiti chaJakobho chichagara chiri kwacho chega

Munyika yezviyo newaini itsva,+

Ine denga richadonha dova.+

29 Unofara, haiwa iwe Israeri!+

Ndiani ariko akaita sewe,+

Rudzi ruri kufadzwa nekuponeswa naJehovha,+

Uyo anokudzivirira senhoo+

Uye sebakatwa rako rinokudzwa?

Vavengi vako vachadedera pamberi pako,+

Uye uchatsika misana yavo.”*

34 Mozisi akabva murenje reMoabhi akakwira muGomo reNebho,+ pamusoro pePisga,+ rakatarisana neJeriko.+ Uye Jehovha akamuratidza nyika yacho yese, kubva kuGiriyedhi kusvikira kuDhani,+ 2 nenyika yese yaNaftari uye nyika yaEfremu naManase, nenyika yese yaJudha kusvikira kugungwa rekumavirira,*+ 3 neNegebhu+ uye Dunhu+ reJodhani, bani reJeriko, guta remichindwe, kusvikira kuZoari.+

4 Jehovha akabva ati kwaari: “Iyi ndiyo nyika yandakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho, kuti, ‘Ndichaipa vana* vako.’+ Ndaita kuti uione nemaziso ako, asi hausi kuzoyambuka ikoko.”+

5 Pashure paizvozvo, Mozisi muranda waJehovha akafira imomo munyika yeMoabhi sezvakanga zvataurwa naJehovha.+ 6 Akamuviga mubani, munyika yeMoabhi pakatarisana neBheti-peori, uye hapana anoziva pane guva rake kusvikira nhasi.+ 7 Mozisi akafa ava nemakore 120.+ Maziso ake akanga achiri kuona, uye akanga achakasimba. 8 VaIsraeri vakachema Mozisi vari murenje reMoabhi kwemazuva 30.+ Mazuva ekuchema Mozisi akazopera.

9 Joshua mwanakomana waNuni akanga akazara nemweya weuchenjeri, nekuti Mozisi akanga aisa ruoko rwake pamusoro pake;+ vaIsraeri vakatanga kumuteerera, uye vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 10 Asi pakati paIsraeri hapana kuzomukazve mumwe muprofita akaita saMozisi,+ aizivikanwa naJehovha chiso nechiso.+ 11 Akaita zviratidzo zvese nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite munyika yeIjipiti kuna Farao nekuvashandi vake vese nenyika yake yese,+ 12 uye Mozisi akaratidzawo ruoko rune simba uye simba rinoshamisa pamberi pevaIsraeri vese.+

ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”

Zvinoratidza sekuti pari kutaurwa makomo eRebhanoni.

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “Rwizi rwaEshkori.”

Kana kuti “vakaiongorora.”

ChiHeb., “dzakaita kuti mwoyo yedu inyungudike.”

Kana kuti “nezvinyavada.”

Kureva, masvingo marefu-refu.

ChiHeb., “zvakazara; zvakakwana.”

ChiHeb., “anomira pamberi pako.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Mwari amusimbisa.”

Kana kuti “Musavadenha.”

Kana kuti “Rwizi rwaZeredhi.”

Kana kuti “Rwizi rwaZeredhi.”

Kana kuti “Rwizi rwaZeredhi.”

Kureva, Krete.

Kana kuti “Rwizi rwaAnoni.”

Kana kuti “vachava nemarwadzo akaita seekusununguka.”

Kana kuti “kumahombekombe kweRwizi rwaAnoni.”

Kana kuti “Rwizi rwaJabhoki.”

Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.

Kana kuti “kuRwizi rwaAnoni.”

Hwanyanza kana kuti banda chinhu chaigadzirirwa kutakurisa chitunha.

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neRwizi rwaAnoni.”

Kureva kuti “Misha Yematende yaJairi.”

Kana kuti “kuRwizi rwaAnoni.”

Kureva, Gungwa Rakafa.

ChiHeb., “kusvika pamwoyo wedenga.”

ChiHeb., “Mashoko Gumi.”

Kana kuti “ngwarirai mweya yenyu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “miedzo.”

Kana kuti “eRwizi rwaAnoni.”

Kureva, Gungwa Remunyu, kana kuti Gungwa Rakafa.

ChiHeb., “mumagedhi.”

Kana kuti “zvikufambire zvakanaka.”

ChiHeb., “mashoko aya.”

Kana kuti “panyama yese.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nezvauinazvo zvese.”

Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera musoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.

ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”

Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

ChiHeb., “pamberi paJehovha.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “pameso pavo.”

ChiHeb., “pameso pavo.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “Ziso renyu harifaniri.”

Kana kuti “miedzo.”

Kana kuti “nezvinyavada.”

Kureva, masvingo marefu-refu.

ChiHeb., “rwakaoma mutsipa.”

Kana kuti “reungano.”

Kana kuti “mufananidzo wesimbi yakanyungudutswa.”

ChiHeb., “vakaoma mutsipa.”

Kana kuti “inhaka yenyu.”

Kana kuti “nenhaka yenyu.”

ChiHeb., “Mashoko Gumi.”

Kana kuti “reungano.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “matenga ekumusorosoro.”

ChiHeb., “kuchecheudza chikanda chepamberi chemwoyo.”

ChiHeb., “makaomesa mutsipa.”

Kana kuti “nemweya.”

Kana kuti “kusvikira nhasi.”

Kana kuti “zvaakakuita.”

ChiHeb., “nembeu yawo.”

Kureva, nzira yekudiridza pachishandiswa tsoka, ringava vhiri raiita zvekutenderedzwa nemakumbo richipomba mvura, kana kuti ingava migero yemvura yaivhurwa nekuvharwa pachishandiswa makumbo.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “yebumharutsva.” Iyi imvura inotanga kunaya tichangobva muchirimo.

Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Ichi chishongo chinosungwa chakatenderera mumusoro chakadai sechuma kana chimwewo chinhu.

ChiHeb., “pakati pemaziso ako.”

Apa pabango panenge pakabatirira gonhi kana kuti dhoo.

Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “zvaanofunga kuti zvakarurama.”

ChiHeb., “memagedhi.”

Kana kuti “Asi kana mweya wako ukanzwa.”

ChiHeb., “mumagedhi.”

ChiHeb., “memagedhi.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “memagedhi.”

Kana kuti “mweya wako uri kuda.”

Kana kuti “paunonzwa mweya wako uine.”

ChiHeb., “memagedhi.”

Kana kuti “paunonzwa mweya wako uine.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “mweya.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “yakaita semweya wako pachako.”

Kana kuti “kuteerera inzwi raJehovha.”

Iyi itsoka yakaomarara yemhuka dzakadai semombe nembudzi.

Izvi zviminzwa zvinenge zvakabudikira kumativi, pamusana, nekubesu rezvisikwa zvakadai sehove.

Kana kuti “Zvipukanana.”

ChiHeb., “memagedhi.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “chero chinodiwa nemweya wako.”

Kana kuti “nechero chingakumbirwa nemweya wako.”

ChiHeb., “kusunungura.”

ChiHeb., “achamusunungura.”

ChiHeb., “kusunungura.”

ChiHeb., “rekusunungura.”

ChiHeb., “nzombe.”

ChiHeb., “memagedhi.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B15.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “memagedhi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “mumagedhi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “mweya wake uchida.”

Kureva, nzvimbo inosarudzwa naJehovha kuti vanhu vanamatire.

Kana kuti “reungano.”

ChiHeb., “Ziso rako harifaniri.”

ChiHeb., “Ziso rako harifaniri.”

Kana kuti “Mweya uchatsiviwa nemweya.”

Kana kuti “arege kuita kuti mwoyo yehama dzake ipere simba sewake.”

Kana kuti “kunoda mweya wake.”

ChiHeb., “madzimai maviri, mumwe achidiwa uye mumwe achivengwa.”

Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.

Kana kuti “ozomuramba.”

Kana kuti “kumuramba.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “upfambi.”

ChiHeb., “afukura nguo yababa vake.”

Kana kuti “chinosvibisa.”

Kureva, yekushandisa sechimbuzi.

ChiHeb., “wembwa.”

Kana kuti “wagutsa mweya wako.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.

Kana kuti “akamuramba.”

Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti maperembudzi rinoreva zvakawanda uye rinogona kusanganisira zvirwere zvakasiyana-siyana zvinotapukira paganda. Rinogonawo kusanganisira humwewo utachiona hungaenda pazvipfeko nepadzimba.

ChiHeb., “mumagedhi.”

ChiHeb., “wemukono wemombe.”

ChiHeb., “zita rake.”

ChiHeb., “Ziso rako harifaniri.”

ChiHeb., “Usava neefa neefa mumba mako, hombe nediki.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Dzimwe shanduro dzinoti, “aida kuparara.”

ChiHeb., “memagedhi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “moadzurura neraimu.”

Kana kuti “moadzurura neraimu.”

Kana kuti “emunhu anogadzira zvinhu zvemuti nezvesimbi.”

Kana kuti “Ngazviitike.”

ChiHeb., “afukura nguo yababa vake.”

Kana kuti “mweya usina.”

Izvi zvimapundu zvinorwadza zvinoitika kunobuda netsvina.

Kana kuti “nekukangaidzika kwemwoyo.”

ChiHeb., “chirevo.”

ChiHeb., “mumagedhi.”

Idzi inyama dzinoumbika muchibereko dzinobuda panozvarwa mwana.

Kana kuti “miedzo.”

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge richireva zvakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.

ChiHeb., “zvakanyatsodiridzwa uye zvakaoma.”

ChiHeb., “vaakanga asina kuvapa.”

ChiHeb., “wozviyeuka mumwoyo mako.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “achachecheudza.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “kubuda nekupinda.”

ChiHeb., “rekusunungura.”

ChiHeb., “memagedhi.”

ChiHeb., “kunorara nemadzibaba ako.”

ChiHeb., “Ruisei pamiromo yavo.”

ChiHeb., “vofuta.”

Zvinoratidza kuti ndiMwari ari kutaurwa.

ChiHeb., “nekuoma mutsipa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vevanhu.”

Kureva, Jakobho.

ChiHeb., “nemafuta emakwai.”

Kana kuti “yemuto wemazambiringa.”

Kureva kuti “Akarurama; Akatendeseka,” zita rekuremekedza raIsraeri.

Kana kuti “Vakaita kuti ndive negodo.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “rusingateereri mazano.”

Kana kuti “achademba pamusoro pevashumiri vake.”

Kana kuti “Vaidya zvibayiro zvavo zvakanakisisa.”

Kana kuti “achachenesa.”

Raimbova zita raJoshua. Hoshea izita rekuti Hoshaya rakapfupikiswa, iro rinoreva kuti “Akaponeswa naJah; Jah Akaponesa.”

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.

Kureva, Mwari.

Kureva kuti “Akarurama; Akatendeseka,” zita rekuremekedza raIsraeri.

Kureva, yaMwari.

ChiHeb., “mumhino dzenyu.”

Kana kuti “hudyu dzevaya.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mumakomo ekumabvazuva.”

ChiHeb., “vachayamwa.”

Kana kuti “ngaageze.”

ChiHeb., “Uye simba rako richafanana nemazuva ako.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo dzavo dzakakwirira.”

Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.

ChiHeb., “mbeu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe