Muparidzi
6 Pane dambudziko randakaona pasi pezuva, uye rinogara riri pavanhu: 2 munhu uya anopiwa pfuma nezvinhu zvenyama nokukudzwa+ naMwari wechokwadi, uye asina chaanoda chaanoshayiwa nokuda kwomweya wake,+ asi Mwari wechokwadi haamubvumiri kuti azvidye,+ kunyange zvazvo wokune imwe nyika+ angazvidya. Izvi hazvina zvazvinobatsira uye chirwere chakaipa. 3 Kana murume akabereka kane zana,+ akararama kwemakore mazhinji, zvokuti mazuva emakore ake anova mazhinji kwazvo,+ asi mweya wake usingagutswi nezvinhu zvakanaka+ uyewo asina kuva neguva,+ ndinoti uya akaberekwa nguva isati yakwana ari nani pana iye.+ 4 Nokuti munhu uyu akauyira pasina uye achaenda murima, uye zita rake richafukidzwa nerima.+ 5 Haana kuona kunyange zuva, uyewo haana kuriziva.+ Uyu ane zororo pane wokutanga.+ 6 Kunyange zvikanzi ararama kwemakore ane chiuru akapetwa kaviri asati afadzwa nezvinhu zvakanaka,+ vanhu vose havasi kuenda kunzvimbo imwe chete here?+
7 Vanhu vanoshanda zvakaoma vachiitira miromo yavo,+ asi kunyange mweya yavo haigutswi. 8 Nokuti munhu akachenjera anobatsirwa nechii kupfuura benzi?+ Anotambudzika anei pakuziva kufamba zvakanaka pamberi pevapenyu? 9 Kuona nemaziso kuri nani pane kufamba-famba kwomweya.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira uye kudzingana nemhepo.+
10 Chero chinhu chipi zvacho chakavapo, zita racho rakaziviswa kare, uye zvakazivikanwa kuti munhu chii;+ haagoni kurwira mhosva yake kumunhu ane simba kumupfuura.+
11 Nokuti pane zvinhu zvizhinji zviri kuita kuti zvinhu zvive zvisingambobatsiri,+ munhu anobatsirwa nei? 12 Nokuti ndiani anoziva zvakanaka zvine munhu muupenyu+ kwemazuva ose oupenyu hwake husina zvahunobatsira, kana iye achiapedza sokupfuura kunoita mumvuri?+ Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazoitika pasi pezuva?+